Berlin's Writings
June 12, 2025 at 10:56 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*Lullabies*
By Berlin Magaya
0712025728
Chapter 11
*Diana*
Kuscreama kwandakaita hakuna kana kutombodzikisa marwadzo andaive ndakunzwa pamoyo pangu.
Munhu aive paside panguwo haana kana kutombomuka neruzha sezvandaifungira.Akatomuka hake achiratidza kuti aive atovhiringidzwa hope dzake zvake.He wiped his face neruoko achitomuka,ndokutomboshama hake n'ai akatonditarisa.
It was as if he was watching a movie nekuti aive atongonditi ndee zvake zviye zvekuyeverwa.Ndaive ndakuita kuchema zvino ndichizvibvunza kuti "saka humhandara hwaive hwatoenda here?"
The guy stretched out of bed zvake kwakunhonga bottom raive riri pasi nekutoripfeka.
"What did you to me?"I finally asked with my voice in between sobs.
Munhu wacho haana kana kudaira akabva atoenda kwaive nefridge ndokutora mvura yaitonhorera ndokuidira muglass kwakuidutira hake.
Ndakanzwa hasha ndikakwamatata ndichiti "What did you do to me?" and he only managed to reply lowly hake achiti "I am sorry" confirming that aive atopedza neni hake.
Aive voice rakadzimira rairatidza kuti kuri kunzi kudaidzira hapana kure kwaraitombosvika.I am sure munhu aive panze aigona kutofunga kuti ndiri kutaura ndega chete nekuti raisatoenda kure ,raingoti kunge mahon'era.
"Why did you do this to me nhaai,ndiani akambouya neni munomu?" ndakamubvunza mibvunzo hobho panguva imwe chete achibva ambotanga anwira mvura yake ndokuzoti, "Inga takatouya tese munomu zvakanaka-naka wani!"
''You are lying, you drugged me then rapped me handina kuuya ndega munomu!Mune hutsinye ndiri kukusungisai!"
Ndakadaro ndichizvimonera sheet raive ipapo nekutosimuka ndichinhongana nehembe dzangu.I headed kwandakaona sekwaive nebathroom munhu achibva andivharira way.
"Please!" ndakadaro ndisingade zvekutaura zvakawanda zvikanzi, "You are wasting your time uchivhara hako zvese izvi cause ndakatozviona."
"And thank you, muchazvitaura henyu kumapurisa zvese zvamuri kutaura izvozvo!"
Ndakaedza kudarika paari nerimwe divi and he blocked my way again ndikati, "Excuse me please!" ndakaita zvekushatirisa chiso.
He gave me a naughty smile ndokuzoti "I didn't do anything hangu ini" ndikati, "Hmm?" zvikanzi "Yes,kana ukanzi waita mughodhi wengoda chaiwo ndipo paungazotadza kunzwa kuti ndakapindwa nechinhu?"
I looked at him all confused with his riddle and he added saying "Trust me dai ndapinda umo wainyatsozvinzwa.I am not that type inongopinda yobuda without leaving a trace."
Zvimwe zvese zvaakazotaura handina kumbozozviisa,chandaive ndabatisisa ndechekuti hapana chaaive andiita
Ndakanyatsomutarisisa ndikangokwanisa kumuti "Hapana zvamakaita?" zvikanzi, "Yes,trust me dai ndakaita anything dai usiri kutofamba.Kana dai ndakaisa just the tip of it ungadai uri kutozvinzwa izvezvi so."
Ndipo pandakazoturawo mafemo feeling relieved kuti paive pasina chaitwa. Zveshuwawo pakati pemakumbo angu paisatomborwadzwa kuratidza kuti pane zvaitwa.
Nyaya dzehu virginity idzi dzaityisa,taidzinzwa dzichingotaurwa kuchikoro nevamwe kuti zvinorwadza!
"Saka hembe dzangu dzakazobvisirwei?" I asked.
Voice ndaive ndatokwidza semunhu aive audzwa kunzi hapana chaaive aitwa.
Munhu wacho wandaibvunza akaramba akanditarisa zvake biting the corner of his lip in a naughty way zvekuti ndakatanga ndamboridza tsamwa yekutosvotwa kwakuzobvunza ndichiti, "Hamuna kunzwa zvandabvunza?I said hembe dzangu dzakabviswa nani?"
