Berlin's Writings
June 13, 2025 at 07:42 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
Lullabies
Written by Berlin
0712025728
Chapter 15
*Diana*
I quickly nodded though I had missed some of the words that he had said.
Chandaive ndangobata ndechekuti ndisazozvidzokorodze zvekare zvandaive ndaita izvi.
Donovan akamboramba akanditarisa ndokuzosiya ruoko rwangu ndichibva ndabva paari.
Ndakaenda kutoilet ndikasvikogara patoilet seat ndokumboti zii ndakadaro pasina chandiri kuita.Nyadzi zvese nekutya zvaive zvandibata zvekuti ndakatombotora nguva ndirimo ndokuzobuda papera kanguva.
Ndakamuwana atovhara maziso though aive asina hake kurara ndichibva ndangopinda mumagumbeze ku far end chaiko.
Hope dzakatozoita zvekutondiba kwakubva ndarara ndikazomuka atove mangwana makuseni ndanzwa Don achitaura hake paphone.
Ndakavhura maziso ndikamuona akatomira mberi kwangu akangomonera drying towel chete ari paphone.Nenyadzi ndakabva ndakurumidza kuvharawo maziso ende iyewo haana kure kwaakazoenda neconversation yake ndakazongomunzwa achiti "Ndinouya Dad" achibva atocutter call iye.
Ndakanyatsonzwa kuti aive anditarisa ndikaramba ndakavhara maziso ndikazotanga kurohwa nehana ndanzwa munhu achinzwika kuti aive ofamba achiuya kwandiri.
Akasvika achichonjomara mberi kwangu kwakumbondiyeva ndokuzoti "Chisvinura ka" ndikaramba ndakavhara maziso zvikanzi,"Iwee Diana" ndichibva ndazovhura maziso.
He smiled ndokuti "Good morning" ndikati,"Morning how are you?"
"I am great,wanga uchinyepedzerei kurara?"
"Ndanga ndakarara."
"Uri tsotsi haikona!Sorry kana ndakutyisidzira paye paye but handifarire munhu akachenjeresa wanzwa?"
I quickly nodded zvikanzi "Ndinenge ndisingade kuti unditye but zvimwe zvaunozoita so ndozvinoita kuti tizotyisidzirane!
"Sorry."
"Inga tanga tichiwirirana zvakanaka-naka wani ,mweya upi unozokubata?"
"I said I am sorry."
"It's okay" akadaro achisimuka and I almost froze to death ndamuona ave kusudzunura towel raaive akamonera.Ndakakasika kuvhara kumeso nesheet nezvandaive ndaona ipapo achibva atoseka hake achiti "Manje haunyare?" ndikatadza kumudaira hana yave kuwedzera kurova.
Akazodaidzira kuti "Am done!" patopera kanguva ndichibva ndazvifugura ndokuona atopfeka.Ndipo pandakabva ndazomukawo ndokuenda kunogeza.
Ndakadzoka ndatopfeka ndikamusvikira akagara hake kumapeto kwemubhedha achibaya-baya phone.
Ndaive ndapfeka hembe dzangu dzandaive ndabvisiswa ndichitengerwa dress dziye.Akanditarisa ndichibuda mubathroom kwave kundichingura nemaziso kusvika ndisvike mudhuze ndokuzoti "Diana huya apa" achinongedza pamberi pake ndichibva ndaendawo ipapo pacho ndichiita kunyara.
"Wakugona kukissa?" ndiwo mubvunzo wandakatanga kubvunzwa ndikati,"Ayehwa" ndokubva arova-rova pagumbo pake achiti, "Gara apa."
Ndakagarawo pagumbo pake achibva ambotora nguva akanditarisa ndokuzoti "Wakanaka Diana" ndikakasika kudonhedza maziso nenyadzi achibva aenderera achiti, "hapana kana akambokuudza?"
"Hapana."
"Wakanaka wanzwa?Ndave kutokuudza inini."
Akabva abata chirebvu changu ndokusimudza face yangu kuti ndimutarise tikambotora nguva takangotarisana.
"Let me kiss you" ndizvo zvaakazotaura achitonamatidza muromo wake pane wangu kwakutanga kutoudya.
Ende ndiye akandikissa as he had said asingatondipe mukana wekuti ndidzoserewo.
Akazotondisiya pakarira phone yangu ndichibva ndatosimukawo kunoidaira and it was Tinashe aifona calling.
Ndakadaira ndichiti "Hey" zvikanzi,"Hey babes wamuka sei?"
"Ndamuka bhoo hameno iwewe?"
"Ndamuka bhoo, just wanted to hear your sweet voice."
"Thank you."
"Iri bhoo , I love you."
"I love you too" ndakadaira ndakarumanidza mazino call ichibva yacutter.
Ndakatarisa Donovan uyo aive busy paphone pake ndichibva ndakasika kudzosa maziso kuphone yanguwo ndaona asina kunditarisa.Aitoita kunge aive asina kutombonzwa ndichitaura paphone.
Ndakazoshamisika ave kuti "Anonzi ani Mufesi wako?" apa maziso angori on his phone chete ndikati, "Tinashe."
Akambotora nguva akangonyarara ndokuzoti "Ooh I see" achibva atosimuka making a call.
Breakfast takaita yekuunzirwa tikainwira imomo.
Ndakafara paakazondiudza kuti azobuda nebasa week iroro achizodzoka hake week raizotevera racho.
"Unenge uchienda kupi?" I asked him zvikanzi,"We have a conference in Malawi" ndikati, "Oooh okay" zvikanzi, "Yaa,I have just transferred something into your ecocash account usare uchitenga zvaunoda!"
Ndakakasika kusimudza phone yangu ndichida kuona something chacho chaive chatumirwa kwakutoona mutori nemari yakatowanda.
