Mai Tanny Novels
May 21, 2025 at 08:15 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 10. *Emma* Zvaakataura zvakaita kuti nditovhunduka ndikati," Saka mwana wangu ave kuita sei? What's happening?" akati," Calm down, handei kumota" kwave kuzosheedzera kuti," Mainini!" Tari uye ndokuuya achimhanya akanzi," Endai munotora bag riri mucotbed muroom iye yataiti yemwana" Tari uye kwave kubuda aribara. Isu takabva tangonanga kumota akazotevera nebag apa face yake ichioneka kuve worried. Akangoisa bag kwave kusara akayeva mota as we drove out ini ndokwiza musana waive woita kunge wavekuda kutyoka. Brighton aive akangoisa concentration pakudriver and in no time taive tatove pahospital. Akandiburutsa nekutonditakura achipfuurira wheelchair yaiuya kuzonditora. Akatozobatwa opinda neni muhospital kwave kuzotorwa ndoiswa pawheelchair. I was terrified, mumoyo ndichingonamata kuti mwana wangu ararame as they rushed me to the examination room. Ndakanonzi yaive yatove labour fear ichibva yatowedzera ndikati kunadoctor," 9 months dzanga dzisati dzakwana asi" zvikanzi," I know. Let's just hope for the best" Ndakanzi ndaive ndatove 3cm kwakumboyuwira ndirimo naBrighton wangu padivi. Aizama paaigona napo to make the pain go away nyangwe hazvo zvaisashanda chinhu. He would rub my back, massage my feet and rub my tummy but pain yacho yaitoita seyaiwedzera for what seemed like ages. Doctor vaingopota vachiuya kuzonditarisa macm aye achingonzi awedzera kusvika pandakazonzi zvaive zvaita. Ndega bdaive ndotofeeler the urge to push kwave kupusher mwana wangu zvakanaka naka. He let out a loud cry doctor vaye ndokuti," Mmm seems like someone really wants to be here. Haisi mhere yemunhu asati akwana iyi" kunzwa izvozvo kukaita kuti ndinyemwerere. Brighton squeezed my hand zvemufaro kwave kundimirira as they stitched me up mwana achitariswa. Vakati aive asina kukwana zvesure and he needed to be incubated for a while vachibva vabuda naye . Takasara nababa vacho as he kissed me know the forehead achiti," Thank you" ndikanzwa kuti," Ndiko kuzvara uku" mumoyo mangu. The experience was different from when I gave birth to Tari, apa paive nerudo pakatosiyana nepaTari pandaive namama nambuya vangu vaingonditi ndipushe zvehasha. Apa baba vacho vaivepo vachinditsigira zvisina kana trauma mukati zvakaita kuti ndinyatsogamuchira kuti the baby was a part of me zvesure. Pandakapedzwa neni takasundana nemurume wangu kuenda kunursery kwatakanoona big boy wedu akatorara zvake peacefully. Ndakabva ndatoenda kuroom kwangu kunozorora kwave kunyatsorara peacefully ndikazomutswa kuti tiende kuvana. He was being monitored closely asi vaitoti he was fine zvekuti ndakazenge ndotokatora maphoto ndichitumira ana amwene vangu. Vakazouya kuzondiona kumanheru vainana Pride naTari and everyone was just happy. Vaitorwadziwa nekusakwanisa kumuona mwana wacho chete kwave kungopedzera shungu pamaphoto iwayo. Takarara zvakanaka ndatove zvangu homesick nekuzama kufunga kuti naiyo premature yangu ndaizomugara kusvika riinhi muchipatara. Ndaive ndoda kutoenda kumba kunonyatsowana nguva nemwana wangu time dzakazouya Brighton nadoctor. B looked sad zvakaita kuti nditi," Ko chii?" doctor ndokuti," I'm really sorry mai Makuni, mwana ashaya." Ndakaita sendanyatsonzwa sound yekuti," Pwaka" mukati mangu umu ndikati," B" ndichida kuti andiudze kuti the doctor was joking but akabva atokwidzira madzihwa nekuzadza misodzi mumaziso ndikati," B no, inga anga ararama wani? B tell me it's not true, B!!!" and screamed on top of my voice iye kwave kungouya kuzondihugger tightly ndokuti," I'm sorry babe" ndikachinyatsotanga kuhwihwidza. I felt like my world had been taken from me kunzwa kuti pane chadzurwa pandiri chaive choita kuti ndipindwe nemhepo pamoyo apa. Ndakagomera B kwave kuramba akangonyatsondibata zvekuti," I'm not going anywhere" Paakazondisiya aitoyeredzawo misodzi ndichibva ndatanga kuchema nepake and he sat with me kusvika pakazouya vamwe. Ndaingonzi sorry vanhu vasingataure zvakawanda vamwe votonditi ndaisafanira kuchema but handina kurega. Senge pandakazosara ndega ndakatoita worse nekunzwa twevamwe tuchichema muchipatara imomo. Ndakazonzi ndaibuda the following day and zvaisave nyore kubudamo ndisina chandakabata. Ndaingove nebag retuhembe vamwe vachibuda nevana vavo mumaoko kwave kunosvika kumba nekunanga kunursery yataive tagadzira. I looked around the blue room ndichibva ndagara pasi ndichitangidza mhere. *Tariro* Ndakavhundutswa nekuchema kwasisi kwave kutarisana natete hanzvadzi