Berlin's Writings
June 4, 2025 at 04:55 AM
Follow Follow Berlin's writings channel for this book and more updates.
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
For those vane nungo dzekutsvaga machapters ekumashure muMain channel, vhurai back up channel munoona machapters *eBlind wink* ese arimo.
Berlin's Writings Back Up channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029Vb6MTpt8kyyPX8SHNg2O
*Blind wink*
by Berlin
0712025728
Chapter 15
*Rudo*
Ndakaita kushatisa chiso pandakaona vamwe Mai vaive vakazadza zitrolley vachiuya kwandiri.Apa ugoona vaive vachitosiya imwe till yaive isina munhu vachiuya havo paneni apa ndaive ndichangopedza ku-server munhu aive nerimwe zitrolley raive rakazara.
"Mamuka sei?" vakadaro mai vaye vaipusha mwana mutrolley ndikadairira mumhino kwakutanga kuchaya zvinhu zvavo zviye one by one kusvika zvapera.
Ndakavatarisa kwave kuvabvunza ndichiti "Plastic bag?" zvikanzi, "Isai maviri" ndikaisa ndokuti, "Cash or card?"
"Ecocash."
Ndakapindurudza maziso while initiating the Ecocash payment request on the till system.
Ndakatendeudza PIN pad kwavari mother vaye kuti vaite enter her phone numbers vachibva vanditarisisa ndikati, "Isai number" munhu kwakutora hake nguva achibaya baya.
Pakuda kuita enter she pressed the red button kwakucanceller zvavo, ndikavatorera pin pad iye kwakuvabvunza phone number vakadzitaura, ndikavaitira.
Zvandainzwa zvacho zvaisatoda izvozvo.
Vaive vabata phone waiting for message yepin, but pavakaisa pin pacho makabva manzi insufficient funds ndikanzwa kusvotwa.
Apa ndagara ndaive ndichitosvotwa nechekare nenyaya dzangu , ndakavavhurisira ziso ndichiti "Haisi kukwana tsvagai chekubvisa" vachibva vabata kapacket keyoggi ndikati, "Mumbori nemariiko, yoggi iyoyo yamuri kubvisa inongoita 60c chete" vachibva vambobata-bata phone yavo ndokuzotarisa amount yavaive vainayo ,ndikavaudza mari yavaifanira kubvisa kuti zvigokwana.Dai yaive shop yangu Mai ava ndingadai ndakavapedzera shungu dzese dzandaive nadzo, manje kana uri mushandi unenge uchifanira kungozhinya otherwise unozonzwa zita rasvitswa kuvakuru.
Vakanhonga nhonga one or two pagroccery ravo vakabvisa ndichibva ndadaidza manager Mr Mandaba to void the transaction.
Pandakazopedza namai ava ndaive ndaita kuneta chaiko,I checked my time ndikaona lunch dzatokwana kwave kuisa closed notice yangu ndokubuda.
Ndaive ndisina nzara yekuda kudya kana, moyo wangu waive wakaita kusviba chaiko nekuda kwezvaive zvaitika kumba.
Kungofunga musikana aive aunzwa kumba nababamukuru kwaiita ndidedere.
Ndaiti ndikangovhara maziso kudai ndotoona face yake kumeso kwangu.
Pamwe dai zvaive zvisina kumbotaurika kuti ndiite mukadzi wababamukuru ndingadai ndakazvitambira, manje kutaurika kwazvaive zvaitwa kwaiita kuti babamukuru ndivaone nerimwe ziso.
Ziso rekutoona kuti paive pane zverume chairo.Ndini ndainge ndatove pamberi kuvanzwira sugar.Kungofunga nezvavo kwaiita ndimerere.
Paive paunzwa Sinikiwe ndofunga babamukuru vaive vafunga kuti ndaisazodzoka pamba pavo ,asi handina kudaro.
Ndaive ndakatodzoka kubva kubasa kwakuwana vanhu vachinzi vaive vaenda out for dinner moyo ukaita kutsva.
Ndakazviudza kuti ndaizogomera ndiripo,hapana kwandaizoenda hangu sezvo ndaive ndakatopa landlady wangu notice yekuti ndaive ndakuda kubva pamba pake.I am sure aive akutotsvga mumwe munhu wekuisa muroom mandaigara chete.
Manje kuzomuudza zvekare kuti handichada kubuda zvaive zvisisaite aizondiona kunge benzi.
Betty ndaive ndakamuudza nyaya yekuti ndaifanira kuita mukadzi wababamukuru asi ndaive ndaitaura ndichiita kunge ndisiri kutozvida kuri kuda kuona paive nepfungwa dzake.
Aive atondikurudzira hanzi "Ramba shamwari, unoridii dhara rinogona kutongokufira anytime?You are beautiful iwe unozviwanira wako ari nani" asingazive kuti ndaive ndatoperera padhara ipapo.
