Berlin's Writings
June 15, 2025 at 02:38 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F Zig-Zag Written by Berlin 0712025728 Chapter 1 Ndakamuka baba vekwangu vatobuda mumagumbeze kare.Ndaivanzwa vachigeza vachiimbirira varimo mubathroom.Ndakabva ndasverera phone yavo ndichitarisa time kwakuona yakaiswa paflight mode zvinova zvakandishamisa nekuti vaisawanzodaro. Ndakaitora phone iya ndokuvhura kuda kuona kuti yaive nei. Ndakaenda kuwhatsApp ndikatarisa-tarisa ndichiti ndingaone anything asi hapana kana chandakaona. Maingove nema messages evanhu vandaiziva chete. I took a deep sigh ndoedza kufunga chayaiisirwa paflight mode phone yacho ndikazvishaya. "Mudiwa" akabuda achidaro Simba achibva kunogeza ndikaita kakuvhunduka ndokuzoti, "Mamuka sei ?" "Bhoo dzave nguvai?" "22minutes to 6" ndakakasika kudaro zvikanzi, "Nhasi ndiri kuinwa nei tea?"ndikati, "Mune mbambaira ka dzakauya natete dziye,ndodzatoti Claire aise." "Hoo saka bhoo,nhasi ndoda kukasika chaiko nahalf 7 ndiri kufanira kunge ndatosvika pabasa." "Ko sei phone makaiisa paflight mode?" ndakabvunza paye zvikanzi, "Aaa kuitira maboss ekubasa uku, kusada kutsvagwa ikoku" ndikati, "Imi ka!" ndichimunongedza nemumwe zvikanzi, "Sure ukangobatidza data unoona pane mazi message hobho so better ndikazongosvika ndichiti handina chandaona." "Mutori tsotsi baba imi manje basa richapera." "Haripere zvekumhanya! Ndingadii ivo vasiri kundipa mari yakakwana.Yave mwedzi mingani babe ndichingopihwa mahalf pay?" "Kwakaoma kubasa kwako, ugoona kwakatanga kutori bhoo kuchitotambirwa mari yakanaka apa vakutiomesera." "Ipapa kungofira kuti hapana zvekuzviita otherwise ndikawana rimwe basa ka ,ndinosva ndasiya hangu." "Ko chingosiya ka tibatsirane kuchengeta huku idzodzi" ndakadaro ndichiita zvekumuyedza chaizvo sezvo ndaitoziva kuti aisatozvida munhu wacho zvekusiya basa ndikanzi, "Woman, handisati ndatokura zvekuti ndingagare ndichiita maprojects ndiri pamba ini.Mari iyoyo iri kutobatsira wani it's better than nothing." Takabva tambonyarara mbijana achibva azoti "Sister vatomuka here?" kureva hanzvadzi yake yaive yakauya ndikati, "Umm siya varare uri kuda vamukirei?" Ndakabva ndabudawo mujira kwave kusunga robe rangu ndichibva ndanogeza kumeso nemazino kwakuzonanga kukitchen. Ndakasvikawo mbambaira dzacho dzandaive ndakaudza mwana wangu kuti agozondiisirawo pastove dzatoita. Claire aimukira kuchikoro makuseni-seni chaiwo saka ndiye wandaingorara ndatuma kana ndiine chandinenge ndichida kubikirwa makuseni. Ndakagadzira macup two elemon tea yaidiwa naSimba chaiyo ndichibva ndaisa mutray kwave kuenda kubedroom kwandaive ndamusiya.Ndakasvika atopedza kupfeka mushe ndichibva ndagadzika tray iye pastool zvikanzi "Thanks darling" ndikati, "Welcome" ndichienda paaive ari. Ndakamugadzirisa collar zvakanaka from behind then ended up hugging him ndiri kumashure ikoko. He sighed achibata maoko angu aive amubata ndokuzoti "Wakaramba hako kuenda kufertility clinic ,dai so tave kutaura zvetuma twins ,tuboys boys!" ndikati,"Ndiregei zvangu ndingasasekwe kunzi Mai ava dzakakwana?" "Hapana aimbokuseka shaa,zvingani zvatakatadza kuita nekutya kusekwa?" "Zvakawanda havo,Mwari akatipa vasikana ivavo and ndizvo