"Ndeyei?"I found myself asking zvikanzi, "Hameno chero zvawada."
"Thank you."
"You are welcome."
"Don" ndakamudaro achibva anditendeukira ndokunditarisa zvakaita kuti ndizeze kubvunza zvandaida kubvunza zvacho.
Akaramba akanditarisisa ndokuzoti "Watii?" ndikati, "Aaa never mind" zvikanzi, "Hatidaro zvee, wanga uchida kuti chii?"
"Horaiti, une mukadzi?" zvakazongoerekana zvabvunzika zvikanzi, "Why are you asking that?" ndikati, "I just want to know."
"Okay" akasika kudaro then added a little later achiti "Handina mukadzi ini Diana and am not playboy too!"
*Evelyn*
Barrack paaive adzoka kubva kuHospital aive asvika nekumba achindiudza kuti aive aona sahwira vake vari nani.Ndakafara kunzwa kunzi aive ari nani Steven ndikamutenda kasingapere Barrack nerudo rwaaive aita.Aive atotiunzira madomasi , onions nemabanana aSasha kubva kutown ndikamutenda chaizvo nerudo rwake irworo.
"Hanzi vaswera sei nhasi baba Sasha" vaive vazobvunza Mai Sue soon after Barrack left ndikati, "Hanzi nhasi vari nani ava" zvikanzi, "Better ,don't worry vanoita zvakanaka handiti?"
"I hope so Mai Sue."
Mazuva akatanga kufamba Steven ari kuHospital achibva azotanga hake kuita zvakanaka.Paaive ave nani pacho akabva atanga kupinzwa muma counseling sessions achitaurwa naye kusvika wave kutoona kuti munhu ave right.
Paakazobuda ndakaita kufara tikatonomutora ndiina Barrack ndokubva taenda naye kumba.
Mazuva ekutanga ndaiita kutya kugara naye asi ndakapedzisira ndave kutojaira kuti zvaive zvatopera.
Aive atove munhu mutsva zvekuti haiwaimbomufungira kuti ndiye aive akambopenga uya.
Diana akazodzoka yatove imwewo weekend ende akangotirova hake nesurprise kwakuerekana asvika takatovarairwa.
Taive takatogara panze naSteven tichitotaura nyaya paakasvika pacho.
"Gogoi" akasvika nekudaro tese naSteven tikaitirana pamwe chete kuti ,"Aaa!" zviye zvekushamisika.
Ndakabva ndasimuka kwave kumumhanyira nekunomumbundira ndichifara.
Vakatarisana naSteven aive azoteverawo vachibva vazomhoresana nemaoko vese vachiratidza kuti vaive nekakunyarana pamwe chete nekakutyanana.
Takapinda mumba matakazomhoresana zvakanaka ndichibva ndatotanga kubvunyungura Plastic bag rema goodies rataive taunzirwa.
Mumba macho makamboita runyararo rwaitobhowa Steven achibva azorwuputsa atokoka zvivindi zvacho achiti "Saka muri sei mainini?" akanzi, "Ndiri bhoo zvangu yave sei miri?"
"Haa miri yave bhoo iyi ndanga ndapinda busy asi haa Mwari akapindira."
"Makabva matosiiratu ka madrugs acho?"
"Haa ndakabva ndasiiratu ndakuda kutoenda kubible college nditonoita zvangu pastor."
Ndipo pakabva pangotangira nyaya ipapo vanhu vakatanga kutongotaura mumba muchibva maitawo live.
Zvaingonakidza kuona murume wangu nemutwin wangu vachisekedzana kudaro.
Akazobuda Steven achienda panze nguva yakasvikawo Barrack ndikasara ndichibika sadza raaive ati ari kuda kudya.Kubva zvaaive abva muchipatara aive akunetsa panyaya dzekudya idzi so ndaitoti akada kudya chero kai zvako ndotomubikira ikako.
Ndakasara ndonzi naDiana "Ende murume wako achinja" ndikati,"Ehee zvako iwee."
"Ave gentleman chaiye, Iii better Evelyn!Handidi kukunyepera paye waigara nebhinya chairo!"
"Kwaive kuri kungoshinga iwee."
"Apa anga akaita kuti bii kusviba ,ndaitoti hutema hwekuzvarwa nawo ini!"
''kwaive kusageza iwee ndakambotamba nhamo."
"Haa nhamo svunu chaiyo!"
Ndakazochinja nyaya ndave kuti "Arisei Tinashe?" zvikanzi,
"He is okay zvake."
"Wadii kuuya naye tamuona."
"Aaaa achazouya hake mazuva mazhinji aya."
Ndakapedza kubika Diana ave kutotamba naSasha ndikapakura ndokubuda nemaplates two panze ndichiendesera Barrack naSteven avo vandakanzwa vachitotaura havo nyaya dzavo.
I slowed down a little ndichida kutonzwa kuti dzaive nyaya dzei sezvo ndaive ndafungira kuti zvimwe paitaurwa nyaya dzemusikana waBarrack.
Ndakanzwa Steven achiti "Hakuna shamwari" akanzi naBarrack, "Wogoti hakuna sei iwe usina kuzama, come on man just try wozoti hakuna wambozama."
"Zvinomakisa wangu ndobva ndazama zvoramba umm imakisazi shamwari handidi hangu kunyepa!"
"Chandiri kuramba ndecheku concluder kuti mushini hausi kumuka iwe usina kuuzama chete."
"Amana ndiri kukuudza zviri kuitika ipapa kuti hapana hapana ndega ndiri kutozvinzwa kuti hapana,zvakatodhakwa!"
End of chapter
❤️
😂
🙏
👍
😮
😢
139