Berlin's Writings
June 14, 2025 at 01:45 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F Lullabies Written by Berlin 0712025728 Chapter 16. *Evelyn* Nyaya dzacho ndakatotadza kunyatsodzinzwisisa ndichibva ndangobuda paye nemaplates angu.Barrack ndiye akatanga kundiona achibva atokasika kuti "Jeda muponisi wedu!" zvakaita kuti Steven amire kutaura acheuke kwandiri. He smiled ndokuti "Ratoita sadza?" ndikati,"Ehee zvikanzi, "Ndininez yabika?" "Kupiko munhu atori busy hake kutambisa phone naSasha uyu." "Haa ninez yangu musalad kani vasiye hako" akadaro achiseka ini ndichibva ndatogadzika maplates avo pasi. Ndakanotora mvura ndikavagezesa maoko ndokuzodzokera hangu mumba maive naDiana. Vaive busy havo kutotamba game paphone naSasha vachiratidza kunakidzwa. Ndini ndakatozovati "Sadza raita" kuti vabve paphone zvikanzi naDiana ,"Ko babamukuru dziripi?" ndikati "Panze naBarrack." "Asi haana kuroora kani wamunongoti Barrack?" akabvunza Diana ndichitomuchingidzira mvura yekugeza maoko ndikati, "Haana uyu haumude here ndigokurongera, munhu ari bhoo zvekuti." Taive tambotaura hedu nezvake Barrack iyeye paphone, Diana aive atozondiudza kuti vaive vakambosangana havo pabus stop. "Bhoo kwauri ka kwete kwandiri" akadaro Diana achiseka-seka ndikati, "Haiwa kuve bhoo munhu ari bhoo zvake Barrack." "Pawakandiudza kuti he is just a friend ndakapindwa nekutya,iwee ndaifunga kuti those type of friends no longer exist." "They do exist kani,Barrack iii ndamukoniwa ini,ane rudo!" Yakazochinjwa nyaya yacho yave kunzi "I dont like kapenta hangu asi aya awabika ari kunaka." "Ndinobika asikana jealous down" I boasted zvikanzi, "Mamwe anenge angoriwo masanga musatiganzire apa." Tapedza kudya Diana ndiye akazonotora maplates panze nekuzomasuka zvake ende zvaingonakidza so kuziva kuti mumwe wangu aripo. Manheru ndiye akabva abika zvemanheru zvacho tikadya achingocommentwa naSteven kunzi aive agona kubika. Pakurara ndaive ndoda kuti Diana anorara mune imwe room Steven achibva ati "Hazviite shaa torara tese munomu,handiti mese muri vakadzi vangu?" and that's what we did. Diana akawaridza pasi naSasha vachibva varara ipapo isu naSteven tichibva tararawo pamubhedha. Early the next morning takamutswa nephone yaDiana iyo yandakanzwa achidairira hake kuhope achiti "Yes Tinashe good morning," Steven achibva andibvunza nechizevezeve achiti ,"Tinashe ndobabamunini?" ndikati, "Yes" kwakubva tatongoti zii mumachira imomo tichiterera hedu conversation yaDiana naTinashe wake. Apedza zvepaphone Diana takabva tatanga hedu kutaura nyaya tiri mumagumbeze kudaro, dzaive nyaya dzaingobatanidzira tese ende takatozomuka kuma past 9 tichitanga kuita basa. Steven akabudawo achibva aenda kumashops ndokunotenga chingwa nemazai tikanyatsonwa breakfast yaive yakakwana. Diana paakanosuka takasara naSteven tichiona hedu maphotos aive muphone make , mazhinji acho aive ekuchikoro kwavo. Pese pandaingoona vezera rangu vachiita zvechikoro moyo wangu waibva warwadza. Moyo wekuda kuenderera mberi nechikoro ndaive ndiinawo zvekuti I always told myself kuti zvinhu zvikangonaka chete ndaizokuenda chete kuchikoro kwacho.Seipapa ndakabva ndatoti kuna Steven "Ndinoda kuzodzokera kuchikoro" zvikanzi, "Thats a very good idea, daddy vakangoita bhoo chete unodzokera kuchikoro wanzwa?" "Hii sure?" ndakabvunza ndichiita kufara zvikanzi, "Yes ,handichada kunyanyotemba momz nemari yavo, ndakuda kushandira mhuri yangu ndega." "Thanks Steven" ndakadaro ndichimupuruzira chest achibva aita kakuvhunduka ndokuzoti,"Anytime mami, now excuse me I need to pee." Ndiko kubuda kwaakaita mumachira ndikasara ndichienderera mberi nephone yemuridzi. Nditori pakati pekuona maphotos kudaro phone iye yakabva yatanga kurira ndikaona pakanzi "Don" kwakutobuda nayo mumba ndatoshaya kuti aive