Berlin's Writings
June 3, 2025 at 10:04 AM
Follow Berlin's writings channel for this book and more updates.
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
For those vane nungo dzekutsvaga machapters ekumashure muMain channel, vhurai back up channel munoona machapters *eBlind wink* ese arimo.
Berlin's Writings Back Up channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029Vb6MTpt8kyyPX8SHNg2O
*Blind wink*
by Berlin
0712025728
Chapter 14
*Nyenge*
Daddy hameno zvavaive voda kutaura vachibva vazonyarara pavakandiona.Tete vakatanga varidza tsamwa ndokuzoti "Hevoi mainini" vachiuya kwandaive ndiri.
She gave me a very tight ,type yehug yandaive ndakapedzisira kupihwa nehama panhamo yaamai vangu. Vakatarisa daddy signalling something to him ,ndokuzoti kwandiri "Hesi mainini, muri sei" ndikati, "Ndiri bhoo Tete."
"Sure here iyoyo?"
"Sure vari sei babamukuru nana Lo?"
"Vari bhoo parisei pamba penyu pano?"
"Pari bhoo apa Tete."
Pavakangondisiya chete ndakabva ndatarisa daddy, nyaya yavaive vataura ndaive ndainzwa. Kwandiri he looked shocked zvekuti ndakatoona kunge tete vaive vatotadza havo kuona.
Havana kuzomira vakabva vabudawo mukitchen mataive tiri Tete vakasara voridza tsamwa yeshungu vachiti "Zvinoitawo here izvozvo nhai zvaitwa nababa Ruvheneko?" Ndakatomboda kudaira kwakuzoona kuti vaitotaura naaunty who was behind me.
Aunty being a worker havana kuda kucommentor vakabva vangoti "Mmm Makadii Tete?" vakanzi, "Ndiri nani.Shuwa tinoitaura tichiti kudii kuhama dzamaiguru nyaya iyi?" Again havana akavadaira asi havana kuzvitsvaga vakabva vatosimudzira vachiti "Apa munhu oda kunyepera kusaziva zvake kuti munhu wake ane mimba ,handiti ndiyo yakaita auye panapa mimba iyoyi?"
"Kuti vane nhumbu here?" Aunty vakazobvunza mubvunzo wandaitodawo kubvunza vakanzi, "Anayo uyu.Panhumbu ngavatonyepera vamwe kwete ini, ndatokaona katumbu karipo apo, pamwe hakasi kavo futi nekuti kushamisika kwavaita hakusiko!"
"Pamwe matadza kuona Tete" vakaramba vodaro aunty vakanzi,
"Inini ndinoona manje, kuona chaiko,ndatoiona akafuratira dai mamutarisa pazasi pemusana apa.Pake pakanyanya kupinda mukati, kupinda kwawo mukati kwakatosiyana nekwangu uku kwekuchembera kwake ndekwe mimba ende ukaona yakuoneka kudaro ka, atove mamonths akati ooh.
Pamwe zvi3 kana 4 chaidzo hatingaiise patwo iyi."
"Hoo ,bva tiri kudzidza zvakawanda handina kana chandaona."
" kureva ka kuti yakaitwa manje manje, kana kuti vakatotanga havo kudanana nemunhu wavo iyeye maiguru vachiri vapenyu."
Hapana akavadaira vachibva vatura zibefu kwakuenderera voti
"Ndakafonerwa naYambuko nehusiku achiti Tete ndozvaita baba kuno, akachema mwana achindiudza nyaya iyi, shuwa vana vanofungei nemaitiro akadai kana ndimiwo?"
"Zvakaoma Tete."
"Kana ivo vabereki nehama dzamaiguru vachiri kuchema mwana wavo vanoti chii?Tichadziudza kuti chii?Handiti dai vakabvuma mainini Rudo nyaya yacho ichinzwisisika ,manje kuvaramba vachinotora mumwe kwabva kwatoburitsa pachena kuti pane zvavanoziva panyaya yakazoita kuti maiguru vafe."
Ndakafambisa chair yangu kwakuvasiya vachipopota mukitchen imomo vachitaura nemunhu aisadaira zvinoenda kure.
Aunty vaingoita ma"hmm" nema "Zvakaoma."
Ndakanzwa phone yangu kupinda message ndikaona dziri new number dzaive dzasenda message hanzi "Hi."
