Berlin's Writings
June 17, 2025 at 12:47 PM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 8
*Laura*
Ndakangogutsurira musoro ndokunyepera kuenderera mberi nekutambisa phone yangu iyo yaive isina kana chisvinu chandaiona.
Ndaiita kubirira kuvatarisa mama vachiwaridza pasi kwakutozoita zvekuvhunduka ndichiti "Madii mauya pabed?" zvikanzi, "Aiwa pasi pari bhoo,rega ndimborara muno varare vega baba vako.Ndane two days ndisiri kunyatsorara."
Vakambomira kutaura ndokufemeruka kwave kuzoti "Hana yangu inenge ichiita kurovesa ipapa" ndikashaya mamwe mashoko ekuvasimbisa nayo kwave kungoti "Zvakaoma!"
Vakabva vatowaridza pasi paye ndakavatarisa ndokungozvambarara pamusoro asi vasina kurara hope.
Hailey paakazouyawo akabva angosvikorarawo paive namama ipapo.
Weti ikatiwo manyemwe yaingonzwika padiki-padiki chete.Ndaisimborara ndiine kabucket nekuzeza kuita toilet run iyoyo manje mama vaisazvida kana nepadiki pese.Vaitoti hwaive huyanga hwekushandisa bucket manheru ndichitozviita vasingazvizive.Manje apa nekurara neni kudai vakabva vatondiisa papunishment chaiyo.Kuti ndingorambe ndichimuka-muka ndaitya kuzobatwa kuti ndine nhumbu,kuti ndishandise bucket ndaitya zvekare saka ndaive ndazvisunga kwese.
Pasina nguva ndakanzwa munhu arara ndichibva ndazomuka ndokuenda kutoilet kwakuzodzoka ndichirara.Ndakambopepuka zvekare kuma12 ndikavaona vari busy kutamba candy crush ndikaita kunzwa tsitsi.Kuma 3am ndakapepuka zvekare and I found her vachingori pacandy crush yavo.
"Kubva paye here mama?" I asked her zvikanzi, "Handina kana hope ini.Ipapa ndamboenda kubedroom baba vako vanorara ka sedahwa ndaona phone iye inosiiswa paflight mode yakabviswa.Vaive vatobva kutaura nemukadzi wavo, saka ndini ndinotovatadzisa zvinhu zvavo."
"Ivo kana vachida kuenda ngavangoende."
"Havaende avo pamwe ndini hangu ndiri kufanira kubva."
"Muchisiya imba yenyu?"
"Asi kuti ndirwadziswe?Ndikaramba ndiri pano vanenge vongonyepa kuti vanondida ivo vasingandide Laura.Moyo wangu uri kurwadza pfungwa dzawandisa ipapa."
"Kubva hakutoite."
"Ndotsvaga kwekulodger kana kuSally uko mosara pano ndichipota ndichiuya kuzongoona huku."
"Zvichiita mama?"
"Ndiri kuda peace ini, ndoda kuti baba venyu vanyatsosununguka.I don't believe in forcing things hangu."
Kwaive kuri kungotaura havo asi she was breaking,vaiita kunzwika kurwadziwa mai vangu zvikandirwadza zvekuti ndakambokungura kuti dai hangu ndakabvisa nhumbu yaTinashe ichiri diki.
Zvaizovakurira kuti stress dzadaddy votiwo dzangu pamusoro.Ndaitodawo kuvafadza asi zvaive zvazoenda nepamwe and zuva rega rega ndaigara ndichizvituka nehupenzi hwandaive ndakaita naTinashe.
Apa ugoona ndaive ndatozvichengetedza kusvika pa20 years pandaive ndave apa kwave kuzofuririkawo naTinashe ndichibva ndapihwa nhumbu.Kuchurch kwese vaindiziva ndiri munhu ari straight, kana musikanzwa ndaive ndisina ,Tinashe ndiye aingove my one and only guy. Manje apa nekutizwa kwandaive ndaitwa ndaitoziva kuti vanhu vaizoita maconclusions avo vega.Vamwe vaizonditi ndaive nzenza,vamwe votiwo ndaidanana nemurume wemunhu ndichiziva.