"Chinhu one chatichagara tichinetsana idzungu rako iri wanzwa?" ndizvo zvaakapindura hake munhu wacho ndikati, "Kugara tichinetsana,kuti munenge mambondiona kupi futi?I said hembe dzangu dzakabvisirwei ko?"
"Waida kurara wakapfeka?" akapindura hake nemubvunzo ndikati,"Ehee ndakambokukumbira kuti undibvise?"
"Hauna hako but sorry i had to,ende uri kutozvinetsa hako nekuzvivhara neka sheet ako nekuti I saw everything.."
Ndakanzwa mazihasha ndikamudimburira padhuze asati aenda kure ndichiti "Ndiri kuenda kumapurisa, how dare you!"
Ndaifunga kuti achatya ,okumbira ruregerero kwakuona munhu achitoseka zvake zviye zvekusvotesa chaizvo.
Ndakafemeruka ndakamutarisa ndikazodarika nepaari ndichiita zvekubhidhaira kuenda kubathroom kwandakanopfeka hembe.
Ndakadzoka ndikatanga kutsvaga bhutsu dzangu pasina kutaura nemunhu.
Ndakatora nguva ndichidzitsvaga ndikazonzwa ndave kunzi "Uri kutsvagei?" ndikaramba ndiri zii ndikazongoona ndakandirwa bhutsu dziye pamberi pangu.
Ndakamutarisa aive adzikanda wacho ndikatanga ndamboridza zitsamwa ndokuzoti "Thank you but kumapurisa ndiri kuzoenda!" and I meant it.
Ndakanosimudza phone yangu ndave kuda kutobuda ndichibva ndanzwa ndave kunzi "Daina!" and I was shocked kuti aitoziva zita rangu.
Ndakangomucheukira achibva aflasher phone yake kumeso kwangu ndikaita kuvhurisa maziso ndaona photo rangu ndisina kupfeka imomo.
Hana yangu yakatanga kurova ndikaita sendanamirira rurimi.He scrolled to the next picture ndikaona riri photo rangu raaive anditotora licking my being zvake.Iye aingooneka gotsi chete asi ini ndini ndainyatsooneka ende kuvhara maziso nekurara kwandaive ndakaita kwaitoita sekunge kutotsinzinira zviye zvekunakidzwa.
"What's the meaning of this?"I asked nevoice raive rakujamba-jamba kunge cassette rakakanganisika achibva atanga amboisa phone yake muhomwe, folded his arms ndokuzoti, "It is what it is, I only showed you two photos but arimo akawanda."
"Makamatorerei?Matumwa here?"
"Handina kumbotumwa ini, ndinawo hobho.Whats the time now?" aidaro achitarisa time on his wrist watch ndokuzodaira ega achiti, "Past 8,pauchazobuda pano uchienda kumapurisa ndinenge ndatopostawo maphotos ako paSocial media ,rinozodoka ana momz vako vave kutoidyisa sadza nyaya iyi."
"Why are you doing this?"ndakadaro ndave kuda kutochema zvikanzi,"Dzungu rako Diana,you are doing this to yourself .Enda kupolice kwacho handiti ndizvo?Pauchasvika papolice apa ndinenge ndatomwayawo maphotos ako paSocial media, handisi kuziva kuti imhosva yei yandichasungirwa cause I didn't do anything to you.Ndotongovati we were only taking pictures.Nyaya inozopera hayo,asi ziva kuti maphotos kana afamba anenge atofamba they can not be deleted!Mwana wako achazozvarwa kana 10 yeas later anogona kutomaona angoripo handiti unozviziva?"
Ndakaramba ndakabata pahana pangu misodzi ikatanga kuchururuka ndave kunyatsona madhaka andaive ndazvipinza in a blink of an eye.Ndakakungura nechandaive ndamboenderawo ikoko ,ndikatanga kuita madai-dai hobho asi zvaive zvisisabatsire.
Yaive yatove mvura yemuguchu yadeuka, yaive isisatoworereke.
I was brought back to reality with this guy aive akuti "Are you here?" ndikazunza musoro giving him an honest answer,ndaive ndisisipo hangu ipapo ndangosara mutumbi chete.
