Berlin's Writings
June 11, 2025 at 06:46 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *Lullabies* By Berlin Magaya 0712025728 Chapter 7 *Evelyn* "Havapenge here baba ivava?"was my question,Barrack wandaibvunza wacho achibva atanga amboseka ndokuzoti ,"Haa rinonakidzwa iri ,takamboriitira basa paden paro zidhara irori.Haa taikuvadzwa nema coolver." "Hoo" ndakakasika kudaira zvikanzi, "Ehee,haa munhu ari bhoo hake, hwahwa chete nekusatokura ndizvo zvinomunetsa." Nechemumoyo ndakatongoseka ndichiti "Ko iwewe!" kunze ndikazongodaira ndichiti,"Zvakaoma kani" semunhu aive abatsirwa. Ndakabva ndatochinja nyaya iyoyo ndave kutobvunza kuti "ko asahwira varipi?" zvikanzi, "Aaa aane two days asiri kutombobuda paden,takapesana mumwe musi tadhakwa kubhawa uku iye hameno kuti akaitawo sei achibva arasika hake kumba." "Yuwii nekudhakwa?" "Ehee zvake!" "Ende mudhakwiro wenyu ka, zvikazodii manje?" "Haa hameno kwaakabudikira kumakuva uko kwaanga ave kuti akazoona zvipoko,what what.Saka haa kubva ipapo haasi kutoda zvekufamba." "Madrugs ndiwo anokonzeresa kuona zvisirizvo kudaro." "Kuti kudaro here Mai Sasha,anogona akatozviona zveshuwa zvipoko nekumaraini kwenyu kune makuva uku!" "Haiwa ogochiona iye angori one chete Mabvuku yese?" "Ehee!Chitotendai apa kuti baba havachafambe manheru." Ende takafamba kusvika kumaraini dzingori nyaya dzega dzega kusvika tisvike. Ndakanosiiwa padoor chaipo ndikatotenda ndichiti "Iii basa ndiro rawaita apa" zvikanzi,"Haa hazvitendwe mai Sasha, nditarisireiwo mukomana mukati umu kana arimo mumuudze kuti ambobuda ka zve two mins." "Pinda ka" I insisted zvikanzi,"Aiwa ngaabude mukomana." Ndakabva ndatopinda mumba umo mandakasvikotambirwa namai Sue vachiti,"Lendivha auya" uku vachindimbundira. I hugged her back ndichiti "Muri sei mai Suzana" zvikanzi,"Mushe ende hautane hako kuchinja wakabva kuno wati zvii apa watsvukira-tsvukira asi waigezeswa kani?" "Ndagara ndakatsvuka ini Mai Sue." "Asi haugeze ka,hesi hako Sasha munhu musvinu kuchena here uku!" Vakazenge vasimudzana naSasha uyo aive akuvaudza munhu aive amutengera hembe. Takadungamidzana kuenda kuroom kwangu uko kwavakazosiira Sasha padoor. "Asi varimo" ndakabvunza ndichiita zvekuzevezera zvikanzi,"Dzanga dzirimo ndivo vatosakurira yard hameno kuti vachimo here." Ndakavhura door iro raive risina kutokiiwa ndikaona shasha yakatofa hayo nehope pamubhedha ndichibva ndatoudza Mai Sue kuti "Dzirimo" vakangodaira nekugutsurira musoro ndokutoenda. Ndakapinda ndikatanga ndamboviga polony yangu pakanaka ndokuzonogara pamubhedha.Ndakamutarisa Steven ndikadzungudza musoro ndokuzokasika kurangarira kuti ndaive ndasiya Barrack panze ndichibva ndatotuma Sasha ndichiti "Enda unoudza Barrack kuti daddy vakarara." Akaenda achimhanya mwana kwakuzodzoka achiti,"mama hanzi ndipeiwo matches," ndikangonhongawo kachikoko kaive kari mumba imomo ndokumupa. Ndakavhura mawindows ese ndikatanga kuunganidza maplates aive akasviba ese zvayo ndokuzotanga kutsvaira mumba. Maive musina kunyanya kusviba hamo maitoratidza kuti maimbopfuurawo nemutsvairo. Steven akazomuka ndave kutokorobha akaratidza kushamisika nekundiona.Akatanga amboshama achiti "Aaa" ndokuzoti,"Ko mauya?" ndikati,"Ehee." Akabva amboita zvekufarirana nemwana wake ndokuzonditi "Kwanga kuri sei kuNorton?" ndikati,"Kwanga kuri bhoo." "Masvika nguvai?" "Aaa pave nekanguva tatouya naBarrack anga achikuda." "Aaa ndanga ndakaneta ini, rega ndinochera mvura pamugodhi ndimbogeze." Taive tamusvikira twekwake twuri kure zveshuwa,hameno kuti yaive nyaya yechipoko yandaive ndanzwa naBarrack here kana kuti chii.Akabva atoenda hake kunogeza ende akatora nguva yake arimo imomo. Ndaiti ndikamuona afunga zvekugeza kudai ndotoziva kuti musi iwowo