Berlin's Writings
June 16, 2025 at 07:19 AM
[4/29, 18:33] null: For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 4
Ndakabata madziro ndonzwa sekunge nyika yaive yave kutenderera.Ndainge ndoda kutodonha ndave kunzwa rinenge dzungu.Ndakamboterera musoro waive wave kuti ka -ka neche pamhanza apa nenzeve dzaive dzave kurira zvekuti zvimwe zvaakazotaurwa paphone paye handina kutozozvinzwa.
Ndakabatirira pamadziro ndokutendeuka slowly kwave kufamba ndichidzokera kwandaive ndabva.Kwaive kuri kungofamba ndichiita sendiri kusundwa ndichinyatsonzwa kuti simba rese handichina.
Ndakasvika Hailey ave muground busy dancing with everyone cheering her.Kaitamba kachizvongonyoka zvaienderana kachiita ma dances aive aveko ayo avaifarira.She was such a vibe aiita kuti imba yese iseke.Claire naLaura vainyara kutamba ,I doubt kana vaitombogona havo asi Mai Devonna ndiye wandainyatsoziva achitamba.
Ipapa maiguru vacho vakabva vapindawo muground kwave kutanga kubatsira mwana wavo Hailey kutamba.Vaiedzesera iyo madances echimanje manje iyayo zvichitoendeka, vakapedzisira vave kukadzidzisawo bum jive.
Vamwe vese vaiseka asi handina kuona nechaisetsa ndakangonozvikanda paside paKourtney uyo aive achiyamwisa mwana.Ndakazonzwa ave kundizunza achiti ''Muri kudeedzwa" ndikamutarisa ndokuti, "Naniko?"
"Naava ka hamusi kuvanzwa?"
Ndakatarisa vainzi ava wacho ndikaona achireva Devonna uyo aive atosiya kuyamwa mukaka wake ave kuti "gogo" apa hameno zvaive zvakaitwa muromo manje."Gogo yacho inodaidzwa munhu akaita muromo kunge kabhotoro fish" akadaro Kourtney achiseka ini kwakungonyeperawo kuseka ndichitora Devonna wacho.
Ndipo pakabva pabudikirawo Simba ipapo achibaya baya phone.Akanyepera kugadzirisa trouser raive rakatozvinakira haro ndokuzogarawo opposite kwangu.He wiggled his brows at me ndichibva ndangonyepera kumusekerera asi mukati ndichinzwa kutsva. Ndakazongoti "Hailey dzora volume" ndave kuziva kuti taive toda kutoonekwa ichibva yadzorwa volume iya.
Ndakaramba ndakangomutarisa Simba achibva ambonyepera kuita nyaya namaiguru vake ndokuzonditi "Mbuya Dee" ndikati, "Sekuru vaDee" zvikanzi, "Ndakumbobuda."
Ndakanyatsonzwa zibhonzo kuti mbii pahuro apa zvekuti ndakatanga ndamedza mate asi hakuna kure kwarakaenda zibhonzo riye,rakangodzika kusvika pachest apa.Ndakagadzirisa pahuro ndokuzoti "Hoo muri kuenda kupi?" zvikanzi, "Pane mufesi wekubasa kwedu andifonera hanzi pane order yauya."
Shop yavo yaimboita zvekutotengesa maspare parts in bulk ichitohodhesera mamwewo mashops saka dzimwe nguva maorder ainzi aiuya manheru.
Ipapa ndakabva ndatanga kutoita mibvunzo hobho wondering kuti aitombouya here maorders acho kana kuti kwaive kuri kuvharwa.
Ndakayeverwa naye ndichizvibvunza kuti zvinganiko zvandaimbonyeperwa.Ugoona ipapa aive akarova serious yekuti dai ndichiri murima ndaitongoti zvimwe ari kutaura chokwadi.
Ndaiita kunzwa kurwadziwa asi ipapo ndakangoti "Okay" kuti zvipere achibva atowedzera kunyepa oti, "Regai ndimhanye haazozvigona ega mumwe wangu" maiguru vacho kwakuti, "Ehoi babamunini regai timbosara tipedzise party."
Akabva akwizira maoko ake patrouser ndokunditi "Ndave kuenda" ndikati, "Okay mufambe bhoo" achibva atobuda hake ndokuenda.
