Berlin's Writings
June 10, 2025 at 02:15 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaeOnyn1XqucpeweIp12
*Tit For Tat*
Written by Josh T. Vombo
CHAPTER 1
*Tunga*
"Variseiko mainini vamatisiyisa basa kuti tizoroora ava?" My brother Stanley asked. Ndaitodriver ndichibva kunomutora kuairport. He had come all the way from Australia kuti azondibatsira kuroora. Taive tangozvarwa tiri two chete and taiwirirana zvakanyanya. Ndakatarisa mbijana kwaari ndikati, "vari bho ava. Apa tiri kupfuura nemutown mbijana tichivaona ndoda kumuona ati pana photographer waawana I just want to talk to them ndinzwe kuti varongei."
"Ko kunondisiya kumba wozoita marounds shamwari? Unoziva kuti mahours mangani here kubva kuAustralia?" Stanley complained ini kwave kupindura ndichiti, "mukoma hazvimbotori maminutes. Photographer wacho ari kuda kutaura mari dzekupenga manje mainini vako havagone kuita manegotiations."
"Imariiko yawabva wada kunyanya kunegotiater kudaro?" Stanley akabvunza.
"Package yake yema photos nemavideos iri kuita $300. At least dai anga asvika pa$250 zvaiita nani," ndakapindura zvikanzi naStanley, "$300 ndoyauri kuita kunge mari yakawanda kudaro?"
Ndakaseka ndikati, "shamwari ndasiyana newe une mari yakawanda. Kuno kuZimbabwe we save money."
Akataura zviya zvekuti nyaya ipere achiti, "horaiti handei nemutown macho." Pasina nguva yakareba ndakanga ndapinda mutown kwave kuenda palocation yandaive ndapihwa naClaire wandaidanana naye. Pandakasvika I parked the car kwave kupinda muphoto studio yevakomana vaya ndokubva ndatanga kutaura naye mukomana wacho asi aiomesa musoro achiramba kudzikisa kusvika pa$250. Claire akanga arimo kudhara achizama kuti tinzwanane navo asi vaiomesa musoro zvakangodaro.
"Ooh $300 yacho iyi. Unouya woita basa," ndakanzwa voice raStanley rave kudaro. Akatambidza photographer mari achibva ati kwandiri, "hatinganonokere kuenda kumba nyaya ye$50 yamuri kutadza kuita negotiate. Ndakaneta shamwari."
"Claire, this is my brother Stanley. Bro, ndivo mainini ava," ndakaita maintroductions vakamhoresana. Claire akabva ati, "yoh makafanana zvenyu. Ndafara nekukuzivai bamukuru. Ndinongokuonerai pama pictures chete."
"Kana nemi ndongokuonai pama status emukomana. Makamupfuhwira kani? Haabviri nemi," Stanley akadaro ndokubva vaseka vese.
"Ndikazomupfuhwira anotofa zve," takaseka hedu ndikati, "babe rega ndiperekedze Stanley kumba azorore. Ndotaura newe later nekuti apa ndiri kudzokera kubasa kana ndamusiya kumba."
We said our goodbyes kwave kupesana ndokubva ndaenda kumota naStanley. Ndakatanga kudriver ndakananga kuMabelreign kwaive neimba yedu. Kana Stanley asipo ndaingogara nevabereki vedu nemusikana webasa ainzi Wendy. Takambofamba zvishoma takanyarara ndokubva Stanley azoti, "saka musikana wako unonatsomuziva here?"
"Ehe. She's a good person uyu. Munhu bho manje," ndakapindura ndine confidence ndokubva Stanley ati, "ndiri kuda logical answer, kwete answer yemunhu ari kufunga nepakati pemakumbo achivharwa maziso nekuti musikana wake iyellow born kana kuti ane structure yakanaka."
Zveshuwa Claire akanga akatsvuka zvake plus she had a good structure. Takanga tave negore tichidanana and I was deeply in love with her. Ndakatanga kufunga kuti pane chakaipa chaakanga andiratidza here ndikachishaya. Even vabereki vangu vaive vachimuziva and they loved her. Vainatsowirirana naye and ndizvo zvakandipa confidence dzekupindura kuna Stanley ndichiti, "yes ndonatsomuziva. I have been with her for a year haana mared flags andakaona."
"Hoo," Stanley akadaro and it left me wondering kuti akanga aonei. Saka ndakabvunza kuti, "asi kune kwawakamuona?"
He shook his head kwave kuti, "handina kwandakamuona. But first impression haiwanzonyepa. I don't trust your girl. She looks like the type inenge ine maskeletons akawanda mucloset."
Ndakaseka ndikati, "haa not Claire. She is an open book uyo."
Stanley haana kuzotaura zvakawanda nekuti takabva tasvika kumba ndikavhura gate. Vabereki vangu vakanga vatomira muyard vakamirira mwana wavo wavakanga vapedzisira two years before. They hugged vakatanga kutaura nyaya. Ini ndakagara navo zvishoma kwave kusimuka ndichioneka nekuti ndakanga ndave kuda kudzokera kubasa. Pandakasvika kubasa ndakaita busy kwave kuzochaisa na6. Ndichingopedza basa phone call yakapinda from Claire. I answered achibva ati, "I miss you my man."