hakurarwe, anenge achitoda nezvangu.Kana pasina chaanenge achida hake aigona kutoita 2-3days munhu asingageze. Akadzoka kubva kunogeza ari munhu kwaye kwaye , maplates andaive ndaunganidza achibva atoti aizomasuka hake ariye. Ende akamasuka ini ndave kutogadzirira zvekuti ndibike.Ndakabika munhu akaita zvekurarira hake pamubhedha achitotamba nemwana akaita kudzikama zvekuti kuti umuzive kuti ndiye uya wema drugs waigona kusatomuziva. Nechemumoyo ndaitongonamatira kuti zvibva zvangopera hazvo,kana zviri zvipoko zvaive zvaonekwa ndaive ndakutongoti dai hake aramba achizviona kuitira kuti apfidze,asiye madrugs. Ndakanyatsokangawo pork yandaive ndatenga nemoyo unoda tikaidya paye nesadza ndikanyatsonzwa parere moyo. Takapedza kudya ndichibva ndazoita zvekurarisa mwana uyo asina kutombonetsawo hake kurara kwacho. Paakangorara chete ndakabva ndatobvunzwa naSteven kuti "Dzarara here?" ndikati, "Ehee" munhu achibva atotanga kundikissa muhuro sezvo ndaive ndakamufuratira ndakatarisa kumwana. Nyama dzangu dzakabva dzatodairirawo kutokanganwa kuti ndaive ndakabirwa mari. We had two very hot sessions husiku ihwohwo tikazorara taita kunetesana. Mangwana ndaiti ndichamuka munhu atobuda kare mujira but haana kudaro.Akatomuka aripo,ndichibva ndatoita basa rangu ndokupedzisira nekusuka maplates ayo andaisuka ndakatogara hangu pachigubhu. Mai Sue pavakaona ndichitatarika nekuti ndikotame vakabva vandisiisa maplates aya vakatanga kundisukira. "Vachikarara baba Sasha?" she asked ndikati,"Ehee ndakasvikira twuri kure imi." "Vane two days zveshuwa vachiswera pamba,ramba uchinamata zvinoita." "Dai zvadaro." Vakagutsurira musoro ndokuzoti "Aaa ndanga ndakutokanganwa,amwene vako vakasenda message vachiti kana wazouya vanoda kuzotaura newe" ndikati, "Hoo, muzovaudza nditaure navo ,vakafonerwa namama vangu tiri kuNorton uku vakaudziswa ,saka ndofunga ndiyo nyaya yacho chete." "Ndiko kutogona Mai Sasha hapana munhu anomboda kuti mwana wake ashungurudzike mufunge zvenyu." Pavakazopedza zvema plates ndakabva ndadzokera mumba ,ndikagadzira tea kwakuinwa nechingwa chine polony yandaive ndambozviti ndaizoidya nemwana wangu iye.Mweya wekunyima Steven waive watopera. Mai Sue vakazondidaidza ndakatozvambarara hangu titori pakati pekutaura naSteven uyo aive ave kutocomplainer achiti "Vari kudeiko?" ndikamuti, "Rega ndinonzwa ndodzoka." Ndakaendako ndatoziva kuti vaive amwene vangu vaive vafona chete.Ndakasvikopihwa phone iye namai Sue ndikaona itori pacall yaamai vaSteven ndichibva ndaiisa kunzeve ndokuti "Hello mama" zvikanzi, "Muri seiko amai vangu" ndikati,"Ndiri right makasimba here mama?" "Ndakasimba ini mwanangu,happy new year." "Happy happy, makaripindawo zvakanaka here goredzva iri?" "Aiwa takapinda zvakanaka ,dziri sei mhuri." "Mhuri dziri right idzi." "Ndakazoona ndave kusenderwa message naamukurungai vachindiudza zvaive zvakaitika.Hanzi Steven akaba mari yenyu?" "Ehee zvake,yakatoita noise pano tikatozobatwa nevanhu." "Ndakanzwa kudaro pandakazofonera Mai Sue, aiwa violence haina kunaka mwanangu unokuvadzwa necondition yauri iyi." "Ndanga ndarwadziwa ini mama, imagine ndaiswera ndakamira ndichishanda kamari ikako mumwe munhu ozongokatora?" "Aiwa zvinorwadza mwanangu,I feel your pain.Iri mhosva yaamwene vako vakatadza kutumirawo something December,zvinhu zvacho zvanga zvakapressa." "Aaa ndinozvinzwisisa mama." "I am very sorry sure" vakadzokorodza zvekare ndikati,"Haa zvapera mama." "Ehoo, apa ndangoti ndifane kutumira $300 chete, imwe unotenga zvese zviri kushota mumba nezvemwana,yasara wozvitengerawo phone.Hazvichanake baa izvi zvekuti ndirambe ndichinetsa Mai Suzana ava nephone." "Hii maita basa mama" ndakadaro ndazadzwa nemazimufaro zvikanzi,"Aiwa hazvitendwe