Mai Tanny Novels
June 4, 2025 at 08:15 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 20 *Tariro* I felt a wave of relief nekunzwa kuti nhumbu yaivepo zvesure kwave kusekerera mbijana sisi vakati," I'm so happy, rega ndinoudza B. Kwadoctor tave kutongoendera chirango apa" vachibuda ndikasara ndonyatsofunga kuti zvesure ndaive ndatotakura mwana. Unlike zvandaive ndafunga pekutanga zvekuzotakura mwana wasisi apa ndaive ndatakura wangu nabamukuru and it kind of changed the whole issue. Ndaive ndafunga kuti zvaizongondipa the same issue but it was different nekuti izvi zvaipa kaexcitement so. Pfungwa dzangu dzaive dzotofunga kuti aive akaitasei and aizofanana nani futi between me nabamukuru. I sat down sighing apa ndichibata futi dumbu finding it hard to believe kuti maitove nemunhu. I smiled as I rubbed my tummy phone kwave kuita sound yemessage ndikaseka nekuti ndakatongoziva kuti vaive bamukuru. Hana yangu yakaroverera as I took the phone kwave kuona variivo zvesure vaive vaisa message yakanzi," Mama bear" nechimoyo kumberi ndikaseka zvekutogegedzera kwakuti," Mhaa?" zvikanzi," Aren't you supposed to reply zvinoenderenawo nezvandataura?" ndikati," Ndichiti chii?" zvikanzi," Papa bear or daddy bear" Ndakaseka zve loudly ndikati," Ehh" zvikanzi," I'm happy, wave kufanira kuzvichengetedza manje ini zvekuvhiringirwa mwana wangu naTari handidi. Goodnight" ndikaseka ndichiti," Night" Ndakarara ndiine nyemwerero apa ruoko ruri padumbu nekungofunga kuti maive mave nekamunhu kaida kuchengetedzwa. Chero kudya ndakaita kumukirira and appetite yacho yaive yotoita sekunge yaive yaunzwa nekuziva kuti I was pregnant. Sisi vakapinda ndichiridya rino ziplate reporridge vakati," Iporridge here iro?" bamukuru kwave kupindawo vachiti," She is eating for two veduwee" vachibva vaseka vari two ini ndichiita concentrate nekudya kwangu. Vakandisiya voenda kubasa kwakuswera vachiita competition yekunzwa kuti ndaive sei. Ini ndaitove busy checking out baby clothes and items kwave kuzoguma ndoita zvekusanganisa mapicture angu neabamukuru to check kuti mwana wedu aizodii. Mapicture acho aisekesa amwe ari cute kupedzisira ndazotumira bamukuru one. He laughed ndokuti," Ndizvo zvichabuda zvakaita mwana wedu?" ndikati," According to the app ka?" zvikanzi," Anenge ari cute, urikuda mukomana here or musikana?" kwakubva ndambotarisa mudenga ndichifunga. I really wanted the baby to look more like bamukuru so ndakatozoona kuti ndaida mukomana kwavekuti," Mukomana" "Saka zvakarongeka, tese tirikuda chinhu one." he said ndikati," Anenge achinzi Aeden" zvikanzi," Iiii iiii iiii hausiwe unopa mwana zita, uri wondipira mwana zita retumaEx twako? Anenge achinzi B Junior" " Aiwa ahhh zvekupa vana mazita evanhu hazviite, zvine mamhepo" I said sekunzwa kwandaimboitawo vanhu vachitaura Bamukuru kwave kuti," Apa urikuti ndine mamhepo?" I giggled ndikati," Handina kumbodaro ini, I'm just saying mhepo dzinokuteverai dzinogona kuzotevera mwana and I wouldn't like that" zvikanzi," Ndezvako manje, kana ari wangu anonzi Brighton Junior asi kana asiriwo hameno rako rawataura" " Tichaona" I said ndikanzi," Inharo here idzi?" and I giggled ndikati," Ehe" kwavekuti," Ndichakubata" Kwaive kudaro havo but kumba he kept his distance, he would bring tumagoodies and all but zvaingoiswa kukitchen vasingamboite zvekuti tionane sterek. Sisi wo vaive vongoita postpone kuenda kwadoctor kuye nekuda kweconfirmation yavaive vazowana and she was spoiling me rotten. Zvaitomboita kuti ndifeele guilty nezvataive taita nabamukuru and the moments she checked up on me or brought me something were the moments I would remember kuti mwana was supposedly hers. Imwe nguva yese ndaitongofunga kuti ndewangu zvekuti chero musi watazoenda kwadoctor ndaitove neexcitement yekuda kunonzwa nezvemwana wangu. Takatakurana tese tiri vatatu zvekare kuenda kwadoctor kuye kwandakanyepa zvangu kuti ndaive ndisina kutoenda kuperiod. She did a scan iyo yakazoita kuti vatange kushatisa kumeso hana yangu ikarova ndofunga kuti maybe something was wrong