Mai Tanny Novels
May 22, 2025 at 07:06 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*The untold*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 11
*Tariro*
Ndakatofunga kuti ndaitadza kunzwa kwavekuti," Mhaa?" zvikanzi," Ndati wotsvaga course yekuita iri easy nekuti masubjects ako aya unonetseka ku A level" ndikati," Ndinogona kumbonyorera hangu maths ndozoenda A level next year but one" vakati," Tinotaura wauya, wati unodzoka mangwana?" ndikati," Ehe" Sadly ndonyatsodzamisa mashoko avaive vataura.
I swallowed ana 2 ndokuti," Ko chii?" ndikati," Ahh hanzi nasisi nditsvage macourse ekubika kana kusona nhaimi?" Thomas ndokuti," Ahh, why?" misodzi ikati nyangarara mumaziso as I said," Nekuti hanzi handinosimudze A level nemasubjects mashoma andiinawo" Rudo ndokuti," Zvekutoita tumashort course? Ehe hatuna kushata but tunoda uri kuiita pamusoro pesomething or uchitoziva kuti zvimwe izvi hautozvigone zvachose. Iwewe hausi dofo ka iwe, it's only that wakadisturbwa nekushaya kwamama chete"
I sniffed wiping misodzi yaive yoda kubuda neruoko ndikati," Ndanga ndati ndonyorera hangu maths ndozoenda A level next year" Thomas ndokudairira achiti," Even ukasatoenda A level yacho, dai vataura kana kuti nyorera maths wotsvaga macourse ananateaching, nursing nemamwewo. She is being unfair havo, ko kumbotaura natsano?"
The part yekuti tsano made me laugh nemisodzi pamatama ana 2 kwave kujoiner akati," Muri kuseka chii? Havasi tsano vangu here nhaiwe Tari" and i giggled ndikati," Ndivo, ndichavaudza kana ndikazotaura navo"
I felt so much better nekusimbiswa ikoko kwave kutanga kufamba toenda kumba. Takaperekedza ana2 first kwave kutonosvika pamba chaipo ndichiona mama vavo. Thomas takamusiya akamira a distance away so ndakakasira kubva kwave kuzonanaidzana toenda kwatete. Ndaive ndonzi," Kana vanhu varamba vachingoti uite macourse ayo acho ingoita so that unongowanawo skill then kana ndakuroora ndozokuendesa kuchikoro"
I giggled ndikati," Ana Thomas!" akati," Chii? Asi you don't see us getting married? Uri kuona kunge tirikuita relationship yemafunny?" ndikati," Aiwa ndiri kutongoseka confidence dzacho hangu, marriage mazuvano inoda kuenda watovewo nesomething chako kwete kutemba murume" akati," Inini ndinotembeka manje, I don't want you to stress Tari. Kana zvaita zvaita but zvikaramba unongoita zviripo handiti?"
I nodded kwave kudhonzerwa padhuze tikatanga kufamba ndakakochekerwa kwave kuzonzi," Chimbondipawo kiss usati waenda, ndanga ndave nenguva ndisingambokuona" ndikati," Ahh iwe" asi ndaitaura ndega nekuti aive atove mudhuze. Ndakaipihwa kiss which was deep and longer than kataive tamboita munhu kwakuzotanga kubata bata my but ndikazoti," Aiwa Thomas" and he laughed ndokuti," Saka mangwana tinodzokera nguvai?" ndikati," kumasikati." kwave kuonekana.
Zvemashoko asisi ndaive ndatombozvikanganwa ndichiti ndikangofunga kiss ndoblusher. Muviri wangu uyu waiita kundiudza kuti pane zvaive zvaitika zvikatinakidza. Chero pandakasvika patete vakatoseka vakati," Ukaona munhu aive smile yakadai kwapaswa" kusaziva kuti yaive smile yerudo.
