Berlin's Writings
June 6, 2025 at 05:01 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*Backstage*
Written by Berlin Magaya
0712025728
Chapter 16
*Bethany*
Pane paunombotarisa mubereki wako wozvibvunza wega kuti ndiye chaiye baba vangu here kana kuti vakangondinhonga havo?Ndizvo zvandakaita ndakatarisa baba vangu.Mhosva yangu ndakabva ndatoishaisisa.Ndakamboda kuti nditaure zvaive pamoyo kwave kuzozvidzora ndanzwa moyo wangu uchiramba.I swear dai ndakataura ndaizoregretter mashoko angu later chete ipapo.
Ndakanzwa ruoko rwamai vangu rwuchibata rwangu rwaive paarmrest.
She squeezed my hand ndichibva ndavatarisa ndokumanikidza kusekerera uku ndichinhonga kabag kangu nerimwe ruoko.
Zvekunyepera kusekerera ndaive ndakatozvijaira hangu.
"I have to go" ndakadaro still smiling zvikanzi namama,"Okay my girl.I will call you."
Ndakasimuka ndichibva ndamboita nguva ndakatarisa daddy.Maheels andaive ndakapfeka aive aita kuti tienzane nadaddy tichinyatsoonana pasina ari kutarisira mumwe pasi.
"Ndave kuenda" ndakaoneka ndichidaro and he just mumbled something zvandisina kunyatsonzwa.I was left to conclude kuti yaive iri "Zvakanakai" or "Ehoo" hameno ikoko.
Ndakabuda mumba ndini straight kumota kwangu kwave kuzoti kumba kwangu uko kwandakasvika ndichiita zvema phone angu.Ma fans ekufacebook aive ocomplainer-wo achiti aive asuwa kundiona ndichiita Live, kwakubva ndavapa excuse yekuti ndaive ndiri busy lately asi ndaizoita.
Ndakaita nguva ndiri paphone ende pavairaidza chaizvo ndichibva ndazongobatwa nehope ndiri pasofa ipapo.Ndakazomuka dzave kutoenda kuma past 3 kwakugara ndatoudza Ronica kuti taisadyira pamba that day.Ndaive ndasuwa kumboendawo out nekupfuurwa nemhepo.
Nyangwe Believe paakadzoka ndichimuudza same news akaratidza kufara chaizvo achibva atopinda busy kutsvaga hembe dzekuti tese tipfeke.
Takanodyira out zveshuwa tikava nenguva yakanaka chaizvo.Semazuva ese vanhu vaingoti vakandiona votondiunganira kuri kundifarira chaizvo.Ndakapinda busy vanhu vachida kutorwa neni maselfies.
Takazoenda kumba tave kuita zvekutotiza vanhu chaizvo tikasvika nekungorara.
Zuva rekusangana neteam rangu reLove diaries rakabva raitwa postponed producer wedu achiti aive ari busy kugadzirisa kuti tinoitira shoot yedu out of Harare.Ndakatofara nekuti zvekuonana naJeff ndaive ndisati ndave kuzvida hangu.Ndaisatoziva kuti ndaizokwanisa kushandidzana naye here after what his wife had said.
I got a call manheru iyayo kubva kune munhu aive amboisa mapictures edu naTongesai epamuchato kumadziro.I had asked him to come and remove them.Taive taedza kumavhara naBelieve tikatadza kwakuzosvika pakufonera nyakumaisa kuti auye amabvise.
Believe aive afanomavhara ese nemachira.
Ndakafara pazvakanzi mapictures aye aizouya achibviswa zuva remangwana racho...
*Sue*
Ndaive ndangobva kumba nekabag kangu kaive nehembe shoma ndichienda kuWadzana kwaigara vamwe sisi vangu.Vainzi mai Laina avo vaizvigarira zvavo vega nevana vavo two, Laina naTakunda.
Ndakasvikotambirwa zvakanaka ,vakafara chaizvo sezvo ndaive ndavatengera tunhu-tunhu.
Pamba pavaigara paingova nema lodger chete saka pese pandaiendako nezimota rangu vese vaibva vabuda mudzimba dzavo kuda kunyatsoona.Sisi vangu vaibva vapinda busy kuvaparidzira kuti ndaive ndiri mukadzi wemunhu wemu Tv.Ende ipapa ndakasvikira pave nemunhu mutsva achibva atotanga kuudzwawo who I was nasisi vangu vachiita zvekuvhaira neni kani.
