Mai Tanny Novels
June 8, 2025 at 07:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*The untold*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 22
(Last free chapter)
*Tariro*
Ndakanzwa kuita weak bamukuru kwave kundiregedza uku hana yangu yoti gidhi gidhi. Thomas uye made it worse nekuseka akati," Ndibamukuru ka ava?" ndikaita," Ehe" yaive faint kunge yemunhu ave negore asina kudya. Bamukuru vaye vairehwa held my hand ndokuti," Handei mainini" tikanzwa anaThomas vachiseka.
Trolley takabva tatongoisiya kwakunanga panze apa ini pfungwa dzichingoita bararamhanywa. Takasvika panze bamukuru vakati," Mupfanha uyu so" ndikati," Ko mandibatorei ruoko? Mirai ndidzokere ndinotaura naye ndimuudze asaudze vanhu" ndakutonzwa kusagadzikana uku ndichitryer kubvisa ruoko rwangu mune ravo.
He sighed ndokuti," Kuti asaudze vanhu kutiiko? Handiti munenge mave kutobvuma mhosva yaasina kumboti tinayo? That's why ndatoita kuti tibve ipapo musati mataura zvakawanda" ndikati," Ave kutonoudza vanhu zve, kuti ndine nhumbu and obvious nekubatana kwatanga takaita achatoti tiri kudanana" but ivo vaitongove calm havo as he said," Zvenhumbu pane patanga tichiiviga here? Handiti vanhu vachatongoziva? Zvekudanana izvo proof yake irikupi? Don't panic Tari, and pamwe vanhu vakatozvinzwa zvinotoita easy for us"
" Easy yei?" I asked and he said," Yekubuda pachena kuti tinodananaka"
" Munodanana nani?" ndakakanuka and he laughed and said," Asi hatidanane here? Ini ndinototi tinodanana ka ini? I have plans for us and anogona kutoita easy kana if everyone knows"
He dragged me to the car ndikaona anaThomas vave padoor reshop kwakubva tapinda mumota muye ini ndichingori a mess. I had a lot of things going on in my mind ndichizama kufunga kuti vanhu kumusha pavaizozvinzwa vaizotii. Yenhumbu yacho ndakatoona kuti yaive nyore isina anoziva ndichingonamata kuti anamukoma vasazive nekuti I didn't know how they were going to react.
As if that wasn't enough position yataive taonekwa tiri yacho was compromising zvekuti ndaitozonzi ndodanana navo which would spoil everyone for me kunasisi. I actually wondered why bamukuru was staying calm zvese nekufunga kuti maplans avaive vataura aive eyi chaizvo.
Ndakatura zibefu vakati," Tariro, don't stress kani. It will be his word against ours, tinongoramba zve. Kana usiri kuda kuti vanhu vazive it's still ok, Emma anenge ari witness yekuti we were together saka there is nothing to worry about handiti?" ndikagutsurira feeling better zvishoma.
Takanosvika kumba ndavenani and he dropped me nekusiya vangoerekana vandikisser vachiti," To calm you down" and I just chuckled watching him leave.
Ndakafara sisi pavakadzoka vachiratidza kuti hapana chavaive vanzwa, vaitongove muhappy mood apa vaine tuhembe tweblue nechichair chacho. Hope dzakatouya ndofunga kuti Thomas aive adecider kungodzikamawo but kuseni seni ndakaona ndofonerwa natete. Hana yangu yakatongondiudza yega kuti something is wrong ndikatodaira ndichiti," Hello" nezwi riri pasi pasi.
" Ko hanzi une nhumbu nhaiwe Tariro?" she said ndikati," Ehe" zvikanzi," Mukazvinyarara naivo amai vako ikoko?" vachitokanganwiswa kuti sisi neshungu ndofunga. I didn't correct her ndakangoramba ndakanyarara vakati," Ndeyaani?" and there was no way I could tell her the truth so ndakatongoti," Haisi yangu iyi" zvikanzi," Haisi yako ndiko kutiiko? Hauna kubvuma kuti unayo?" ndikati," Ehe but ndeyasisi nabamukuru inini valangondikumbira kuti ndivatakurire chete"
Vakaseka chikwee vakati," Ukwane wanzwa? Vachikukumbira kuti uvatakurire chirudzii? Asi mave pabarika naEmma? Ndanzwa kuti wakaonekwa utori naBrighton, ari kuzviziva Emma kuti une nhumbu yemurume wake?" ndikati," Ehe vari kuzviziva ava" apa misodzi yave kuyerera nekuda kwefear yaive yazara mandiri.
