Berlin's Writings
June 7, 2025 at 05:42 AM
Follow Follow Berlin's writings channel for this book and more updates.
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
For those vane nungo dzekutsvaga machapters ekumashure muMain channel, vhurai back up channel munoona machapters *eBlind wink* ese arimo. https://whatsapp.com/channel/0029Vb6MTpt8kyyPX8SHNg2O
*Blind wink*
by Berlin
0712025728
Chapter 19
*George*
Ndaive ndisiri njanji zvekudaro but pana Rudo ndakatozviudza kuti I wasn't going to stoop that low.Aive munhu wataive takatombogara naye tichiri nemwana one naRonica. Kwandiri she was just like an elder sister to Ruvhi.Ndaive ndakamuendesa kuchikoro ndikamuchengeta kusvika azomitiswa nemunhu wake zvekuti kwandiri ndaitongomuona kunge mwana wangu.
Semunhu wenyamawo my manhood hand reacted ,ndaive ndaane nguvawo ndisingazive mukadzi saka ndakatoshooter, but ndakazviudza kuti ndaifanira kuzvishingisa .
Kaitiro kamainini Rudo kaive kotoratidza kuti aive munhu ainge aine zvimwe zvaaitovavarirawo.
Ndizvo zvandaive ndoda kutsvaga izvozvo .
Iye ndofunga aive afunga kuti she was winning, nekuti aive atovhara maziso ready to come for a kiss ndichibva ndamupusha nesimba rangu rese akanosvika achinowira kwakadaro uko.
Kudonha kwaakaita kwakaita kuti ndione kapant ke pink kaive mukati kwakukasika kufuratira . Ndakamunzwa achiyuwira achiti "Ouch" ndikati, "Don't ever try that again wanzwa?" akangopindura nekukwidza madzihwa.
"Simuka ipapo unovhura door ubude muno" ndakadaro ndichiri ndakafuratira zvikanzi, "Mune shuwa kuti mandidonhedza?"
"Ehee ndati buda muno Rudo!"
"Hapana kwandiri kuenda" she protested ndichibva ndasimuka ndichishaya kuti hushingi hwake hwaive hwei.
"Rudo for the last time ndokumbirawo ubude muno!" ndakadaro paye achibva aramba akapetanisa maoko ndikati, "Uri kunyatsodei chaizvo?"
"Imimi."
"Hautonyare here nhaai Rudo?"
"Kunyarei manje?"
Ndakamunongedza nemumwe ndichiti "Iwewe wave kupenga, please buda muno ndisati ndaita zvinhu zvandinozo regretter" zvikanzi, "Hapana kwandiri kuenda."
Ndipo pandakaona kuti aive otoenderera mwana iyeye ndichibva ndabvisa belt rangu asina kuzvitarisira ndikamunongedza naro ndichiti "Kwandiri uri mwana, so ukada kundinetsa I will treat you like one" akafunga hake kuti ndaiita majokes kwakuramba akapetanisa maoko uku muromo wakapfinyirwa mumhino.
Ndaive ndisina choice so I ended up ndamuhwapura naro bhande mutsapfu umu and she screamed achiti "Babamukuru" ndikati, "Ndati vhura door uende."
Aida kumbotenser hake but akazoona kuti ndiye aitozokuvara kwave kumhanya kubvisa makeys aye mubraa ndokunokinura door.
Ndakamukandira kabag kake ndichiti "Usazvipamhe futi" achibva adaidzira ave panze hanzi, "Muchazviona!"
Ndakasara ndichitura mafemo ndokunozvigadzika pachair yangu. Ndakambotora nguva ndichifunga kuti ndodii chaizvo ndokuzobata phone yangu kwakudialer number dzatete vake Rudo vainzi mbuya Faina.Vaive nemadzitete akawanda but ndakafonera ivavo nekuti ndivo vaive vakuru.
Vakadaira call iye vachiti "Eeeh muramu" ndikati, "Tete Makadii?"
"Tinosimba isu baba Ruvhi iwee, makumbo iyaya ndiyo anomboti ooh ooh asi tinongotatarika tichienda."
"Haa miviri yacho Tete kana makore angoti ooh inenge yakungodaro daro."
"Aiwa ndizvozvo, basa riri sei?"
Vaive voda havo kutowanza nyaya ndichibva ndapindura ndichiti, "Basa rakanaka Tete.Ndine nyaya yandafonera isiri kundiitira mushe" zvikanzi, "Kwakanaka hako?"
"Hakuna Tete, inyaya yaRudo.Ndofunga zvakambotaurika mazuva apfuura ayo kuti ndimutore kuita mukadzi wangu ndikati inini handikwanise handiti?"
"kuno zvakangonzi muchiri kufunga ndikazonzwa iye Rudo achiti akugarako ndikati pada makazowirirana."
"Hapana kuwirirana apa Tete, asi hii zvaave kundiitira hazvisizvo. Ndave kutoudzawo imimi kuti mumutsiure, ndaive ndamboti hazvina hazvo basa kuti agare mumba mangu but aaah handichade.Ndave kuda kuti abve handichatoda kumuona padhuze neni."