Ndakabuda zvangu ndokunanga kuSimbisa brands ndikanogara kuPizza inn since kuriko kwaisanyanya kuzara.Ndakagara neche kucorner chaiko ndaive ndisitorina mari yepizza yacho but ndaida kungowana pekuzorora ndichifunga nhamo dzangu.
Ndakamboda kufonera mama then quickly went against it, mama vaigona kutaura zvandaisada kunzwa so I called Tete mbuya Faina.
Vakadaira vachiti "Eeh Mancube" ndikati, "Maswera sei Tete?" sezvo ndaive ndakapedzisira kutaura navo mazuva mashoma aive apfuura zvikanzi, "Ndiripo mainini kuri sei kuHarare?"
"Tiriko Tete tichingotatarika zvichitoita."
"Ndiko kuti zviite, kuri sei kunew house?"
"Tete ka ,hakuna zve new house izvi babamukuru vakaunza mukadzi!
"Mukadzi?"
"Chete ndikati mukadzi ndinenge ndanyepa iyeye musikana Tete,musikana chaiye ane zamhu riri kutooneka kuti harina kumbobvira ranwiwa."
"Usanditaurire!"
"Ndiri kutokuudzai, babamukuru vatori nekakadzi kechidiki, ikako Tete ka ndiri kuona kunge ndiko kakaita kuti mai Ruvhi azviuraye chete!"
Ndaive ndakutaura neshungu, misodzi ,madzihwa zvichibva zvatiwo tawana mukana ipapo kwakutanga kutanga kubuda.Kwaive kusisiri kuchema rufu rwasisi asi kutochema yandaive ndatambwa nababamukuru ndisingafungire iyi.Ndaive ndatambwa yakapenga chaiyo.Aive munhu uya wekuti taisatomufungira kuti angaite zvakadaro, zvimwe ndaigona kuvafungira asi zvekuzounza musikana wechidiki uyu ndaive ndisina kana kubvira ndakambozvirota.
"Aiwa muzukuru, isu haticheme varume isu, usadaro kana" vakadaro Tete hameno vaive vaona sei kuti ndaive ndisiri kuchema sisi ndikati, "Apa ndanga ndatoudza landlady wangu kuti ndave kuda kubuda. Ndiudzei kuti ndichamuti chii?Handiti anenge atotsvaga mumwe wekuisa mumba make."
"Babamukuru vako ava vakatoroora here?"
"Vari kutogara vese ava Tete."
"Zvehunzenza ka kwete kuroora!Hauone kuti zviri kuitirwa kuti uore moyo?Nekuti dai zviri straight vaifanira kutiudza isu, vaitofanira kutisuma kuti vave kuda kuroora.Manje hapana chakataurwa. Usazvidye moyo nezvinhu zvemahara izvo, garirapo Rudo paimba yemukoma wako."
"Zvichiita here Tete?"
"Kutadza nei?Garapo pakaita akubvunza ita wakagarira Nyenge!Iko nyaya yacho iyi kwandiri haisi kunyatsondibudira, vakazozvitanga rini baba Ruvheneko zvekungwara pamadress izvi?Wakanganwa kuti vaiita sevakapihwa chipotanemadziro chaicho nasisi vako vasingade kana kubva padhuze pavo.Inga sisi vako vaigara vachitaura kuti havaite izvozvo?Aiita kunge akapfuhwirwa ka uya nehunyoro hwake, handifunge kana ari mukadzi kwaye waaunza ikoko ini!Dhuze ipfambi chaiyo yaari kuda kungokudhinha nayo chete!"
"Kuti kudaro here Tete?" ndakadaro ndopukuta misodzi zvikanzi, "Ehee ndoona sekudaro.Uya ndinomuziva, iwe garapo, kwikwidzawo ipapo tione anohwina.Nekuti uri kufanira kutoita zvese zvaungagone kuti uonekwe Rudo nekuti shuwa ukasaonekwa iyo mari yechikwereti yatakatemba newe tinozoita sei?"
"Imbori marii Tete yakakweretwa nasisi yacho?" ndakabvunza ndapedza kutura mafemo zvikanzi, "Kusatoudzwa kutoreva kuti hauikwanise wega,iwe ita zvandataura chete.Kana wakutama zvinhu unogona kuendesa kwaDebra uko kuitira kuti usaite mikwende hobho."
"Ehoi tete."
"Usatyiswe iwee,zviya hausati wakambogara nemurume?Unongotyira kure ka, ndizvo zvinoita varume izvozvo vanovhunditsira.Varume vanotoda chisoja ava kwete kutanga kuchema musati magara mese kudai."
"Ndazvinzwa Tete."
"Unodhuvawo chinono zvese nenhetemwa muzukuru wangu, taifanira takutotaura kuti kemazheve katobumba mudumbu umo!"
"Tete ka."
"Ndiri kukutaurira."
"Aiwa ndazvinzwa ndinenge ndichizongokubatai kuti zvakamira sei."
"Zvakanaka mwana wehanzvadzi, aiwa ita kuti tisanyadziswe."
