Mai Tanny Novels
May 27, 2025 at 07:16 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 14 *Tariro* Ndakafemeruka neshungu ndichishaya kuti aive iye here Thomas wandaiziva or ndaive ndachinjirwa hangu. I had never thought he was capable of doing that to me nekuti ndaive ndakangomuratidza kuti ndaizvikoshesa. Ndakatoramba ndakaomesa muviri iye achiti ndirelaxe akati," Baby" achitozama kufoseredza kupinda but struggling tichibva tanzwa mutsindo panze. Tese takavhunduka achibva asimuka ini ndikamukawo and I was shocked nezvandakaona ipapo. Aive atobvisa ka trousers rake riri mumabvi umu his member pointing at me. Iye haana kumbonyara akatoti," Dzikama tinzwe" tizonzwa," T man, Tom" kubva panze akati," Hee?" zvikanzi," Pakaipa wangu, machembere arova chicome back kubva kugospero" " Shit" he cursed achikwidzira trouse rake ini ndikati Mwari mandibvira nepi nechemumoyo. Thomas aive otopanicker ave kushaya pekubata ini kwavekuti kwanyanu nekutomhanya kudoor. Shamwari yake yaive yakatomira ipapo yakabva yabgoti," Huyai nekuno" kwave kuendeswa nerimwe side raive nezvikwere zvehuku. Taiita kufamba neside apa ini fear yave kuzara mandiri pandaifunga kuonekwa nevabereki veshamwari yaThomas ndiri pamba pavo. Taive totovanzwa kupinda pagate nemota and all I wanted was to leave ndoenda kumba straight. Takaita kamudungwe tichimarwa nemadziro kwave kuzonzi," Mirai" nekazevezeve tave kusvika kumberi. Vanhu vaive vonzwika kuburuka mumota munhukadzi achitoti," Aripo here ipapa Roy? Anenge abuda hake kuenda kumashamwari asina kana kukiya madoor, mawindow ese akashama. Pano kusabirwa kungochengetwa naMwari sure" " Anofanira kuenda kuchurch, chaasarira ipapa chii? Handiti anga achiti hee assignment iri due zvakazodii wee paye?" a male voice said the female one rikati," Mukamubeliever ka henyu, ini ndazviziva kuti inhema zvangu" mavoice aye kwave kutanga kufader. Patakazonzwa door rekuseri kuvhurwa Roy uye akabva atongoti," Handei" kwave kunanga kugate ini ndiri panumber one chaipo. Tichingotsika kunzw kwegate ndakabva ndatovhurira bara svinu rekuti ndofunga vakandiona vakatopererwa. Kungoti the street was quiet zvekuti kumhanya kwangu ndiko kwakatozoita kuti imbwa dzevaridzi dzitange kuhukura. Ndipo pandakazonzwisisa zvaingonzi nevanhu kuhukura kwembwa hakumise nzou kufamba nekuti ndakaramba ndichingomhanya chete despite ruzha rwaive rwoitwa nembwa dzaive dzoita choir chaiyo. Munoise yembwa iyoyo ndakanzwawo voice raThomas raiti," Tariro, Tari" but handina kucheuka kusvika ndave kune rimwe line iye ndisisamunzwe. Ndakabva ndambomira kwave kutanga kufemeruka kwasangana kuti kwekuneta then kwekuti ndapona murutsva. Ndakatora chimwe chimukoto kurasisa Thomas kana aizoda kunditevera kwakuenda kumba mumusoro ndichiita replay everything that had happened. Ndaive ndoona kuti ndaive ndatambwa pachena, kuvhevhetedzwa nepresent isiko and I felt so angry at myself for being so naive and stupid. Ndakazongoerekana ndatove pagate rekumba ndisina kumbonyatsoona kuti ndaive ndafamba sei kwakupinda mugate muye ndakazara nyadzi feeling as if bamukuru vaitozoona zvaive zvaitika semunhu wandaive ndatiza kuchurch. Vaive vakatogara zvavo muveranda ndichingopinda vachibva vazunza musoro then lipsed kuti," Titambire" obviously kuzeza sisi vaive mumba ndikatenderedza maziso walking past him ndokuzoti," Maswerasei?" ndikanzi," Ndaswera" Sisiwo vaive vakazvambarara pasofa mumba kungovamhoresa ndichibva ndanzi," Church yenyu inopera nguvaiko nhaiwe? Wanga usiri kuziva kuti kumba kunoda kubikwa lunch? Ndosimuka ka ndobika ini operation idambuke?" kunge vaimbobika chero vasina operation yacho and I shook my head zvikanzi," Tikwanire, kana wave mukadzi mukuru wotiudza wobva wagarira ikoko kwaunenge uri. Ndiite musikana wako webasa inini? Unokurega kukuenda kuchurch ikoko ukada kufarisa" Handina kupindura ndakangoramba ndiri zii zvikanzi," Enda unobika uko" ndikakwesvaira ndakananga kukitchen. Bamukuru vakabva vaisawo message yekuti," Ndagriller pork, chingomonai kasadza" ndikanyemwerera ndichiti," Maitabasa" Mvura ndakatongoisa mujug kwave kupambira sadza riye phone kwave kuchitangawo kurira. Aive Thomas ndikacutter but he kept calling chete nekuisa mamessage imwe yakanzi," Sorry Tari, taura neni" imwe yakanzi," I don't know what got over me, it will never happen again" ndikaridza zitsamwa. Sadza ndakarimona ndichitongoripedzera shungu ndichipedza imwe call kwave kupindazve. Ndakaidaira this time kwave kubuda panze ndikati," Iwe, siyana nelife yangu. I want nothing to do with you, it's over usandifonere, usanditextire urimbwa yemunhu" Handina kumupa mukana wekudaira ndakabva ndacutter ndinzwe munhu ave kuseka. Ndakacheuka kwakuona bamukuru vaive vamira