Mai Tanny Novels
May 25, 2025 at 05:30 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*The untold*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 12
*Emma*
Ndakanzwa kunge pakati pemakumbo pangu paive nechaiyerera pandirikuti nditarise Brighton kwave kuti," Waspoiler Emma" kucheuka kudai kwave kuona skirt yese yave ropa. Ndakanzwa kamusoro kaka wiiii so kwave kutura zibefu ndikati kunaBrighton," Imiscarriage ka iyi?" and he nodded ndikati," Mhosva yangu ndeyei inini?" misodzi yotoyerera akati," Mhosva yei? Handei uchinje timhanye kwadoctor" ndikati," Kunoitei iye mwana wacho abva kudhara? Ndoenda kwadoctor kunoitei?" getting all emotional.
Ndaiita kunzwa moyo kudzimba and the pain was double nekuti ndaisachema uyu chete but marwadzo ethe first one aive atodzokawo. Ndakatanga kuhwihwidza Tariro ndokuti," Sorry sisi" nguva idzodzo imwe pfungwa ichibva yacrosser mind yangu. Yaive pfungwa yekuti maybe I was cursed nekuda kwaTari and I looked at her hana yangu ikarova.
I didn't even know what to do or think zvekuti ndakazongonzwa ndabatwa ruoko naBrighton ondimanikidza kuenda kubedroom. He had to force me zvese nekuchinja kwacho kwave kunanaidzana toenda kumota. Muroad ndaingochema and kuhospital kwacho hapana chataive tamboendera besides kungonoudzwa kuti nhumbu paive pasisina nekugezwa chibereko.
Brighton akabva azamawo kubvunza doctor if there could be a cause to the stillbirth and the miscarriage tikanzi," We will have to carry out some tests to figure out if there is any problem but considering kuti imwe istillbirth imwe imiscarriage it could just be a coincidence or maybe issue yekuti chibereko changa chisati chave fully healed"
Ndakabva ndaita kupihwa corner yeziso nevamwe baba vaive vambonditi ndimire ini kwave kutarisa hangu kudivi. The doctor went on votitsanangurira zvavaifungidzirawo and so forth kwave kuti for the tests avaive vataura we would have to come back tichibva tazobuda hedu.
I was expecting nyaya yekuti ndakambokuudza ndatogadzirira mhinduro but haina kumbotaurika. Ndakatosvika kumba nekuitwa pamper zvekutombokanganwa kuti I had just lost a baby. Tari wo aingotambira tambira mudhuze zvairamba zvichimbodzosa pfungwa dzekuti maybe she had something to do with kunetseka kubata mwana kwangu. Ndakambotanga ndichifunga zviri spiritual kwave kuzofungazve zviri medical.
Ndakabva ndatoronga kunbotsvaga vamwe doctor vaisandiziva vekumboconsulter but I had to do that after taenda kune vedu vemazuva ese. Avo vakangoita zvavaita kutarisa zvacho ndokuti," Everything seems fine, just make sure you rest for a while mozozama zvenyu zvekare. Also give yourself time yekutozorora chaiko, kwete kuzorora kuita mwana but rest yekuzorodza nyama. Kana zvichinge zvazoita mokasira kuuya kuzonyoresa so that we monitor the pregnancy from an early stage. Izvozvo zvinogona kutibatsira kuti tione pakaita dambudziko tobva tarigadzirisawo nekukurumidza"
We both nodded then left asi ini I wasnt satisfied, Brighton aingoita emphasize nyaya yekumbomira ini ndichingobvumira but zuva randatanga kuenda kubasa ndakabva ndatoenda kweumwe gynae. Avo ndakanyatsosununguka kuvaudza chokwadi chese chekuti ndaive ndamboita mwana ndiri kuhighschool vakati," Kunyanya kuspacer comes with complications" ndikati," Asi zvinogadzirika?" akati," Unenge uchitongoda close monitoring nekungoti tikutarise kuti hutano hwako generally hurisei before waita pamuviri pacho"
She said I was healthy and izvozvo zvakaita kuti ndizviudze kuti I just had to wait mbijana ndotoita hangu imwe nhumbu. Chaingodiwa kuti ndive closely monitored chete which wouldn't be a problem hazvo senhumbu inenge yatorongwa isiri yekuzoti ndakaziva yatokura.
Ndakaenda kumba in high spirits zvekuti chero Brighton akatonoshama nekuti I had been low kubva zvaive zvabva nhumbu. He laughed ndokuti," Hanzii nhasi?" ndikati," I want to be happy again, zvinoita kuti body yangu irelaxe" zvikanzi," Kwete zvekuti uite imwe nhumbu Emmaculate, ngatimbozorora. Let your body get the rest it need, im not in a rush" ndikati," Aiwa kwete izvozvo" telling myself kuti this time ndaisazomuudza aizongoona yavepo.
Akaita seafembera kwave kumbotanga kunditsoma tsoma kuti ndinwe mapiritsi but akazvisiya in no time. Ini ndakabva ndatomasiyawo kwave kutojamba mwedzi ndikaita kufara. Handina kuda kutambisa nguva I went to my gynae avo vandakabva ndazoudza kuti," Kana ndazouya nemurume wangu please don't mention kuti ndakamboita umwe mwana kare" nekuti ndaiziva kuti paaizozivira he would want to be involved.
