Berlin's Writings
June 12, 2025 at 04:50 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *Lullabies* By Berlin Magaya 0712025728 Chapter 10 *Diana* Ndaive ndanonoka hangu kurara Friday night ndichitotaura naTinashe pawhatsApp.Vamwe vangu vaive vaenda kudining room kunoona imwewo series yaive ichipisa panguva iyoyo, ini kwakusara ndega hangu ndichinakidzwa paphone naTinashe.Takataura zvekuti ndakatozorara 12am dzatochaya. Ndizvo zvaive zvaita kuti ndizononoke futi kumuka Saturday morning. Kwaive kuri kutopera kwaro first week rekukuvhura zvikoro. Ndaive ndadzokera kunogara paboarding house pataingogara apo pataisheya 1 room tiri 4 ,my best friend Leah netwo vamwewo vasikana vaitaive tatongowirirana navo nepamusana pekusheya room kwataive toita.Paive paina Candice naJade ,tese taive tingori pastage yakafanana though taiita hedu ma-different programs. Ndakamutswa nenoise yaCandice uyo aive achiscreamer zvake mwana wevanhu zviye zvekufara. She was too noisy,that's one thing I hated about her. Waitozeza kutaura naye nyaya dzinosetsa nekutya kuzonyaudzwa munhu achiita ruzha. Ndakamuka ndichiita kusvotwa and she quickly noticed it achibva ati "Hii sorry guys, but idzi igood news dzedu tese." Vamwe ndivo vakadairira vachiti "Dzei?" ini nekuda kwekusvotekana nekumutswa kwandaive uku ndaita handina kudaira ndakatongoramba ndakamutarisa achibva ati,"Dzedzi Denzy vandipa wifi password!" and the whole house was like "Yeey!" vachiita kufara. Akanditarisa Candice akaona ndisiri kana kufara achibva ati ''Dee" ndikati,"Ndozvawatimutsira Candice une shuwa?" "Hadzisi good news here nhaai Diana?" "Inini hangu wandibhowa I was busy enjoying my sleep, iwe neruzha rwako kwakundimutsa." "Sorry." "Ehoo,chitipai hedu wifi password yacho timboisenzesa hedu kachiri kekuseni kudai!" Haana kuramba,takatoipihwa wifi password yacho tese zvedu ini ndichibva ndatomhanya hangu kuVidmate kunodownloader mamovies. Tinashe akazofona nditori pakati pekunzwa music ndikadaira ndichiti "Hey " kukanzi, "Hey mummy mamuka sei nhasi?" "Ndamuka bhoo and you?" "I am well, what's up for today hausi kuenda kumba here?" "Kumba kwandakabva manje manje?Aaa I am not going shaaa." "Saka toita sei?Mind if i take you out." "Noo I am a bit tired, nhasi ndiri kuda kumborara Tinashe." "Saka tozviita next week?" "Yaa I guess." "But ndinokwanisa kuuya ka ndichingokuona ndapedza zvandiri kuita." "What time?" "From 3 zvichidzika." "As long as kusingazodoke chete usati wasvika,cause ukazouya kwadoka handubude." "It's okay I will try kukasika." "Good." Pakapera call iyoyo vamwe vangu vaive vatonditarisa vatomirira kuudzwa zvataive tataurirana naTinashe. I had to roll my eyes first ndokuzovati "What?" Candice kwakuti, "Someone is in love here!" "Yes woo!"ndakadaira ndichipindura-pindura maziso zviye zvekudadirira. "And you didn't tell us, wakazowana anokugona ka?"ndiJade akadaro ndikati, "Come on am I supposed to tell you everything?Wese mukomana anditi sppp ndotokuudzai?Come on you guys!" "Inga isusu tinongokuudzawo wani, anyway who is the lucky guy?" "You don't know him, muchazomuona henyu his name is Tinashe." Ndakadhuma bendekete raLeah aive paside pangu ndichiti "Bestie vanotomuziva" zvikanzi naCandice, "Ooh wow!You guys ka ende makaoma zvenyu, isu tisu tinofa muno nekukuudzai nyaya dzedu imi musingataurewo dzenyu!" I was about to ask kuti "Tinenge