zviripo." "I am not complaining hangu." Zveshuwawo taive nevanasikana vedu 4, Kourtney,Laura , Claire negotwe redu rainzi Hailey and I was grateful for that.Mukomana ndaimbomuda asi pandakaona zvarambisisa kudaro ndakabva ndatongotambira zvandaive ndakangopihwa naMwari izvozvo. After Hailey ndaive ndamboedza kuita imwe mimba zvichibva zvangoramba kusvika pandaive ndakuzoudzwa zvekuti timbozama fertility clinic naSimba.Ndaive ndazviramba zvefertility clinic zvacho ndaona sekunge kwaingove kutambisa hako nguva nemari.Kana Mwari aida kungopa,aizongondipa semapiro aaive akangondiita pakutanga. Taive nemba yedu yataive takavaka kuDomboshava.Ndaiita business rekupfuya huku ,mabroiler zvese nema layers ndiri pamba hangu,Simba achishandawo mutown mushop yaitengeswa maparts emota. Nebusiness rangu rehuku ndaive ndakatotenga mota,taive neToyota corolla yandaive ndakatenga nekushanda ikoko. Ndaiita mikando yaingoitwawo nemadzimai ndichitenderedza mari.Mota yacho yakatanga kungoshandiswa naSimba achienda kubasa sezvo ariye aive nelicense and hapana kana hama yaiziva kuti yaive iri yangu, vanhu vese vaitongoti yaive iri yake Simba and I didn't mind.Changu chese chaive chiri chake ,chakewo chiri changu. Hailey akapinda mubedroom medu apedza kupfeka zvekuchikoro.She was 10 years old kari kagrade 4 kachizviitira zvese kega. "Mamuka sei daddy" akamutsa baba vake achidaro akanzi, "Ndamuka bhoo, wapedza?" "Ehee muri kudiwa natete." "Okay" vakadaro baba vacho vachitobuda necup muruoko ndikasara ndoti kuna Hailey, "Mapedza?" zvikanzi ,"Ehee ndapedza." "Good,saka ndochinorongedzawo lunch box?" "Ehee ndiri kutakurei?" "Handei timoona kukitchen ikoko." "Mama Laura anga achirutsa manheru" akadaro Hailey sezvo ariye airara naLaura wacho ndikati, "Kurutsa?Hanzii?" "Hameno hanzi maacids ,handiti akatorara." "Musiye ambozorora ndichanomuona." Takaenda kukitchen tikatanga kubatsirana kurongedza lunchbox yake Hailey pamwe neya baba vake. Yababa vake ndakabva ndaiisa mulunchbag kwakutora nezvigubhu two zvemvura zvaive mufridge ndichibva ndaendesa kumota. Munhu wacho aiwanzokanganwa saka ndaitoita wekurongedzera zvinhu zvake kumota.He preffered kutakura mvura yekumba achiti yeku town yaimurwarisa and kuti aite yekutenga every day aisazvikwanisa. Pandakadzoka kubva kunosiya zvinhu kumota ndakasvika kunzwa tete vaive vadaidza Simba vachitaura vari mulounge ndikati kuna Hailey "Ko atete vako vamukira?" ndichitoshamisika semunhu aive akangosvikawo nezuro acho manheru zvikanzi, "Ehee vatogeza." "Hoo!" "Ehee vatoisa makeup." "Inga vakarongeka." "Ehee, mama ko sei Tete vane maoko nemakumbo eblack ivo vakatsvuka kuface?" akabvunza mwana zvichitoratidza kuti zvaitomunetsawo ndikapotsa padiki ndaseka ndokuzongomunongedza nechigunwe ndichiti , "Iwee!" zvikanzi, "Asi vakazvarwa vakadaro?" "Hameno ,siyana neni enda unotora bag rako uko" ndaitodaro ndichiita kakuzeveera kuti tisanzwikwa. Vaive Tete hanzvadzi yaSimba avo waaisirana navo .Vaigara kuPurazi kuShamva nemurume wavo nemhuri yavo. Pakaenda Hailey ndakasara ndave kuda kuenda kunomutsa Tete and ndipo pandakanzwa vachitaura nehanzvadzi yavo vachiti "Tiri kudiiko?" vachitaura nekazevezeve ava baba vekwangu vachibva vazoti, "Kungonanga