Berlin's Writings
June 4, 2025 at 12:36 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*Backstage*
Written by Berlin Magaya
0712025728
Chapter 13
*Bethany*
Hazvina kutondivhundutsa sezvo yaisave first time yake kuuya kumba kwangu Jeff.Aitouya nguva zhinji asi kuti aisambouye hake ari ega seipapa ndakatoziva kuti aigona aine one or two vataishanda navo.
"Iri bhoo ndiripo" ndizvo zvandakakwanisa kupindura munhu wacho achibva atocutter hake ndikaziva kuti aive atofona achidriver.
Just after that call ndakabva ndafonerwa zvekare nevamwe vainzi mai Makaka.She acted as mai vaJeff paLove diaries saka ndaitongovati 'mama.'Aive mukadzi akasununguka zvisingaite.Vaitaura zvakapfava ,face yavo ichiratidza kuti ndedziye type dzakanaka kunze zvese nemukati.
"Hello mama" ndakadaira ndichidaro ndikanzi,"Hesi mwanangu wave sei hako?"
I didn't remember telling her anything saka ndakangoziva kuti she had been following nyaya dzaitaurika pasocial media kwave kuti
"Ndave right mama, kwanga kuri sei kuBlues?"
"Aiwa kwanga kwakanaka ,I was worried about you but I am glad wati wave right.Thats life handiti?"
"Yes mama" ndakadaro already tearing up zvikanzi, "I know its hard, panguva ino you are going through so much pain but what I want to assure is that zvichapera.After two or three weeks dzinenge dzatove history and that only happens If you allow yourself to heal."
"Will it be that easy?"
"Yes and ndiwe une key yekuti zviite easy, I said allow yourself to heal."
"How?" I curiously asked.
"Rega kutarisira zvisisipo, nekuti ma expectations ndiwo anonyanyorwadza.Ma expectations will hold you down nekuti unenge uchitarisira kuti zvimwe munhu wangu achadzoka zvimwe zvichazodai zvikadai.Life is not some kind of a fairytale always remember that.Kana zvaramba kuita sezvaunenge uchifungira ndipo paunozorwadziwa worse woramba uri stagnant and it will take time kuti ubve ipapo."
Zvakanzwisisika ndikati "Thank you mum" zvikanzi, "You dont have to, I am going to send you kamwe kabook on your WhatsApp kane masteps ekudealer neheartbreak.I know you dont like reading but apa try handiti? Pane 20 steps chete."
Ndakaseka ndikati "I will surely read" ende ndaitorevesa ,ndaida kupora moreover kuzviregererawo ini dungamunhu saka chero chii zvacho chaizonzi chinobatsira ndaida kutochizama.
Call iyoyo yakazopera ndikatangawo kuita zvimwe.Believe aive abuda so ndaive ndiri ndega so I wanted something to distract me.
I wasn't that kitchen-pots and pans kind of person asi ipapo ndakatoti ndaida kumbozvizama zvemu kitchen izvi kwave kupindamo kuti ndinozvibikira.
I met Ronica in the kitchen ndikamuti "Ndeipi " akati,"Mushe muri sei?''
"Ndiri nani, ndauya kuzobika."
"Nhasi kwakanaka?"
"Ehee just feel like cooking ndibuditsirewo chicken breast, ubva wachopper maveggies acho ndoda kuita stir fry."
"Inga nhasi kwakaipa" akadaro achiseka Ronica uku ave kutotanga kuita zvandaive ndamuudza ndikati,"Haungazvinzwisise, ndiri kuda kupora Ronica."
"Munopora!"
Ndakangogumira pakumutarisa ndokusekerera going back to what I wanted to do.Ndakabika zvikanakidza chose zvandaida kwakunyatsobuda semafungiro andaizviita.
Jeff akaitawo lucky rekusvika ndichangopedza kubika.Ndakatanga ndamudongorera through the window as he parked his car ndikatoshamisika kuona ari ega.
Ndakabuda kunomutambira panze and we hugged tichifarirana.
Takapinda mumba ndave kunzi "Kutozoonda kani!" ndikati,"Haa ndatoonda zvekudaro?"
"Yaa wadzikira, sorry hanzi its rude kuti kune munhu waonda or wapera.Unoti wadzikira."
"Iko kuriko kuonda kwacho?"
"Ehee ka but unotaura nemashoko ari nani asingazoti dyuu."
Takapinda mumba tave kutoseka umo mandakazomuti "Ndanga ndatopedza kubika handei kudining" akatoseka achiti,"Inga ndinorima."
Takanogara pama chairs tiri the three of us tikatanga hedu kudya tichiudzwa nyaya dzekuBuluwayo naJeff.
"Varisei mai vaKim ,Kim wacho naVivi"ndakazobvunza after tapedza nyaya dzeku Blues zvikanzi, "Vanofara avo."
Tapedza kudya Ronica cleared the dishes isu tikasara tichienda panze paive nekamhepo kunotandara.
