Mai Tanny Novels
May 29, 2025 at 07:50 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 16 *Emma* Ndakapedza kutaura kwave kunyarara ndakanyatsomuyeva Tariro, airatidza kuti she was in a ball of confusion. I'm sure zvandaive ndataura zvaive zvamuwandisira kuti aite process nguva imwechete nekuti chero ini zvaive zvakatondiwandirawo. Zvimwe zvacho ndaive ndazongozvitaura ipapo ndisina kana kuzvironga zvekuti ndaitoshaya kuti zvaibvepi. Issue yekuenda kunodzidza kunze was not even part of the plan but ndazvitaura so ndaive ndoona kunge yaigona kutova nyaya yakanaka. At least it would be good pakuti aisazova nebond nemwana iyeye and aisazowana mukana wekuda kumuclaimer or kuda kuita mafunny tricks. After a while angori zii akazongoerekana ati," Murikuti ndiite nhumbu?" ndikati," Hauite as such, unotongoiswa ave mwana mudumbu wezai rangu naB then chako kuchengeta nhumbu yacho chete kusvika yazvarwa. If you want unogona kutongoitwa operation worega kusvika pakurwadziwa hako. Uchiri virgin?" and she nodded ndikati," Then operation ndiyo itori safe, munenge muchida kuzoti bamunini vavhure vega ka?" ndoseka seka but iye haana kuseka kana kudii. Akatozongotura befu ndikati," I know it's a big decision saka handikumhanyise and kana zvisingaite feel free kutaura. Kungoti I'm so eager to have a child and I thought kuti ndipe iwewe first preference senge nemaresults aya I'm sure wave mushishi kufunga kuti wochidii saka ndabva ndati ndikuudzewo imwe opportunity" ndotsimbirira yechikoro nekuti I knew kuti it was a catch for her. She nodded then literally dragged herself out of the room ndikasara ndotura befu hoping she would give in. Ndaive ndotongoda iye kuda kuavoider vanhu vekunze nekusada zvinozonetsa. I also wanted someone anonditeerera during the pregnancy saka Tari ndiye aitongove perfect candidate. Ndakasara ndotombofunga some other ways to convince her but hapana chimwe chakauya mumusoro mangu besides kutongombonyepera kuita a good big sister. Ndakabva ndatonobatidza marasha panze kwave kutanga kuita kabraai kandakasvikirwa naBrighton ndiri pakati. He frowned ndokuti," Whats the occasion?" ndikati," Tari abuda neA, she passed" akaratidza kakushamisika ndokuti," Saka that's why you are doing a braai?" ndikati," Iiii veduwee, am I that strict with her? Ndinenge ndichida kutomupusher kuti aite zvakanaka and today I'm really proud of her" " Ehh, let me change" he said kwave kupinda mumba ndikasara ndichipedzisa. Ndakavasheedza ndapedza and Tari was equally shocked tikadya ndichingonyanya kutaura inini. Ko taisamboita ka muconversations as a family saka zvaive odd but I was trying kuti ndikambotaura naTari ndombotaura naBrighton. Ndiyo yakabva yatove mood yangu around them apa uyu Tari angori zii paproposal yangu ndichibva ndatozoita wekuti," Did you think about nyaya iye nhaiwe Tari? Pane munhu wandawana arikuda and ndatomumisa ndichiti nditange ndanzwa iwewe" She sighed ndokuti," Makati munondiendesa chero nyika yandinoda?" ndikati," Bamukuru vako vane malink I will make sure he makes it happen" kwakubva atura zve rimwe befu ndokuti," Saka zvinoita" Mufaro wandakanzwa ipapo one would think aive atoita nhumbu yacho nemwana wacho zvese izvo kwaani. I had hold my mouth kuti ndisascreame kwave kuzoti," Thank you Tari, I'm so grateful" akanyemwerera zvishoma ndokuti," It's ok" apa ini ndave over the moon. Excitement yacho yakaita kuti nditadze kuzvichengeta, B achingosvika kubva kubasa ndakabva ndatotanga nekumuti," Ndawana munhu arikuda kutiitira surrogate" " Kupi? Nezuro waiti hapana ati abudikira ari serious kwese kwatakaisa maadverts wani?" and ndaive ndatozvitaura zvesure..Dzaive nhema hadzo because vaivepo vamwe vaive vatomboshower interest ndichivaignore nekuda kumirira kuti Tari abvume. " Haana kubva ikoko, Haa kuye hakuna kana chimuko and ndiri kuona kunge tingona kutoscamwa." I said zvikanzi," Saka wauri kutaura wacho wamuwana kupi?" ndikati," NdiTari" achibva avhurisa ziso zvakatongondiudza kuti aizozviramba ndikakasira ndati," Andinzwa ndichitaura naFiona paphone nenyaya iyoyo kwavekuti anoda hake. Asi mari yake tinenge tichingomupa hanzi ndinenge ndichizoda kunodzidza kunze kwenyika" He chuckled ndokuti," Saka uri kubhadharisa mwana wamai vako chikoro nekukuitira mwana?" ndikati," Ndizvo zvandambotaura here? Ndiye aoffer ega it's not like ndamumanikidza or kumukumbira" zvikanzi," Muudze kuti hazviite, she is a child herself anoda kutakura mwana wekudii. Iwe mukadzi mukuru ungatosekerera zvinhu zvakadaro sure? Can't you see kuti we will be ruining her life? Kana aita mwana wacho ozodii? She still has a future ahead of