Takapinda mumba ndave kutonzi "Ende ndiwe wanga uchindipedza simba, mhoti ndamboda kumukira kuMbare?" ndikati, "Ndaisvikopusa pano ndawana musipo.Muri seiko mukoma?"
"Ndiri nani ini kuri sei kumba?"
"Haa kumba kuri nani hako."
"Wandirova nesurprise hako" vakadaro vachiseka-seka uku vave kutobvajanura mapaper bags.
"Nhasi ndotombonwa tea hobvu" vakaenderera mberi vachidaro uku smile iri kugotsi vaona mabox matatu emikaka ndikangoseka hangu.Havana kuzogadzikika vakabva vatotanga kutoita zvekugadzira tea.
Pamba pavaigara vaishandisa two rooms dzekumberi that is the lounge and the main bedroom.
Dzimwe nguva rent vaiibhadhara vega asi most times ndaivabatsira.Baba vevana wavo vaive vasina basa rakati tsvikiti so chake kwaingove kungobhadhara fees chete zvotopera zvakadaro.
Vakagadzira tea iye nechingwa nebacon ndokuuya nazvo kwandaive ndakagara.
"Zvinonaka munozvida" ndakavadenha ndichidaro zvikanzi, "Iii wandigonera ndinozvida kwete zvekutamba wangu handitonyare kukuudza."
Tazopedza kudya ndipo pandakavatsanangurira nyaya yangu yese ndichichema nekuchema kuti vanyatsondinzwisisa ndikashamisika ndonzi "Haupenge nhaiwe?" ini kwakuti, "Zvinongobhowa mai Laina hamuzive how it feels imimi!"
"Ooh shut up,I know exactly how it feels wazvinzwa? Zvako zvikange nani nekuti ndezve kungofungidzira chete pasina kana nyaya apa.Imagine zvangu zvandakazosiira Derrick baba vaLaina zviye, izvo zvaive pachena sadriver wetrakita kwete zvako izvo!"
"Izvozvo hazvisi pachena here,shuwa munhu unganogara nemukadzi asina murume kwema hours akadaro?Muchiiteyi ,muchitaura dzei?"
"Hazvisi pachena izvo,kungofungira kwako basi neshanje,ndiwe watanga here kuita mukadzi wecelebrity?"
Ndakakama-kakama zvikanzi "Pindura ka ndati ndiwe here?Vana Billy Mapunzike hauvaone vaine vakadzi muTv umu vachibuda vachitamba madhanzi ekuti unotarisa TV wakavhara rimwe ziso!Unoti vanenge vasinawo vakadzi kumba?''
"Sisi zvinongorwadza,inini hangu zvinondirwadza."
"Kwete kusvika pakuzovhiringira munhu basa rake ka uchifonerana naBethany, kufunga kwako anoti chii nazvo? Ko akabva ati ndave kuda kutochidanana nemurume wako iyeye svoto unoita sei?"
I remained silent ,maziso kwakungomati bwai bwai zvikanzi "Unomboziva kuti murume haanetse?Ada hake kumu seducer hazvimutorere kana time izvo!"
I sniffed ndatonzwa kubitirwa nezvavaitaura.Kusapindura kwangu hakuna kuvamisa,ndakabva ndanongedzerwa nezvigunwe five zvese ndichinzi "Iwee ka, usapenge!Dai ndirini iwewe ndaivhara muromo uyo ndoushandisa kudya zvangu mari kwete zvako izvi! kunyatsosona muromo chaiwo wodya mari,iko chiri kukutadzisawo kuvhura kana boutique zvayo chiiko?Kutadza kuitawo business mukadzi wanhasi?"
"Sisi ndiri kungoverengera."
"Inungo ka uchitadza kutoshanda uchiswerera kushandana nemurume wako uko,tiitire mushe ,vhura boutique tidye mari.Iwee utori neadvantage yekuti unogona kutonotengesera kunzvimbo dzinouya mhene kunana Longcheng,Avondale,Belgravia uko you name them.Mhene hadzitenge hembe or whatever zvaunenge uchitengesa, dzinotenga zita rekuti uri mukadzi waJeff."