with my baby. I became nervous ndikanzwa voti," Takaita procedure iyi on the 6th of May handiti?" sisi ndokuti," Yes, what's wrong? Asi pane zvisina kuita mushe?" and she shook her head ndokuti," No, no. Everything is fine, heartbeat yave kutonzwika" I smiled ndikati," Ndinotoiinzwa?" vachibva vabata bata chimushini chacho tikatanga kutonzwa kuti gidi gidi apa pascreen pachitoburitsa movement. The feeling was beautiful despite the fact that vakati it was still too small kuti tione kana sex yekamunhu kacho. Ini I didn't mind panguva iyoyo ndaingofara chete kunzwa kuti mwana wangu aitove mupenyu achitofema. Chero sisi nabamukuru vaionekawo kufara tikadzokera kumba sisi votoronga pavaizotora leave to care for the baby. Hameno zvazvakaita kuti ndinzwe, it made me feel like she was being possessive considering kuti ndini ndaive ndakatakura mwana asi ivo votoronga zveleave. Ndakaerekana ndatarisa bamukuru vandakaona vatonditarisawo ndichibva ndangotarisa kuside letting her finish her plans ndisisamboteerere. Kumba ndakasvika mood yatochinja kwave kunozvivharira muroom mangu. *Emma* Ndakazvikandira pasofa bag ndichirikandawo kwaro ndikati," Matantrums aTari ka, ini ndatove bhoo ini" kunaB aive atobata remote achibaya baya achibva angoti," Ehh, pachenyu" ndikati," Pachedu handiti mwana wacho ndewedu tese? Munhu anongoerekana angotsamwa, aiwa vana vako vanopengesa iwewe" " Ndisiye zvangu ini" he said ndikasimuka and took a deep breath ndofunga kunonyengetedza munhu wangu. Ndaiita kakumunzwisisa hangu sezvo ndaimboexperiencer wo mamoments akadaro. Ndaingotsamwa chero pasina zvandaitwa but apa ndaive ndoona kubhowa kwazvo nekuti aive ave umwe munhu. Ndakafamba kuenda kuroom muye kwandisina kuzombogara ndawana munhu atorara. Ndichidzokawo kusitting ndakawana B arara kunge aiita nhodzerwa kwakusara ndangove ndega neTV. TV yacho hapana chandaimboona, pfungwa dzaive kumwana wandaive ndotoshuwa kuti mazuva akasire ndimubate mumaoko angu. I really wanted a girl and I already had videos of names aitrender mazuva aya. Aive oda kutoita bubble popper ndiB wandakazotiwo amuka," Huya titsvage ka mababy mames. I downloaded mavideos emazita" ndikanzi," Iiii isn't it too early? Imbomira izvozvo" ndikanzwa kubatikana kwave kuzongozvinyaradza nekuti maybe yaive ichiri trauma yezvaive zvamboitika kumashure. I didn't let him steal my joy from me, mufaro wangu wakatowedzera pakatanga kutokura kadumbu kaTari kwave kutotanga kutenga tupreparation twangu turi unisex. Ndaingoti kungopinda mutown ndotodzoka nekanhu kemwana wangu since ndaive ndazogova zvekudhara. I couldn't wait kuti achiuya zvekuti dai hupenyu hwaiitwa fast forward ndaiita. Tari yaive yanyatsomubvuma nhumbu iyoyo, aive asimba kutoita sekamukadzi kakuru but mamoods ndainzwa nawo. Zvenhumbu yacho chaizvo ndaitoita kubvunza sekumuti," Ave kukicker here mwana?" pandakaona tave mufourth month ndikanzi," Zvekure kure, ndakatozogoogler ndikaona pakanzi mafaint kicks" " Ko kuti zii vasikana? Handiti munoudzawo vamwe kuti mwana wedu ave kukicker?" I asked ndatoita kakubhowekana nekuti i wanted to be involved pazvinhu zvese. I wanted to bomd nemwana wangu kubva achiri mudumbu and Tari was making it a bit difficult. Ipapa akaramba hake akanyarara ndikati," Tave kufanira kudzokera kwagynae tonotarisirwa sex then madates ekusununguka nekuti ndiwo andichazoshandisa pakuapplier leave" " Ko leave muri kuridii? Handiti ndichatozoita zvekubuda after ndasununguka? Ndinenge ndichimuchengeta ka" she said achitoita seaibhowekana nenyaya yeleave yandaive ndataura. Ndakabva ndatoona kunge aive oda kuita attachment nenhumbu yangu and it didn't sit well with me ndikati," Kuti ndichengete mwana wangu, handingati 9 months ari mudumbu reumwe munhu ozvarwa osara neumwe munhu futi. I need to bond with the baby, usakanganwe ka kuti mwana ndewangu iwewe wakangotakura chete. Uchitongosununguka wave kutotanga process dzacho zvekuti nguva nemwana wacho yauri kutaura hautomboiwane" end of chapter
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 369

Comments