padoor rekitchen vakati," Maitwa seiko?" ndikati," Nani?" zvikanzi," Nabamunini ka vamabva mapopotera kudaro, saka ndiko kwamanga muri ka?" "Siyanai neni" I said angrily zvikanzi," Ok" but tapedza kudya or let me say vamwe vapedza kudya nekuti ini chakaramba kudzika nekuti moyo waive worwadza. Heartbreak ndaive ndoinzwa ipapo nekufunga kuti ndaive ndamuramba koti iyo betrayal of the trust yandaive nayo in him. Ndichingopedza kusuka ndakanozvivharira kwave kutanga kuchema ndonzwisisa zvainzi nevanhu moyo unorwadza ndichibva ndaona message yabamukuru yaive yakanzi," Whatever he did to you I'm really sorry" *Emma* Brighton sighed achiisa phone pasi ndichibva ndaturawo mafemo, I'm sure we were both struggling about the same thing. Hana dzedu tese dzaive dzakaremerwa yet we couldn't be there for each like we used to do kumashure. Taive tese muroom imwechete yet we felt so distant, like there was a huge drift pakati pedu and it hurt like hell. Zvaiita kuwedzera marwadzo angu nekuti ndaive ndotoona imba yangu yoparara apa ndichizvipa blame futi pamwana wangu wekupedzisira aive ashaya. Deep down ndaive ndongoshuwa kuti dai ndakangoteerera hangu ndisina kuita mumwe pamwe dai ndaive ndakuchitanga kurongawo kuita panguva iyi. Zvino ndaive ndatora 10 steps back chaidzo nekuti ndaive ndazonzi ndimire 5 years before having umwe mwana. Infact vaive vatomboti if possible ndichitongosiyana hangu nazvo but kana ndaizoda kuzama it would be after 5 years yet my age would be another threat. I had been beyond broken by the news kotiwo iye mwana wacho aive apedzisira kufa uyu aive anyatsondibanda. She had been an almost full term baby apa aive muhombe ari chubby. Ndaive ndatombomurambira ini kuti aiswe kumortuary ndakamubata ndichiti pamwe kumugukuchira kwaizomumutsa. It had been the worst moment of my life and ipapa I was still finding it hard to get past that experience. Wekunyatsochemera ndiye wandaishaya hangu nekuti I'm sure Brighton aitondiblamer wo and our house had become an unhappy home. Ipapa akazongosimuka akananga kubedroom ndikambosara ndichichema then followed him ndikawana ari paphone zvake. Pfungwa dzakabva dzatowedzera kuenda kure mumwe moyo wototi pamwe aive otsvaga hake mumwe aizomuitira mwana nekuti papi pacho paazomirira 5 years kuti tizame tisina kana sure yekuti zvaizoita. I couldn't sleep that night yet iye akazenge onyatsoridza ngonono. Ini ndakazongorara zvekutongobiwawo nehope kwakumutswa naye oda kundibatsira kugeza opp. Nditwo tumwe twetunhu twaaive achiri kuita hake twaimbondipa hope, he bathed me kwakumaker sure kuti ndadya porridge ndokuzoenda hake kubasa. Ndakasara naTari uyo aitongondiirritator hake nekuti ndaingofunga kuti dai ndaive ndisina kumbomuzvara ndiri mudiki then i probably wouldnt be having macomplication ese andaive ndoita. Musi uyu aisaoneka oneka hake, she spent much time kuroom kwake pandakazomuona akaita seaive nemapuffy eyes. Handina kuzvinetsa nezvazvo sterek sezvo ndaitovewo nenhamo dzangu zuva kwave kutofamba kusvika kuma4 pakazouya some of my workmates kuzondiona. Ndakatombonzwa moyo kuti nyevenu nekuona kuti there are people who cared and vakanditandadza for a while. Hapana aitaura zvemwana or zvaive zvaitika but being around them made me feel warm. Vamwe vakaoneka early vomhanyira kudzimba but Fiona remained behind akambotanga nekunditi," Kubasa kuri kubhowa musiko vasikana, ndangove ndega ndega mazuvano" ndikanyemwerera ndikati," Manje manje ndinenge ndadzoka don't worry" She sighed ndokuti," How have you been, zvemasure sure chaizvo Emma. I want you to tell me how you feel" the fact yekuti she was the first person to ask me that ikaita kuti ndibva ndatongoita break down. Ndakatanga kuchema and she hugged me achiti," It's ok Emma, let it all out" and I tried kudziburitsa dzese shungu kwave kuzotanga kumutsanangurira state yaive marriage yangu. I told her my fears and everything that was happening akati," Imbozamai counselling Emma, you both are grieving and it's not easy for you both." ndikati," Counselling inogadzirisa kuti achada mwana here? Obvious achatongondicheater otsvaga munhu anoita vana" akati," Those are not facts and yes counselling inogona kukugadzirisirai nyaya yemwana iyoyo. Munogona kutoudzwa other ways of having the kids, like surrogacy. People are adopting that, muno muZimbabwe ufunge. Recently I heard someone aitoti akaitirwa mwana nasurrogate, aiti hake it's expensive zvekutodaro and the whole process yekutsvaga munhu ari willing inoti netsei but it's doable. Chenyu kunenge kwave kungotsvaga mari chete nekuti munhu anotocharger parefu then you have your child, but you can only do that after dealing with your grief" end of chapter
❤️ 🙏 😢 👍 😮 😂 317

Comments