Mai Tanny Novels
May 31, 2025 at 03:29 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*The untold*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 17
*Tariro*
He smirked ndokuti," Saka kana usina kumanikidzwa ngatingoitai ka wedu tiri 2" ndichibva ndamboseka not really realising what he was saying. When I did ndakavatarisa necorner yeziso and he quickly said," I'm joking, hamusati matombove age yekuita zvevana izvi mainini." and I sighed ndikati," I'm over 18 meaning I'm an adult ndogona kutodecider zvandinoda kuita"
Vakaseka vakati," Adulthood haisi kids game mupfanha wangu usaiitire dzungu" ndikasekawo ndokuzoti," Siyanai neni" zvikanzi," Ahiii, uri kufunga kuti kungoita kanhumbu and everything goes as planned?" ndikati," Ndaona maternity akanaka" ndototora phone and he came kuzogara paside vachiti," Api?" and I scrolled ndomatsvaga.
I started showing him vakatarisa attentively vachiti," Iri rakanaka iri, neiri, neiri" kwave kusvika pane rimwe and said," Haaa iri haribude kana iri, haritombokufitei" apa ini ndaive ndatorifarira iroro racho so ndakabva ndati, " Rakanaka wani bamukuru, ndiwo ari mufashion iwaya unenge uchitoslayer naro"
" Aiwa haaa tingatozvirega hedu zvemwana zvacho if you are going to be wearing this. Mwana wangu haapfekerwe zvinhu zvakadai, aiwa haaa maya" he said ndikashaya kuti vaive vazobvuma nguvai nekuti tye last i had checked vaizviramba. Ndakaseka ndikati," Mazobvuma nguvai? Ndoita?"
He smiled ndokuti," Kana uri kuzvida iwewe, I don't want you to be manipulated into doing it and if you are going to do it you won't wear this dress" ndikati," Iri ndotoripfeka iri, handiti nhumbu yacho ndini ndinenge ndiinayo?" kwave kurohwa kambama padama ndichinzi," Aka, kari kutotora kunge zvinhu zviri simple wena" ndikasekenyeka.
Vakatura mafemo vakati," Ndave kubaya amaimwana, I hope mudziyo wenyu maufarira." ndikaombera pachimai chaipo ndichiti," Maita Shava, mhofu yangu" and he laughed loudly ndokuti," Dzokorora futi" ndichibva ndanyatsoita kari kadetembo chaiko giggling. I knew it very well nekuti ndiwo waive mutupo wana2 and kumba kwavo kwaive nechidetembo chacho kumadziro mudining saka takakura tichichireciter zvekunakidzwa kusvika totochigona.
" Muchatipedza mari anaTariro neyamatanga iyi" he said smiling ndikati," Ehe ngaipere" kwave kuzoonekwa futi munhu ave kubuda. Ndakasara ndovhura phone iye kuti ndinyatsoivetter and aiwa raive bango chairo. Ndakatozoita stress ndofunga kuti sisi ndaizovati ndaiwana kupi ndikazvishaya kwave kuona bamukuru voisawo message vachiti," Phone muchati maiwanepi? You know how your sister is" ndikati," Ndiri kutozvishayawo, regai ndinzwe kuti maiguru vanobvuma here kundikavhira"
" Ok but munenge mave kuvati matengerwa nemuface wenyu ka?" he said ndikaseka ndikati," Ahh" zvikanzi," Chii, handisi muface wenyu here inini?" ndikati," Muri kwacho, ndichatii ini ndabva kutengerwa phone?" zvikanzi," Hapana shuwa"
Maiguru vacho handina kuda kuvaitira dzungu, ndakatomboirongedza phone yacho kwave kuvaudza vakati," Tete mave kuita zvevakomana?" ndikati," Mukomana, ione chete" zvikanzi," And that is supposed to be ok? Handiti maiti murikuda kuenda A level imi? Makazodii, mukoma wenyu aitobvunza" since zviri izvo zvandaive ndavaudza zvesure after passing maths. Sisi vaive vatotsigirawo pakuvaudza nekubva vatoti vaibhadhara saka vanhu vaive vototarisira kuti nditange.
" Ndiri kutogadzirira kutanga" I said zvikanzi," Mukoma wenyu anga ave kutoti hanzi akuda kuuya kuzotaura natete achiti pamwe vatanga masketch avo. Kana muri kuenda it's ok, ko iye mukomana wacho akura sei anowana mari yekutenga phone?" ndikati," Takada kungoenzana asi ari kuita attachment kupoly" zvikanzi," Hooo, asi ndikarambwa nenyaya dzenyu idzi pacharohwa munhu. Mumuudze kuti ndoda kumuona futi mukuwasha iyeye"
I laughed ndikati," Ehoi" but I kept it hidden ndichiti kana vazouyawo ndochiiburitsa kuti zvisave suspicious.
Bamukuru vakazodzoka ndikavaudza sisi kwave kuuyawo ndikanzwa votaurirana yenhumbu manje. Bamukuru vaiita semunhu ave kungobvuma zvekuramwa vachiti," Munin'ina ndewako Emma, if you think its right and iye arikuzvida ndingatii? Changu kungokupai sperm rangu asi pakawana chinonetsa handimo munyaya dzenyu" sisi ndokuti," I will make sure nothing goes wrong, I will take good care of her chero zvawaimbocomplainer zviye kuti hee bond rangu naye I want to rebuild it"
He chuckled ndokuti," Nekuti wavekuda kumushandisa?" sisi vakati," This was an eye opener yekuti I need her and munhu wese akakosha." bamukuru ndokuti," Hoo?" zvakaita kuti ndide kuseka.
