Mai Tanny Novels
May 26, 2025 at 07:29 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*The untold*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 13
*Tariro*
He sniffed kwave kuzoti," Thanks" ndokutanga kufamba kuenda pasofa. Vakanozvikandira pasofa paye ndikati," Saka ivo sisi varisei?" zvikanzi," She is ok, operation yaitwa zvakanaka but munoti ndinorara here mainini? Ndinenge ndichingofunga kuti saka arisei both physically and emotionally apa inini ndiri kutorwadziwawo nemwana iyeye. She has made everything worse henyu mainini with an operation you have to wait I think its 5 years kuti uzoita mumwe mwana and by that time age yake chaiyo inenge yatove imwe risk"
Ndakashaya kana chekupindura ndikati," Yah Haa zvakaoma" zvikanzi," Sisi venyu havanzwisise mainini handidi kumbokunyeperai. I try kuve a good husband but pamwe pacho anondiisa mukona chaimo. Pamaikura naye ndizvo zvaaingoita?"
Ndakavatarisa ndikaseka ndikati," Ndichikura navo kupi? Pandakazotanga kuziva ivo vanga vatove kuno kuHarare kuchikoro, vaingouyawo kumba pano neapo ava." zvikanzi," I noticed kuti your bond harisi that firm, ndiyo nyaya yacho handiti?" ndikatura mafemo ndikati," I guess so"
He laughed ndokuti," Mandipa answer chaiyo, the age gap still doesn't make how much she doesn't like you normal." the fact yekuti vaizvionawo uye vaive vanyatsozvidoma like that ikaita kuti ndivatarise.
He smiled ndokuti," Ndinozviona hangu, she treats you unfairly and I keep on wondering why. Kare ndaiona kunge she is a really good person, kakusanzwisisa ndaikaona but kwamuri mmm ndine maquestions hobho hobho" ndikaseka ndikati," Eyi manje?" zvikanzi," Ekungoti why ari mean kudaro yet you are just a child, imimi hazvikubhowei?" ndikati," Ahh ndajaira ini" ndakatarisa pasi nekuti nomatter how much time passed zvaingondinetsawo.
" Muchikura ndozvaaingoita? The few times she was home?" ndikati," Yah but ndivo vakandiendesa kuchikoro and she took care of us namama tese. Even mukoma Pride, I think she just has a funny way of showing her love for me"
" Hamunyare kutaura semunhu mukuru?" he said ndikaseka kwave kuzoti," Ndokuvigirai sadza?" zvikanzi," Yah I think now rinogona kudzika mbijana"
Ndakabva ndangosimuka kunodziisa sadza riye and he followed me kukitchen vachiti," Ndikasara ndega ndinenge ndave kufungisisa" ndikaseka ndikati," Ehh" zvikanzi," Sure, ndatoti brother yangu iuye irare neni. Ndingamuke ndave kupenga"
" Iiii munoyema" I said zvikanzi," Ndoyema ini, and pandafonera brother yangu ndipo pandanga ndave kufunga your relationship with your sister. Ndangotaura muromo mumwe, and he is driving from Marondera to be with me. I felt sorry for you" ndikati," Mukoma Pride would do that for me, even makoti" zvikanzi," Chero neni, I would do that for you as well"
I smiled ndikati," Saka maona ka, ndinavo vanhu hobho" zvikanzi," Plus mukomana wenyu, uye aive kunhamo yamuchembere"
" Iiiii" ndakadaro ndichinyaririra zvikanzi," Akandiudza, he seems like a fine young man. Ingozvibatai chete imimi, mukomana haadi kupihwa zvese asati akuroora anobva akushaisa value" ndikati," Taurai henyu" kwavekunzi," Kunge kuteerera"
The microwave beeped ndikaburitsa food yavo ndikavapa kwavekunzi," Munonditandadza ka kusvika mukoma vauya?" ndikati," Iii bamukuru nave kutongondinetsawo henyu" zvikanzi," Hapana kumbonetsa ndiri munhu afirwa inini, plus ndiwo mukana wekuti ndimbotaurawo nemi. Kana sisi venyu varipo munenge muchizviita muranda"
Takagara tese pasi ndikatanga kubvunzwa zvekuchikoro ndichinzi," Saka kana mapasa apa mavekuda kudii?" ndikati," Handisati ndanyatsofunga, ndiri kutombofunga hangu kuenda kana kupolice or kuArmy" and ndaitozvifunga zvesure. I had been looking at zvinhu zvaisada fees and kuzeza nursing yaingonzi yaidiwa mari ndiko kwakazoita kuti ndifunge maforces.