Zvese izvozvo ndaiita kushaya kuti ndaizonyatsozviita sei.
Kana kufamba chaiko ndaishaya kuti ndichafamba sei,kwaive kuri kutongoshuva kuti dai pasi pangondimedza hangu.
I let out a huge sigh ndatokanganwa kuti ndaive ndiina mama ndikavanzwa vave kuti "Usanyanye kuzvinetsa nezvazvo, munorarama vanangu."
Vaitofunga kuti yaive nyaya yadaddy yega yaindinetsa vasingazive kuti ndaive nedzanguwo hobho.
"Ko tikaenda tese?"ndakadaro paye zvikanzi,
"Aiwa munosara Laura muchiona huku."
"Mama Mai Feli mavaudza here?"
"Ndichavaudza hangu."
Vakabva vambonyarara ndokuzoti "Kuti uite nurse aid kunodiwa masubjects mangani?" ndikati, "Haasi 5?" ndisitori sure nazvo zvikanzi, "Ndiri kumbofunga kuita zvangu izvozvo pamwe ndingaendewo kuUk kuri kuenda vamwe.Ndinotonoshanda mhoti, 45 years hakusi kukura.Inga sisi vave mu50 chakuti asi vachiri kushanda?"
"Aaa mama?"
"Ehee,ndikariwana ndinoenda ipapa ndapedza kadata bundle ndichitarisa izvozvo.Pane kwandakato submitter madetails angu."
"Aaa mama zvepa internet here?Vamwe vacho vanenge vari mascammers."
"Hameno kungozama zvese.Ndosaka ndichikuudzai kuti muite shungu nechikoro .Iwe wakanyorera masubjects awakambofoira ,ukapassa ukaita course yepreschool asi hauna kana shungu nazvo.Kana certificate rakasodedzerwa kare kuMorgan zintec uko kuti rabuda nguva yecovid iye hausati wanoritora hako."
Zveshuwawo ndozvandaive ndakaita.Ndaive ndisina kunyatsopassa paOlevel kwave kunyorera ndichida kuzoenda for teaching.Musi wandakaenda kuMorgan zintec college for inquiries ndopandaive ndaudzwa kunzi paidiwa maths vachibva vanditi asi ndaigona kuita preschool short course yaive 6months nema subjects angu iyayo.Kana ndaida kuzowedzera ndaizozviona kumberi.
Mama nevamwe vese vakandikurudzira kungoita short course iyoyo.Ndaive ndakaipedza zvakanaka asi ndisina kuzotora certificate.Kwaive kuri kungoverengera kusvika pandaive ndave apa.
"Ndichanotora" ndakadaro kuna mama zvikanzi, "Ndozvaunongotaura.Ini kudai kuedza kuti hupenyu hwenyu hwuve straight musazodadirwe nevarume.Ini pano handina chikoro asi ndakangwarira.Ndine business rangu rehuku rinondiwanisa mari and kana baba venyu vanozviziva.Imagine dai ndisinawo mari zvaizodii?"
Ndakangozunza musoro chete zvikanzi "Life inoda kugadzirwa izvezvi vanhu vari kungotanga macreche aya Laura, iwe hako utori necertificate yekucollege yakanaka unotobudirira.Kana ukatsvaga basa uchingoti Morgan zintec unotorwa pasina kana nguva.Kuno kune a lot of open spaces unogona kuzowana stand chaiyo yekuitira zvinhu zvako.Zve creche izvi ndozviri kutora mari mazuva ano."
"Ndichatozama ipapa ndikaona nguva ndonotora certificate."
Kwakazoedza tiri kungotaura chete ,mama vakazorara kwatochena.
