Berlin's Writings
June 15, 2025 at 04:07 PM
[4/27, 18:02] null: https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL Zig-Zag Written by Berlin 0712025728 Chapter 2 I was so sure kuti ndaive ndanzwa pachitaurwa nyaya dzekuGomo zvekuti ipapo ndakatokasika kutoti "Matongokanganwa henyu sekuru vaDevonna" zvikanzi, "haiwa ndimi mave kutongofawo henyu nzeve mbuya Dee,forty five years its not a joke my love!" "Haiwawo ndichiri mudiki ini,hausiwe wanga uchinditsvetera mwana here manje manje apa?" "Handiti unoramba uchinyara baba Devonna sezvinonzi ndiye anozomuchengeta mwana wacho!" "Aiwa takura sekuru aDee imi,handingaite makwikwi namai Dee ekuenda kulabor!" "Aiwa ndazvinzwa babe" akakasika kudaro Simba ndokuzoti,"Tomorrow is your birthday" ndikati,"Yaa it is." Ndaitove nemazi excitement semumhu aigarospoilwa nemhuri yangu mabirthdays angu ese. Vese havo vaiita kuti zuva rangu rive special. "Iri bhoo babe ndokuona time time" akaoneka achidaro Simba ndikangoti ,"Thank you" kwakuitwa ,"I love you" iyo yandakazotadza kudaira nekupinda kwakazoita Laura. NaSimba taive takasangana kumusha kwedu kwataibva kuHwedza.Ipapo he was 19years ini ndiine 16. Ndaive ndashayirwa mari yefees zvakazoita kuti ndisanyore Olevel yangu and nekushaya zvekuita ndipo pataive tazopengesana naSimba paye ndikazomutizira ndave nenhumbu.Simba haana kuramba , akabvuma nhumbu yake ndokundisiya kumusha achiuya kuHarare kwamukoma vake avo vakazomubatsira kutsvaga basa. Akangoshanda mwedzi 4 chaiyo achibva azouya kuzonditora kumusha tikatanga kugara payard paaive awana basa ipapo. Takagara kuBallentine park payard paaishandira murungu for 10 good years ,tikazopabva murungu wacho ave kuenda kunyika kwake kuIreland. Akatisiira mari yakawanda sezvo aive ashandirwa naSimba kwenguva refu, mari iyoyo tikabvumirana kutenga stand yedu yakakura kuDomboshava.Takatanga tavaka two rooms, kwakutombochovha tichigara imomo.Takaita zvakawanda, kutengesa, ndikambonoshanda kuBelvedere mumba kuri kuedza kuti tichengetewo mhuri.Simba akatozowana basa rekwaaive ave kushanda uku tatombosvuzva nenhamo tikabatsirana kuvaka imba yedu kusvika pataive tava apa.Taive tazorisimudza zimba redu iro raitove necottage yataitongoitawo hedu storeroom.Semunhu aive akakurira kumusha ,kwairimwa nekuitwa zvipfuyo ndaisatoda zvekuisa mulodger pamba pangu.Ndainyatsonzwa kuda kusununguka pamba pangu pasina wandinozeza.Ndizvo zvaive zvaita kuti cottage yedu tiitire imba yematurusi tichirega kuisa imwe mhuri sezvaiitwa nevazhinji. Nguva yekurima iya taitorima nevana vangu payard pedu ipapo tichitodyawo zhizha paidyawo vamwe, nekuzokohwa. Laura ndiye akazondibvisa kune zvandaifunga ave kuti "Mambotaura naKourtney?" ndikamuti, "Uchazogona rini kumuti sisi?" "Aaa mama ndatojaira ini handiti makandirambidza futi kumuti Mai Devonna?" "Its Sisi Mai Devonna" I corrected her ,then added ndoti,"Handina kumbotaura naye nhasi ini,arova hake." "Zvisingaite handiti aiti paarikuuya apa ndopaari kubva asiya Devonna achisiya mukaka?" "Ehee akadaro, hope ave kubvuma vanhu mazuva ano Devonna wenyu iyeye!" "Haa apa akura." "Chibika shamwari ndine nzara ini." "Okay mbuya Devonna." Ave kuda kubuda ndakabva ndakasika kurangarira kuti ndaida kutemerwa huni.Ndaive nematanda emisasa andaive nayo andaidimburisa kumaita madiki ndochizoisira huku dzangu moto mudanga kuti dzidziirwe.Taive nemuzukuru wedu aiita zvekucheka miti, aive