Havana kutobvunza kuti muzukuru wavo aive aitei ,vakangotanga nekuti
"Yuwii ko ndokwazvave nhai baba Ruvhi?" ndikati,
"Hongu Tete, Rudo handimude,ndine munhu wangu ari kutogara kumba uku .Sorry ndaifanira kuita zvekuzotumira munhu neshoko tinoziva pane protocol inofanira kutevedzwa but ndave kutongokuudzai nekuda kweiyo nhai iyi .Ndave nemukadzi!"
"Yuwii, mukadzi?"
"Ehee ,ndaive munzira kuzokuzivisai negwara chairo but nenyaya yamainini Rudo iyi zvatadzika.Ndizvo zvatovepo, Rudo ngaasatarisira anything kubva kwandiri.And please mumuudze kuti ave kufanira kubva pamba pangu, motondibatsirawo, ndakumbirisa. Akarambawo munenge muchatonditendera henyu kuti ndimbomu discipliner nekuti hunhu chaihwo haana."
"Zvino hamuone kuti mave kutotuka nesuwo takaraira kana muchiti hunhu haana?"
"Izvo ndimi henyu mave kudaro Tete, chokwadi chiripo ndicho chandakuudzai kuti mwana wehanzvadzi yenyu haana hunhu!Tine hukama hwakasimba Tete handidi tizotadza kunzwanana neiyo nyaya yamainini Rudo" handina kumirira kupindurwa kwavo ndakabva ndatokasika kuti, "Ndatenda hangu Tete" kwave kutocutter call iye.
*Nyenge*
Ndakafara sei pandakaona mainini vakasika kudzoka kubasa uko kwavakasvika nekurongedza twavo twese kwakutotioneka vachiti vaive vakuenda.
Hapanawo akavabvunza kuti kupi ,tese naaunty takangodaira vachibva vabuda ndikazonzwa aunty voti "Maziso akatsvuka ka aya vanenge vanga vachichema" ndikati, "Ndatozvionawo ipapa."
Week rakatopfuura mainini vasina kudzoka tikaziva kuti kwaive kuri kutoenda .
Yambuko hameno kwaaive akunorara aipota achiuya kumba kana after two days ,oita dzimwe two days zvee asingabatike.Yanaya ndiye aiuya everyday, hapana zuva raaijamba dinner.Ruvhi aive onetsawo nekubvunza kuti ndaizodzoka rini ndichiramba ndichingopa tuma excuse twekuwandirwa nebasa.
Yaive itori Saturday pakabuda aunty ,daddy-wo naaunty Nikki wavo vachibva vazobudawo hameno kwaiendwa ndakangoonekwa zvichinzi "We are going out."
Ndakasara paye ndokutobuda kunoona munhu wangu uyo akazondinyengetedza paye kuti tiende kumba kwake and we did.
Aive akangosuwa-suwa musi iwowo and when I asked if he was okay ndakaudzwa kunzi aida kuita flu paye kwave kungoti ehoo.
Akazonogeza achindisiya mumba make ndokuzodzoka hake akamonerera drying towel, bathing towel rakaiswa muhuro.
Ndakashaya kana pekutarisa apa ndipo paaive oda kuwanza hake nyaya akashama kudaro.Akazotouya pandaive ndakagara anzwa song yandairidza muphone mangu achiti "Isong yaani iyi?" ndikati, "Inonzi back at one" zvikanzi, "Uzondisenderawo."
"Iri bhoo."
Ndaiti munhu achasimuka but haana kudaro akaramba akagara paye kwave kuzoti "Babe hona" ndichibva ndamutarisa ndikaona akatonditarisawo and before I knew it his lips had already landed on mine.
Ndakambomusiya achichinjanisa malips angu kwave kuzotanga kudairirawo.
Kakunakida kelast time kaye kakadzoka kave doubled. Musi uyu ndaingonzi ndikakisswa-kisswa ndotorangaridzwa kunzi ndinodiwa and zveshuwawo ndainzwa kuti apa ndinodiwa.
Aimbobva pamuromo ouya kunzeve still whispering the same thing, omboti muhuro umu zvese zvichingoita ndinzwe kumerera,kunzwa kufambwa-fambwa muviri wese .
Paakandirarisa pamatress pake zvakanaka handina kuita nharo, ndakatorarira paye miromo yakangonamirana chete . Maoko ndakazongomanzwa ave kufambiswa ndokunosvika kuma boobs angu. He gave them a gentle squeeze kwakumbotamba nawo ndokuzodzika otanga kupuruzira zvidya zvangu .It felt so good that I failed to stop him, ndaitongoda arambe achienderera nezvaaiita. It got more and more heated that ndakatozovhunduka munhu abata kapant kangu. Ndakada kumurambidza achibva azevezera munzeve dzangu achiti "I am not going to do anything" ndikati, "Saka ukubatirei pant rangu?"
"Ndoda kungogumhisa chete padoor hapana zvandinoita.I will wait for the right time."
"Kugumhisa chii manje?" ndakabvunzisisa and he pointed at his giant cucumber and ndipo pandakatozoona kuti towel raive rasudzunuka.