Volume yakasara yowedzerwa Kourtney akazenge apindawo mudariro ave kutamba.
Ndainge ndakunzwa kuda kuve ndega ndichida kunyatsofunga zvakanaka nekuti apa ndaitadza kunyatsofunga.Ndainyatsonzwa kuti pfungwa dzangu dzagumirwa.I felt like being alone would help ndichibva ndatooneka vamwe vangu ndichiti
"Ndave nehope" zvikanzi nasisi, "Hoo musina kutamba?"
"Ndaneta ini handichagone."
"Kana kuti uri kuda tikuridzire kako kaunofarira?"
"Not today ndaneta."
"Horaiti ,ko ini ndinorarepi?Handidi kurara nasisi Hailey vane pfurukutu" ndikati, "Munorara naLaura uyu."
Ndakabva ndatosimuka ndokuenda kubedroom kwangu uko kwandakasvikovhara door ndikatanga kuchema.Kungoziva kuti murume wangu aive aitirwa mwana nemumwe munhu kwakandibaya pamoyo zvekusvika pakunzwa kuda kufa.
Apa aive marwadzo aya ekuti ndaive ndisina kumbobvira ndakazvitarisira kuti Simba wangu angadaro.Yes I thought he was mine alone manje aive andiprover wrong, kwaive nemumwe munhu.
Kumashure kwese uko kwataitarisira kuti munhu anzi aita zvema girlfriend aive asina kumbodaro munhu ozotanga hake kuita masaramusi ave kuda kutodongorera mu50 years kudai!
Ndakatsvaga pandaive ndamutadzira pacho ndikapashaya.
Yedu yekuita vana vasikana iyi ndiyo yaive yaita kuti ndikasike kuchembera, ndaive ndatove nemuzukuru inova iriyo imwe reason yakaita kuti ndiignowe nyaya yekuita mumwe mwana.
Ndakatanga kuzvipa mhosva ndikachema zvisingaite asi hapana chazvakachinja.Hope hadzina kubata kusvika radio yaimboita ichindivaraidza yadzimwa.Imba yese yakabva yati zii ndikasara ndangove ndega nemifungo yangu.
1am dzakakwana ndiri maziso boi boi ndichinyatsoshaya kuti Simba aive achiitei.Hope dzakatozondiba zve lucky chairo ndikarara mbijana kwave kuzomutswa nephone yangu yaive yakurira.Ndakatarisa ndokuona ari Simba ndichibva ndadaira ndichiti "Hello" zvikanzi,"Ndiri panze ndiri kuknocker hamusi kudaira."
Ndakabva ndato mucutter kwave kumuka ndokuenda kunomuvhurira door.Ndaive ndatongorara neidzo hembe dzangu dzandaivw ndakapfeka dziye.Ndakanovhura door racho munhu kwakutanga nekungoti "Tazotononoka ka" ndikati, "Hoo" zvikanzi, "Ehee shaa ,asi manga matorara, ndiri kuti ndichasvika vanhu muchiri kunakidzwa ka ini?"
"Tatopedza, mamuona ari sei mwana?" ndaitodaro ndichitungamira kuenda kubedroom and I think pakutanga shasha haina kuzvinzwa ndakazonzwa ave kuti, "Watii?" tave kutosvika mumba medu ndikatanga ndapinda nekuzovhara door rebedroom kwakuzoti , "Ndati ari sei mwana wamanga manoona."
Akaramba akati zii zvake uku akamira pasame place ndikacheuka ndokumanikidza kuseka zvangu kwakuzoti "Nhaai Simba?" zvikanzi, "Babe?" ndikati, "Ari sei mwana wamaive maenda kunoona?"
"Kudzi please let me explain" akadaro nemazwi aive akudambuka-dambuka kunge cassete yemudhabhirwa ndikati,
"No need, I heard everything Simba.Ndave kuzviziva kuti une mwana, mwanai?"
Haana kupindura akaramba achibwaira-bwaira ndikati "Mukomana wawaida?NdiJuju?" zvikanzi, "Ndaida kuzokuudza" ndikati, "Kutii chii?Kuti wakazotsvaga umwe mukadzi?"
Ndaitotaura ndichiseka ndichiita sezvaisandirwadza asi mumoyo zvichiita kubanda.
"Haasi mukadzi wangu it was just a fling babe" he explained ndikati,
"A fling which resulted in a baby?"