Ndakatanga ndatarisa profile picture kwakutoona ari Shelton ndikapindura ndichiti "Zviri sei?" zvikanzi, "Bhoo, ndakakumbira aunty number dzako, ndine munhu ari kuda kuona your drawings."
Ndaive ndazviudzwa hangu zvekukumbira kwaaive aita aunty number dzangu achiti aive nemunhu aida madrawings angu so ndakangoti "Hoo" zvikanzi, "Yaa uri sei?"
"Ndiri bhoo."
"Uri kupi,ndakusuwa."
"Kundisuwa?" ndakanyepera kakunuka izvo kwaani, mumoyo muri kufara zvikanzi,
"Ehee ,ndanga ndajaira kukuona panze , haungobuda here ndikuone."
"Unondirovesa naRose."
"Huya ndikuudze nezvaRose handiti wakazonditiza paye ndisati ndakuudza nyaya yangu."
"Handisi kubuda hangu ikoko" ndakadaro hangu asi kamoyo kaive kakutodokwaira kuda kubuda zvikanzi, "Haudaro Nyenge, horaiti chingomira padoor ndokuona from a distance."
"Handisi kuda" ndakaramba ndodaro ndichitonakidzwa nekumuvhairira achindinyengerera kudaro.
"Saka uchabuda rini?"
"Hameno pamwe mangwana.Wamupa here number dzangu shamwari yako iri kuda madrawings yacho?"
"Ndamupa hangu achaisa message manje manje."
"Iri bhoo" ndakadaro paye kwakubva ndatobuda pawhatsApp paye ndichiita kufarira effort yaaive aisa yekunditsvaga.
Ndakazovhiringwa natete vakatevera kwandiri vachiti "Mainini ndanzi nditaure nemi naRuvhi,hanzi ari kuuya kuzokutorai.Zviri kuitika pamba panapa hazvidi muri mega mega baa."
*Sinikiwe*
Ndaitove busy zvangu kutaura nagogo vaive vakundiudza hanzi "Wakaita raki, sekuru vako vakasara vosvika hanzi ko Sinikiwe aripi ndikati ko handiti wakamudzinga?" ndikati, "Pamwe vaifunga kuti ndichiripo."
"Vanopenga ava munhu kubva adaro shuwa?"
"Pamwe vaida kuti ndidzidze gogo."
"Anonzi adzidze ndiye anenge akamboita zvimwe manje pauri zvaingooneka kuti yaive mistake, inga wanga wamboedza wani kuzvichengetedza."
Ndopakabva papindawo vaMatanga ipapo.Face yavo yaitoratidza kuti vaive vakatsamwa, ndakangofunga kuti pane mashoko avaive vachinjana nesister yavo kwakutodimbura call iye ndichiti kuna gogo "Gogo imi ndokufonerai" zvikanzi, "Ehoo!"
Vakafamba Mr Matanga vakanogara pabed vakatarisa madziro interlocking his fingers together. Pandakaonekana nagogo I was expecting him to shoot manje vakaramba vakaita zvavaive vari ndikashaya kuti ndobvunza kuti pane zvaitika here or ndonyarara hangu.
Takambotora nguva takanyarara vachibva vazoti "Sinikiwe" ndikati, "Yes Mr Matanga?"
"George!"
Ndakamedza mate kwave kuti "Yes George" apa richiita kundiremera zita iroro zvikanzi, "Are you pregnant?"
Waive mubvunzo wandainge ndisina kutarisira kana zvekuti ndakavhunduka ndikambonzwa mate ese achioma kuti gwaa mukanwa.
Ndakazongokwanisa kuti
"Huuh?" ndave kufunga kuti zvimwe ndaive ndatadza kunzwa hangu .
He turned to face me ndokuti "Ndati une nhumbu here?" ndikamboda kunyepa asi ndakatadza kwakubva ndazogutsurira musoro ndichitambisa nzwara vakaita ,"Hee?" yakaita kuti ndide kutiza.
Ndaona kuti pangu paive poda kundiperera ndakabva ndakasika kuti "I am sorry" zvikanzi, "Sorry iri kureva kuti you are confirming kuti une nhumbu?"
"Yes ,ndinayo."
Without warning akaerekana angosimuka ndokutanga kuita back and forth achifamba panzvimbo imwe, muttering to himself zvinhu zvandaisatonzwa kana.