yabamukuru yandaive nayo mukitchen. She sighed ndokuti," This is not easy veduwee apa wonzi futi usacheme?" ndikatura mafemo wo misodzi ichizara mumaziso ndikati," Vanga vakamumirira" zvikanzi," Taurai henyu mainini, tese tese" I sniffed ndikati," Ma1" vakati," Zvamurimi mutangewo kuchema" kutaura kwavakaita kuchibva kwatoita kuti misodzi iti mokoto. She rubbed my shoulder ndokuti," Zvekuzoti musha wese uite mariro ndizvo zvisingazodiwe, mukachema zvekudai havazoite mumwe mwana" ndichibva ndapukuta misodzi really fast nekuti ndaisada kuti zvidaro. I was hurting on her behalf nekuti mwana iyeye ndaive ndakatomutarisirawo. I nodded ndikati," Ndanyarara" but zvaingove zvenguva iyoyo. Pese pandainzwa sisi vachichema mumazuva akatevera ndaitombochemawo and hoped kuti vaizoita mumwe nekukasira. Taisawirirana hedu zvekudaro but state yavaive vave vese nabamukuru yaisandikomborera. They were both sad vachingooneka kuti vaidyika mumoyo and I wished there was something I could do for them. Zvino munhu wandaiita vent kwaari aitozviita majokes hake achiti," Huya tivaitire mwana, vanobva vatonyaradzika" ndikati," Hazvisi kusekesa Thomas" asi ndave kutoseka. Akasekawo akati," Maresults hanzi ave kubuda ka, wave ready here?" ndikati," Iiii usade kundipa BP" but he was right. Akabuda in no time hana dzikatanga kubika manhanga, musi iwoyo kubva zvaive zvafa mwana ndipo pandakazoona smile yabamukuru vachinditi," Magadzirira here maresults mainini? Abuda ka?" ndikati," Hana uri kurova" zvikanzi," Ngaisarove, ndinotemba nemi maimwana" kwave kubata muromo vachicheuka and yaitove the longest conversation we had had kubva ndigarepo tatsiurwa. I wanted to laugh at kuvhunduka kwavo ndikabata muromo uvo vachibva vasekawo ndokuti," Wakapasa usatye" nekazeve zeve and left ndikasara ndoseka. Sisi vakazouyawo vakapfeka zvakandiratidza kuti vaive vodzokera kubasa vakati," Hanzi maresults abuda?" and I nodded vakati," Saka unoenda mangwana, make sure wasiya waita washen asi. Unenge uchidzoka riinhi?" ndikati," Ndogona kumbonoona hangu anatete" " Ok" she said ndikagara ndapihwa mari yebhazi. Ndakasara ndoita washen iye yaive yakatoti wandei but kudokwairira maresults kwakaita kuti isareme. Takabva tatotaurirana nemudiwa wangu kuti tigoenda tese patakaonana ndikaita kutakurwa mupark matakasangana. I giggled ndikati," Unopenga here?" zvikanzi," Ndanga ndakusuwa shamwari, unorova kunge usiri muHarare sure?" ndikati," Kumba kwedu kunonetsa kubuda plus nezvanga zvichiitika izvi?" akati," I understand but now that tinenge tave kuenda kuchikoro mukana unenge wanyatsovepo. Iwe wakazoti uri kudii?" " Kana ndakapasa zvakanaka ndirikuda A level ini" I said iye akati," Inini it's official, kuPoly. Zvekuwaster two years bodo." ndikati," Kuwaster nekudzidza? Tibvirepo" akati," Aiwa zvitori bhoo, iwewe paunozotangawo tertiary daddy vanenge vave kushanda zvobalancer. Ndinenge ndave kutongoroora wozopedza dzidzo ndave newe" I blushed ndikati," Thomas ka?" ndikanzi," Ndiri kutokuudza baby" Hatina kuzoda kuwaster nguva takaenda kumabhazi and it was the best journey muhupenyu hwese. Kungofamba tichiyemedzana nekuyemerana kwakandinakidza uku ndichipota ndichitengerwa tumastondido muroad. Takanosiiwa pachikoro chaipo apo paitove nevamwe vataidzidza navo. Vanhu vese vakaratidza kushama kutiona tiri tese nekuti zvaitongooneka kuti pane zviripo but isu hatina kuita shungu nazvo. Ana 2 ndivo vamwe vakazobatsirawo vauya kuzondimhanyira attention kwave kumboenda pavari. We had a lot of catching up to do and takaiita tiri muqueye yekuenda kwahead. Excitement yakazopera taswedera pedyo wofunga kukohwa simba rako and ndiri seki ndaive ndonyatsoona the need to pass. Pakasvika turn yedu Thomas ndiye wandakati atange ndikawedzera stress nekuona iye achibuda nemufaro akapasa. Ana 2 vaive vakapasawo sare ini ndaive ndongobvunda serutsanga as I walked in ndikatura befu ndichiona ndiine 6 subjects dzangu.. Maths dzaive dzisipo hadzo but nestate yandaive ndanyora ndiri ndaiona kubata kwaMwari. Ndakazoenda kwatete watove mufaro chete chete kwakuisirwawo message nabamukuru yakanzi," Ndokumbirawo maresults" ndikatora photo kwakutumira vese vari 4 kuti sisi nabamukuru kotiwo Pride namakoti. Macongratulatory message akatanga kunaya from everyone ndichingonyemwerera yasisi Emma kwave kuzopinda yakanzi," Wamira mira, ndichatonzwa panoitwa mashort course emusoro nekusona nekubaker. Kana pasina maths panotonetsa apa plus A level hauisimudze iwe O wakatotatarika so" end of chapter
❤️ 😢 🙏 👍 😮 😂 281

Comments