LATEST GOSSIP 🇿🇼😱
June 18, 2025 at 07:27 PM
Ukaenda nebadza rako mumunda kunochera ivhu rekugadzira hari (clay pot ) kana kunochera Mbeva or Makurwe hapana mupurisa anombokunetsa Asi nebadza iroro enda pane GOLD or DAIMOND unorichera unomhanyiswa nemapurisa ukaita munyama kutopika jeri chaiko Asika kuchera Mbeva or Gold kuchera chete but CHACHERWA chacho ndicho chinokonzeresa. Muhupenyu hwako ukaona ukaita chinhu usinga facer machallenges ziva kuti zvauri kuita hazvina musoro kana value. Muground rebhora ane bhora ndiye anomakwa , hakuna sub rinomakwa riri pabench Muti une Mango ndiwo unokandwa matombo. Muhupenyu ukaona vanhu vakuita godo nekutaura taura chibva watoziva kuti wabata satan panorwadza !!! Vamwe vanogodoka nemarriage yako,mari yako ,success yemu family menyu vanofara vachikuona uchichera mbeva ende vanoita kutokunongedzera pane tumwena twembeva twese asi kana ra GOLD vorwadziwa zvavo . Nhasi ndauya kuzokuudza kuti hakuna life svinu svinu isina matambudziko inongova mutserendende chete. Kana uchida mari itaka stress yemari kuti mari ndoiwanepi, unogoda life isina stress sei iwe uchiida. Chiri kuita kuti uite stress ye murume kana mukadzi wako inhau yekuti unomuda dai usinga mude usina that stress. Ukaona parikukuitisa stress ipapo ndipo pane goridhe hapana mbeva. Say ''Mwari andikusiyei kusvika mandiropafadza''' Rarama uchiziva kuti mitoro yedu yese tinoiisa kuna Mwari. Kunamata hazvireve kuti hauchapindi mumatambu dziko asi zvinoreva kuti simba rekukunda matambudziko wava naro. Saka shinga mutendi shinga kana matambudziko auya kwete kutuka Mwari nekuti zvaoma.

Comments