Berlin's Writings
June 10, 2025 at 05:49 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*Lullabies*
By Berlin Magaya
0712025728
Chapter 3
"Vane basa reiko?Siyana nebenzi shamwari haungazotadze kuzvishandira uchizvichengeta" akadaro Diana achitonzwika kuti ari kunyatsorwadziwa chaiko ndikati,"Haa ma1 chaiyo, ndichaona."
Akatanga atura mafemo anenge aive aona kuti kwaive kuri kungodairawo hako kwakuzoti "Saka uri sei?" ndikati "Ndiri bhoo."
"ko phone hausati wave nayo nanhasi?"
"Handina iwee pakaipa."
"Line muchiri makangoribayirira pamubanana?"
Ndakaseka nhamo serugaro ndikati "Ehee shamwari" zvikanzi ,"Haa saka ma1,wazoti chii hauchada kuuya?"
"Ndaida but handisisina mari ini."
"Huya hazvina basa."
"Mwana wangu haana kanawo hembe yekupfeka pachristmas shamwari,anosvikopusa aona tumwe twakachena ikoko."
"Huya tisangane mutown nhasi tinotsvaga kadress netubhutsu hazvisi kudhura izvi."
"Une Mari?"I asked zvikanzi,"Ehee ndinayo."
Aive atori a student paUZ saka ndaisatoitemba zvekuti aive aine mari izvi ndakabva ndatokasika kumuti "Ndouya mangwana nhasi rega ndimbotsvaga Steven pamwe ndingamuone."
"Iri bhoo, unongotsvaga kwekufona wondifonera ndouya mutown macho."
Takataura ndichibva ndazodzosera phone yagogo avo vakabva vati ''Hanzii naDee?"ndikavaudza zvaaive ataura vakati,"Ane rudo zvisingaite,moyo wake unobva warwadza zvekurwadza zviye."
"Manje ndochinomubatirirawo kapocket money kaanenge atopihwawo nadaddy nhaimi?"
"Anenge aine shungu, enda" vakadaro vachisimuka kuenda kukitchen kwavo uko kwavakadzoka netea.
Yaive iine chingwa nemazai but ndakatadza kuinwa ndichifunga mari yangu .
Ndakazobvako ndavavimbisa kuti ndaizodzoka the following day ndongokwirira kumaraini kwavo ndave kuenda kuNorton vakandikomedza vachiti "Usanoita noise ikoko Evelyn" ndikati,"handiite ini gogo kana angouya ndongoda mari yangu chete."
Sekuru ndivo vakazondiperekedza kusvika pachibani chataidimburira kuenda kumaraini kwedu.
Ndakasvika pamba pedu pangori zii ndikasvikonogogodzera Mai Sue ndichida kunzwa kuti aive asina kuzouya here Steven.
Ndakavabvunza vakati "Haana uyu,ikoko hapana kana chamanzwa nezvake?"
"Kana hapana."
"Mazofonera Mai vake?"
"Handina ini, vangaitei nhai Mai Sue munovaziva paye."
"Zvakaoma,apa pane vasara vachikubvunza vaida kutorukwa."
"Simba racho handitorina zvangu Mai Sue imi!"
Ndakapinda mumba mangu ndikatangidzisa kubvunyungura ndichiti pamwe ndakanganisa kutsvaga ndichaona mari yangu asi hapana kana chandakaona.
Ende kwakatodoka Steven asina kutombobudikira ndikazobuda dzave kuma 6 ndichinanga kumba kwana Barrack kunotarisa.
Ndakasvika vachinzi vaive vasina kumbouya ndikadzokera kumba ndichiita kunzwa kupera simba.
Kana hope manheru hadzina kutouya ndaingunosanduka-sanduka ndirimo mumachira dzichiramba kubuda.
Dzakatozobata kwave kunoyedza ende kurara kwacho handina kurara zvinoenda kure ndakamukira futi rungwanani-ngwanani.
Ndakangogeza kumeso kwave kutonanga hangu kwana Barrack uko kwandakasvika ndichiudzwa nasisi vaBarrack kuti vakomana vaive vazosvika kwave kuda kutonoyedza chaiko.
"Vari kupi?" ndakabvunza ndikanzi,"Mirai ndivamutse."
Ndakatanga kunzwa kutsva ndakamira paye ndichiita kunonokerwa nekuti Steven abude.
Ndiye akatanga hake kubuda achipfeka t-shirt yake achitoratidza kuti aive avhiringidzwa hope ndikamutangirira achiri kure ndichiti,"Mari yangu iri kupi nhaiwe Steven?Ndiri kuida mari yangu!"
Panzvimbo yekuti andidaire akabva atotarisa sisi vaBarrack ndokuvati"Mai Anna ndizvo zvamandimutsira?"akanzi,"Aiwa une hutsinye Starvo ipa mukadzi mari yake apa!"
Akanditarisa Steven kwakuti "Mari ipi nhaiwe?"ndikati,"Wakandibira mari yangu Steven ndiri kuida!"
"Mari yako ipiko iwee hindava uchiita seusina kukwana ndizvo zvawamukira makuseni-seni kumba kwevaridzi?"
"Mukoma Starvo, endai kumba munotaura makagara handiti?"ndimai Anna vakamudaro achibva anditarisa ndokuti,"Handei tione!"
Ende takafamba kuenda kwedu tichiudzana mashoko ,ndichiita ku demander mari yangu.
Takasvika kumba,tikapinda mumba munhu achibva atotanga kutotaura hake rough achiti "Hapana mari yandiri kukupa,inga unombodya mari dzaamai vangu wani?Dzingani mari dzaunovhara muchembere wangu iwewe?"