Paakazomira akabva azvirova kumeso neruoko trying to process the news ndokuzoti "Why usina kundiudza?" ndikaramba ndiri zii iye achibva ambonditarisa kumeso as if he were searching for answers there.
Aona ndiri zii ndipo paakazoti "Waisafanira kuva uine nhumbu!No mhani!" ndikati, "I am sorry."
"Sorry haisi kana kumboshanda Sinikiwe, you were supposed to tell me ,at least dai wakandiudza ndaiona zvekuita kana kutsvaga plan."
"Kutsvaga plan yacho ndokwandaitotya ndosaka ndisina kutaura."
Ndakada kuti nditaure achibva asimudza ruoko achiti "Chimbomira, tinozotaura.Zvandanzwa zvakwana. Bp yangu yakatokwira already, inyaya yekutadza kuprocessor zvinhu , ndakawandirwa , saka chimbondimirira ,we will talk ndagadzikana."
Haana kuzomirira mhinduro akabva abuda ndikasara ndave kuzvituka ndave kuti dai hangu ndakangotaura.
Apa ndaive ndakuona basa rangu richipera ndave kushaya kuti ndaizobatana nei.
It was now my turn to do some pacing back and forth rehearsing zvekuzotaura kana vaMatanga vadzoka.
Ndakagara kwechinguva vasina kudzoka ndikazonzwa ndauya kuzogogodzerwa door.
Ndakasimuka kubva pandaive ndazogara pacouch ndikaenda kunovhura ndichitya kuti zvimwe aigona ari mumwe munhu kwakuwana vari aunty, the helper.
Vakasekerera vachiti "Ko Maswera" ndikati, "Mushe zviri sei?"
"Mushe ,handei ka kusitting uko, manyanya kugara muri mega kuno" ndikati, "Aaa ndinogara hangu" kuri kuzeza kuzosangana nevanhu vaingopopota zvikanzi, "Don't worry Tete vabuda zvavo, handei."
Ndipo pandakazotevera kulounge kuya ,musikana wepa wheelchair aive agara zvake pasofa ari busy nephone yake.Pandakapinda ndipo paakabva asimudza meso kwave kusekerera achiti "Maswera sei" ndikati, "Ndaswera bhoo uri sei?"
"Ndiri bhoo zvangu."
Aive akanaka aine a bright smile.Ndakaona zvekare kuti aive akafanana nababa vake zvisingaite and airatidza kuti aive munhu akanyararisa.
Food yakaita ,tikadya tese tiri three tichiona hedu Tv.Maive musina nyaya dzakanyanya vaviri ava ndivo vaimbotaura nekuseka programme yaionekwa.Ini hapana chandaizivapo, kwedu kuHaifiridzi taive takajaira hedu kuona Starlife chete paOpen view naambuya vangu,ndoyaiteverwa kubva makuseni kusvika manheru.Izvi zveDSTV zvaitove zvitsva kwandiri.
George akazodzoka tatopedza hedu kudya achibva ambotaura nemwana wake ndokuzondidaidza kuti ndimutevere to our room ndikatevera.
Ndakasvika atogara hake pabed ndikapinda ndikanzi ''Vhara hako door" ndikavhara ndokufamba ndichinogarawo pacouch.
Takambotora nguva takanyarara achibva azoti "Yaa ndadzoka, ndoda undiudze chokwadi, asi uri married?" ndikati, "No , I am not" ndichiita kuzunza musoro."
"Muridzi wenhumbu ari kupi?"
"Handisi kuziva kwaari but akairamba nhumbu yacho akatotiza kubva kwandaisiziva achigara."
"Kutiza chaiko?"
"Yaa but haanetse hake kuwana kuri kunzi ndada zvangu kumutsvaga asi ndakangoti kana aramba haasi wekumanikidza."
"How far are you?"
"Ndinenge ndave kusvika mu4."
"Unenge?You are not even sure?"
"Yes."
"Hausi serious!Ko kumba asi wakaita zvekudzingwa or wakatiza?"
"Ndaigara nagogo, mama vangu vakashaya handiti I told you?"
"Yeah"akadaira achidaro uku achigutsurira musoro with his arms folded.
Ndakaenderera ndichiti
"So sekuru hanzvadzi yamhamha yakanditi ndibve pamba pagogo, ndosaka ndaive ndisisasarudze kuti raive basa rei.