"Tariro ka, Tari?" she said ndikati," Sure tete sisi ndivo vakatondikumbira and nezuro patakaona Thomas taitobva tese kuchipatara ivo tikavasiya kuchipatara ndikapfuurira nabamukuru. Handidanane navo ini, Thomas anotonyepa. Ari kurwadziwa chete nekuti ndakamuramba"
" Waidanana nemuzukuru wekwaZindoga?" she exclaimed vombosiya yenhumbu ndikati," Zvekungotambawo, takatongotanga tiri kuchikoro ndichibva ndazomuramba avekuda zvekurara neni. Ndizvo zvamurwadza avekuda kutaura zvekunyepa pamusoro pangu" ndichinyatsotaura firmly to convince her.
" Ende ka, ende futi so ka" she said ndikatadza kunzwisisa ndikati," Mhaa?" zvikanzi," Ndiri kuuya ikoko ndinyatsonzwisisa kuti zvii zviri kumboitika. Makunakuna api amuri kuita naEmma wako ikoko, Pride ari kuzviziva izvi?" ndikatura mafemo ndikati," Havasi, asi tete musauye muchipopota. Handisi kumbodanana nabamukuru ini" ndave kutya how sisi would react to the whole issue.
" Ndati ndirikuuya ikoko" she said and hung up ndikatura zibefu. Phone ndakaramba ndakangoibata mumaoko ndisisazive zvekuita kwave kuona kunge kufanoudza hangu sisi ndega kwaitove nani.
I took a deep breath kuti ndidzikame first kwave kubuda mumagumbeze ndonanga kunotsvaga sisi. I didn't even know what I was going to say and how exactly I was going to say it but I knew kuti however I would do that was better than kuti vazonzwa nemakuhwa or kuzoita kupopoterwa natete.
Ndakanowana vari mukitchen mavaitogadzira malunchbox ndikati," Mamukasei sisi?" with a shaky voice vakati," Hesi, uribhoo? You don't sound ok asi pane pari kurwadza?"
I sniffed misodzi kwave kuti mokoto ndikati," Tete vandifonera vachipopota, pane mumwe mukomana watakasangana naye nezuro paye tichibva kwadoctor nabamukuru. Akanoudza vanhu kumusha kuti ndirikudanana nabamukuru and ndine nhumbu yavo"
She frowned ndokuti," Mukomana? Wekupi?" ndikati," Muzukuru wagogo Zindoga vaye vekumusha, ndaimbodanana naye..." ndisati ndapedza vakati," Waidanana nemuzukuru wamai Zindoga?" ndikati," Kudhara ndikatomuramba achida kurara neni" and her face instantly changed. Vakatanga kuoneka kutsamwa vakati," Wanga wotoita vakomana vekutoita zvekuda kurara navo nguvai? Une mweya here Tariro, waidanana nemuzukuru wamai Zindoga kuti waive washaya vamwe vekudanana navo here?"
Reaction yavo yakandipusisa, I was expecting her to focus on nyaya yenhumbu yaive yozivikanwa but vaitongopopota nezvekwaZindoga. I knew kuti mama vaisawirirana namai Zindoga vacho but tsamwiro yasisi yakaita kundivhundutsa. Handina kupindura vakati," Uri benzi Tari, benzi chairo. Wati hamuna kurara mese?" ndikagutsurira quickly and she breathed out kunge munhu aive abva kufamba rwendo rurefu chairwo.
She paced up and down vabata pamhanza vakazoti," Wati tete vati chii?" ndikati," Vati vari kuuya kuzonzwisisa" vakati," Hapana pavanga vachamborega kuzvinzwa havo, ngavauye. Iwewe just stick to nyaya yedu, handiti takakukumbira ukabvuma?" and I nodded glad kuti yekudanana nabamukuru vaive vasina kuita focus nayo maningi.
