Mai Tanny Novels
May 28, 2025 at 08:03 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 15 *Emma* I frowned ndikati," Nekudhura ikoko agozvibvuma amaimwana? Unoti angasarudze zvinhu zviri expensive paine chance yekuita mwana mahara nekungotsvaga mukadzi?" akati," Usatange nekuva negative, give him the chance muone. You don't rush to suggest it, imbotangai necounselling then mahealer wochipawo suggestion yacho or you might be surprised kutozonzwa osuggester ndiye" " Mmm hameno, it's just hard to accept iwe kuti pane possibility yekuti ndotadza kuita mwana anorarama zvachose. Ndiri kungofema Fiona but mukati umu ndakafa kare kare, dai ndangopihwawo one chete just one" akati," Keep believing zvinoita" and she went on and on achingotaura neni dzamara ndotoona kunge surrogacy yacho was a good option. Nyaya dzakve dzoendeka zvekuti Brighton akatozosvika achiripo akati," Iiii nhaimi, ndakuwanikwa nabamunini ndichiri pano" ndikati," Ko vane basa rei?" Brighton uye kwave kupinda with a smile on his face kuita kunge asiriye munhu aive ombondikwindimarira. They greeted each other and since yaive isiri first time yavo kuonana Fiona akabva atotanga kutaura nyaya. Aingotaura dziri general nekubva azooneka akanzi," Kwave kusviba uku gulez, regai ndinokusiyai makwira" akati," Ahh bamunini zororai handiti mabva kusvika?" but nekutaura neni kwaaive aita and all I felt it was only fair kuti aperekedzwe ndikati," Perekedzwai vakoma, ndobasa ravo iroro" vakati," Ahhh vasikana ka?" ndikati," Maitabasa mauya kuzondiona vakoma, ndanzwa kudziirwa" and she hugged me and said," That's what friends are for" Vakabuda naBrighton ndikasara ndonzwa kakurerukirwa, though i wasnt sure of how I would talk to Brighton about the issue kungofunga kuti there was a way to save my marriage made me feel so much better. Ndaive ndotozama kufunga kuti taizomuwana kupi surrogate wacho and how it would all work. It came with its own fears like kuzeza ka bond pakati pake naBrighton but I told myself kuti ndaizosiya basa ndoita bond racho naye inini. Ndaive ndotoita tumaimagination twangu bhoo bhoo ndave nemucheche wekurarisa in our nursery which was still intact pakazodzoka Brighton. Akasvika nekuzvikanda pasofa kwave kumboti zii akadaro ndokuzoti," Gulez vambotaura newe nenyaya yecounselling?" ndikati," Ehe" zvikanzi," What do you think about it? Unoda kuti tiende?" and I nodded zvikanzi," Ok, vati she will send some recommended grief counsellors" I nodded again kunzwa oita interest neni kuchibva kwaita kuti misodzi iyerekane yayerera. He sighed and hugged me akati," It's ok, shhh" wanike atodenha dzimwe shungu. Ndakahwihwidza and he let me kwave kuzondirega oti," I'm so hungry, pane chekudya?" ndikati" Tari anofanira apedza manje" Ndakamusheedza Tari uye akauya nekuita dish up and musi uyu ndakatombonyatsodya. Taive tisina zvakawanda zvataive tataura especially panyaya yemwana but ikoko kuhuggwa meant a lot. Ndaitonzwa kuti atmosphere yachinja nguva dzataidya even patakanorara and ndiye akatozouya nenumber dzacounsellor. We started going and it was a bit hard at first especially paakazodudza kuti he blamed me zvesure nekuti ndaisateerera but zvishoma nezvishoma zvakatanga kureruka. Takatanga kutoita muconversations and musi wandakazotaurawo kunacounsellor nyaya yekuti ndaitya kuti he would cheat kutsvaga mwana ndipo pandakazopinza yesurrogacy. He chuckled ndokuti," Mmm ini I'm not complaining hangu, takaroorana tiri 2 rudo rwedu nderwevaviri and children will just be a bonus" ndikati," Ini ndomuda mwana B, even akave one hake. Ndinodawo kunzi mama and the child will be our flesh and blood" akati," Ok, I don't think its a bad idea hangu. If you are comfortable with it" ndikati," I am so long you promise you won't leave me for the surrogate" He laughed ndokuti," Shamwari, I'm here to stay. I'm not leaving for any reason" and I smiled feeling the assurance deep in my soul. Takabva kuye tave excited, chero iye zvekumboti hee vana ibonus zvaive zvapera oti," But muno muZimbabwe tingatomuwana munhu anoda kuita surrogate?" ndikati," Vanowanika, mari chete" akati," That won't be a problem, and we have to legalize everything zvekuzotanga kuti munhu arambire nemwana wedu iii ini handidi" ndikati," Obvious iii, zvinotoda mapaper akakwana izvi" Takatotanga kuita maresearch nei nei nezvazvo and ways dzekutsvaga munhu wacho. I also tried to find mari dzaidiwa and kuwanda yaive yakawanda. Muresearch idzodzo ndimo zve mandakazoona vamwe voti," Zvinoda munhu wepadhuze izvi, maybe your