ani. Pandakazosvika panze yaive yatocutter ndikasvikoti kuna Diana "Don was calling" and she widened her eyes kwakuti, "hii yabva yacutter?" "Yes." Ndaida kutobvunza kuti aimbove ani Don uyu kwakuzovhiringwa nekurira kwakaita phone iye zvekare. Ndakaramba ndakamirapo semunhu aida kunzwa nyaya but Diana wacho akabva atosuduruka achinodairira kure. Ndakasara ndakamira paye ndichimutarisa Diana ndikamuona achisekenyeka ari paphone ipapo zvekuti ndakatomboyeverwa naye. Apedza zvecall yake akabva adzoka paaive andisiya achiita kusekerera ndikati "Hanziiko naDon uyu" ndichipetanisa maoko zvikanzi, "Iii siyana naye uyu ndeumwewo so." "Hausi kuda kundiudzawo nezvake nhaai Diana?" "Trust me newewo hausi kutoda nekutomuziva munhu iyeye" nyaya iye yakabva yatochinjwa munhu ave kuti, "Ndiri kuenda nhasi,gadzirirai muzondiperekedze kundisvitsa kumashops uku ndinokunongere porona maOk!" Ndakaita kubura zismairi ndikati "Yeey!" zvikanzi, "Iwee usandiudza kuti une nhumbu ipapa!" "Nekuti ndafarira polony nhaiwe?" "Ehee." "Pfutseki wako!" "Uri kunwa mapiritsi ka?" ndakabvunzisisa ndiri serious zvikanzi, "Ndomasiirei,ndiri kunwa ini plus apa hapana hedu zvatati taita sezvo daddy vanga vachirwara." "Yuwii zvandave kuda kutoudzwa zvimwe pano!" akadaro achisimudza ruoko dismissing that story ndikati,"Ewoo ndanyarara,rega ndigoudza baSasha tikuperekedze tese.Handiti unobva watotitengera nekanyama?" "Gadzirira tiende." I got curious kuti mari yacho yaive yabvepi ndichibva ndatozvipira kubvunza kuti "Mari yacho yabvepi nhaai Diana?" Diana wacho achibva angonditarisa zvakaita kuti ndienderere mberi ndichiti, "Wapihwa naDon?" "Evelyn ,kana usingade kunotengerwa zvauri kuda sara.I will transfer yaSasha chete yamazappy kana zvanetsa." "Aiwa ndiri kungobvunzawo Diana,chirega ndiise mvura tigogeza" ndizvo zvandakabva ndaita ,ndakaisa mvura tikanogeza tese ndichibva ndazoisirawo Steven akagezawo. Pese pandaimutarisa Steven I would smile, aive achinja murume wangu ndichinyatsoona kubata kwaMwari. Ndaiti ndikafunga kwataive takabva ndaibva ndatomboita kuchema chaiko. Takazobuda tese tapedza,Steven akaisa mwana pamafudzi ini ndakapendekerawo kabag kaDiana tichitotura nyaya tichiseka. Takasvika kwaKamunhu tikapinda maOk Diana akanditi "Torai zvamuri kuda zvisvike pa5000rtgs" ndikaita kuvhurisa maziso ndokumuti, "Asi wapihwa nadaddy?" zvikanzi, "Nhonga zvauri kuda wakanyarara chete iwewe!" Ndakanhonga zvandaida, Steven akanzi anhongewo achibva asimudza Mazoe raspberry yake nekuiisa mutrolley. Zvakanobhadharwa zvinhu zviye tikamutenda kasingapere Diana uyu kwakuzonomukwidza combi. "Handei tinomhoresa gulez vemushop" Steven insisted tichibva tatodarika nekushop kwamai Jonathan uko kwatakavawana vachinzi vaive vasiko. I couldn't miss matarisirwo aive achiitwa Steven nevasikana vemushop imomo. Zvakabva zvatoita kuti ndinzwe dzinenge shanje ndikazobuda muye nekutomuudza zvandaive ndaona. He laughed out loudly ndokuti "Babe vanenge vachitoshamisika kuti ndiro benzi riye here" ndikati, "Kupo handiti vanga vachitomedzerera mate." "Iii manje ngavandisiye zvangu ini ndakatorwa namai Sasha." "And you are mine zvachose." "I know right?" "Yes." Takafamba kudzokera kumba tichiita kuyemedzana naSteven ndikatanga kutoudzwa kunzi ndaive ndasuwiwa,izvo zvakaita ndinyunguduke. "Neniwo" ndakakasika kudaira zvikanzi, "Sei wanga usiri kuzvitaura pese apa?" ndikati, "Handiti wairwara?" "Haa apa ndapora wanzwa?" I giggled kwakuti "Ehee" zvikanzi,"Totogona kubva tatongogadzira kahanzvadzi kaSasha ka,kuchikoro wozoenda tave mu mamu2?" ndikati, "Aiwa tombomira tozoita nyama dzadzokedzana." "Rini?" "Ndozokuudza ndave ready." Takasvika kumba tatoita kunonokerwa nekufadzana,Sasha akasvika nekunanga kumahumbwe kwake isu tichibva tatowana chance kwakupinda mumba. Takangoti