tambokubvunzai here?" since vanhu vacho vaingotaura havo without being asked ndokuzovhiringwa nekurira kwaive kwoita phone yangu. Ndakaitarisa ndichifunga kuti ndiTinashe aive ofona zvakare kwakuzochinja face ndaona vari gogo vekuMabvuku vaifona. "Vahosi" ndakadaira ndichidaro zvikanzi, "Hesi kani mukadzi wemurume" ndikati, "Mushe muri sei zvenyu?" "Ndiri bhoo zvangu kuri sei kuchikoro asikana?" "Kuri bhoo zvako uku." "Okay, ndafona ka kuti ndikuudze nyowani iri kuno .I received a call from Mai Sasha manje manje so hanzi baba Sasha vari kuita kunge vari kutayika njere!" Ndakavhurisa maziso all shocked ndokutanga ndambotarisa vanhu vaive around me kwakuzopfeka mapush angu aive pasi ndokubuda panze without saying a word. "Diana" called gogo ndikadaira ndichiti,"Yes ndanga ndichibva pane vamwe, mati hanzi aita sei?" "Hanzi ari kupenga nezuro manheru hanzi akatomhanyisa Eve kuma 12 chaiko nebanga achiti ari kuda kumuuraya.Hanzi Eve akatobuda mumba asina kupfeka amhanyiswa." "Dai akambomudhedha naro banga racho pamwe ndokuti angwarewo Evelyn wenyu gogo!" "Usataure uchidaro Diana." "Eve anobhowa henyu gogo, anyway zviri kunzi chii?" "Hanzi aendeswa kuHospital, vari kumirira kuona doctor." "Madrugs ayo ari kutokonzeresa kuto apenge kudaro Steven!" "Haa anga achichema Eve ,hanzi apa Steven wacho ave kungorwera rute achingochururudza weti!" "Anopenga ndiye mwana wamai vangu uya, Eve chitombomusiyei henyu ashingirirame imba yake ,handiti ndizvo zvaakada?" "Usataura uchidaro Diana!" "Zveshuwa gogo,ndirini dai ndakatomusiya kudhara Steven uya!" "Usadaro Diana." "I am serious, regai amboona nhamo yacho ndiye akazvida." Call ichingopera ndakabva ndafonera mama but her phone rang unanswered ndikapedzisira ndave kufonera aNzou. Ndakaseka hangu mama vaye vaive vatadza kudaira phone yavo pavakadaira yaaNzou. "Hesi mwanangu" vakatanga nekudaro ndikati,"Ndiri bhoo ko madaira phone yevaridzi muchitadza kudaira yenyu sei?" "Yangu ndaisiya pacharge kulounge chaiko iyi ndoiri padhuze zvee!Kuri sei kuchikoro?"  "Kuri bhoo ukuz mainzwa here nyaya yemukuwasha wenyu?"I asked. She let out a huge sigh ndokuzoti "Umm ndainzwa mwanangu, haa zvakaoma.Wambotaura naye Evelyn wacho?" "No, ko imimi?" "Ndataura naye achiti vari kuchipatara." Denzel,aive mwana mwana waLandlord vepataigara akabva adarikawo nepamberi pangu akabata makeys hameno kwaitoendwa. He gave me a naughty smile ndokuzonditsonya ndikangopindurudza maziso looking away. He was a player, vasikana vese vepamba pavo ipapo aitoti avasvitse shoko. "Zvakaoma mwanangu ko chimbotaurawo naye ka Eve wacho" mom insisted ndikati, "Noo handisati ndave kuda izvozvo ini, anozvidawo chaizvo Evelyn musiyei amborwadziwa hake!" I went back inside after that call ndikasvikonzi negirls "Ndi bae?" ndikangoti, "Maya!" nekutozvikandira pamubhedha. Ndakazvambarara ndakatarisa muceiling pfungwa dzikatanga kufunga zvakawanda. Ndaive ndakamutsamwira hangu Evelyn asi nyaya yandaive ndanzwa iyi yakandirwadza.Kuedza kufunga nezve hupenyu hwake kwaindisiya ndichiita kudzimbikana pamoyo. She was going through a lot ende zvaisatoenderana nezera rake,it was too much for her.However pain yaainzwa iyoyo inini ndaitoinzwawo. I was brought back to reality naJade aive ave kuti "Diana" ndikati, "Hmm" ndichimuka nekugara. "We are going out ka nhasi" akadaro Jade ndikangiti, "Okay" kuti zvipfuure since it