Ndipo pandakazonzi "Wave sei?" ndikatanga ndambotura mafemo ndokuzoti,"Ndave nani."
"What really happened nhaai Beth?I know I should mind my own business but apa kutaura chokwadi ndatadza."
"Its a long story baba Vivi."
"Care to share?"
Ndakamuudza zvese hapana kana chandakasiya ipapo semunhu ainge angoitawo free kwandiri.
And iye airatidza kuva a very good listener.Ndaitsanangura zvese achidvuta juice yake nekugutsurira musoro asingambondivhiringe.
Ndapedza kutaura zvese akabva ati "I am sorry" ndikati,"Its okay, zvakatopera."
"I can't believe you had to go through all that ,zvinorwadza.Inini hangu handina mashoko ekukusimbisa kana kukudzidzisa but chandoziva ndechekuti watodzidza hako ipapa.Wave kutoziva handiti?"
I just managed to nod uku ndakatarisa pasi and he went on saying "Takambodzitaura nyaya dzemanyepo and nhasi handingade kutanga kudzidzokorora futi.Next time hauchanyepe nekuti ipapa watodzidza."
"Kuti kuchazouya next time futi?Handichada ini Jeff, zvakatopera zvakadaro."
"Haufanire kuita give up on love, yes you still need time and ukapora ndinenge ndakutoona kuti watsvaga mufesi.Hanzi nebhaibheri hazvina kunaka kuti murume or mukadzi agare ari ega."
Ndakaseka ndikati "Ukanzwa zvidhakwa zvichitaura bhaibheri?" zvikanzi, "Toriziva ka isu, tinonamata."
"Wakatadza hako but who is perfect anyway?Tongi aifanirawo kukuregerera hapana musaint pakati pedu."
"Akatozvitadza izvo Jeff."
"He had his own reasons for doing that handiti?"
"I guess so."
He later changed that topic ave kuti "So apa wave bhoo?" ndikati,"Yes ndiri kuita nani."
"Unofanira kupora tine mazikubasa hobho akatimirira."
Believe akazosvikawo kubva kuchikoro kwake akashaya chekubata nekuona Jeff.
Aizomufarira kwete zvekutamba.Waingonzwa padiki-padiki zvichinzi "Jeff akazonaka wena ,ndinomufarira" and aitorevesa.
Kunaka kwaaitaura ndaisatokuona, hameno maybe yaive nyaya yekushandidzana naye kwandaiita.
Vazhinji vaicrusher paari , vachitoita kutoshaya zvekuita naye chaiko.
Seipapa Believe akaita kufara nekusangana naJeff kwaakaita ,ndikanzwa nekunetswa kuti ndivatore maphotos vese.Akabva atomwayiwa pama status maphotos iyayo munhu achiita kunonzi kufarisa.
Akazotobva kumba kwangu aita zvekufonerwa Jeff ndokudzokera kumba kwake akasara angori iye nyaya yaitaurwa mumba medu naBelieve.
Tainge tichangobva kupedza kudya chikafu chemanheru pandakafonerwa with a new number. Pakutanga I hesitated kudzidaira.
Ndaisatoda zvekudaira manumbers ese ese asi ipapo hameno chakandituma kuti ndidaire kwakubva ndangodaira paye.
Ndakangoiisa kunzeve kwakunzwa a familiar voice richiti "hello Bethany" ndikati,"Hello how are you?" nezwi raive raita kakusununguka mbijana.
Munhu aive afona wacho aive mukadzi.
Ndakanzwa oti
"I am fine its mai Vivian, Jeff's wife" ndikatovhunduka nazvo since taisaita zvekutofonerana nemukadzi waJeff.
"Ooh okay" ndakadaro ndichida kutoti nyaya yacho iendeke zvikanzi, "Handisi kufara hangu nekatambira kako naJeff, ndakamboedza kuzvinyarara but zvinenge zviri kunyanya.Kunetsana newe handisi kuda hangu ndiri kutongokumbirawo kuti please usiyane nemurume wangu!"
Ndakapererwa kushaya kuziva zvekutopindura chaizvo.
Jeff ndaiwirirana naye asi ndaisambomutarisa neziso rekudaro.Ndakavhunduka ndave kunzi namai Vivian vaye "Wazvinzwa here Bethany?" ndikashingirira kuvhura muromo wekumusoro newekuzasi ndokuti,"Kwakanaka hako?"
"Hakuna kutombonaka zvandakuudza ndizvozvo handisi kuda kuzofona futi ndichitaura nyaya one!"
Phone yakabva yatodimburwa ndikasara ndorovanidza maoko zvekupererwa.Believe akandibvunza,ndichibva ndamuudza akatomboda kufonera mukadzi waJeff uya achimuudziridza.Ndakatozoita wekudzora kuti nyaya yacho ipere asi haana kunzwisisa kana akaramba achingoti "Ndichamubata chete pasocial media ipapa, ngaasatoite mistake yekuposter zvima photos zvake.Achingoti mazihobi!"
End of chapter 13
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
102