"Ehee and nemunhu iyeye hatidanane tirikutongoita zvemwana nothing more.Ndaida kuzokuudza but ndaishaya kuti ndotaura sei ,unogona kubvunza khule Mozi ndaive ndatovatuma kuti vazokuudza."
"Hoo?"
"Ehee hatitombodanane nemunhu iyeye ndoda iwewe Kudzi."
"Haundide Simba."
"Ndinokuda Mai vevana vangu."
"Wandirwadzisa wanzwa Simba?Kundirwadzisa chaiko" ndakadaro breaking down in tears zvikanzi, "Sorry hako Kudzi, ipapa ndanga ndatongofonerwa nekuti mwana ari kurwara saka ndowandaendesa kuhospital.Mai vacho vaive nema complications akawanda panhumbu iyoyi"
Ndakashaya kuti zvese izvozvo ndaive ndave kuzviudzirwei.I guess aitaura achiti zvindiite kuti ndinzwe zviri nani asingatozive kuti he was actually making me feel worse.
As if that was not enough akabva atoenderera mberi oti "Hanzi aita mabayo mwana wacho" hameno kuti aida ndinzwe tsitsi here, aitondiona sekunge ndine moyo wesimbi usingarwadziwe.
Ndakamusimudzira maoko ndikati "Simba handisi kuda kuzvinzwa wanzwa?" zvikanzi, "I am sorry" ndikati, "Ndazvinzwa."
Akabva amboramba akanyarara ndokuzoerekana ati "Maiguru wavaudza?" ave kuchinzwisa tsitsi manje ndikaridza tsamwa ndichipinda hangu mugumbeze nekutopfuga musoro.
Maiguru vake aivaziva kuti vaive nemashoko makukutu.Pakupopota zvapo yaive iri nyanzvi asi panyaya iyi kupopota kwaive kusisabatsire nekuti zvaityisa zvaive zvatoitika kare.
Ndakatanga kunzwa kutsva ndikamuka ndokuenda kubathroom.Ndakazvivharira door ndikambogeza kumeso kwakuzonzwa ndave kunokerwa naSimba hameno aive akufunga kuti ndazvisungirira here .Ndakatotesa towel ndikabuda ndakaribata ndokunopinda mugumbeze kwakurara ndakatarisa mudenga ndakaisa towel riye pamhanza.
Iye hameno akazorara zvadii ndakazongoona kwayedza.
"Goodmorning" akandimutsa achidaro ndichibva ndangoramba ndakanyarara ndichitora phone yangu.
He went on hanzi "Ndave kuenda kubasa totaura ndadzoka,I hope unenge wati dzikamei mbijana, I know kuti zvinorwadza but please nditererewo."
Ndakaridza tsamwa ndichirasira magumbeze kure ndokutobuda mubedroom muye.
Ndakaenda kuroom kwaive kwarara sisi ndikavashaya mandaive ndati varare macho ndikaudzwa kunzi vaive vazorara naHailey.
Ndakaenda munext room ndikavaona vatomuka vachibaya-baya phone yavo ndikasvikoti "Mamuka sei sisi vakoma?" zvikanzi ,"Ndamuka zvakanaka ini."
"Ko mazorara naHailey?"
"Ehee Laura wacho aingotiza-tiza uyu hameno ndakangoti pamwe aida hake kurara achimbotaura nemadzisisi ake."
"Pamwe kudaro ,hamuna kunyaudzwa nenoise?Vasikana vacho vanoita noise kana vasangana ivava."
"Kana,ndofunga inyaya yekuneta chete nekuti ndasvikobatwa nehope."
Ndaive ndisati ndave ready kuvaudza hangu nyaya dzaSimba.
Takamboramba takanyararidzana vachibva vazoti "Iye Laura rwendo rwuno akandichinjira zvekuti.Ane kamwe kakunyarara kaangoita so ,haasiyo mafariro aanosiita Laura uyu, mukati ari right iyeyu?"
End of chapter
[5/1, 10:38] null: For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 5
"Right yei?" ndakabvunza ndatoshaya zvavaiedza kureva zvikanzi, "Haasi kurwara here mwana nhaai Kudzi ,she is just low."
Ndaida kutovapindura pakabva pavhurwa door naHailey uyo akangopinda achiti "Tave kuenda" tikadairirana namaiguru vake tichiti, "Okay."