"Haupo?" he asked laughing ndikati,"Yes please ndiregererewo hangu ndiende" zvikanzi, "Kungoenda just like that, no no!"
"What do you want from me?"ndakaita zvekukwamatata zvikanzi,
"I want you to be my woman!"
"Do you even know me nhaimi?Mashaya vamwe?"
"I don't know you and I don't even care hangu.Be my woman chete iwewe."
"Why me madii kutsvaga mumwe?"
"Haundiudze zvekutsvaga mumwe, listen Diana ndine zviri kutondinetsawo panapa so ndiri kungoda munhu wekuvarairwa naye chete, nothing serious tinenge tichingovaraidza hedu nguva.T8nenge tichienda kwese kwandada panguva yandada tese, of course handizokunetsa hangu nguva dzekuchikoro."
"Mashaya mumwe here?"
"That's starting to get annoying Diana,handina kukubatira pfuti panapa. Kana uchida kuenda enda, there is the door enda hako ndosarawo ndichiona zvekuita nemaphotos ako aya."
Aitodaro achitsvaira paphone pake , probably studying those photos again.
Ndakaramba ndakamira ndisisazive zvekuita zvacho, kubuda ndaida asi ndaityisa chaizvo kuzomwararirwa maphotos angu paSocial media.
I don't think ndaizogona kuzvi handler hangu kuri kunzi zvazoitika.
Ndakapukuta misodzi yaive yava nzizi kumeso ndikanzi "Are you in?" ndichibva ndagutsurira musoro zvikanzi,"Then good!One more thing,if you think of acting smart wave kunze uko uchinditiza or kundibloka paphone unenge watozvikanyirawo hako wega."
Handina kudaira ndakangoramba ndiri zii battling with my tears and he went on saying "Ndikafona ndichikuda unofanira kutondiwanira time ,kana twuriko twana babamunini ikoko unotombotusendeka hako padivi woita zvangu."
Ndakaramba ndakanyarara ndaita zvekuruma muromo zvino kuti ndisapindure zvaisazomutsamwisa achibva ati "Tanzwanana?" ndikati,"Yes."
"Isa number dzako umu tione ndipfeke" akadaro achinditambidza phone yake ndikaita yekubvuta kwakuona itori padial pad ndichibva ndangoisapo number dzangu.Iye aive ave kuchinja zvakandipa kumboedzesera kuda kuenda kugallery uko kwandakazopera simba ndaona kwakalockwa.
"Don't think of anything stupid!" he warned while tying his shoe laces ndikaramba ndiri zii.
Ndakabva ndaita zvekugara kwakupushira phone yake kwaaive ari ndapedza kusaver number dzangu.
Akapedza zvaaive achiita achibva ati "Tobaya?" ndikangogutsurira musoro.
Akatora two maphone ake aive imomo achibva atungamira kubuda ini ndichitevera ndichiita kumutukirira nechemumoyo.Hapana chandakasiya kutukirira zuva iroro, zvese zvaive paari ndakazvituka.
Takadzika mastairs ayo andakashaya kuti ndaive ndambomakwidzirwa nani chaizvo.Tabuda panze he led me kwaive newhite range Rover,ndikavhurirwa door kwakubva ndapinda.
Ndaive panguva yakaoma zvekuti zvekutarisa munakiro waive wakaita mukati mayo zvese nekunze iyoyo handina.
Mota yakazotanga kufamba pasina kana ataura nemumwe ndikashamisika munhu achitonanga straight kwataigara without asking for directions.Handina nekutotaura ndakangosiya zvakadaro kwakutoyeverwa hangu nekutarisa kunze.
Ndakanosiiwa pagate chaipo ndichibva ndabata handle ndokuti ''Maita basa" zvikanzi,"Anytime, I will call manheru" ndikangodaira nekugutsurira musoro.
Ndakamboramba ndakaribata door riye ndikazorivhura ndanzi ,"It's okay you can go!"
Ndakasiya ndaita rekurovera ndokutanga kubhidhaira ndichipinda mu-gate umo mandaida kunopedzerana naJade,Candice naLeah!
End of chapter 11
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
109