her, kana ada kuroorwa oti but ndakamboita mwana wasisi vangu?" " Ndanga ndafunga kuti anenge ave kungoitwa iri opp" I said akati," Opp ndiyo inodii? Oroorwa oti operation iyi ndeyemwana wasisi vangu?" ndikaramba ndakanyarara nekuti aive otoratidza kutsamwa akaenderera mberi oti," Chero tikatonzi tashaya umwe asiri Tari, togara hedu tisina mwana wacho" *Tariro* I scrolled on my phone ndichiona martenity dresses netumwe tunhu twevana vana. I was trying to get myself ready for rwendo rwandaive ndabvuma kupinda. I wasnt really sure about it, I had fears but kufunga kuenda kunze kwenyika and starting a new life for myself was exciting. Especially panguva iyi yandaive ndasiyana naThomas ndisisina kana reason svinu yekugarira muZimbabwe. Ndaiti ndikazvifunga zvekunze izvozvo ndototanga kuita picture myself in different countries ndichiedza kuona kuti kwainyatsondiitira kaaive kupi. Painternet chaipo ndainge ndongopota ndichitarisa mauniversities and programs offered ndichitarisa kuti yandaida yaiwanika papi uye yaida chii nechii. Izvi zvevana ndaive ndazongosanganawo nazvo which had me wondering how I would look like pregnant and what the baby would look like as well. I just couldn't stop wondering how it felt to be carrying someone mudumbu mako as well as to give birth nyangwe hazvo taingonzwa mbiri yekurwadza kwacho. My scroll was interrupted by a message yasisi yaive yakanzi," Heyy, bamukuru vako vari kuramba madeals aye nhai. Vari kufunga kuti ndakuforcer, I tried explaining to him kuti ndiwe urikuda but vari kutoita nharo." ndikati," Ahh ko hanzi ndaita sei? Why vasirikuda kuti ndiite" zvikanzi," Hanzi uri mudiki, hameno pamwe unogona kuvaconvincer wo nekuti I'm sure he will ask you about the issue" ndikati," Ok" ndotoshaya kuti bamukuru vaida kundishaisa mukana wekuenda kunze kuti zvidii. " Zvakaoma, I can't help but think kuti maybe haasi kutozvida zvesurrogate zvacho. Maybe arikuda kutongotsvaga hake umwe mukadzi" she said and in as much as I knew kuti hunice hwavo hwavaiita mazuva aya hwaive hwekuti ndibvume zvavaida I still felt sorry for her. Ndakatoona kuti ikoko kuzozvininipisa nekundinyengetedza yaitove desperation chaiyo saka despite kuda kuenda kunze ndaida kutongovaitirawo mwana wacho. I was sure mama would have wanted me to do that for her plus I hoped kuti maybe kuvaitira sacrifice yakakura kudaro kwaizoita kuti vandidewo nekubuilder bond redu. " Haaa kana, maybe kungozezawo nekufunga kuti kundibatira" ndakadaira zvine hunyoro kuti ndicomforte munhu zvikanzi," Thanks" Bamukuru vacho vakabva vaita kunge vaive vakatomirira kuti mukadzi wavo apedze kutaura neni nekuti ndichingobva kuchat rasisi vakabva vaisa message yekuti," Zvii zvauri kufurirwa nasisi vako Tariro?" ndikati," Hapana, ndini ndiri kuzvida" zvikanzi," Unokuziva kutakura nhumbu iwe? Waisavaona sisi vako vachipotsa kufa pano? Why would you want to risk your life for her? Do you even understand what you are signing up for?" Hana yangu yakati gidhi gidhi kurova nekuti zvekuzorasikirwa nemwana wacho and the risks that came with childbirth ndaive ndisina kumbozvifunga. It was scary kufunga everything that could go wrong but ndakanyepera kuve brave ndikati," I do, ndirikuda kubatsira sisi vangu" zvikanzi," Manje mototsvaga mumwe murume nekuti ini handiite izvozvo" Handina kupindura nekuti ndakashaya kuti ndotii and mangwana acho havana kumbozvitaura. Infact vaive vakatotsamwira vanhu vese vachibva vatokasira kubuda kuenda kubasa sisi kwave kutanga yavo yekuti vanenge vaida zveumwe mukadzi. Ndakangowedzera kuvasimbisa kwakubva vabuda voendawo kwavo kubasa ndikazoshama bamukuru vadzoka masikati. Vaive nepaperbag yavakasvikondipa vachiti," Present yenyu yekupasa iyi, ndanga ndakatoitenga kare yangosvika nhasi ndosaka ndakupai. Dai ndanga ndisati ndatenga handaikupai nekuti muri benzi" ndikati," Ndaitasei?" zvikanzi," Muri kubvuma kumanipulatwa nasisi venyu, handisi kumbofara nazvo ini" ndikati," It's my decision bamukuru" He looked at me sitting down ini kwakutanga kuvhura present iye which was a brand new cellphone. Yaive Samsung nyama yandakangotarisa nekutoti," Iii bamukuru!" zvikanzi," You deserve it, you deserve much more than sacrificing yourself as a baby carrier for someone who doesn't even care for you" ndikati," Handiti ndiri kuitira mese nemi here?" He laughed ndokuti," You really want to carry my child?" ndikadaira nemusoro vakati," Hamuna kumanikidzwa?" ndikazoti," Ahhh imi" ndobhowekana nemibvunzo yacho kwakubva ndazopindura kuti," Handina kumbomanikidzwa ini, ndirikuda" end of chapter
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 348

Comments