Ndakatozotanga kunzwa zvakanaka after talking to Tete.
She was indeed making sense panyaya yavaive vataura yababamukuru.
Ndakatoita hope mbijana zvekuti pandakatopedza basa ndakatopfuura ndichitora dzimwe hembe dzangu kumba.
Ndaive ndakubvisa zvishoma nezvishoma zvekuti musi wandaizotama ,zvainge zvasara zvishoma.
Ndaisaiswa manails kukura kwangu kwese asi ipapo nekuda kwakuti ndaive ndaona musikana wababamukuru akamaiswa ndakabva ndatoti ndaizotomaiswa chete.
Pandakasvika kumba kuGlenlorne aunty vanenge vakatoshamisika nekundiona ndichisvika ndiine kabag kakati kurei.
"Maswera?" I greeted her zvikanzi, "Ndaswera maswerawo sei?"
"Bhoo ndibatsireiwo nepapa ndanzwa" ndakadaro ndichivatambidza kabag kangu tikafamba kupinda mumba.
"Ko Nyenge aripi?" ndakabvunza ndaona zii zii yacho zvikanzi, "Auya kuzotorwa namai Nakiso."
"Hoo Mai Nakiso anga auya nhaai?"
"Vatobva panapa manje manje so."
"Hanzi chii namai Nakiso?"
Vakanyepera havo kudzungaira voti
"Hanzi chii nenyaya yei?" ndikati, "Yababa vake ka."
"Umm hapana zvandambonzwa vachitaura, vangouya kuzotora Nyenge kwave kuenda."
"Hoo, ivo varipi baba Ruvhi?"
"Kitchen."
Ndakaisa bag rangu pakanaka ndokubvisa hembe dzekubasa ndichipfeka kamwe kadress kangu kaitevera muviri.
Ndakanyatsokadzikisa zvakanaka kuti cleavage yaive yakatsvukira ibude kwave kunanga kukitchen ndichifamba ndichiita kunge ndiri kufamba kuenda kukitchen kwandaive ndaudzwa kunzi ndokwaive nababamukuru.
Ndakavawana vakagara zvavo kakadzi kakadzi kacho kachibika. Vaitotaura nyaya dzavo vachiseka.
Ndakapinda ndokumbomira padoor ndakavayeva kwakuzoti "Maswera sei Shumba" zvikanzi, "Ehee madam Maswera sei?"
"Bhoo zvangu, asi nhasi hamuna kuenda kubasa?"
"Ndatove netwo days ndisiri kuenda."
Ndakapima iko kakadzi kacho ndokuzofamba zvangu ndichienda kufridge, ndokwaive kwakatarisa babamukuru.Ndakaita kukotamira iko kuna babamukuru kwave kutanga kuita sendine chandiri kutsvaga mufridge muye.
Ndakatora nguva yangu ndikazonzwa ndonzi "Maswera sei mainini" naiye Sinikiwe ndichibva ndaramba hangu ndakanyarara.
Ndakatora water bottle kwakubva ndadzokera hangu kwandaive ndabva ndisina kana kumupindura.
Ndave kuda kutobuda ndopaakabva ati "Mainini dress renyu iri handisi kurifarira pano" ndichibva ndamira kwakumboti zii ndichifunga mashoko chaiwo ekupindura ndokuzotendeuka ndoti, "Radii?" uku ndichipindurudza maziso.
"Rakanyanya kushama kwacho, munoripfeka somewhere kwete pano!"
"Nemhaka yei?"
"Harisi kundiitira."
"Haundirambidze kupfeka zvandinoda wanzwa?"
"Pano ndini ndave mai vepo, chandinenge ndaramba ndinenge ndatoramba.Kana musiri kukwanisawo kuita zvandinoda zvacho tinenge tatove nedambudziko guru chairo, kugarisana kwacho kunenge kwave kutonetsa."
Babamukuru vaive vangori zii zvavo vakatarisa vasiri kana kutombotaura chinhu.
"I hope tanzwisisana mainini, handisi kuda kuita this type of conversation with you again" handina kumbodaira ndakangobuda muya ndichiita kunzwa kubitirwa.
Ndakatsvaga kwaive naaunty avo vandakaona vachipeta hembe dzaNyenge muroom mavo ndikangosvika ndichivaudza zvaive zvataurwa naSinikiwe. Ndakarudunuka zvese vakanyarara, pandakapedza vachibva vati "Kana muchitoda kugara pano kutongoita zvavareva" ndikati, "Handiite ,ino imba yasisi vangu.Kana achifunga kuti ndichabva akaitoirasa zvake hapana kwandiri kuenda. Achabva hake achindisiya pano!"
"Havana kwavanoenda avo handiti vatori nenhumbu?"
Ndakaita kuvhurisa maziso ndichiti "Nhumbu?" zvikanzi, "Ehee, tese taive tisina kutoiona ,tete mai Lo ndivo vakatoiona ende itoripo zveshuwa, hapana kwavanoenda ava she is here to stay."
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
402