nekamushini kekuchekesa miti saka ndiye aindivigira huni dzakanaka. Manje apa dzaive dzisina kutemwa,ndaisidzitemerwa nemukomana wepa next ainzi Tinashe uyo aingove munhu aitongotumika hake. "Aripo here Tinashe anditemere huni dzangu" ndakabvunza kuna Laura uyo akabva aita kamwe kakuvhundukira ndokuzokwidza mapendekete achiti, "Mmm handisi kuziva ini." "Mutarise huku dzangu dzingafa nechando Laura iwee." "Horaiti." Haana kuzodzoka achindiudza kuti aive amuona here Tinashe wacho kana kuti kwete ndakazongonzwa ndave kudaidzirwa kunzi chikafu chaive chaita. We ate tichikurukura nemwana wangu.Dzaisave nyaya svinu, taitongonyeya hedu mamai emataigara imomo zvinhu zvichitoendeka. Claire akatangira Hailey kudzoka kubva kuchikoro musi iwowo ndikatomuti "Sisi kana mapedza munotarisa kuroad kuti combi yana Hailey haisati yauya here, ave kusvota Nesbert nekunonoka nevana" zvikanzi, "Anouya kani mama pamwe anenge aiswa mutrip yechi two.Ndine work hobho ini." "Saka kuramba uku?" "Ayehwa mama!" Ndakazongozviendera ndega kuroad kuye kwakuita lucky rekuwana combi yatosvika.Akandimhanyira Hailey ndikamumbundira ndichiti "Hesi baby" zvikanzi, "Ndiri bhoo nhasi mauya kuzonditora?" "Ehee wanonokesa." "Tastayer saka tauya nesecond trip nema grade 7 apa anobhowesa." Kamunhu kacho kaive kadikisa pamuviri zvekuti one would just assume that she was in grade 2.Pandaive ndakaita nhumbu yake ndaitarisira mwana mukomana zvekuti pandakazoona kuti aive musikana zvekare ndakabatikana. Ndaiti zvimwe ndichatadza kunyatsomuda semudiro wandaifanira kuita asi hazvina kudaro .I loved her zvakadaro and ndaisagona naye .Ipapa ndaitomuendesa kuBorrowdale primary school achibva kwedu kuDomboshava ikoko ende chikoro chacho aichigona. Ndakamuisa kumusana akafara chaizvo , tikafamba road yese ndichingonzi nevanhu ndaive ndabereka gondora asi ndaisava nebasa nazvo.Takasvika kumba uko kwandakasvikonzi naClaire "Iii mama Hailey munozomuda" ndikati, "Ndisiye." Claire aingove nekamwe kakuyema kekutoda kuzvienzanisa naHailey,aive ari form four hake but she acted like a grade 4 pakuyema.Kana pakunzwisisa chaiko ndikati handina chakati aitokundwa naHailey. Laura being the big sis was more mature than these other two.Aive nekamwe kahumai kaive maari zvekuti handaimbomutyira nevamwe vake. Ipapa ndiye akabva atotora uniform dzaive dzakapfekwa naHailey kwave kudziwacha . Claire ndiye akazobika chikafu chemanheru baba vacho vakazosvika tatongomirira ivo.Ndaifunga kuti vaizodzoka natete kwakushama kuona vatori vega ndikangotanga nekuti "Ko Tete nhaimi?" zvikanzi, "Hameno kwabhururu wemurume wake kwaendwa ." "Hoo maswera sei?" "Ndaswera bhoo zvangu pari sei paden?" "Pari bhoo." Ndakazomusiya ave kutaura nevana vake ndikanobatsirana naClaire kupakura nekuzopa vanhu chikafu. Takadya tichiona hedu maindians ataive takajaira paTv ndokuzoenda kunorara. Simba akatanga ambonogeza hake ndokuzouya ndatopinda mumagumbeze akasvika achinditi "Ndi hot spotewo ka ndimbopinda pafacebook" ndikati, "Kuda zvinhu makura ,yakazopindwa nevamwe Facebook iya!" Ndini ndaive ndatomugadzirira Facebook account nekumudzidzisa kuti zvaifamba sei.Iye hake aitozvishayira hanya kwakuzoona kunakidza kwazvo pandakamuitira account ipapa. Ndakasvika pakubatwa nehope shasha iri pafacebook paye ndikatozomutswa ave makuseni neknock padoor. I checked the time ndikaona dzichiri past 3am ndikadaidzira kuti "Ndiani?" vakadaira