"Inini ndakusuwisisa manje," ndakapera and she laughed akati, "zvava zvecompetition here babe? I understand hangu nekuti mazuvano you have been busy kumhanyidzana nekuti tiroorane zvakanaka. But I miss my man. Hatisi kuwana time mazuvano."
"I understand babe. This weekend ndichaita plan tiwane nguva tese. Plus chingoshinga nekuti pasara two weeks chete kuti utange kunzi Mai Masara," ndakapindura and she giggled achiti, "hiii I can't wait. Unenge wava wangu full time." Takataura kwekamwe kanguva kakati rebei ndikazooneka ndave kuda kuenda kumba kunozorora. We agreed kuzopedzisa nyaya paWhatsApp. Pandakasvika kumba ndakawana Stanley achangomuka ndikati, "iwe kubva na12 wanga uchiri wakarara?"
"Zvanga zvabatana nekuti kubasa kwacho ndaisawana zororo. Basa redu remacomputer iri unogona kudeedzwa anytime uchinzi system yacrusher. Hatidzime maphone semi nekuti system inogona kuita mafunnies na12 midnight," akapindura.
"At least une two weeks dzekuzorora kuno," ndakadaro achibva ati, "yah ndinomborara. Rega ndigeze ko ndazongorara ndisina kugeza ka paya."
Stanley akaenda kunogeza ndokubva apedza tikapakurirwa food tikadya pamwe chete. Patakapedza kudya Wendy akatakura maplates achienda kunosuka. Inini ndakanogara nevabereki vangu naStanley tiri kulounge tichiona TV nekutaura nyaya. My parents were still catching up with Stanley saka ndivo vainyanya kutaura nyaya. Inini ndini ndakatanga kubuda ndave kuda kumboita imwe phone call naClaire wangu. Ndakaita about an hour ndichitaura naye ndokubva ndazokata ndave kuda kurara nekuti next day ndaimukira kuenda kubasa. Ndave kuda kutorara ndakanzwa knock padoor rebedroom yangu ndokubva Stanley apinda ndisati ndadavira. Akasvikogara pacorner yemubhedha wangu kwave kuti, "wangu I am still worried about munhu wako. Something about her is bothering me. I think imbomira kuroora kusvika ndava sure kuti munhu bho."
"Stanley, asi une kwaunomuzivira?" Ndakabvunza akati, "chokwadi ndechekuti handimuzive from anywhere but pane imwe feeling yandiri kuita yekuti she is hiding something from you."
"Something like what?" Ndakabvunza zvikanzi, "ipapo handizivi. Unombobata phone yake here?"
"Ehe ndobata phone yake. She has nothing to hide. Even fingerprint yangu iripo paphone yake," ndakapindura zvikanzi, "nditendere kumbovhura phone yake nditsvage ndega. Hatidi kubvisa mari pamunhu watisinganatsoziva as a family. Ndambobvunza ana momz namudhara but vangondipa general answer seyawandipa masikati."
Pakuti kuvhura phone apa I knew kuti he wanted to hack her phone ndikati, "zviri necessary here zveku hacker phone yake? Ko kana mune nyaya dzefamily yake kana mamwe masecrets evamwe vanhu vaakachengeta."
"Masecrets evamwe vanhu handina basa nawo. Ndoda kuziva nezvake chete," Stanley akapindura. Inini ndaiziva kuti kana atanga kuva obsessed nekuwana chokwadi kudai hapana chaizomumisa. Nyangwe ndikaramba ndaiziva kuti aizongozviita.
"It's okay unovhura hako but I am sure hauna chaunowana nekuti neni ndakatombovhura last month hapana kana chandakawana," ndakapindura achibva atora number yaClaire kwave kubuda zvake.
Ndakarara kwave kumuka the following day ndichigadzirira kuenda kubasa. My parents were retired saka vainonoka kumuka zvavo. Ndaingotenderera mumba naWendy kusvikira Stanley amuka. Akawanda ndichinwa tea ndisati ndabuda ndokubva tamhoresana. Akaisa phone yake patable ndokubva ati, "ndakavhura phone yamainini nezuro ndikawana zvakawanda. Asi it's up to you kuti usarudze kuti unoda here kuvhura or tongoenda kunoroora uri murima."
Hana yangu yakarova ndave kufunga kuti ndoita sei manje. Kana pane zvaonekwa it means kuti zvakanga zvisingaite. At the same time kuti ndigare murima zvaisaita. In the end ndakasarudza zvandaida kwave kuti, "ndipe tione."
Stanley unlocked his phone kwave kuenda kugallery achibva ati, "pinda mufolder rakanzi Claire." Ndakavhura folder hana yangu ikarova nekuti attention yangu yakabiwa nema nude pictures akanga akazara imomo. Akanga ari mapictures aClaire neumwe murume so wandaisaziva akatorwa vachifadzana mune imwe hotel, pamwe pacho akabuda vari mubathroom and then ndakazosangana nemavideos. I played ndichishaker kwave kuona Claire ari busy kufadzana nemurume uyu. Yanga isiri one video but aive akawanda. Then maive nema screenshots ema chats eumwe wangu nemunhu uyu. It looked like vakanga vatanga kuzviita ini ndave kudanana naye.
Ndakaita kunge ndichadonha ndokubva Stanley akasira kutora phone yake kwave kuti, "sorry wangu. My instincts were right about her. Now mubvunzo wave wekuti zvawamubata kudai uchaita sei?"
End of chapter
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
36