Ndakamukawo kwave kuenda kwaive nevamwe ndikasvikovamutsa vese kwakushamisika kunzwa Tete voti "Mainini hanzi mune nhumbu nhaimi?" ndikatarisa Kourtney uyo akabva ati, "Ndazongovaudza ini" ndikadzoka kutarisa Tete avo vakabva vati, "Musadaro zvenyu mainini ko imi maigodanana nemunhu wepa next seiko?"
I couldn't answer that question, zvagara moyo muti waingomerera chero pawada zvapo.Vakabva varovanidza maoko ndokuti "Zvakaoma apa nezviri pano izvi ndiri kutoshaya kuti ndosvitsa sei nyaya yacho kuna Mai nababa venyu.Zvagara vatori nezvavowo.Dai mimba yacho isina kukura ka,taitombonyarara, manje 4months?"
"Yaenda iyo Tete" vakadaro Mai Devonna ndokuwedzera voti, "Ngazvingotaurwe."
"Asi Mai Devonna wangoramba hako asi dai tafonera Mai ivava varidzi vemba zvekare, taivapressa kusvika vatiudza kunogara munhu iyeye."
"Kutotiza ikoko kutoratidza kuti haasi kuda zvemunhu wake Tete ,plus hanzi kune mukadzi."
"Vakomana zvagara vanotiza ,hapana anotanga nekubvuma mhosva ferere-ferere, zvemukadzi izvo yatove imwewo nyaya pamwe kunyepa."
"Hii Tete, dai apa tafanosvitsa kuvabereki zviri paground kana vazoti titsvage Tinashe tingonosiya Laura zvakadaro zvinozoonekwa."
"Horaiti, apa nhasi Sunday bhudhi varipo ka?"
"Ehee varipo" Claire ndiye akapindura ini ndaive ndisisagone kana kutaura.Ndaiita kutya hana iyi ichiita kubika manhanga.
"Zvatinoitiswawo naLaura nhaimi" vakadaro Tete vachirovanisa maoko kwave kuzobuda vachiti, "Zvakaoma" ndikasara ndonzi naKourtney, "Rega zvitaurwe shamwari.Tete ndazongovaudzawo hangu nekuti kuudza mama Mai Feli inenge yatove imwe nyaya.Pane nyaya dzadaddy idzi saka kuti tivape dzese mbiri hazviite zviri nani kuna Tete ivava nekuti vagara vave kuziva imwe yacho.Plus handina kuzongotaura ndisina kubvunzwa ,Tete vacho vanga vachitofungirawo."
"Kuti ndinorohwa nadaddy?" ndakabvunza ndave kutya zvikanzi, "Haa kana havambokurove ,he is not that hard havo.Kungohura havo but vanotinzwisisa."
Zveshuwawo that's how he was daddy vacho,vaitinzwisisa.He was that _'handidi nevana vangu_ 'type.Ivo Mai Devonna pane pavakambonetsana nemurume wavo vachibva vareporter straight kuna daddy kwakubva vatonzi kana zvanetsa vadzoke zvavo kumba.
Vakazogadziriswa havo asi daddy vaitoda kuti vadzoke havo kumba.
Takamuka line rakazara nelaundry yadaddy yavaive vazviwachira zvavo vega.Vaive vatogeza nemota yavaive vagirwa makeys.Tete vaitoshaya kuti voitanga sei nyaya yacho vachibva vazoitanga ave masikati vanhu tapedza kudya lunch.
Zvakataurwa ini ndisimo.Tete ndivo vaive vati ndigare zvangu muroom medu vaizondidaidza vave kundida.
Ndaive ndisina kana kumbogadzikana ndiri muroom mangu imomo ndiri busy pacing up and down.Ndakazovhura door mbijana ndokunyahwaira ndichida kunonzwa zvaitaurika kulounge ikoko.Ndakanomirira nechekure mbijana asi ndichinzwa zvaitaurika zvese.Ndopandakanzwa voice radaddy riri pamusoro vachiti "Mai vacho vaizviziva, Tinashe iyeye ndakatombobvunza nezvake ndamuona achitemeswa matanda panze apa!"
End of chapter
❤️
😢
👍
🙏
😮
36