"Mama hanzi nadaddy huyai kuno" akadaro zvekare ndichibva ndatanga ndambotarisa sisi ndokuzoti, "Ndinodzoka."
Ndakabva ndabuda ndikawana shasha iri mukitchen yakabata kacup ketea mumaoko.He smiled nervously I think kwaive kuri kuzeza kuti zvimwe ndaive ndamutaurira kuna sisi.
"Ndave kuenda Kudzi" ndizvo zvaakazotaura ndikati, "Iri bhoo, mvura yako watora?"
"Iri mufridge ka?"
"Ehee."
"Yaa ndatora."
Akabva amboti zii mbijana ndokuzoti "Maiguru vatomuka?" ndikati, "Ehee vamuka."
Laura akabva apindawo akabereka Devonna kumusana.Akatimhoresa tese achibva atotanga kuita basa rake mukitchen izvo zvakaita kuti baba vake vatadze kuzotaura zvavaida zvacho.
Vakabva vatongobuda ndikasara ndoti kuna Laura "ana sisi vako vachakarara?" zvikanzi, "Ehee, uyu Claire amukawo aine mudumbu make muya."
"Mugadzirire clove iya" I instructed ndikaona munhu ofinyama kumeso ndichibva ndazoti, "Rega ndiite."
Vese vaive vakaivenga clove vachiti inonhuwa zvisingaite.
"Handina kumboramba ini mama."
"Inonhuwa clove ndakambokunzwai muchidaro" ndaitodaro ndave kuisa mvura muelectric jug and it didn't take me time kuti ndimugadzirire clove iya.Ndakamuendesera ndikasvika zveshuwa achimonywa namo mudumbu ,chaaive akanakira hake munhu wacho aisazeza mushonga.
Akaita yekudutira clove iya semunhu aida kupora.
Basa rakaitwa rikafamba sepamusha paive nevasikana vakawanda, tea ichibva yazogadzirwa tikainwa tese tichingotaura nyaya nekufara.
Sisi vakazooneka kuma 11 vachiti vainge voda kudzokera kwavo ndikamboda kuti ndivaudze nyaya dzaSimba zvikandirambira kwakubva ndangonyarara.
Vakazobuda nemubvana wavo tikatovaperekedza kunovasiya vakwira pabus stop.
Tichingosvika pamba Tete Mai Deffinite vakabva vasvikawo ,vakafarirana nemuzukuru wavo Kourtney.
"Ko kusimba nhaiwe?"vakamudaro vachimupena-pena iye achibva ati, "Ndasimba nhaimi Tete?"
"Zvekuti ,kuita body yamai vako chaiyo Kourtney iwe!"
Akaseka Kourtney uya kwakuvatiwo "Imi matsvuka!" vachibva vaseka Tete vacho vachiti, ''Hanzi kunge paw-paw!"ndokumborovana maoko kwakumboseka.
Vapedza kuseka ndipo pavaive vave kuti "Vari sei baba vabhoyi?" vakanzi ,"Vari bhoo zvavo vaive kuno nezuro."
"Aiwa zvekuno hazvina basa ndoda mugouyawo navo kuShamva uku."
"Tichauya Tete."
Ini ndakatozoti "Tete muri sei?"vapedza zvaKourtney zvikanzi, "Ndiri right makasara mushe here muroora?"
"Haa takasara mushe makanovaona varisei vamwe?"
"Vaive bhoo ndakazoenda kuKambuzuma kwevazukuru vababa Deffinite vaye."
"Hoo okay okay, vaye vekumbotsva?"
"Eheede ndivo chaivo! Ndazongoona birthday pastatus yabhudhi ndikati zvandakatoruzirira."
I rolled my eyes kwakuti "Vaisa pastatus?" zvikanzi, "Kubva nezuro!Takasiirwawo here keke?"
"Laura enda unoisira Tete cake."
Akabva asimuka Laura uye ,Tete vake vakasara vachivhura bag ravo kwakubuditsa malotion maviri, vannishing cream,nefaminine wash vachiti "Ndazvipihwa nemuzukuru hanzi ndisiye zvekutsvukisa izvo ndimbozora aya,hanzi anoita zvekuti."