"Ndakambovavhara kupi?"ndakabvunza ndichizvibaya pachifuva nechigunwe zvikanzi,
"Unoti handizvizive?Uri kundiona kunge ndakadzima zvekutodaro?"
"Zvauri kutaura zvese ingano idzo,ndiri kuda mari yangu Steven!"
"Handina mari yandiri kutokupa,yakatoperera kuKasikasi mari yauri kuti yako iyoyo."
Ndakaita hasha zvese nesimba ipapo ndikamudhonza bottom ndichiti "Ndiri kuda mari yangu" achibva andivhizurira kure ndikasvikowira kumubhedha.
Panguva iyoyo chandaive ndongofunga mumusoro mangu kumurwisa Steven.Ndakasimuka nekukasika ndikanomubata zvakasimba achibva aedza kundipusha sezvaaive amboita akatadza nemubatiro wandaive ndakamuita.Ndakabva ndaita wekuruma nemazino.Ndakanzwa nekudhonzwa bvudzi asi handina kumbobva paari ndakaramba ndakamuti ngii nesimba rangu rese ndikanzwa ave kubowa.
Vanhu vakapinda vachiedza kubata Steven achiramba achiita simba iniwo ndichiramba ndakangoruma chete.
Ndakazongonzwa adhonzerwa panze akabudwa naye ndikasara ndichiita kuchema.
Madzimai ataigarisana nawo emudhuze akapinda mumba vakatanga kundinyaradza vamwe vachiti "Dai mamusiya munokuvadzwa" vamwe vachiti,"Mamugona,uyu aida kukutsanirwa!"
Mai Sue ndivo vakazoti "Apotsa arohwa naasahwira vake panze apa" mumwe akabvunza achiti,"Barrack here?"zvikanzi,"Ehee anga achimuitira hasha panze apo dai asina kuuya mukati paibuda chisvinu pano?"
"Anga auya Barrack?" I asked with my voice in between sobs zvikanzi namai Sue ,"Ehee ndiye azomubata hameno kwazvaenda."
"Vanozivana."
"Haa handifunge kuti aizviziva ini kuti imari yekuba nekuti hasha dzaanga achiitira mumwe wake ipapo ka,dzakaoma!"
"Zvakaoma hazvo."
"Usazvidye moyo Mai Sasha,tarira une nhumbu, unozvikuvadza mwana ari mudumbu umu" vakadaro vamwe amai vaive vechikuru ndichibva ndatongogutsirira musoro.
Kuudza mumwe kuri so easy asi kana chave kwako, wave kufunga uriwe ndipo paunoona kuti hausi tsotsi.
Vanhu pavakazobuda ndakabva ndatorongedza tunhu twangu, kugeza ndokugadzirira kubuda hangu kuti ndichiende kuNorton.
Ndakabuda nekabag kangu kaive netuhembe twangu netwe mwana ndichibva ndatoonekana nevamwe.
Mai Sue ndivo vakandibuditsa chivanze vachindisimbisa kuti zvinowanikwa.
Tave kuda kutopesana takanzwa munhu akadaidza achiti "Mai Sasha" ndikacheuka ndokuona ari Barrack.
Takamumirira achibva aita zveku jogger kuti asvike pataive tiri. Akasvika pataive ndokumbotanga amhoresana namai Sue ndokuzonditi,"Muri sei Mai Sasha?"ndikati,
"Handisi bhoo hangu Barrack, munodarireyi asi?Sure kunodya mari yandaiswerera ndakamira shuwa?"
Akatanga ambonenekedza ruoko achida kutambidzwa bag randaive ndiinaro ndichibva ndamutambidzawo , akati "Ngatitaurei tichifamba."
Takaonekana namai Sue vaive vodzokera tichibva tatanga hedu kufamba.
"Mufunge henyu mai Sasha ndiri kuita kunonzi kunyara izvezvi so, handina kutomboziva kuti imari yekuba,ndatongoti ndimomz vakatumidzira kumukomana" Barrack explained ndikati,"Ndiri kurwadziwa handidi hangu kunyepa."
"Zvinorwadza I am very sorry Mai Sasha, namai vangu kudai hapana chandanga ndichitomboziva."
"It's okay, zvatopera."
"Saka apa muri kuenda kupi?"akabvunza ndikati,"Kwasekuru kunotora Sasha ndozoti kuNorton."
"Munodzoka handiti?"he asked widening his eyes ndikati,
"Ndinodzoka ko ndingaendepi?"
"Ndosara ndichitaura naye mukomana don't worry. "
Ndakangodaira kuti zvipfuure nechemumoyo ndichitoziva kuti hapana kutaurwa kwaizoitwa vanhu vaizosara vachiita mabiko avo ehwahwa.
Akandisiira kumashops ekwaKamunhu kwakutondiburitsira $5 muhomwe achiti yekuwedzera transport ende handina kuiramba ndakatongoitambira.
Ndakaenda kwasekuru ndikasvikofonera Diana achibva atonditi ndaizomuona akandimirira pana Forth pataiburukira chaipo.
Sekuru nagogo hapana chandakavaudza nezve kunetsana kwangu naSteven ndakatongovazivisa kuti mari yaive isina kuzowanika.
Ndakatakurana nemwana wangu tichibva tatokwira hedu bhazi redu ndokunanga kutown.
Takaburukira nechekure mbijana zvekuti kwaive kwakamira Diana kwaive kutori kumhiri chaiko.
Ndakamuona from afar ndikamedzerera mate nezvaaive akaita.
She was looking beautiful ,akachema zvekuti dai ndakada kuudza munhu kuti aive ari mutwin wangu zvaigona kutorambika.
Ndakazvitarisa ,ndikamutarisa ndikaona ndisiri kutotaridzika zvakanaka ,ndaitoita kunyadzisa kuti ndisvike padhuze naye.
End of chapter 3
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
76