tichingopinda mumba Steven achibva atondi hugger from behind kwakutanga kundikissa muhuro ndichiudzwa kunzi "Ndakusuwa!" He pushed me kuenda kumubhedha ndikasvikorariswa zvakanaka kwave kutanga kukisswa. He removed zvese zvandaive ndakapfeka zvaimuvhiringidza achibva aenderera mberi nekundikissa.Hapana paisara aingomwaya mawet kisses pese paive pasina kupfeka ipapo achiita achidzoka kumuromo. It didn't take me time semunhu aive asuwa mumwe wake ndaive ndakutodairirawo ndichinyatsomudhonzera padhuze. Pandakada kuti ndimubate belt ndibvisewo his jeans ndipo pandakazongonzwa munhu amira zvaaive achiita ndichibva ndamutarisa ndokumuti "Chii?" Panzvimbo yekuti adaire akabva atobva hake pamusoro pangu kwave kunogara paside ndikadzokorodza kuti "Chii?" Haana kutaura akangozunza musoro achivhara kumeso neruoko ndikawedzera kurohwa nehana. "Chii baba Sasha?" ndakadzokorodza kubvuza ndichimubata achibva andivhizura ruoko rwangu ndokukwamatata achiti, "hona haisi kumira iyi mai Sasha, hwatove hurema kauyu?Kufa kakuku?" "Hakusi Steven pamwe pane zvangoitikawo" ndakamusimbisa ndichidaro asi hazvina kutomboshanda. Akabva asimuka ndokubuda ndikasarawo ndichipfeka hembe dzangu mood ichibva yatoenda pa0% chaipo. Ndakasara ndichiedza kufunga kuti chingava chii asi ndichitadza kubuda neanswer Steven akasvika pakudzoka ndingori panzvimbo one chete. Maziso ake airatidza kuti aive abva mukunochema and it broke my heart kumuona akadaro. He forced a smile kwakuti "Sorry I snapped at you" ndikati, "Its okay" zvikanzi, "Handisi kutoziva kuti chii chiri kuitika babe,I am sorry about that." "Its okay, zvinozoita." "I love you" it came out as a whisper ,panzvimbo yekumudaira ndakabva ndamudhonzera mu tight hug. Days went by pasina chiri kuchinja, aive akufamba Steven dzimwe nguva ndichitomubatsira kufamba kwacho asi pasina chaibuda. Takatomboenda kuhospital and he got screened for prostate cancer but akaonekwa asina zvese izvozvo tichibva taita kupererwa. Maguchu akamanwa asingavereki mamwe aitotyisa kutarisa chaiko but hazvina zvazvakambochinja kupedzisira munhu atoita kuwonda nestress. Taive titori mumba mumwe musi Steven paakaerekana anditi "Eve" ndikati, "Yes" ndichimutarisa achibva amboti zii mbijana ndokuzoti, "Sorry nezvese zvandaikuitira, waindida but ndaikuitira hutsinye ndichikubira mari yako ,ndichikurova nekukutuka." "Zviri kubvepi Steven,handiti inyaya dzakatopera?" "Ndoramba ndichikumbira ruregerero." "Ehoo neni ndoramba ndichikuregerera." Akasekerera weakly ndokubva azoti ,"You are a very beautiful, bright and strong woman Eve and you deserve nothing but the best.Inini ndatongovewo munhu,hapana chandichakwanise kukupa." "What are you trying to say?" "I am saying uchiri mwana mudiki you still have a life and kuti ndirambe ndakakusungirira panapa hazviite." "Uri kuedza kuti chii nhaai Steven?" ndakadzokorodza kubvunza. Akabata maoko angu ese achibva ati "I am setting you free Diana ,enda unoita zve life yako kana ukawana anoda kuroora roorwa." "Uri kundiramba?" ndakadaro ndichiseka zviye zvekutadza kunyatsonzwisisa zvaaitaura and he let out a huge sigh ndokuti, "I am setting you free Diana." "Wave kuda kuti ndikusiye?" "Yes, enda unoenderera mberi nehupenyu hwako." Ndakadzungudza musoro ndichinakurira maoko ake kure ndichibva ndamutarisa mumaziso chaimo kwakumbofemeruka ndakangomutarisa. Aive atojengawo misodzi mumaziso make zvakaita kuti newanguwo misodzi utange kutubuka. Ndakausiya uchibuda ndichibva ndatanga ndambogadzirisa pahuro kwakuzoti "I am not going to leave you Steven, not now.Ndingadai ndakakusiya kare pazvaitove worse kudarika izvi not now!Izvezvi forget and have a big smile, I am not going anywhere baba mwana!" End of chapter
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 122

Comments