Ndakatanga kutarisawo mafuta aya ndichiverenga ndikati "Inga magonerwa" zvikanzi, "Asi ndikaona asingatsvukise ndosiya, ndoda zvekuti bhaa zviye kwete zvekuti munoita kufungidzira kuti pane munhu here kana kuti hapana."
"Manje munoda kusvika kupi tete?" Akabvunza Kourtney akanzi , "Ndoda kuchena chaiko ini,kutochena kuti mbuu" vachibva vasimudza faminine wash ndokudongorera kwaive kwaenda naLaura kwakuzozevezera voti, "Hanzi izvi ndezve kugezesa kamusikana.Hanzi ukakageza neiyoyi kanobva kanhuwirira kobva kachinja kuita purple."
We burst out laughing naKourtney zvikanzi natete "Ehee hanzi kanochinja imi kuita kahu purple ,kuita kunaka chaiko" zvikanzi naKourtney , ''Zvichizoonekwa naniko?"
"Paita muroora tinozotaura tave tega muzukuru."
Ndakazono checker Claire ndikaona ave nani mbijana.Aive atove busy nephone yake hameno zvaionekwa.
Pakazosimuka Kourtney naLaura vachienda kukitchen ndopandakasara ndoudza Tete zvaive zvaitika vakaratidza kushamisika nazvo.
"Vane mwana?" Vakadaro Tete vakabata hana yavo nemaoko maviri vachishamisika ndikati, "Ehee mwana nemukadzi,kwave nemwana mucheche uko!"
"Haa maiguru pamwe makakanganisa henyu kunzwa, vangabva vadaro here bhudhi?Mane makore mangani muri mese,vozodai nhasi?"
"Hameno tete, ipapa ndiri kutonyatsoshaya pandakatadza pacho."
"Musadaro zvenyu maiguru, ini handina kana chandiri kuziva asi ndichataura navo hangu bhudhi, ndoda kuvaudzisa vanondiziva havo. Hunhui ihwowho hwekuti munhu azonohura achembera?"
"Zvichibatsirei Tete, varegei vaite pamwe vaitsvaga mwana mukomana."
"Ayehwa inini vanotondiziva kuti ndiri mafira kureva,ndotovabvunza chete."
Simba wacho haana kutombondifonera masikati sezvaaisiita pese apa.Akaswera ari zii zvake ndikatongofunga kuti zvimwe aive aswera nemukadzi wake munyowani nemwana. 7pm dzakachaya asati adzoka kubva kubasa ndikatoti kuna Laura who was in the kitchen "Pakura iwe" zvikanzi, "Ko daddy?" ndikati, "Vanogona vaenda kunoona mwana."
"Mwana waani?"she asked ndikati, "Mave nehanzvadzi vanangu baba venyu vave nemumwe mukadzi nemwana mukomana."
Kourtney aive mulounge mandaidaidzira ndiri akakakuka achiti "Muri kuti chii mama?" ndikati, "Ehee kwave nemwana."
Tete vakabva vasimukawo voda kundidzora vachiti "Muroora ndizvo zvazvinoitwa here?" ndikati,
"Asi kudii nhaai Tete?handiti vachangozozviziva here?Pakurai tidye vanangu, baba venyu vari kwana Junior uko."
Kwaive kuri kungotaurawo hangu asi moyo waiita kubanda uyu, kana appetite yekudya ndaive ndisisina.
Laura wacho akabva ashaya nesimba rekupakura kwave kuuya mulounge kuti anzwisise.Vese zvavo vaive vangouna-una nazvo kusvika Tete vazoti "honai zvamaita kuvana manje maiguru, vese zvavo vabva vangopusa hapasisina mufaro."
"Ndini here Tete kana kuti ihanzvadzi yenyu?"
"Uyo musiyei maisafanira kuzivisa vana nenzira iyi.Bhudhi vanokudai zvisina kana mubvunzo.Zveuyo ari kuzvariswa muregei ikoko handiti haana kukuvingai pano?Isu tinoziva imimi chete pano,uyo muregei ari kunze ikoko!"
Vakabva vatarisa vazukuru vavo ndokuvati "hapana kana nyaya apa vazukuru pakurai tije hapana kana nyaya apa."
Vairamba vachisimbisa kuti paive pasina nyaya asi nyaya yaive iripo hombe chaiyo ichirwadza.