Ndakawedzera kunyemwerera ndikati," Handina kunyatsopasa ini tete" handing her my slip vakati," Ahh ahh magona wani mainini, makapasa imi. Science dziripo ka apa, nechirungu aiwa mamira mira. Kufoira 2 chete? Maths dzagara dzakaoma hadzo, iyi practical zvekuvaka makagara musingade"
Ndakanzwa manyuku nyuku and she went on to say, " Maths unonyorera idzi zvinoita, and una D saka uri padhuze dhuze kupasa" ndikati," Ahh sisi varikuti ndiite course yekubaker or kusona kana zvekuruka nenzara"
Vakaseka chikwee vakati," Emma anombopenga here asi? Uye ndiye munhu akaenda mademon edzinza rese chaiko. Hanzi chikonzero chii?" ndikavaudza vakati," Murwere wepfungwa, rega ndifonere Pride" kwakufonera mukoma vaye vachivava zvekuvava zviye. Mukoma vacho vakabva vati ndipihwe phone vakati," Unonyorera maths, tozoona zvekuita kumberi handiti?" ndikati," ehe" zvikanzi," Ukasvika kuHarare wotsvaga kunoitwa malessons emaths uite, zvaEmma zvekuita seanopenga ndezvake. Kana asingade kubhadhara malesson acho ndichabhadhara inini"
" Maitabasa" ndakadaro pasi pasi call kwave kupera asi tete vakamboramba vachipopota chete. Vakatozodzikama nekusvika kwemwana wavo vavekuti tibate huku tikachitanga kuita nyaya and it was so refreshing kuve kumusha. Mangwana acho ndave kuda kudzokera kuHarare ndakanopfuura nekumba uko kwaive kogara imwe couple ndikafara kumboveko though it brought back mamemories amama.
Ndakabva ndazoenda nekuguva ravo sat there for a while telling her I had passed kwakuzoenda kubusstop kwandakawana ndatsamwirwa. Haana hake kutsamwa for long ndazomuudza zvaive zvandinonotsa nekuzotanga kumuudza yemalessons emaths. Akabva atoti," Ndichakunzwira, but unogona kutoita nekashortcourse paside since iri skill and ari enguva diki unotoita zvese wogona kutowana zvekuita kutotsvaga mari"
" Yah ipapo une point" I said akati," Asi ndinomboshaya here?" ndikati," Aiwa" zvikanzi," Ndizvo zvauri kutoreva" kwave kutanga chikudo chatakazosvikirwa nebus tichiita. Takapinda mubhazi vanhu votinyeya ini ndangotarisa pasi kwave kunogara kumashure shure.
Kuda kupedza chishuwo chekuonana ndakaperekedzwa kumba chaiko munhu achisiya makombi ekwavo ndikange ndotomutyira kuti achazofamba husiku nekuti kwaive kotosviba. Ini ndakatonowana bamukuru vadzoka vakatogara nasisi musitting avo vakati ndichingopinda nekutotanga kuti," Ehh wadzoka? Ndanga ndichiti hauchadzoka ka ini?" ndikafunga kuti yaive nyaya yekunonoka kusvika ndikati," Ndanonoka kuwana transport, sorry sisi"
" Handisi kureva zvekunonoka kudzoka ini, wanga uchiudza vanhu kuti chii? Unogona zvekumhan'ara ka sterek, wabva wadii wagara kuvanhu vawanga uchiudza kuti ndiri munhu akaipa? Kutokuoffer mukana wekuti uronge future yako iwe wototanga kuda kuonererwa. Wakambozvibvunza here kuti vanhu ivavo vakaregererei kukutora kudzimba dzavo kana vachikuda sterek?" she shouted bamukuru ndokuti," What happened?" vakati," Hameno ka iyeyu anga achiudza vanhu kumusha kuti ndakurambidza kudzidza yet ndanga ndichida kutoti uite zvinhu zvinobatsira iwewe. A level inokupei?"