She was making sense ipapo,ndakabvumirana navo ndikazvibvunza kuti chandaigarira pamba chaive chii.
She went on to say "Mazuvano ka ,murume ahatsvagwe kuti ari kuitei?Musiye kana achihura hake ngaahure hake ka as long as uine chikafu and uchiwana zvese. Imgine kuhurirwa apa usingapihwe kana kobiri?"
"Sisi ka!"
"I am serious, ndo advice yandave kutopa vanhu vari mudzimba mazuva ano.Murume ngaarambirwe kusachengeta mhuri kwete kufungirwa kunzi ari kuita chihure chausitorina proof nacho icho!Isu toda maV11 acho." Vakangoti medzei tumate kwakuwedzera statement ravo vachiti "Futi hatimade maV11 toda maree" ndikati, "Zvasisi ka!"
"Uri sewe kwedu uko you're the breadwinner!Breadwinner asingatoshande hake!Changamukai amai mushande muwedzere hubreadwinner they" vakambofema mbijana ndokuzoenderera vachiti,"Plus Jeff anokuda uya,imagine necondition yako iyi?Usavarairwe uchiti haadiwo mwana, kahanzvadzi kaVivi.Anotokada ufunge asi haazokatsvage kunze nekuti anenge achiziva kuti anokuda.Handidi kukunyepera munin'ina if you continue pushing him, he will go!Kutoenda chaiko ugosara uchichema.Inzwa kunesu ma return soldiers,tadzidza zvakawanda zvimwe zvekuti unoti wega dai ndakagadzirisa apo nepapo zvimwe dai ndisiri pandiri pano nhasi.Usatunhidze mweya wakaipa, gara uchengeteke."
I found myself nodding my head slowly.Zvaitaurwa nasisi chaive chokwadi, she went on to say "Idzo shamwari dzemurume nehama dzake dzide, dziise padhuze newe so that zvikazoshata unowana anomira newe.Manje ukashaya wekuwirirana navo zvinokuparira, unochema ukashaya anonyaradza vese vachingoti ndiwe problem.Chitoita hako udzokere kumba kwako nekublokonora murume."
Handina kupikisana nazvo ndakatobvumirana nazvo ndikatozviudza kuti ndaive ndakudzokera kumba kwangu ndochengeteka sezvandaive ndaudzwa.
Ndakaoneka zvakanaka-naka ndikatozosiya kabag ketuhembe kandaive ndafamba nako nekuda kwenyadzi.
Ndakadzokera kumba kwangu ndichinamatira kuti ndiwane hangu Jeff asati asvika.Manje munamato wacho hauna kwawakasvika nekuti ndakasvika mota yaJeff yacho yakatopakwa pamba.
Ndakaparker-wo yangu padivi ndichibva ndauya kuzotambirwa namai Yuvhe.
Vakandipa mbundiko vachiseka vachiti "I knew na mai Raina maizopadzoka chete" ndikasekawo ndichiti, "Imi ka!"
"Shuwa ka!Madzoswa ka?"
"Ehee munovaziva vakoma vangu."
"Ayewa vari right,ari mumwe aibva aita hakirosi zvoita worse" vakadaro tichibva tamboseka kwechinguva.
"Auya nguvai Jeff?"ndakabvunza zvikanzi,
"Ndofunga pangodarika 45mins kubva muende vachibva vatosara vachisvikawo" vakatsanangura mai Yuvhe ndikati, "Zvikanzi chii?"
"Hapana ,ndaona kunge vamboedza kukufonerai havo."
"Hoo okay" ndakadaro ndave kufamba ndikanzi, p"Mumba mauya vaenzi ,mai Hailey nagogo!"
Ndakacheuka ndikati "Gogo vadzoka?" zvikanzi, "Ehee varimo umu."
Ndakabhowekana hangu nekuuya kwaamai vaJeff asi mashoko asisi vangu akabva akasika kuuya mumusoro mangu.Ndakabva ndatochinja face yekubhowekana iyoyo kwave kusekerera ndichipinda mumba.
End of chapter 16
❤️
👍
😂
🙏
😮
60