Berlin's Writings
June 18, 2025 at 10:51 AM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL Zig-Zag Written by Berlin 0712025728 Chapter 10 *Kudzai* Vaye vakati chokwadi chinorwadza vaisanyepa kana!Ndakanzwa kurwadziwa nemashoko aSimba apa agara aive munhu uya anotaura hake asinga paparike ,achitaura nezwi rakadzikamira.Zvakanonditi dyuu mumoyo chaimo ndikambotadza kutaura kwekanguva ndokuzoti "Ndini wauri kuudza izvozvo?Ndipe makeys uone kuti handiite plan here ndikadzokera nayo kuDomboshava?" Moyo wangu waive wakuita kurwadza ndikatanga kudedera neshungu. Iye akabva andidhonza ruoko achiti "Handei kumota tinotaura" ndikati, "Handina chandinotaura ndiri kuda makeys angu!" "Handei ndinokupa kumota hona zvave kuita vanhu" ndakatarisa vanhu vacho ndikaonawo vave kutitarisa.Vanhu vainzi vaitarisa vacho vaive vakadzi vezvingoro vaitotengesa havo madrinks nezvimwe zvakasiyana-siyana. Ndakazobvuma kuenda kumota kwacho kwete kuti ndaida asi kuti shungu dzaive dzandiwandira.Zvandaive ndapindurwa maSimba zvaive zvandirwadza kwete zvekutamba. He opened the car zvikanzi "Pinda" ndikati, "Handisi kupinda" knowing very well kuti aizongotanga kufambisa mota iye ndirimo. Akabva amira akazembera mota yacho ndokuti "Kudzi usadaro iwewe zvakatanga rini zvekuteverana kubasa?" ndikati, "Iwe wabirei mota yangu?" "Kuba unokuziva here iwe?" "Ehee waba, handiti wafemerwa ukawana makeys pandaive ndamaviga kwave kuba mota yangu!" "Handiti ndaingosiishandisa here?Chazoshata chii?" "Ndakakuti chii ,handina kukuudza kuti uisiye here mota yedera?" "Amana amboti uri dera ndiani?" "Ndini ndave kutozvidaro ka ,handiti uri kuganza apa nekuti handigone kudriver, ndipe makeys angu uone kuti hauisvikire yave kumba here iyi." Ndaive ndatoronga kufonera Alvin mwana wasisi Mai Feli wandaiziva kuti aigona kudriver.Aitoshanda mutown imomo saka aisatonetsa hake kumuti auye. "Ndipe makeys Simba" ndakakwamatata ndichidaro zvikanzi, "Ii horaiti Kudzi, uri kuda kuita drama bhoo!Ini handiride ooh makeys ako" aitodaro achiita zvekumakanda mumaoko mangu ndichibva ndanyatsomatambira zvangu.Achingopira gotsi ndakabva ndasara ndave kulocker madoors kwave kufonera Alvin uyo akadaira achiti "Mai vangu" ndikati, "Uri sei mwanangu?" zvikanzi, "Mushe mama, rainakidza here birthday?" "Raibhowa usiko mwanangu." "Aaa ndichaita plan toridzokorodza ndiripo." "Okay ,uriko here kubasa kwako ndoda kudrivwa kuenda kumba." "Maita lucky nhasi yanga iri off day yangu asi ndiri kutopinda mutown izvezvi pane zvandiri kuda kumboita." "Aaa okay, ndirimo mutown handiti unoziva kune shop inoshandsa baba vako?" "Ehee." "Ndokwandiri." "Ndiri kuuya mhai." Pasina nguva ndakaona munhu asvika pandaive ndiri. "Momz" akasvika achidaro ndikati, "Hesi mwanangu." "Mushe, hanziiko nemota iyi?"akabvunza achibhutsura tyre ndikamutambidza makeys ndichiti "Pane zvangoitika take me home" zvikanzi, "Hoo kwakanaka hako?" "Ehee kwakanaka chingondiendesa kumba. Haana kuzoita nharo akabva atovhura madoors tikapinda. Ndakavhura window mota ichangotanga kufamba ndikatura mafemo kwave kuzotanga kureplayer zvese zvaive zvaitika musi iwowo. "Nhaai Alvin, ndiri kuda kuita madriving lessons ka" ndakazodaro paye ,kwaive kwave kutaura kweshungu dzandaive ndapihwa nekudadirwa kwandaive ndaitwa naSimba. "Aaa kwakawanda kunoitiswa momz ,hazvitombonetse." "Ndave kuda kuita