Ndakaramba ndakanyarara looking down as I felt tears build up in my eyes uku ndichitsvaga kuti ndaive ndanyanya kutadza papi ndichipashaya vakaenderera mberi vachiti," Manje ndabuda munyaya dzako, chiitai zvamaronga naPride wako ini ndave kungoyeva and I don't ever want kuzonzwa ndonzi ndirikudawo chakati chekuchikoro. Changu kukupa chikafu Pride is taking over your education handiti ndiye anoziva sterek?"
Vakabhidhaira vachibuda ndikasara muye ndichidonhedza misodzi, yakanyatsonowira pafloor chaipo bamukuru ndokuti," Mainini chii chaitika?" but I couldn't answer him, ndaisada kuwedzera mhosva ndonzi ndaive ndomhan'ara kumurume wavo futi so I walked out in tears.
Ndakanopinda muroom mangu and locked the door ndikatanga kuchema, ndakatanga kutoona kuti the hate my sister had for me was deep and I wished she could tell me kuti ndaive ndakaparei ndokumbira ruregerero hangu. Ndakachema zvekuchema zviye kwakutobiwa nehope mushungu dzekuchema imomo only to be awaken by a call. Yaive WhatsApp call from bamukuru and I didn't answer it. Ndakangoendq pawhatsapp pandakawana paine message yaive yakanzi," Mainini are you ok? I'm really worried about you"
Knowing he was genuinely worried ndakapindura kuti," I'm OK" zvikanzi," It's going to be ok manzwa? I don't know what really happened but don't worry too much, your sister is going through a lot. Nezvakabva kuitika zviye she is a mess emotionally" ndikangoti," Ok" fighting the urge to tell him kuti mukadzi wenyu agara akandivengera reason yandisingazive.
" Musanyanye kuchema" he said ndikaseka ndikati," Handichambochemi" zvikanzi," Good girl, chiregai ndirare manje"
Ini ndakatodzokerawo kuhope ndikamuka kuseni kuita basa rangu, raitoratidza kuti hapana chaive chaitwa kubva ndibvepo so I had a lot to do. Ndakagadzirira bamukuru avo vaive vangove zii kunge vasirivo vekundiisira message kwakutobuda voenda kubasa. Sisi vakamuka nekubhidhairawo kwave kuenda kwavo kubasa ndikasara ndozorora nekuudza ana 2 mashura andaive ndaitirwa.
They sympathized with me ndokuti," Usaite kuti zvikumise kutsvaga malessons" and I took that advice. Ndakatomawana kwave kuudza mukoma Pride ndikatumirwa mari kwave kuzoita stress pakuudza sisi. Zvakatora zvivindi chaizvo kuvaudza ndikataimira bamukuru varipo ndikataura ndikanzi," Hoo?" but I still didn't let that stop me.
Ndakatotanga kuenda and kwaitove kudhuze nekwanaThomas since kumasebhabha kwana sisi kwanga kusina mafacility akadaro. Ndaitokwira kalift ndobva ndatotora mukana kuona munhu wangu uyo aive asati atanga kuenda kuPoly kwake.
Kumba yaingove ngoma ndiyo ndiyo ndichimboignowewa but she needed me nekuda kuitirwa basa saka vaisazondidzinga havo. Ini wacho I stayed in my line even pakutaura nabamukuru I kept my distance. Ivo vacho nabamukuru vakazotanga kuita sevaive vasisawirirane ndikazonzwa kuti yaive nyaya yemwana ndanzwa sisi vachiti," Inini ndirikunzwa kuti ndave fit saka iwe unondirambidza ndiwe une chibereko chacho here? The earlier the better" kwave kuzoonazve nekuyemedzana kuti vaive vave nenhumbu.
However hapana kumboita week kubva ndaona kuyemedzana ndichibva ndatoti umwe musi takagara musiting kwakuona sisi vachisimuka dress ravaive vakapfeka razara ropa.
end of chapter.
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
387