" Kwete kuzoita zvako zvekuda kuonererwa nekuona vanhu wotanga kuita kunge wakambunyikidzwa Tariro!" ndikati," Ehoi" zvikanzi" Ayha, ndizvinzwe futi zvekuita zvevakomana. Ndizvinzwe" kwakutombosiya zvefood vonogara pasofa.
Kubasa vakabva vatoti havachaenda but she didn't tell bamukuru the reason. Vakatongoti vairwara tikasara pamba paye voti," Ndayomirira ivo tete, iwewe takawirirana handiti?" vachidzokorora ndikati," Ehe" feeling like a huge burden had been lifted off my shoulders.
Ndakadzokera kuroom kwangu kwandakanowana phone yave nemissed call yabamukuru. I couldn't even text him nekuti Rudo akabva afona ndikanyumwa kuti yaive nyaya yenhumbu chete. I was right, vaitove vese vasikana vakaita kutaurirana kuti," Nhaiwe hanzi une nhumbu?" ndikati," Ehe" zvikanzi naRudo," Tari! Ko iwe wave kuita nhumbu yabamukuru vako chirudzii?"
" Takaita zvesurrogacy ana 2, ndakangovatakurira mwana chete" ndakadaro Runako ndokuti," Iiii Tari, zvinoitwa kuTV zviye?" ndikati," Ehe" zvikanzi," Mbuya Zindoga varikunzi varikuti ndeyabamukuru vako wani? Tatofonerwa namama isu kubvunzwa kana tiri kuzviziva, hanzi wakatoonekwa uchibatwa batwa nabamukuru vako" ndikati," NdiThomas ave kungowedzeredza uyu. Sisi vari kutozviziva zvese"
" Iii Tari ka, tozonyatsotaura" they said ndikati," Iribhoo" and it seems phone yangu yaitove nequeue chaiyo yemacalls nekuti ndichingocutter pakapinda yamukoma Pride.
Iyo yakaita kuti ndidikitire chaiko, muviri wese wakati chakwata nedikita ndichibva ndangoitarisa kusvika yacutter. I switched off the phone completely kwave kuzvambarara telling myself kuti ndauzongomirira kuti vataure nasisi first ndozongopindira ndotaura zvekuti takawirirana.
Kuzvambarara ndisina zvekuita kwakaita kuti ndirare flat chaiyo kwave kuzomutswa nezhowe zhowe zuva rave kutopisa chaiko. Kwainzwika mazwi evanhu vainetsana ndichibva ndasimuka kuda kunonzwisisa zvaiitika ndizonzwa mukoma Pride vachiti," Une hutsinye Emma, kana varoyi vanotora manotes kwauri. Mwana wako Emma ndiye waungatakurise mimba yako? Wakazomuda riinhi zvekuwirirana kuti akuitire nhumbu? You used her, haunzwewo moyo wako kurwadza here? Saka zvekunodzidza kunze kwenyika zvawaitaura mubhadharo wekukuitira mwana? Ruining her future for your selfish reasons haurwadziwewo chero usingamude hako, uri muroyi Emma"
I was trying to add one and one pakabva papindirawo izwi ratete richiti," Ndatya nazvo ini Pride, ndatya kuti munhu anoshinga kuti mwana wake musikana aite nhumbu yastepfather. Apa mwana anga odanana nehama yake uku nokuda kwehupenzi hwake futi and ipapo ndinotoblamer tese kubva kunamai vako takakuregerera. Zvino nhasi handisikubva pano ndisina kutaura chokwadi, murume wako naTari wacho vanofanira kuziva kuti ndibaba nemwana. Anofanira kutozviziva Tari kuti akatakura mwananin'ina wake ende tobva tamuudza kuti kumusha kwake ndekwaZindoga. Takujaidza makore awanda hubenzi hwako hwave kutoenderera" and I closed my eyes comprehending what they were saying ndikati," Ahhh?"
end of chapter
*The book is now on sale* Promo is still on till Friday 13/06/25
Ecocash or Innbucks 0782623403
$1.20\ 40zig
Airtime (Netone) $2
Ott/One for you voucher 30r
After payment inbox 0786093238 your proof of payment moiswa kugroup kuchauya book kusvika rapera.
❤️
😮
👍
🙏
😢
😂
227