" Iiii mainini!" bamukuru exclaimed ndikati," Chii?" zvikanzi," Not that there is anything wrong with those professions but hamuna zvimwe zvamunoda kuita? Why do I feel like muri kusarudza zvinhu izvozvo kutiza fees?" ndikati," Kana, uniforms yemapurisa ndoifarira" zvikanzi," Kwanai, nyatsofungai zvamurikuda. Kana iri nyaya yefees you don't have to worry, ndichataura natsano and fees iri kuzobhadharwa" ndikanzwa rimwe zikurerukirwa so mumoyo mangu kwave kunyepera hangu kuti," But chero chipurisa ndaida" zvikanzi, "Munozoenda mapedza imwe course, tsvagai kana kupoly uku especially mamale dominated fields anemari manje for women. Mabasa munoita ekusarudza nekuti munenge muchipihwa first preference"
I became interested ndikatanga kupihwa lecture ndichinyatsoteerera kusvika pakazosvika mukoma wavo. Ndakavasiya vombomudembera kusuruwara kwadzoka ndonovaitira food yaive yasisi kwave kuzonorara. Ivo vakabva vatorara pamasofa musitting imomo vari vaviri ndikaseka nekuti paitove neimwe spare koti main bedroom zvaive free. Rariro yacho yairatidza kuti vaive vatorara late futi saka handina kuvamutsa vakatozomuka vega ndokugadzirira voenda kuhospital.
Iniwo ndakasara ndombofunga nezvasisi avo vaingondisiririsa nommater how bad she treated me. I could only imagine how she was feeling neexcitement yavakange vave nayo. Ndakazonovaona the following day and she looked so pale kunge munhu asisina kana hupenyu. Vaingove zii havo vachioneka kunetsekana kukuru apa vakakomberedzwa nehama dzemurume wavo dzaiita sympathize navo.
Vamwe vakazenge vongotaura taura havo tave kubuda kunge vamwe tete vaiti," Zvave nechinodaro izvi, saka ipapa munoti pane chichabuda? Munombofambawo here nhaiwe B, kutoti nhumbu yavepo mombonzwa vemweya?" amwene vasisi ndokuti," Kuchurch chaiko havaende mukadzi nemurume, unoshaya kuti vanhu rudzii tete. Life haisi physical Brighton ine painotomboda a supernatural force, kuchurch sesu hamudi chiendai ka kun'anga tione. Ungangorarama, kungomuka woswera, wodya ,worara usingatembe naJesu kana chii?"
Havana kudaira bamukuru mama vaye ndokuti," Nhai amainini, hamuendewo kuchurch? Handisi kumbonyeya sisi venyu ini, kana apora ndichatomuudzawo. Hamuende here kuchurch mainini?" vobvunza ini ndikaseka ndikati," Ahh ndoenda ini" zvikanzi," Ko hama dzenyu idzi munodzisiirei?" bamukuru vakati " Nhai zvenyu mama imi, munotisiirei mainini? Moyo wenyu hauna kunaka"
Vanhu vese vakaseka mama vaye vakati," Haisi nyaya yekuseka iyi Brighton, matokura imimi." zvikanzi," Ndichaita plan" plan yacho vakazenge vonetsana sisi vabuda muhospital nenyaya yemachurch iyoyo. Bamukuru vaiti vaende kune yaipinda naparents avo sisi kwavekutiwo," Ini zvemachurch enyu aya handizvigone ini. Ndoda kwangu kwandakajaira" zvikanzi nabamukuru," Kana usingade zvekuenda kwedu wogara hako pamba" vakati," Ehoi"
Vakatopasara Sunday yacho zvesure though zvaive zvichiri zvekuti opp yaive isati yapora ini ndikabuda ndichisiya bamukuru vachipedzisa kugadzirira kuenda kuchurch for the first time kubva ndigare navo. Ndakatanga kufamba ndakananga kwedu uko kwaitove nekamufambo ndizonzwa mota yomira mudhuze mangu. Yaive yabamukuru avo vakabva vati," Saka iwewe ndiwe une nharo?"