was a norm kuti maSaturdays vanotoenda out manheru. Ndaimudaira hangu uku ndave busy kutamba candy crush achibva aenderera achiti "Handei ka tese!" Vaiwanzoenda kumaparty avo,God know where ini ndichisara zvangu ndakarara.Mumwe wangu Leah aidawo mafaro so aisaramba hake kuenda.Pese pavaibuda vaitobuda vese ini ndosara hangu ndakarara and I didn't mind. Ndaisatozvidawo zvemafaro izvo zvekuti ndaive ndakutozivikanwa nekunzi, "Miss Holy!" Musi uyu semunhu aive nezvakawanda zvaaifunga ,vanhu vese vakashamisika ndichiti "Tinoenda!" pasina kana nharo. Nyaya dzana Steven naEve vake dzaitonditemesa musoro zvekuti ndainyatsonzwa kuti handisi kuda kudzifunga ,kuenda out nevamwe ndiko kwaizondibatsira kuti ndisafunge. "Sure here?" akabvunza Candice achivhurisa maziso ake ayo aive akakura hawo nakudhara ndikati,"Yes,toenda but handinwe doro I will be watching ndakagara." Vese vakauya kuzondimbundira vachifara vachibva vatotanga kutondiudza mafambiro ataizoita. Taizouya kuzotorwa nemota tonosiiwa kuvenue then tozodzoswa futi kana party yapera which was okay with me. Takabva tatotanga kutaura nyaya dzezvekupfeka zvacho ndikasarudza hangu kupfeka rimwe black dress randaive ndakatotenga hangu mubhero kare.Raive riri long riine slit pamberi apa neshiny goldish detail kumusoro, riri haulterneck. Ndairida but ndaisaripfeka hangu nenyaya yekakupenya ikako, pane munhu aive akambonditi raive remanheru ini kwakutobhowekana naro since ndaitoda zvekuripfeka during the day.Kutoritakura kuchikoro yaitove nyaya yekuda kutoritengesa zvangu. Pama dresses I preferred long ones nepamusana pemateya andaive ndiinayo.Maskirts ndaipfekawo hangu zveapo neapo aine length yaisazondibuditsira mateya angum Nekuda kwekuviga mateya iyayo, I preferred wearing pants. "Mapums are a no no Diana, mapums ndeekuchikoro or kubasa kwete kuparty" ndiCandice akadaro mushure mekunge aona ndichibuditsa mapums angu. "So what do I wear?"I asked all confused zvikanzi, "Dress iri bhoo but mapums haibo sthandwa!Put on something else,you have a pair ankle straps heels wani nhaai Diana." "Hoo anoita?" "Yes, I guess I should take you to a fashion school one of these days" Jade teased. "Undikwanire ndinozvirega izvi!" ndakataura ndiri serious vese vachibva vandiunganira vachiti, "Sorry sorry!" Tinashe ndakabva ndatomuisira message ndichimudza kuti ndaive ndisisakwanise kumuona achibva atoti "Ko nei?" ndikanyepa ndichiti, "Murume wesister yangu ari kurwara so ndiye wandave kunoona." "Ooh okay, ozongondiudza kuti varisei." Nguva dzekuti tibude padzaive dzakusvika takabva tageza. Candice being the expert in makeup ndiye akabva andiisa makeup yacho ndikapotsa ndatozvishaya kuti ndini ani pandakazozvitarisa pamirror. "Betautiful" Candice akadaro apedza kundinama matte lipstick. "You look good in make up dear, unofanira kuramba uchiisa" ndiJade akazodarowo. "Ayewa ,I go for natural" ndakadaro ndichisimuka nekumbozvitarisa-tarisa mberi neshure."Ndakachena" ndakadaro ndichinyatsotarisawo pafull mirror ndichiona kuti ndaive ndakachena zveshuwa Jade achibva ati, "Zvenyu muna ana Mai vanazvo,mine didn't have anything,nanhasi havatorina ende hapanawo chavakatombondipa. Now I have to carry this door of a boot everywhere I go!" Aitaura achizvitarisa kumashure zvese nemberi ndikati, "Unotopengawo chete." Takazobuda pachinzi mota yataifanira kuenda nayo yaive yasvika. Takabuda