Ndaive ndisina kwekuenda. Chimwe zve chakaita ndisataure nyaya yenhumbu inyaya yekuti ndakambowana rimwe basa, tikatowirirana nemurungu achibva azoti haaikwanisa kunditora nekuda kwenhumbu" zvikanzi,
"Munhu ane nhumbu anonetsa Nikki especially idzi dzekutanga idzi , kunenge kuri kuto risker, handiti unoona kana munhu akatoroorwa chaiye anotoendeswa kumasungiro.Kunenge kuri kuitira iyoyi nyaya yekuti incase something happens."
Handina chandakapindura ndakaramba ndakatsikitsira pasi iye
achibva ambotora nguva akanyarara ndokuzoti "Ko baba vako?" ndikati, "Handivazive, mhamha vakashaya vasina kundiudza kuna baba vangu or hama dzavo chaidzo."
"Uchida kuvatsvaga unogona kuvawana hako, hauna kana chauinacho here or chawakaudzwa?"
"Handina."
"Kana zita?"
"Handirizive ndinoshandisa surname yaamai vangu."
"So uri kuda kuti mwana wako ari mudumbu agokurawo asingazive baba vake?"
"I have no choice."
"Uyo akapengereka uyo achadzoka.Yako situation yakanaka pakuti unomuziva.Kana iye asingade you can deal nehama dzake ,mwana owanawo zita."
"Hameno ndikazvigona munhu iyeye akandigura hake kunorira."
Akaita kakuseka so ndokuzoti "Varume vanoita zvausingafungire kana ukangoita nhumbu chete, even murume ari mumba chaimo nemukadzi wake pakangoitwa nhumbu asina kuzvitarisira anotonetsa.Handizive kuti chii chinoitika, ndakatombodaro Ronica paakaita nhumbu yaNyenge, our last born" he paused kwakumboseka akatarisa mudenga ndokuzoenderera achiti, "Takatombonetsana asi nekufamba kwenguva ndakazozvitambira hangu and ipapa apa handiti ndatove neshamwari."
"Yaa munowirirana naNyenge,apa akafanana nemi sei?"
"Takafanana?"
"Zvisingaite."
Vakambosekerera ndokuzoti "Varume vano panicker,uchatozoona after papera kanguva,afunga zvakanaka munhu iyeye achiuya achiti mwana wangu" ndikati,
"Handifunge kudaro ini."
He let out a huge sigh ndokuzoti "Saka apa nhumbu yave kuzivikanwa pano and hapana pandingakudzinge, tinotongoenderera mberi nenyaya dzedu. Handizive tichazoita sei kumberi uko , asi for now ndini muridzi wenhumbu,handiti ndizvo?"
Ndakatadza kudaira nemuromo misodzi yave kubuda kwave kungogutsurira musoro zvikanzi "Ndichaona kuti tingaende kwadoctor rini, we need to get you checked out and make sure everything is fine mukati umo."
Zvaitaurwa munhu akaita kutarisa dumbu rangu and again I nodded zvikanzi "Why isingaoneke nhumbu yacho, asi wakasunga?" ndikati, "Ndingori munhu ane flat tummy maybe ndosaka isingaoneke."
"Haa wakasunga hapana zvekuti flat tummy apa."
"Handina zveshuwa" ndakadaro ironing my tummy neruoko kuti vanyatsoona kuti hapana chaive chiripo zvikanzi,
"Manje richatozokurawo iroro?"
"Hameno, pamwe."
Maziso akamboramba angori padumbu paye vakapedzisira vakwidzira mapendekete uku vachibhendesa muromo ndichibva ndazoti,
"Mazonzwa nani?" zvikanzi,
"My sister, Mai Lo ndiye azviona ndikatombomurambira."
"Sorry."
"Ndoda kuzoiona iyo ex yako yakaramba musikana akanaka-naka kudai."
Ndakaita kakunyaririra ndichitarisa pasi ndichiti "Pamwe muchamuona" zvikanzi, "Ndoda kutomuona.Dont stress yourself, hausiwe watanga kuzviitirwa izvi,kunze uku variko vakawanda vakangoita sewe vamwe vakatoitirwa zviri worse.Ukazvipa time nekuzvibata bhoo unotozowana mumwe ari bhoo, anotokudai mese nemwana wako."
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
394