Berlin's Writings
June 4, 2025 at 10:01 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *Backstage* Written by Berlin Magaya 0712025728 Chapter 12 *Bethany* Ndaive mumagumbeze hangu asi ndaive ndisina kana kurara hangu.Hope dzacho ndaive ndisitorina apa ndipo pandaive ndisina zvekare kunyatsorara the previous day.Phone yaive yakaita kuflooder nema messages kubva kune vanhu vana siyana-siyana. Vamwe vaive ma fans angu aida kuziva kuti ndaive ndiri sei.Vamwe vaive worried zvekurevesa koti vamwewo vaingodawo kungpzivira miyedzo. Vamwe ndovaive vatowana pekundibatira nenyaya idzodzo.Pakataurwa zvakawanda kani, vamwe vachiti ndaive ndakasiirwa nyaya yechihure, vamwe vachiti hwaive hungomwa.Vamwewo ndovaitorukanisa nyaya dzisipo  ,munhu kutokunyepera kuti wakadai ,ugodai kuri kungoda kuti nyaya ive nehuremu chete. Paivewo nema family members angu aive asendawo mamwe mamessages ,vepedyo ndovaive vatoita kufona kuri kuda kuziva kuti ndaive ndiri sei since ndaisanyanya kuvhura mamessages. Kutaura chokwadi ndaive ndiri kunzwa kunonzi kurwadziwa.Moyo uyu waive uchiita seusisiri wangu,kuita sewaidzurwa from its position zvine simba.Ndakachema ,ndikadii but it did not lessen the pain.Kana pain yepandaive ndakarambana naNick chaiyo haingambosvike pane yandainzwa ipapa. Kuuya kwaive kwakaita madivorce papers naTongesai handina kunge ndamboziva kuti mumwe wangu aive atoita move on kudhara.Kuzoziva kuti aive aita move on kare kwakaita kuti nditange kuto doubter rudo rwake kubva kudhara.Ndaizvibvunza kuti aitombondidawo here kubva pakutanga ndichishaya mhinduro. Dai aindida aigona kundiregerera,aifanira kungonzwisisa kuti aive akabuda ndokunoti nyaa ariko Joni zvichindisiya ndisina kana tarisiro yekudzoka kwake.Kudai paive ne communication pakati pedu ,kudai ndisina kumbobvira ndaita zvaNick. But kushaya communication ikoko ndiko kwakaita ndingofunge kuti ndiko kwaive kuri kutopera kwazvo. Pazvese izvozvo ndaisatoda kumupa blame, mhosva yese ndaitozvipa inini. Ndakasvika papoint iye yekuti unotanga kuzviona sekunge unenge uine zimunyama ,zijambwa chairo risina vanhu vese.Ndaive ndongobvunza Mwari nechandaive ndakatadza chaive choita kuti ndirohwe neshamhu ine munyu kudai. Pfungwa idzodzo dzekuzvifungira zvakadaro ndidzo dzinobva dzamboita kuti munhu uone seusina chimuko pasi pano zvekusvika pakufunga kuda kuzvipfuudza. Ndakabviswa mundangariro dzangu nekurira kwakazoita phone yangu. I had two phones, imwe yacho yaive yepovho koti imwe yandaitoziva kuti ikafonwa inenge yafonwa nemunhu wepedyo. Payakarira ndakabva ndamuka ndokugara ndikaisa damp towel pahuma nekuda kwemusoro waitema kwakuisimudza ndikaona ari Jeff aifona.Aive aphona paphone isiri yepovho. I guess he had used that network nekuti aiziva kuti yaisawandirwa.Aigona kufona pane yekuwandirwa akagona kusadairwa. Ndaive ndabva kumuona hangu zuva raive rapfuura racho paitaive tiine meeting with one of our biggest promoters. Pataive ikoko ndaitongonyeperawo kuve munhu asiri kufunga asi mumusoro pfungwa dzichiita kupishana. I was sure kuti vamwe vangu vaive vanzwa nekutoona nyaya yaTongesai iyi asi hapana aive ambondibvunza nezvazvo. "Jefferson" ndakadaira call