" Ndadii?" ndakadaro ndichitotadza kunzwisisa nekuti vaive vakatorova serious. Vakazoseka vaona kuti ndave kunetseka ndokuti," Unoenda kuchurch isiri yemurume wako" ndikati," Ahh handiti murume wacho aisaenda?" zvikanzi," Ave kuenda, handei tione" ndikashaya marambiro kwave kupinda kumashure.
I had a great time kuchurch kwavo zvekuti ndakatoshaya kuti sisi sei vaisakuda and if we were in good books ndaidai ndaitozovaudza kuti vapote vachiuya havo. Zvino kutovafunga kwakandifungidza kuti ndaive ndatopara mhosva nekuuya nemurume wavo pakudzokera ndichibva ndatonzvenga bamukuru. Ndagara ndaida kutoonawo Thomas so pavakasara vachimhoreswa mhoreswa nevakuru vesangano ndakabva ndatoti verere.
Vakafona ndave kutosvika pataisangana naThomas vachiti," Ko madii?" ndikati," Ahh ndaona mave kumbomhoresana mhoresana nevanhu ndikatungamira. Ndirikuda kupfuura ndichiona shamwari yangu." ndikanzi," Endeka! it's ok" tichibva taseka tese.
Ndakafambisa kwavekuda kuti ndisazonyanya kunonoka kuenda kumba kwakunowana Tommy wangu atomira. We hugged akati," Happy anniversary" ndikaseka nekuti ndaive ndatozvikanganwa ini. Kuzvitaura ndiko kwakatozoita kuti ndorangarire kuti taive tave negore nehalf tichidanana.
" Thank you but I thought tongocelebrator makore ka ini" I said zvikanzi," Ndatointrojuicer nemahalf acho" tikaseka ndoti," Kopresent yacho?" ndikanzi," Iripo, don't worry. Ndiperekedze kwefriend yangu kuseri uko, ndiko kune tumasinhi twacho. Ndakaorder kubva kusister yake inoira zveAvon so ndati tongoenda tese wosarudza chauri kuda chacho exactly"
Nyemwerero yakasvika kunzeve chaiko tichibva taenda kweshamwari kwairehwa kuye. Takapinda pamba pacho apo paingove zii ndikati," Pane vanhu ipapa?" zvikanzi," Mira tione, vanoshandisa door rekuseri" and I nodded.
Takanoknocker door riye pakabuda mumwe mukomana waakamhoresana naye nekubva amuti," Sistran varipo here?" mukomana uye akati," Havasati vadzoka ava, mira ndinovatarisa, 2 minutes. Pindai muzayani mundimirire" Thomas ndokuti," Bhoo" tichibva tangodungamidzana kupinda muye.
" Room yake ndeiyi" Thomas said and I nodded topinda muye matakanogara pabed achibva ati," Ndanga ndakusuwa iwewe, I hope uchauya kupoly tinyatsoonana" ndikati," Ko kana ndichida kuenda kuBulawayo poly?" ndikanzi," Unobva wagara ikoko zvachose" tikaseka.
Tichingopedza kuseka akabva auya kukiss ndisina kutarisira ini kwave kupfavirira sechinhu chataingoita. Akaisa rumwe ruoko pamukaka ndikati," Ahh Thomas!" zvikanzi," Babe we have been together for long manje, we need to take our relationship to the next level" uku otomanikidzira kundirarisa pabed.
Ndakapfichuka pfichuka kuda kumurwisa but it was to no avail worse pandakatozotanga kuchema nekuti simba rangu rakatoita seraive ropedzwa neshungu. Akatondirarisa pasi zvine simba rumwe ruoko rwake kwave kuisa pant paside and i felt his member on my entrance akati," Relax Tari don't be tense unorwadziwa"
end of chapter
❤️
😢
😮
🙏
👍
😂
304