vana vangu vachiti, "Tisu." "Muri kudei makuseni ano?"ndakabvunza kudaro ,baba vacho kwakudaidzira vachiti, "Pindai imi" vachibva vapinda vakadungamidzana vachindiimbira happy birthday song. Vakauya pamubhedha pandaive ndazoita zvekugara kwakuenderera mberi nekuimba baba vacho vakajoinawo. Part yangu yekuimba payakasvika ndakabva ndaimba ndichiti "I am forty fine years old now, I forty fine years old dear friends, I am forty fine years old now" ikava noise yekufara husiku-siku hwakadaro baba vacho vachibva vazodaidzira vachiti, "Hip hip" tese tikati, "Hurray!" "Thank you everyone ,but chimbodzokerai kumarooms kwenyu ndoda kumborara" ndakazodaro pave paye vachibva vati "Okay" and ndiko kubuda kwavakabva vaita .Zveshuwa ndaida kutopedzisa tuhope twandaive ndichiri kunzwa manje Simba akabva andihakawo achiti "Hey" ndikati, "Ndoda kumborara Simba " "Kwayedza uku babe,I just want to say happy birthday" zvaitaurwa munhu ave kutondipuruzira padumbu, he went on achiti, "Kuti ndinzi baba, ndinzi sekuru,ruremekedzo rwese rwandinowana urwu,zvese zvandiri, ndiwe Kudzi and I will forever be grateful." I sniffed listening to his emotional speech and he concluded saying "I love you Kudzai, I love you so much Mamoyo wangu,Mai vevana vangu" ndikaita , "I love you too" iyo yandisina kuzopedzisa mushe munhu atobvuta malips angu into a kiss. End of chapter [4/28, 20:45] null: https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL Zig-Zag Written by Berlin 0712025728 Chapter 3 Handina kumboramba.I responded to the kisses and the touches zvikazoperera pamubhedha ipapo tave kupanana rudo.Ende ndakarwupihwa nice and slow kukazonyatsoyedza tichiri kufadzana.Takapedza Simba achibva anoisa mvura yekugeza ndokuzodzoka achinditora kuti tinogeza. Tapedza kugeza ndakabva ndanzi "Pinda mumagumbeze nhasi hapana zvauri kuita it's your day" ndichibva ndaitawo manyemwe kwakudzokera mujira.He made breakfast , served me in bed and I don't want to lie I felt loved and special.Hailey akabva abatsirwa zvekare nababa vake kugadzira lunchbox yake kwakuzongouya ave kundioneka. "Come here sweety" ndakamudaro paakapedza kundioneka pacho achibva auya padhuze ndikamubata face yake ndokumukissa pamhanza ndichiti, "Take care" zvikanzi, "Thank you " "Am I also getting a kiss?" baba vacho vakabva vadarowo ndikati, "Huya uko" achibva auya ndikada kumukissa padama ndokubva anzvenga hake kiss iye kwave kuno lander pamuromo. Akazobuda ave kutoseka ndikasarawo ndichiedza kurara tuhope twaive twasara. Ndakazotomutswa naLaura achivhura macurtains angu ndikamuti "Ndichiri nehope" zvikanzi, "Wake up mundiudze kuti ndikuitirei breakfast yechii?" "Ndambogadzirirwa ka nadaddy vako." "Hazvina basa, it's your day ndiri kuda kukugadziriraiwo." Phone yangu yakabva yarira pakarepo ndikaitarisa ndokuona vari baba Shelly, hanzvadzi yangu.Ndaive ne3 brothers but baba Shelly ndivo vandainyatsonzwanana navo zvisingaite.Kuma sisters ndaive ndiine vatatu zvekare but ndainyanyowirirana nasisi Mai Feli vaigara kuHighlands. Laura akabvunza nekachizeve-zeve hanzi "Ndiani?" ndikamuratidza phone achibva ati, "Isai paloud" ndikagutsurira ndichidaira. "Mukwasha makadiiko?" ndakadaira ndichidaro zvikanzi, "Ndinofara ambhuya muri sei?" "Ndiri right zvangu kwakadii ikoko?" "Kuno kuri right chaizvo, happy birthday ambuya vangu vakandiberekera madzimai akanakisa.Wish you many more blessed years