iye ndichidaro ndikanzi, "Hey what's up? " "Nothing much, matove kuBhuruwayo ka imi?"ndakabvunza zvikanzi, "Yaa tichangosvika ndaida kungonzwa kuti urisei, ndazoshamisika zvave kunzi hauchauye?" "Ndazotadza kuuya." Akambotora nguva anyerere ndikazonzwa ave kutura mafemo kwakuzotaura nezwi rakadzikamira achiti "Takati chii nenyaya yekurega zvinhu zvekumba zvichitivhiringira basa?" Ndakasekerera uku tumisodzi twave kutovavira mumaziso ndarangarira zvaigara zvakataurwa naJeff. Aigaroti "usarege zvinhu zvisina basa zvichikuvhiringira zvaunoda kuita." He would go on and give examples of zvinhu zvacho zvaaiti zvaisafanira kutivhiringa basa redu achiti "Be it marriage problems, families ,chero chii zvacho chingade kukudzivisa kuti uite basa rako.Zvese izvozvo kana uri pabasa zviudze kuti hazvina basa woita zvawakada." Taitosimbisana bhoo bhoo and by then zvese zvaiitika mulife mangu ndaizozviona ndave kumba.Baba vangu vaitaura zvavanoda ,Tongesai achindipawo bendekete rakarohwa nechando asi ndaisambonyanya kuzvifunga. Ndaiti kana ndiri pabasa ndoita zvebasa ,kufunganya kozouya ndave kumba. Manje apa zvaive zvave different, zvaive zvorema.Nyaya yeku engager kwaTongesai yaive yandiita weak zvekutotadza kuenda kuworkshop yataive tiinayo kuBulawayo.Ndaive ndatombotanga ndichiti ndaisazosara ikoko asi ndakazotadza nezvaive zvichiitika kwandiri izvi. "I know its hard" ndakanzwa Jeff ave kuzvipindura ega ndokuenderera mberi achiti, "But ukaita zvaunofarira unomboona nguva yekukanganwa zvinenge zvichikunetsa." It was easier said than done. Jeff aive asiri musituation inenge yangu ndosaka aiona sezvaive nyore.Moyo ukarwadza uyu zvinobva zvatovhiringidza zvinhu zvese.Kana simba rekuita zvaunofarira racho unobva watorishayisisa sezvandaive ndoita apa. Kuti ndipedze mutauro ndakazongoti kuna Jeff "Ndazvinzwa" zvikanzi, "Usafungisise right? I know its so easy kuudza munhu kuti asafungisise and its hard kuzviita but ndiri kuti try." "Thanks ,I will try." "Goodgirl, taveko kuRainbow hotel kuno." "Wow,kuri sei?" "Kuri nani but hazvizoenzane hazvo kudai wanga uriko." I smiled ndokuti "Next time" zvikanzi, "Yaa obvious next time unenge wave bhoo, dai ndakasika kuziva kuti wakanzura rwendo waiona ndauya kuzokutora manje wazoita luck hako kuti ndazozvinzwa last minute." "Next time ndinenge ndave bhoo." Ndomaperero akabva aita conversation yedu ndikatombosarawo ndave kunzwa zviri nani .Kumasikati ndakaitirwa video call neteam rese reLove diaries ndichivhairirwa nekwavaive vaenda. Zvainakidza zvekuti ndakatombosarawo ndave kunzwa zviri nani. Believe surprised me by coming to my house kumazuvarovira. Aive aine kabag kake kaitoratidza kuve nehembe dzakati wandei.Pakati pemazuva aisawanzouya saka ndakatoshamisika nazvo ndikamufarira zvisingaite. We hugged tightly nekubva ndatotanga kuchema ipapo. Akatora nguva yake patting my back allowing me kuti ndipedze shungu dzese achibva azonditi "Zvakwana kani ,zvatopera" achienda neni kumubhedha. "Ndiri kurwadziwa Believe" ndakadaro ndave kupukuta misodzi zvikanzi, "Yes zvinorwadza sis but ndokutopera kwazvo." "Why asina kuda kundiregerera Tongesai?Maybe paakadzoka aive asisachandide hake." "Aitokuda