Ndakamboramba ,ndaive ndoona kuti zvinhu zvandaimbozvinyepera kuti zvaive nyore was not a kids game. Zvandaive ndaona zvaive zvoita kuti nditye.
Akauya kunzeve yangu achibva anditi "I promise hapana zvandombokuita" but zvaingotyisa still. Pant rangu akangoita zvekuripeura kuenda paside kwave kutanga kubata kwazvakarehwa ikoko uko kwaive kwaita kuti nyakata kutota.
Ndaiti ndikaona kunge ave kuenderera ndaibva ndavhara nemaoko angu ikoko kuri kuedza kumumisa but aingoramba achivimbisa kuti hapana zvaaizondiita.
I was enjoying zvaaiindiita pandakazonzwa ndagumhwa nechinhu chaiita kakudziya achibva anditi "Relax" and I tried to but ndakatadza.
Akatora nguva akangodaro chete ndikambofunga kuti pamwe achachinja pfungwa but haana kudaro he kept his promise.Kungogumhisa ikoko kwaityisa but kwaiita kakunakidzira . Paakazobva pandiri akabva atongomonera towel rake kwave kudzokera kubathroom ndikasara ndonzwa kakudziya pakati pemakumbo apa and I just thought it was me sezvo ndaive ndambozviona ndakatota.
Paakazodzoka akatodzoka apfeka,aive apfeka hembe dzandaive ndaona dzakayanikwa paline.
"Toenda ka" akazodaro paye ndikati, "Ehee handei" zvikanzi,
"Ndokuda wanzwa?" ave kundiisa pawheelchair, zveshuwawo ndaive ndazviona kuti anondida, ndakadaira ndichiti "I know and I love you more" achibva andipa ka peck kwave kuzondiisa pawheelchair paye.
Takaperekedzana tave kutotaura nyaya tichiseka ,tikazoonekana ndave kupinda mumba umo mandakangoti garei mbijana ana daddy vachibva vatodzoka.
Yainge yatove Sunday the next day pakauya aunty muroom mangu vachiita sevaitaura paphone.Ndakavanzwa vachiti "Zvakaoma shuwa,ndikakunzwirai ndinokuudzai,kwedu uku handishaye musikana."
Handina kumbobvunza kuti chaive chii, ndaitovewo busy kutsvagana nemunhu wangu wandaive ndakapedzisira kutaura naye nezuro wacho ndichangobva kumba kwake.
PawhatsApp aive akubatika nguva dzese since ndaive ndakamupa wifi password zvakaita nditoshaya kuti phone yaive yaita sei.
Aunty vakazodzoka ndave busy kuda kufona phone yake iyo yaive isingaite.
Vakazvikanda pabed pangu aunty vachiti
"Ko Rozy uya nhaiwe!" ndikati, "Rozy ndeupi zviye?"
"Musikana waShelton."
Ndipo pandakazoziva munhu wavaireva , ndaida kutovagadzirisa ndichiti aive asiri musikana waShelton pavakabva vati "Handiti wandinzwa paphone paye, ndaitaura namukadzi waanoshanda naye ndinovazivira kuchurch mai ivavo, vanga vachitondiudza hanzi nezuro musikana akangobuda hake kuma6 dzemanheru achisiya vana vemurungu vega.Vakamusvikira asipo,saka kutaura kwavo hanzi aive ane nguva achizviita zvekuti murungu akabva avava akati musikana haachada kumuona.Saka Mai Letty ava vakabva vafonera amai vake kuChimanimani kwavakamutora vachivaudza zvaive zvaitika.Saka hanzi aive achifanira kuenda kumusha kwavo nhasi ,nezuro uya kwakutoti manonoka mataura, kwave kupacker mabags ake ndokubuda asina kana kupihwa pay yake,hanzi akazovaisira message achiti ndadzokera kwandainge ndiri."
"Kwaaive ari kupi manje?"ndakabvunza hana yakuita kurova zvikanzi,
"KwaShelton ka, ndiko kwandanga ndaenda kunotarisa ndikatoona musikana atoriko zveshuwa!"
End of chapter
⛔Please note , this book will be on sale from chapter 21 till final.
📌Promotion ,promotion
- $1/45 zig
- 30rand Ott, one for you, Blue ,betway vouchers.
-Airtime deals 50zig/$1
Kuti zvindiitire nyore airtime yema cards iye munongoisa ari ma digjt, eg;
1234 4556 6661 6745
Buddie
📌*Second promotion*
- $1.75/80zig
- $2 airtime
-45 rand Ott voucher, Blue voucher,betway
FOR Two
Kureva kuti munogona kutenga renyu, nereshamwari yenyu or kutenga blind wink and any other book of your choice from *Berlin's writings* using the prices above.
*Apa munhu wese anokwana-kwana, isichipilile, zvakachipa izvi* 💃
Payment details 💸
Ecocash
Innbucks
Omari
0776370694 BMagayah
Confirmation Cleo +27 62 471 9392
0712025728
💥 This limited-time offer won't last long, so don't miss out⏰
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
232