sister or friend kana mai vako chaivo. Zvevatorwa zvinogona kuti netsei" Tari akabva apinda mandaive nedish rake rehembe achiimbirira pfungwa dzangu kwavekuti," Asi Tari angaite here?" Ndakanyatsomuyeva and there was nothing chaiita kuti akonewe, ndiye munhu wepadhuze ega wandaive naye and she probably would save us from kuburitsa mari yakawanda. Kuzofunga kuti aive mwana wangu kwakange koda kuti ndione kunge zvaisaita but then I remembered kuti vamwe vaive vati amai vaitoita saka panga pasina kana dambudziko. Ndakazotura mafemo ndofunga Brighton who would probably not agree with that kwakubva ndazozviudza kuti," I just need to convince Tari first kana angobvuma chete tochiudza Brighton ndatopedzerana naTari" *Tariro* I walked past sisi nervously feeling uncomfortable nekunditarisa kwavaive vakaita. I exhaled ndave mupassage kwakucheuka ndikaona vayeverwa nemadziro ndikashaya kuti vaimbofungei. Handina hangu kuzoda kumira nguva refu semunhu aitovewo netwake twaimunetsa. I was finding it hard to let go of Thomas and I was still not Ok zvekutoti washen yaive modish ndaive ndatoiwachira kudzora pfungwa. Ndaive ndisina kuzombotaura naye despite his efforts to talk to me, zvairwadza but ndaiona iri iyo good decision for me. I had dreams to chase and judging nemacircumstances ehupenyu hwangu ndaive ndisina room for stupid decisions. I needed to be focused and Thomas was proving to be a distraction uye threat kufuture yangu. I folded the clothes ndichiplayer "no more you" yaAkon kwakupedza nekutonotanga kubika still playing the same song. Bamukuru vakazenge vadzoka vaina sisi vachitoita nyaya ndikapedza kudya nekutonozvivharira ndizoona message yavo yakanzi," Wazvinzwa here kuti maresults Monday nhaiwe No more you?" and zvemamessage izvozvo vaizviita daily. He had been the only person who checked on me and who knew kuti ndaive neheartbreak. He had never asked the whole story but he sympathized with me, told me I would be ok and I appreciated that. Last part yemessage yavo yakaita kuti ndiseke kukanganwa zvakakosha zvaive kwekutanga ndikati," No more you ndiani?" ndikanzi," imimi, ndati maresults Monday" ndikazoti," Maitabasa" hana yobika manhanga zvikanzi," Kuti zii makukwata here?" and I giggled ndikati," Handisi kukwata ini" but Monday yacho yakasvika ndave bhoo nefear. Ivo bamukuru vaiita kuramba vachingondipoker chete Monday yacho kwakunditi," If you need support or kudirwa mvura mafenda handiti munoziva kuti kubasa kwangu padhuze nemutown? Call me" ndikati," Ehoi" Sisi wo pandaive ndobuda she smiled ndokuti," Kanjani hana kurova?" ndikati," I'm nervous" zvikanzi" Haaa wakapasa don't worry" ndikatoshama nekuve nice kwacho but ndakangoti," Thanks" ndichitambira mari yelift yavaindipa. Ndakaenda kuchikoro wishing Thomas was there with me kwave kusvika kuye ndoita serutsanga ruri mumvura. Apa kutya kwese ikoko kwaive kwemahara zvako nekuti I had scooped myself an A. Ndakanzwa misodzi kuzara mumaziso ndikaipukuta nekutotanga kudialler number dzabamukuru. He was the first person wandaitoda kuudza and vakadaira at first ring ndikati," Ndapasa bamukuru, ndine A" vakaita," Wow" yakadzikama zvakaita kuti ndiseke. Vakasekawo vakati," You deserve it, I'm so happy for you" ndikati," Thank you" kwakunzi," What do you want as a gift?" ndikati," Ahh hapana ini" zvikanzi," Kakapusa" tikaseka nekutocutter ndofonera makoti. Uyo akaita kuscreamer even mukoma vakafara zvekufara zviye when I told him. Sisi ndakangoti I would tell her in person sezvo vaisace vekutemba kwave kudzokera kumba kwandakasvika nekunzi," Titambirei" ndikaseka handing her the slip vakati," Nhaiwe, nhaiwe welldone" and I smiled shyly feeling so proud of myself vakati," Hiiii. Haa I underestimated you mupfanha, wagona" ndikati," Maitabasa" " Saka apa wave kudii?" she asked ndavekuda kupindura zvepoly, iyo yandaive ndoda kuendera kure naThomas vachibva vati," Ndirikuda kuti uzoita choice ndakuudza kaoffer kandiinako, so I need a surrogate anonditakurira mwana. Panoshandiswa zai rangu nesperm raB then munhu iyeye otakura nhumbu, give birth then otipa mwana isu tomupa mari in return. Tichiri kutsvaga candidate but ndangoti ndikuudzewo kana uchida, infact I would appreciate it ukabvuma nekuti uri hama yepedyo and I trust you. Kana wave iwewe manje watiitira isusu tinenge tave kukuendesa kuchikoro kunze kwenyika, you will choose a country of your choice and kana watongoenda kunodzidza obvious wave kutotsvaga basa ikoko which will be life changing" end of chapter
❤️ 😢 😮 👍 🙏 😂 338

Comments