asi hutsinye chete hwekutadza kuregerera.Its not like makaponda munhu ka?Kutadza kunongowanika muvanhu." "Ndakatadza handisi kuramba." "Wakatadza ,why were you even expecting him to forgive you iwe uchitadzawo kutozviregerera?Come on man we all make mistakes, and we all deserve second chances but kana munhu aramba wochidiiko?Wozvisunga?" I shook my head ndichiramba zvikanzi "Yes, hupenyu ngahuenderere mberi wangu.Life does not revolve around one person shamwari." Ndakangomedza mate chete ndatadza kupindura nekuti ipapo ndaitoona sekunge Life yangu revolved around Tongesai iyeye.Ndaiona sekunge ndaisazowana mumwe zvekare anenge iye pasi rose.  Ndaive ndatorasikira mu pfungwa dzangu kwakuzovhunduka ndave kunzi "Daddy vati ndinombofanogara kunoku ndichikuona" naBelieve ndikaita kufara. Ndakamumbundira zviri tight kusvika azosekawo achiti "Yuwii zvakwana kani!" ndikati, "Hii ndafara!" "Neniwo ndafara." "Vari kuti chii daddy?" "Hapana zvavari kutaura, I guess munhu wese akatofara kuti wakasunungurwa naTongesai wako." I just nodded in response achibva aenderera mberi achiti "Asi ukagara uchichema ndinokutiza" ndikati, "Hii handichacheme." "Okay so apa tave kudai.I need you to address your fans kwete kubva wangoti zii.Say something vazive kuti uri bhoo." She was right hake asi ipapo ndaive ndisati ndave ready.I looked at her ndokuti "Later" with begging eyes ndikanzi,"Zviri bhoo futi ,rega ndinokubikira something ukasara uri kaskinny mabondo unopa vanhu basa rekutaura. For sure akaenda kunobika kuya  ndikasarawo ndonogeza. Ndapedza kugeza ndakadya ,ndikachibva ndaiswa make up ichinzi it would make me feel better.Kana hembe ndakanzi ndipfeke dzekubhazi chaidzo. Ndakazoti ave manheru ndipo pandakazonogara ndega ndafunga kubreaker silence yangu. Ndakanonyora  kufacebook page kwangu zvese neku twitter ndichiti "I am fine guys.Zvamaona ndizvo zvavepo, I am no longer  a Mrs ndave Miss.Kwanhasi tombogumira pano!" I didn't wait for the comments ndakabva ndatosiya phone. Ndakazoibata ave mangwana acho ndikawana yakadira nema comments.Mamwe aive ekundinzwira etsitsi nemamwe aive ekutofara chaiwo. Vaindinyomba vese ndakabva ndatovabloka kwave kuita usse of those vaitaura zvine  musoro listening to their advices. Iyo ma advice  acho akaita kuuyawo nehuwandu hwayo and they did help. Vamwewo ndovaive vatowanawo mukana vave kutokanda maCv avo ekuda kudiwa neni.Ndaitongoseka hangu ndichiona mafunnies andaiititirwa nevarume kwete vemunyika mangu chete asi vekwakasiyana-siyana. At the end of the day ndakasara ndave free ,kunyatsonzwa kuti ndatura zimutoro. "Zvapera ka?"Believe akandidaro ndikati,"Ehee" zvikanzi, "Hazvisungise izvi watopedza nazvo wagona." Team rekuBulawayo rakazodzoka kubva kuworkshop ndikangopihwa iri report neflash raive nezvese zvavaive vaita. Takabva tatobvumirana kuti taizosangana yave weekend tochimboita zvebasa ndikatofarawo kwazvo since ndaitombodawo kuzorora. Ndaive ndakatovarairwa zvangu, just a day after team reBulawayo  radzoka pandakafonerwa naJeff. Ndakangodaira call iye nekutonzi "Uriko?" ndikati, "Ehee" munhu kwakutoti, "Ndiri kuuya kuzokuona." End of chapter 12
❤️ 👍 😂 🙏 😢 111

Comments