izvi, ende Steven usatombomuudza hako kuti ndatumira mari iyoyo,unozomuudza watenga tunhu twako.Uye phone yacho kana watenga ngaigare pakanaka nekuti ingazopwanyiwa sezvakaitwa yelast time iye." "Aiwa iyi ndoiisa pakanaka ,maita basa mama." Ndakapedza kutaura paphone ndingori munyemwerero chete kamwe kamoyo kakatomboda kumuudza Steven semunhu aive in a different mood ,asi ndakazokasika kurangarira zvaaiita akabatwa nemadrugs ndichibva ndazongozvinyarara. Musi iwowo takaswera tichiwirirana manheru tikapanana rudo zvekare. Mangwana acho ndipo pandakazoona munhu amuka achiti aive nekwaaienda ini ndikangotiwo "Endai babamwana" semunhu aive nerwendo rwakewo. Aenda ndakabva ndatowana mukana wekubuda ,ndakatosiya Sasha ndikabuda kuenda kunotora mari mutown ndiina mai Sue. Ndaitora ndakabva ndangonotengawo itel phone yaikwana pa$100 kwakutoisa sim rangu paye.Munhu wandakatanga kufonera after ndaisa sim ndiDiana .Ende ndakangomuzivisa kuti ndaive ndaane runhare kwakuto cutter call sezvo taive tichiri mutown. Ndakatenga zvese zvemumba zvaidiwa,pakatosara imwe mari tikazoenda kumba takaita kuremerwa. Takasvika Steven atoriko zvake akazvambarara mumba. Mai Sue vakapinda nezvimwe zvinhu zvandaive ndatenga vachibva vangoswedzana naSteven ndokuzobuda. "Zvabvepi zvinhu izvi?"akabvunza Steven achiita kakugarisika zvakanaka ndikati,"Ndazvitenga" zvikanzi,"Mari yacho waiwanepi?" "Ndatumirwa shoma namama." "Shoma?Vachitumira yako chete?" "Ehee, vachidzosera ka yangu yawakaba iye." His face instantly changed achibva amboramba akandidzvokora ndokuzogobuda muye achiita kubhidhaira achiratidza kutsamwa.Ndakazoziva kuti kwaive kuri kunofonera Mai vake nephone yaBarrack achivapopotera chete.  Nekutsamwa ikoko akazouya kwatosviba ndikasvikonzi "Chindipawo ka 3mari pane yawasara nayo" ini ndichibva ndatonyepa ndichiti,"Handisisina kana cent" knowing that aida kutonotenga madrugs ondidhakwira. Ende takarara angori kwindi ndikazomuka mangwana makuseni ndichiona mumba musisina munhu. Chandakatanga kutarisa was my phone and wallet zvaive pasi pepillow. I let out a huge sigh of relief ndaona zvese zviripo. Ndaive ndakutoti ndichimuke ndisenderwewo whatsApp namai Sue pandakanzwa vachitondidaidza vakamira padoor Mai Sue vacho.Ndakamuka ndikasunga zambia rangu ndokubuda panze ndikavawana vakamira padoor. "Mamuka sei?"she greeted ndikati,"Ndamuka zvangu" ndokubva vambotora nguva vakanditarisisa ndokuzoti,"Baba Sue varikuti vasangana nababa Sasha pachibani vaine box rema spaghetti." Ndakapererwa ndikangokwanisa kushama muromo ndakavatarisa. Pave paye ndipo pandakazodongorera mumba ndokuona box rema spaghetti musisina zveshuwa.Raive ratoenda! Murume wamai Sue aive aona Steven uyu aive ari guard wemanheru saka aiuya kumba makuseni kubva kubasa. "Atora muno box iroro zvave kutonotengeswa mai Sue imi!" ndakaita zvekudaidzira ndatobata gotsi zvikanzi namai Sue vaye,"Muregei" ndikazunza musoro ndichiti, "Kana mdiri kuzotevera." "Muregei honai dumbu renyu radzika iri mai Sasha, siyai so henyu!" Ndakadzokera mumba ndichichema ndichibva ndambotora nguva ndichingodaro.Kwaive kusisiri kuchema chikafu asi kutochema nhamo yandaive ndakazvitsvagira ndega iyo yandaive ndakutoona kuti yaisambofa yakapera .Kana simba rekuti ndichigadzirise whatApp yandaida kugadzirisa iye ndakabva ndatorishaya kwakutoswera ndakarara zvangu.Dzatove kuma 4 dzekumazuvarovira ndipo pandakatanga kunzwa ka pain nechepamusana apa. Ndakamborara nemusana,ndikamboti nedivi z ndichiti zvimwe zvichapera hazvo but hazvina kupera zvakatoita worse ndikazotanga kunzwa kuchekwa-chekwa nechepazasi pedumbu apa. Handina kuzoda kuudzirwa ndakabva ndatongoziva kuti yaive labour pain. End of chapter 7
❤️ 👍 😂 😢 🙏 😮 93

Comments