ndipote ndichizvi driver ndega." "Haa hazvinetse ini ndakaita neve greenlight, ndokupai madetails avo." Takasvika kumba ,Laura naKourtney vakatoshamisika nekundiona ndichidzoka naAlvin nemota. Alvin wacho haana kumbogarisa semunhu aive nezvaaida kunoita kutown.Akangofarirana nevamwe vake kwave kuzooneka ndokuenda. "Ko manga mazoenda kutown?" Kourtney ndiye akasara ave kundibvunza ndikati, "Ehee ndanga ndatevera mota." "Mama hamusi mave kuzvinetsa here , munozvikwidza bp nezvinhu izvi.Vasiyei daddy vaite zvavari kuda kuita zvacho timboona.Tiripo for you mama." "Ndanga ndangonotora mota yangu chete." "Zvakaoma apa ini ndiri kudzokerawo nhasi,mazuva acho awanda." Ndakanzwa kamwe kakusurukirwa nekungoziva kuti aive oda kudzokera.Kourtney aive asisaite semwana wangu asi semunin'ina wangu, ndozvaive zvakatoita relationship yedu. Ndakamboramba ndakanyarara kwakuzongoti "Aiwa makambotiona" zvikanzi, "hameno tichadzoka rini.Mama garai pamba penyu chinouya chinokuwanai muri pano musabve" ndakatongoziva kuti Laura ane zvaaive ataura kuna sisi vake chete kwakuzongoti, "Handina hangu kwandinoenda" ndakataurira pasi pasi semunhu aive aine zvakawanda zvaaifunga. She went on achiti "Musare zvakanaka ndokufonerai ndokuudzai tosangana mutown mangwana muri kufanira kunoona doctor" ndikati, "Okay mwanangu ndoona wafona." Ndiko kutanga kugadzirira kubuda kwaakabva aita.Vakaperekedzana kubus stop naLaura wake ndikasara ndichimbozvivharira mubedroom mangu pfungwa dzichifunga zvakawanda. *Laura* "Usare uchitarisa mama Laura" akadaro Kourtney tave kuda kutosvika kubus stop ndikati, "Ndovatarisa." "Vari kuzvinyanya ndave kutotyira kuti vanoita mabp nezvavari kuita izvi.Dai vangovasiya vakadaro daddy vacho." "Zvinenge zvichivarwadza." "Yaa zvinorwadza ,ndichaudzawo maiguru Mai Feli I think vari kufanira kuziva zviri kuitika." "Yaa." Neniwo ndaitodawo kutariswa , ndaitonzwa kuti papfungwa chaipo handisi bhoo asi ndakazviudza kuti ndaifanira kutova strong . Takabva tambomira pabusstop mbijana ndichibva ndatoona pamusika paive nema stumbo nezvimwe zvakangowanda. Ndakanzwa mukanwa mese kuzara mate kwave kutoti kuna Mai Devonna "Nditengerewo mastumbo" zvikanzi,"Mwana wako achabuda achirwera rute mira hako uone" uku munhu achitobuditsa wallet nekunditambidza dollar ndikati, "Handiti ndave kuavoider dhaga ramakandirambidza." "Hii idyai mbuya!" "Maita basa" ndakatenda ndichiita kuombera maoko zvikanzi, "Zvakaoma nemwana waTinashe uyu!" Ndakabva ndatotenga mastumbo aye kwakutovhura one ndikatanga kutodya ndichiita kunyatsonzwa kuti hupenyu hwangu huri kuendeka. Bhazi rakazouya Mai Dee vachibva vangokwira ndokuenda ndikasarawo ndoenda kumba.Ndakasvika mumba makati zii ndikatombotya sepamba paingove nenyaya-nyaya kwave kutodaidzira ndichiti "Mama" vakadaira vachiti, "Ndiri kuno" vachireva kubedroom kwavo. Ndakabata hana yangu ndikatura mafemo ekurerukirwa ndokuzoenda kubedroom kuye uko kwandakavawana vakarara zvavo pabed phone iri mumaoko. "Vakwira?" vakabvunza with her eyes glued on the phone ndikati, "Yaa vakwira." Vakabva vambonyarara ndokuzoti "Uri kufanira kunonyoresa kwaChinhamora mangwana ,ukapedza zvekunyoresa wobva wanotora certificate rako kuCollege uko." Ndakagutsurira nekukasika zvikanzi "Ndikangorapwa mangwana chete ndiri kubva ndatanga kuenda kuma driving lessons ,ndadadirwa zvandisingafe