She widened her eyes ndikati," Handiti ndakakuudzai kuti ndaive ndichiri kuchikoro? Mwana wacho haana kuzomborarama nguva refu, aigara namama vangu akafa achitori mudiki so handina kumboona reason yekumuudzira"
" I'm not here to judge you, and I'm sworn to keep your personal information safe so don't worry about it" she said ndikati," Maitabasa" and musi iwoyo ndiwo wandakabva ndabatwa naBrighton kuti ndaive nenhumbu.
Ndakangonzi from nowhere," Ko sei usati waenda kuperiod?" ndikati," Ahhh, nda.." ndikanzi," I hope you are not pregnant because if you are, handimo munyaya dzacho" munhu kwave kutosimuka achibuda.
*Tariro*
Ndakatarisa bamukuru vakasvika vachizvikandira pasofa vachioneka kutsamwa. Pavakacheuka vakabva vazhinya zvekunyepedzera and I couldn't help it. I burst laughing ivo kwave kusekawo ndokuzoti," Muri kusekei?" ndikati," Ahh hapana"
Vakabva vangonyarara ini kwave kudzosera meso kuTV asi ndichipota ndichibiridzira kuvatarisa. Chiso chavo chairatidza kushushikana ndikatadza hangu kuvabvunza kuti vainetseka nei asi ndaive ndotonetsekanawo. He was usually a happy person even paive pabva nhumbu yasisi ndivo vaitozama kuvaita cheer up so ndaitoita wonder kuti apa chaive chazovanetsa chaive chii chaizvo.
Ndakazozviziva later that night ndonzwa vachipopotedzana nasisi vainzi vaive nenhumbu. Bamukuru vaipopota vachiti," Wambonzi nani ita mwana, I don't even remember giving you pressure saka uri kumhanyirepi? Do you think I enjoy watching you in pain? Unofunga kuti zvinondinakidza kugara ndichirasikirwa nevana?" sisi vakati," Handiti zvakanzi tinongokasira kunyoresa here? I have already done that" vakanzi," It's ok"
Mumazuva akatevera yaingove mitsindo mumba mese vanhu vakatsamwa, iniwo ndisina mhosva ndaive ndongobatanidzirwa. Sisi vaitongopedzeea shungu dzavo pandiri, ndaitukwa kunge hameno hameno. Bamukuru would always apologise on her behalf paphone but I had become immune to kutukwa kwacho. Hapana chandaiita chakanaka vaingoshoropodza nekutsvaga fault zvaiita kuti ndizombonochemerawo mudiwa wangu.
Aive ave kupoly and taitotamirana hedu, ndakatosarudza class yemazuvarodoka kuitira kuzoonana and ndiye aindicomforter. He would just say," Iwewe chingivajaira kuti ndizvo zvavari, apa pamwe zvatove worse nemahormones enhumbu. Ziva kuti chinangwa chako ndechekuita something for yourself" ndikati," I know but dzimwe nguva zvinombobhowa hazvo" zvikanzi," Hang in there my queen" wanike ndave kungobwibwinyika.
Mashoko ake iwayo aitondipa simba zvekuti ndakatosvika pakunyora ndichingoshingirira. Sisi dumbu ravo raive rati kurei and bamukuru vanenge vaive vodzora moyo. Zvaive zvomboita zvichiwirirana votomboenda vese kwadoctor. Mahopes asisi were really high nekuti vakatozokiinura nursery kwave kuicleaner cleaner umwe musi iri weekend. Vakacleaner ivo mbune kwete kutuma tuma ini wavaive vakajaira kuitirwa zvese naye.
Mangwana acho vachienda kubasa makasiiwa makavhurwa mawindow ndikanzi," Ndirikuda kuti mumbopinda mhepo wozovhara hako time time" ndikaita saizvozvo..
Ndaive ndoswera pamba ka semunhu aive apedza kunyora so I spent the day pamamovie angu kwakuzobuda briefly kuona Thomas aibva kuchikoro. Handina kutomuona nguva refu nekuti ndidzo nguva dzaidzokawo ana sisi but ndakadzokera kumba kwave kutonoita hour vanhu casati vauya vese vari vaviri.
Ndakatanga ndichizvitora lightly kupedzisira ndatove worried kwave kufonera sisi but handina kudairwa. Ndaive ndoda kutofonera bamukuru pandakazoona malights pagate kwave kutura mafemo. It was his car yasisi pasina but ndakangoti obvious ivo vaive neexplanation. Ndakazorohwa nehana ndichiona murume mukuru achipinda aine misodzi pamatama ndikati," Bamukuru chii?" zvikanzi," Inini hangu sisi venyu ka, handizive kuti ndodii navo"
" Vaita sei?" I asked vakati," Aita stillbirth futi, operation this time apa uone ndakambomutsiura. Hameno kuti anofunga kuti zvinondinakidza here but I suffer twice mainini. It hurts kuona mukadzi wako ari mumarwadzo, woti kurwadziwawo nekurasikirwa nemwana. She is making life really difficult for me"
Vakatoyeredza mimwe misodzi and I honestly didn't know what to say. Ndakatombosticker and he sniffed vachizvipukuta maziso nekuseri kweruoko ndichibva ndaswedera padhuze navo ndikati," Sorry henyu bamukuru" placing my hand on his shoulder.
end of chapter
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
364