kuGomo straight ndochizonokusiyai kuMbare." "Aaa hookey handei hedu tinganonoke." Ndipo pandakabva ndapindawo ndichiti "Tete" zvikanzi, "Wamuka sei muroora?"vachiita kakuvhundukira ndikati, "Mushe ko muri kuda kuenda kuMbare?" Vakaita kamwe kakukakamira hanzvadzi yavo ichibva yazovadairira ichiti "Ari kunohodha kuMbare" kwakubva yatowedzera ichiti, "Handei tione Mai Deffy iwe." Vakabva vatosimuka Tete vaye vachiita zvechimbi-chimbi ,kana naiye Simba aive akumhanyidzika zvekuti ndakatozofunga kuti vaive vataura futi nyaya yekuGomo vatobuda. Ndakasara ndoenda kuroom kwaLaura ndikamuwana ave kutobuda mujira achibva akasika kunditi, "Mamuka sei mama" ndikati, "Ndamuka zvangu,ko hanzi uri kurwara?" "Nani?Hailey?" "Ehee." "Kanopenga ako ndakangorutsawo nezuro handiti ndaidyisa nzimbe dziye dzaive dzauya natete?Saka dzakanosimudza nyon'o but haa ndatove bhoo." "Hanzi ka ma acids." "Ehee akanzwa ndichiudza Claire" akakasika kudaro kwakuwedzera achiti, "Nditori bhoo handiti makati tigoenda kuShowgroud kumadomasi nema potatoes." "Icho kukara!" "Makadaro muchembere!" "Gadzirira tiende iko hatisi tatononoka?" "Hatina handei." Ndave kuda kubuda ndakabva ndarangarira zvaive zvataurwa naHailey ndikati ''Iye Hailey wako anga akundibvunza hanzi ko sei Tete vaine maoko eblack iko kumeso kwakatsvuka!" zvikanzi, "Anga azvionawo mwana havasi vazozviwanza here Tete?" "Siya hako so!" "Umm vakanyanya vaye apa tsoka dziri kugara dziine tusokisi inyaya yezvadzaita." "Dzadiiko?" ndakabvunza ndichiseka zvikanzi, "Dzaita tye and dye chaiyo!" "Zvimwe zvacho hazvizode ndofunga kune basa kuPurazi ikoko!" "Apa vaiti kuna Claire hanzi wakafanana neni,vaitomuti hanzi ndiwe mai Deffine!" "Iii ngavasiye mukaradhi wangu asikana ,havana kana kutombofanana naye.Uya akatsvuka zvemashuwa ka kwete zvavo zvemudhabhirwa." Takabva tangoseka paye and ndizvo zvataiita nemwana wangu, ndaisatsvaga shamwari yekunyeya nayo kunze, ndiye aive kashamwari kangu. Takaenda kuShowgroud tikanotenga tunhu twedu kwave kuzodzoka hedu tichiita zvebreakfast.Claire aive asiya atsvaira imba yese saka paive pasina basa.Vaiita maduty avo nasisi vake ndochizongowana zvese zvaitwa. Atove masikati ndopakazofona Simba ,ndikadaira ndichiti "hello" zvikanzi, "Hesi Kudzi uri sei?" Ndakatanga ndambseka ndokuzoti "Bhoo zvangu Simba kuri sei ikoko?" "Kwakaneta uku hakuna kana business wena." "Zvichaita mwedzi hausati wapera." "Haa mazuva ano hakuchina zvekupera kwemwedzi zvakatodhakwa izvi." "Pakaipa,anyway uri sei?"ndakazodaro ndatoona kuti taizongoramba totaura yekubasa kwake iyoyo zvikanzi, "Ndini ndafona apa!Iwewe uri sei?" I giggled ndikati "Bhoo" kwakubva ndakasika kurangarira zvekuGomo zvandaive ndazokanganwa kubvunza makuseni zviye ndikati, "Iwee Tete vanga vachienda kuGomo futi?" Akatanga amboratidza kushamisika achiti "KuGomo?" ndokuzokasika zvekare kuti, "Hapana kuGomo kwaanga achienda ,tataura zvekuMbare kwaanohodha zvinhu zvake zvaari kuda kutengesa.Handiti hanzi ave kutonzi Mai maSweets kuShamva?" "Zvatete veduwe!I thought ndanzwa muchitaura zvekuGomo!" "Aiwa mucleane nzeve dzenyu amai mwana hapana ambotaura zvekuGomo." End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 110

Comments