sis, keep winning!" "Thank you so much mukuwasha" ndakadaro ndave kutonzwa kuda kuchema nekufara zvikanzi, "You are welcome,ndiri kuisa something muinnbucks hameno kuti muchatengei.Taida kuuya namakoti wako manje pane zvazomuka." I screamed with excitement ndichiti "Thank you brother" zvikanzi, "Musatende ambuya musati maona kuti imarii." "Aiwa yekumukwasha inongotendwa ndokuti irambe ichiuya, thank you sure." Phone payakango cutter kakabva katopinda ka$50 painnbucks ndikaita kufara ndokutanga kuratidza Laura ndichimuvhairira ndikange ndave kunzi "Saka tiri kunoidyira kupi?" ndikati, "Isiye imomo rako birthday richasvika." Ndakatozoita kumanikidzwa kuenda kubreakfast kuye ndichibva ndamuka kwakunodya.Ndapedza kudya ndaive ndava busy kutarisa mastatus evanhu pawhatsApp ayo andaive ndakazadzwa ndichikorokotedzwa nezve birthday. Kourtney ndiye aive asina chaainge aisa on her whatsApp status.Ndakatarisa her last seen ndikaona itori ye a few minutes ago ndikanzwa kurwadziwa nekusarangarirwa naye kwandaive ndaitwa.Ndakatomboda kuisa message ndichimubvunza kuti aive andikanganwa here ndikazoona zvisinganyatsoite kwave kusiyana nazvo.Ndozvinhu zvakaita kuti ndizoswera ndisina mufaro zuva rebirthday rangu. Laura paakazogeza achichinja ndakaona sekunge aive aita kakusimba ndikatomuti "Uri kusimba ka iwe" zvikanzi, "Hii sure here mama?" "Ehee skirt yaisazara iyi uri kusimba shuwa apa yazara." "Dai zvikaramba zvakatodaro" akadaira achidaro but ndakazoona munhu achinja ndikashaya kuti aive azobvisirei hembe yakanaka kudaro. Ndiye akazondiita make-up ndikanyatsobuda runako rwese. Pakazodzokawo Claire ndakabva ndatoenda kuroom kwake kwaaive ateverana nLaura ndichida kutovaudza zvekunyarara kwaKourtney. Ndakasvika Claire achiti "It's a small world tinomuwana chete haana kutombongwara.Mira mai Devonna vauye neplan" Laura kwakuti, "Ndiri kuzvitya hangu ini!" "Hapana kana chekutya unongozvi stressa nezvisina basa." Ndipo pandakabva ndapindawo ndichiti "Inyaya yeiko?" zvikanzi naClaire, "Hii birthday girl chimbotimirirai!" "Ehoi kwacho." Ndakanogara pacorner yebed vese vachibva vatanga vambotarisana ndokuzonditarisawo.Ndakatanga ndagadzirisa pahuro ndokuzoti "Kourtney haana kana kundisendera happy birthday message" zvikanzi naLaura, "Maybe she forgot." "Kukanganwa birthday rangu?"ndakadaro ndichizvibaya pahana ndichinyatsonzwa kurwadziwa nekukanganwika nemwana wandakabereka, my first born for that matter zvikanzi naLaura, "Ehee but haana kuona mastatus edu here?" "Ipapo hapo!"Claire akadarowo ndikati, "Pamwe kusangoda zvake." Ndaive ndakutonzwa kuda kuchema asi pavana ndakazongozvishingisa kwakubuda ndisina kuvaratidza kuti ndaibatikana zvekudaro.I went back to my room ndikambozvambarara kwakuzomutswa naHailey adzoka kuchikoro.Ndakasvikopihwa tuma cards twandaive ndagadzirirwa kuchikoro ikoko ndikatotendawo achibva afara mwana wangu.Haana kugarisa akabva abuda oenda hake kunotamba. Hamenowo zvaive zvave kubikwa kukitchen ikoko ndiri mubedroom mangu. Ndaingonzwa kunhuwirira nekurira kwema utensils ikoko. Ndipo pandakazovingwa naHailey ave kuti "Mama handei ndinokutengerai masweets" ndikati, "Une Mari?" "Ehee ndapihwa $1 nadaddy makuseni." Ndaitodawo kubuda ndichida kubva ndanotarisa Tinashe kuti agonditemera zvikuni zvangu saka handina kuramba kubuda naHailey. Takabuda ndikatsaukira pana Tinashe ndokubvunza Mai Ryan avo vaigarawo ipapo if Tinashe