ndakakanganwa nababa vako." "Hanzi chii?" "Hanzi hee kana ndikakupa makeys acho unoidriver here mota yacho?Chaive chokwadi hacho but ndabatikana, chinorwadza" vakaseka vachangopedza kudaro, kwaive kusiri kuseka kwekufara kana kunakidzwa asi kwekutopererwa. Face yavo yairatidza kurwadziwa zvinova zvaizoita kuti ndinyanye kurwadziwawo ndotanga kuzvipa mhosva. Vakakwidza madzihwa ndokuzoti "Zvakaoma ndosaka ndichikuudzai kuti dzidzai." Ndakakwanisa kungogutsurira musoro vachibva vaenderera vachiti "Zviri nani kudadirwa uine twako handiti ipapa dai ndaigona kudriver ndaitongozviuyira ndega?Manje hona ndairamwirwa mota iyoyo kwakuzotofonera Alvin kuti auye kuzondi driver." "Haa zvakaoma!" "Ipapa ndafunga mushe handisi kuzoitengesa ,ndiri kunotora license ,ndotozoifambisa chete mota iyoyo." "That's the spirit zvinoita chete." Ndaive ndakutodawo kunotora certificate rangu ndotsvaga zvekuitawo ndobatsirawo Mai vangu .Moyo wangu waisazoroora kana ndichivaona vachinetseka kudai.Ndaizvipa mhosva ndichinyatsoona kuti ndini ndaive ndavawedzera mamwe marwadzo.Dai yaive nyaya yadaddy chete zvimwe zvaive naniwo mbijana, manje vaive vati kurasiswa nemurume voti nemwana wavo zvese. Nemumwe mukana wandaive ndapihwa uyu ndakatoti ndaitozoushandisa nemazvo. Ndakazobudamo pakasvika Claire kubva kuchikoro.Akangosvika nenoise ndikazonzwa ati zii ari mumba make and when I opened the door ndakabva ndamuona atori paphone zvake achinyaririra seaitoonekwa. She smiled paakandiona ndichipinda pacho ndichibva ndatovhara door ndokugara pamubhedha pake ndichimirira kuti apedze kutaura. Akatora dzinenge 10 mins achingotaura chete and mukutaura imomo ndakakwanisa kunzwa kuti aitaura nemukomana. Paakangopedza kutaura paphone ndakabva ndatoti "Ndianiko iyeye?" zvikanzi, "Anonzi Lawrence, he is a friend of mine." Ndakavhurisa maziso ndikati "Friend?" zvikanzi, "Yes" ndikati, "Ndewe kupi?" "Anogara hake kuHatfield but kunoku ndiko kunana gogo vake so anowanzouya.Hameno akamupa number dzangu achibva anditanga kuwhatsApp." "Uchibva watotanga kutaura naye?" "Ehee munhu angori bhoo zvake." "Aine makore mangani?" "He is 20." Ndakambotanga ndanyarara mbijana ndichiedza kuda kubatanidza mazwi zvakanaka kuti ndisazopotse kutaura. Nekutya kuti aizoita seni ndaisatoda kunzwa achitaura zvekuita kamukomana.Ndaisada kuti agozoguma aita seni, ndaida apedze chikoro chake zvakanaka and make our mom proud. I cleared my throat kwave kuzoti "Claire ndinokuda wanzwa" zvikanzi, "I know, come on zvaita sei?" "I just want you to know that chete, kuti usazofunga kuti ndingafa ndakakurambidza kuita zvandinenge ndichiziva kuti izvi zvakanaka.Handife ndakadaro i want the best for you wanzwa?" "Ndiri kuzvinzwa and I know kuti unondida." "Good, uchenjere zvema friends izvi, ndozvinoita vakomana.NaTinashe takatanga titori mafriends ka isu, tikazodanana." "Apa hapana kana chaati ataura munhu uyu we are still friends.Uri kuti chii?" Zvakangotaurwa ndisina kuzvitarisira saka ndakambobwaira mbijana achibva atowana mukana kwave kuzvipindura ega achiti, "Akandinyenga ndomuramba?" "Handina kumbodaro Claire." "Uri kuti chii?" "Ndiwe wandatotemba naye Claire, please chimboita zvechikoro umbomira hako zvevakomana izvi.Handizofe ndakazviregerera kana ukazoitwawo zvandakaita izvi." End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 37

Comments