tikaona iripo Mercedes benz iyo yaive iine two vakomana kumberi. Takapinda mukati tikamhoresana nevakomana vacho mota ichibva yazotanga kufamba. Candice ndiye akazoita ma-introductions acho achindizivisa kuvakomana ivavo avo vandakazonzwa kunzi paive naSamuel naElvis. Ndini ndega ndaisatovaziva ,vamwe vangu vese vairatidza kuvaziva zvakanyanyisa. Mumota mairidzwa amapiano ,vamwe nekunonokerwa vachitotamba vakagara pamwe nekuita ruzha. "Muri kuzvidawo zvatiri kudya?" one of the guys akashevedzera achidaro Candice achibva adaira achiti, "Ehee" akatambidzwa khaki paper. Ndakazoona rasvika patiri khaki paper riye kuti raive riine mapopcorn ayo aiita kunhuwirira nekunaka zvese zvekuti I had to ask Candice ndichiti "Maisweiko umu?" achibva akwidza mapendeke Candice wacho achiti, "Hameno!"  Akabata seat rekumberi ndokubvunza Elvis uya achiti,"Eroo ma home popped popcorns here aya?" "Yes" akadaira achidaro Elvis wacho akanzi,"They are nice, seasoning yako iyi ndaida!" "I just sprinkled a little Aromat umo nothing special." "Aiwa they are nice." Takamadya mapopcorn aye akazopera tave kuda kutosvika kuvenue. PaVenue pacho paive patori pamba but pachiratidza kuti paive pakangomirira zvemafaro izvozvo chete. Matakapinda macho maive nema couch but they were very limited zvekuti vanhu vazhinji vaive vakangomira-mira some vari busy on the dancefloor,vamwe vari kubar area vachinwa zvavo. Ndakatoshamisika kunzwa Candice achitotaura zvekuti vaive vatori nema signature cocktails avo ndikatoona kuti vamwe vangu vaive vakatozvijaira izvi. Ndakaramba zvese izvozvo ndikangonogara hangu muma couch umo maive nevanhu vashoma ndokutotanga kutongoringa hangu vanhu vaitozvifarira. Hapana kana chandakaisa mumuromo mangu ipapo, kana mvura chaiyo ndaitozeza kuinwa but ndakazongoerekana ndakunzwa kuda kungonakidzwa. I last remembered ndichipinda mudancefloor, nekuzotamba kwandakaita ndakaunganirwa nevanhu imomo. Only to wake up the following morning with a throbbing headache. Ndaive ndakarara ndakaita zvekutarisa mudenga. I stretched my neck ndichizvitamura-tamura ndokuzovhunduka ceiling yandaive ndisingazive mudenga. Ndaive ndajaira ceiling yekwana Moyana kwataigara iyo yaive yakaboka-boka so ndakabva ndakasika kuona kuti ndaive ndisina kurara kwedu. Ndakatarisa rutivi ndikaona kuine zimirror rihombe ndikavhunduka ndaona kumashure kuchibudikira munhu aive akararawo paside pangu.Ndaiona through the mirror ndisina kucheuka. Hana yangu yakatanga kurova ndichibva ndacheuka nekuchimbidzika ndokuona zvechokwadi padivi pangu patori nemunhu.At first I wanted to convince myself kuti whoever it was aive ari musikana kwave kuzofreezer ndaona iri male figure. Ndakatsokota-tsokota maziso ndichiti zvimwe ndaitadza kuona,zvimwe ndaive ndichiri kuhope kwakuwedzera kunyatsopera simba rese ndaona zveshuwa pakatorara a guy padivi pangu. I carefully studied him ndisati ndaita action, mumusoro maive makasungwa a white durag.Face handina kuzonyanyoitarisisa chandakangoona ndechekuti aive aine ndebvu idzo dzandakazodzika nadzo ndikazovhunduka ndaona dzichindisvitsa pachest pake. Ndakadzoka pakuzvitarisa ndikavhura magumbeze sendaitsvaga nyoka imomo ndika freezer ndaona ndiri completely naked. Ndakatanga ndichaita zvekufemeruka ndokuzopedzisira ndaita zveku screamer on top of my voice ndichiti "Noo!" End of chapter 10
❤️ 😢 😂 🙏 👍 😮 109

Comments