was around vachibva vatanga vambotarisana nemumwe wavo ndokuzoti , "Haapo uyu mama" ndikati, "Hoo ko aripi?" Again vakabva vatarisana ndikashaya kuti zvaimboitirwei ndokuzoti "Umm hatisi kuziva" ndikangoti, "Horaiti" kwakutotendeuka kudzokera kwaive naHailey uyo aive asara akamira achitamba hake nephone yangu. Ndakanotengerwa masweets aya kwakudzoka kumba kwave kutoti svibei tikawana pakaparkwer mota yandisina kuziva. "Imota yaaniko iyi?" ndakabvunza Hailey who shrugged her shoulders achiratidza kusatoziva.Tichiri pakushamisika Simba akabva asvikawo achiratidza kutoshamisika achishaya kuti yaive iri mota yaani. Patakapinda mumba takashamisika kuona malights adzimwa ndikatoshaya kuti zvaimbofamba sei ini ndaive ndamasiya abatidzwa.Ndichiri muconfusion imomo malights aye akabva aerekana anzi baa kwakuona mumba makazara vanhu.Maive muina Kourtney, murume wake ,mwana wake, sis Mai Feli nemwana wavo ainzi Mai Lydia nekamwana kavo.Vese vakabva vadaidzira vachiti "Happy birthday!" Maive musina kuitwa decor yembiri but maive matonakiswa nenguva pfupi iyoyo.Maive nezi cake raive rakanyorwa kunzi 'happy birthday amai' nemadrinks acho. Ndichiri mushock imomo vakabva vatanga kutondiimbira ndikashaya zvekuita nemufaro. Akabva atotanga mabiko, zvikafu zvikanoburutswa mudzimota tikadya ,tikafazhura.Baba vaDevonna ndivo vakazokasika kuwoneka vave kuti vaive voda kudzokera ,vakasiya mhuri yavo. Taive takutoridza hedu music tichitandara nekutamba pakazosimuka Simba.Akaenda kubedroom ndikasara ndoti kuna sisi vangu "Kuri sei kumba?" zvikanzi, "Kuri nani hako, pari sei pano?" "Ndizvozvo pari nani." "Huku dziri sei?" "Turi kukura zvatwo." "Zvakazopera here zvekudikitira kwawaiita kuye?" vakabvunza sisi ndikati,"Zvave nani" zvikanzi, "Hoo uchiri kugeza hako?" "Ehee ndiri kugeza." Mai Feli vaishanda pasame yard nemurume wavo iye ari Gardner ivo vari maid.Varungu vavo vaive vari ma medical doctors saka nyaya dzehutano idzi ,vaidzifambira. Ipapa ndaive ndakambovaudza nezve kachirwere kandaive ndamboita kekutsva zvakanyanya nyangwe kuchitonhora.Ndaitsva upper body chete zvichisvika kumeso uku. "Ndakazobvunza Mai Nakai nezvazvo vakanditi unofanira kunoona gyna wako, hanzi uri pa perimenopause meaning wave pedyo nekuenda kumenopause" she explained ndikati, "Zvakatanga ndichangopinda mu40 ka izvi kungoti zvaimboita zvichimira." "Hanzi vamwe zvinototanga kuma thirties chaiko saka soon unenge watotijoinawo kuno!" "Ko imimi ndizvowo zvamaiita?" "Mahot flashes ka, ndaiita but zvaive zvisina kunyanya hazvo, it varies from woman to woman,vamwe havana zvavanotomboita." Hameno kuti sei but ndakaita kakutobatikana nekuziva kuti soon ndainge ndave kunoguma kubereka but handina kuzviratidza.Takamboti garei ndikazoona sekunge Simba aive agarisa asati adzoka kwakubva ndatofunga kutevera.Door raive risina kunyatsovharwa so ndakatopinda zvakanaka kwakunzwa munhu achitotaura paphone achiti "Zvatanga nguvai?" kwakumbonyarara listening to the other end of the call ndokuzoti, "Listen, listen babe ndiri kuuya ikoko wanzwa?Kapfekedze zvinodziya I will be there in a few minutes ,rega ndione kuti ndingabude sei, don't panick wanzwa?" Ndakabata hana yangu ndoda kuedza kuzvidzikamisa ndichiti zvandaive ndanzwa sandizvo.Ndaive ndotozvisimbisa ndichidaro Simba wacho kwakuwedzera achiti "Usatya ndozvinoita tucheche babe, I will be there." End of chapter
❤️ 😢 🙏 👍 😮 😂 127

Comments