Chikafu chakapakurwa asi vakadya varivo vega .Ndivo vakabvumburudza sadza rese kusiya mundiro musina kana chinhu ndikanyatsoona kuti nhamo yemumwe hairegerwi sadza.
Ndakangosunya-sunya sadza iro raiita seritori tasteless kwave kutosiya ndichibva ndaenda kubedroom kwangu.
Ndakasvikopinda mubathroom ndave kuita kudikitira ndikaigeza mvura inotonhora.Ndichibudamo ndakaona Kourtney akandigaririra mubedroom ndikasvikomuti "hamusati marara?" zvikanzi, "Hatisati, dzingabate here daddy vasati vadzoka?"
"Vari right Baba venyu , variko kumukadzi wavo hanzi mwana ane mabayo!"
"Ichokwadi here mama?"
"Neniwo ndaisatozvibeliever but ichokwadi, ndakavanzwa baba vako vachitotaura paphone nemunhu wavo nezuro."
I sniffed after saying that achibva amboramba akanyarara Kourtney ndokuzoti "Zviri kundirambira ini mama, apa ndiri kuzama phone yavo iri kuramba."
"Inenge iri paflight mode iyo.Zvakaoma mwanangu,ugoona ndaigara ndichikunamatirai mese ndichiti dai vana vangu vakawana varume vanenge baba vavo ndisingazive kuti baba venyu vacho vaive vachinja."
"Apa mabva madikitira" akadaro Kourtney ndikati , "Ugoona ndiri kutobva kunogeza cold water."
"Muri kufanira kunoona doctor."
I was about to say "Ndichaudza baba vako" then quickly remembered zvaive zvavepo ndichibva ndatanga ndatura mafemo ndokuzoti, "Ndichaona kana ndatengesa huku ndoenda."
"Ndichaona kana ndadzokera kumba uku ndoogarnizer kuti tiende."
"Okay."
Ipapa Simba aive akasonditi taizonoona doctor kare chaiko zvichangotanga zvekupiswa izvi.Ndaimunzwisisa semunhu aiti aive asiri kupihwa pay yakakwana.Musi uyu ndipo pandakazoona kuti kwaive kuri kutonyeperwa ndikawedzera kurwadziwa.Twese tumwe tungano twaaindiudza ndakatanga kutoona kuti twaive twekunyepa ndikazvituka nekumunzwisisa kwandaiita.
9 dzakakwana munhu asati adzoka ndichibva ndatozoti kuna Kourtney "Endai munorara mai Devonna" zvikanzi , "Asi daddy ka!"
"Siyana nazvo hako."
"Ndichavabvunza hangu havangatombodaro kana!"
Akabva abuda ndikasarawo ndichikwira pamubhedha kuti ndiedze kurara asi hope hadzina kana kutombobata.
Dzatove kuma 11 ndopandakazonzwa kusvika kwemota, gare gare ndikazonzwa ndave kufonerwa kuti ndinokinura door.Handina kudaira call iye ndakangomuka ndokunokinura door riye ndichinyatsonzwa moyo wangu kurwadza.Ndakangorivhura nekutotendeuka kudzokera kubedroom kwangu ndikasvikonogara pabed.
Simba akazoteverawo after a few minutes akasvika achiti "Maswera sei mbuya Devonna" ndikanzwa mazihasha ndikati, "Wadii kurara hako kwawanga uri Simba?"
"Babe let me explain."
"Explain what nhaai Simba?"
"Junior ari kurwara" he blurted out ndikatanga ndamboseka zvekupererwa ndokuzoti, "Hoo anotonzi Junior!"
Iye zvakatomushamisa kuti aive ataura zita remwana wake,I guess aive angoritaura nemistake hake.
Ndakanzwa kubayiwa pamoyo apa ndikati "Simba ka zviri nani ungonogara hako ikoko undisiye pano" ndave kuona sekunge ndizvo zvaitove nani pane marwadzo aaive akundipa aya.
"Tiri kutongoita zvemwana chete, namai vacho there is nothing between us.Ndinopika namai vangu vari pachuru.."
"Manje haunyare ipapa kupika nhema?Uri kuita zvemwana nemunhu wawaiti, babe?"
"I am serious ndoda kutongoti tiite zvemwana chete then kana akura ave kugarika naye ndozomutora."
End of chapter
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
87