Sisi vaye vakazouya kwandaive voti," Vazobvuma baba vaye, I'm now worried about vamwe vanhu like ana Pride. Unongovaudza what you told your bamukuru kuti it was your decision handiti?" ndikati," Ok" zvikanzi," Ndave nervous manje" vachikwizanisa maoko avo.
She left bamukuru kwave kuuyawo, avo havana chavakataura kunze kwekungopfuura vachirova dumbu rangu ndikati," Hezvo" and he winked ndokuti," Ndiri kusampler bag remwana wangu" in a whisper making me laugh ndichibva ndatiwo nekazeve zeve, " Mukwane"
*Emma*
I sighed sitting down nervously, B aive azobvuma zvekuramwa hake but ndaive ndisina basa nazvo. Chakakosha was the fact yekuti aive abvuma and I didn't want him to regret the decision. I was going to take good care of Tari and a part of me nekuda kwekubvuma kwaaive aita yaive yotoita fall in love with her zvemasure chaizvo. I also loved the fact yekuti ndaitowana wekupota ndichitaura naye, aitoratidza kuti anga atove munhu mukuru nekuti she understood and comforted me pese pandaitaura naye.
I was realising kuti maybe having her wasn't all bad after all nekuti ane zvaaive akatokosherawo muhupenyu hwangu. Ndaive ndoona kuti I didn't have to view her as a child who ruined my life but as a sister nekuti she was playing the role very well.
Ipapa kakauya a few minutes later ndokuti," Ko zvamunenge matove nestress nhai sisi" ndikaseka ndikati," Iii iwe zvinotyisa izvi, ndinenge ndichitokutyira mhoti? Nekutya kuti ko zvikanetsa once again ndichadii, it's just so stressful." zvikanzi," Don't worry zvinoita muchaona, and I'm going to be ok" ndikati," I hope so" kwakutanga kutaudzwa tumwe tunyaya tusina basa twandakaona kuti kwaitove kuvaraidzwa.
Takabva tatozotaurirana date rekunoona doctor baba vekumbozviti vaisada kunyanya kuve involved ndikazovaudza date racho vakati," Tinoenda, handiti ndipo pavanenge vachinotariswa mainini kuti vari healthy here and so forth?" ndikati," Ehe" zvikanzi," Toenda" and he did go with us.
Doctor vacho vakaratidza kuve neconcern nekuti aive musikana asati amboita mwana but Tari wacho insisted she was ok with it. Vakaita machecks avaida vakati," She is perfectly healthy so apa tave kufanira kuzotora your samples toita the fertilization process then move forward. In the meantime just make sure mainini is well taken care of and she eats healthy so that zvinofamba zvakanaka"
I nodded kwave kubvapo tapihwa date rekuzodzoka just inini naBrighton uyo akabva atosuggestor kuti tiende kulunch. I'm sure he was feeling bad for Tari nekuti the whole time tiri kulunch ikoko he was looking at her, sighing and not talking zvakanyanya. He bought her tunhu tunhu twekudya then said to me," Handiti doctor vati we should feed her well?" ndikaona kuti he thought kuti ndaive ndichiri nepfungwa dzangu dzekudhara.
I smiled ndikati," Its ok, waitabasa. Tiri kutombofanira kukaspoiler zvakasimba, ndanga ndichitofunga kuti titsvage helper. Stay out anopota achimubatsira basa, she needs rest" akati," Ndaitozvifungawo ndichishaya kuti ndozvitaura sei" ndikatizve," Then zvepaperwork yataimbotaura paye I don't think its really necessary since tave kuita naTari. Tinotowaster imwe mari toita zvemalawyers, pachadiwa mari kuti anodzidza kunze so zvitori nani kusaver" akati," Fine by me"
Takanosiiwa kumba kwandaswera ndomuspoiler wo Tariro and ndiyo yakave life yake new one iyoyo. Bamukuru vacho would spoil her nekudivi and I guess it was her pampered girl season nekuti makoti paakauya akamuvigirawo phone yainzi," Ndaibira hanzvadzi yenyu mari kutindiitenge phone iyoyi" Tari akati," Saka akatenga ndiani?" zvikanzi," Ndini ka, handiti ndairisker?" and phone iyoyo yakasara isingaiswe pasi. She would giggle aripo zvakaita kuti ndizomboti," Asi une mukomana nhaiwe Tari?" ndikanzi," Handina ini, ndakamboita ndikamuramba avekuda kuita zvekurara neni" ndikaseka.
Takazoenda kuappointment yedu when it was due tikatorwa masamples aye and got a call a few weeks later kuti zvaive zvatoita. Takazoenda naTari achibva atonoitwa process yacho smoothly Brighton ndokuti," Zvatoita so?" doctor vaye vakati," Yes, chasara kuti kaembryo kacho kachiita attach to the uterus. It might me successful of not successful but we are just hoping for the best"
end of chapter
❤️
👍
😢
🙏
😮
😂
363