Berlin's Writings
June 18, 2025 at 10:52 AM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL Zig-Zag Written by Berlin 0712025728 Sponsored by Mai Tanny❤️ Chapter 12 *Kudzi* "Eeeh inga zvakaoma zvadaddy" akapindura achidaro Laura ndikazotadziswa kuramba ndotaura naye ndaona bhazi reTrip trans richiuya. Zvagara bhazi rinodiwa nemunhu wese nekuda kwekuchipaz ndakabva ndatokasika kuoneka ndichiti "Iwee totaura later ,bhazi rauya" zvikanzi, "Okay mama." Ndakatarisa nguva pawrist watch yangu ndikaona dzave 25 past 10 ndichibva ndambozvitarisa zvandaive ndakapfeka ndikagutsikana nazvo. Ndaive ndangopfeka a blue denim jean iro raive risiri tight fitting, my girls called it a boyfriend jean.Ndaive ndaripfeka newhite blouser top,mutsoka kwakuisa maslides. Zvaive zvakanyatsobuda bhoo,ndaive ndazvitarisa pamirror ndisati ndabuda mumba ndikachishaya chaive chakashoorwa pandiri naSimba. Mumusoro maive muine plain carrot, nekuda kwekupiswa kwandaiita ndaive ndisisarukwe zvinhu zviri bulky. Ndaive ndamboda kuisawo lipstick ,ndikatarisa mumba maLaura kwave kuzosiya zvelip stick zvacho ndawana mungori nema colors aive shouting ndikapedzisira ndazongounyora muromo wacho nebrown eyebrow pencil.Zvaive zvabuda zvakanaka.Zvaibva zvandifungidzisa kare tichiri kumusha tichipisa ma tyre tozora hedu miromo. Bhazi rakasvika ndichibva ndapinda kwave kuwana mungosara nzvimbo yestanding chete.Ndakanomirawo nevamwe kwave kutobatirira bhazi richibva ratanga kufamba.Hakuna kure kwatakaenda ndakazonzwa mumwe mukomana achiti "Muchembere huyai henyu mugare" ndikamutenda ndichiti, "Waita basa mwanangu." Takabva tatochinjana ,iye kwakumira ndikagara. Ndagara kudaro ndakambozvibvunza kuti pavanhu ndairatidzika sei?Asi ndaive ndatochembera? Ndakazvitarisa photo rangu raive pawallpaper ndikaona ndingori bhoo,kwakuenda kugallery kuda kumbonozvi compeya naTambu. Photo rake ndaive ndariona pafacebook and aive asiri munhu anoshamisira kana ka1.Aingove nekahutema kunge kahushava sekandaive ndingori nako nemuviri waive usina kunyanya kusiyana newangu. Ndakatoshaya nechaive chaonekwawo paari nemurume wangu nekuti zvese zvaaive nazvo ndaivewo ndiinazvo.Ikoko kutoona asingashamisire kwaive kwatondibatsira kuti ndidzikame. Takasvika mutown kwave kuburutsirwa kuna forth ndichibva ndafonera Mai Devonna vakati ivo vaive vakutosvikawo ndokutoti "Let's meet paRed crescent yeku Koppacabana iye" ndikangoti, "bhoo." Ndakazvitengera mvura since kutsva kuye kwaive kwototanga ,imwe ndikatotesa katowel kangu imwe kwakufamba hangu ndichinwa kusvika ndisvike kuye. Ndakangosvikomira mbijana kwakuzoona Mai Devonna nemurume wavo vachisvika.Ndakashaya pekupinda nenyadzi dzekuonekwa nemukuwasha ndakapfeka trouser. Ndaive ndisina kutozvijaira kana kamwe chete!Iko ndokaitove kekutanga kupinda mudhorobha ndakapfeka trouser, ndaingosimapfeka kumba ,ndiri mumba chete ndichiti ndikada kubuda kunze ndomonera zambia. Vakamira nechekure mbijana baba Devonna kwave kuzondiombera vachiti "Mama Makadii?" ndikaomberawo ndichiti, "Ndiripo makadiiwo mwanangu." "Ndiri nani, iri sei miviri?" "Haa iri nani iye." "Mamukasei mama" vakadarowo Mai Devonna ndikati, "Ndamuka bhoo," kwakubva ndatanga kutosekesa Devonna aive kumusana. Baba Devonna vakazooneka vakaenda ndikasara ndichiti kuna Kourtney "Nhaiwe wadii kundiudza kuti uri kuuya nababa Devonna hona ndazoonekwa nemukuwasha ndine katrouse." "Makachena wani, ndaitoda kukuudzai kuti muri kulooker looker." "Haiwawo ndine mukwasha ka ini!" "Makachena jelous down amai vangu ndozvakanaka izvi kwete zvamunomboita zviya!Munofanira kutogara makadai." "Baba vako vachizvida?" "Munosara mukada kutevedza kuti nhingi anozvida here kana kuti kwete.Munhu ngaaite zvaanoda iye not kuitira vanhu!" "Ndazvinzwa ngatichipindai." Takapinda mukati ,akabhadhara consultation fee yacho mwana wangu.Zvaingodadisa kufamba naye ,zvichifadza kuziva kuti kunyangwe hazvo murume aive atorwa nevanogona vana vangu vaingondida. Ndakazopinda muna doctor ndikavaudza zvandainzwa nezvandaifungira kuti ndizvo zviri kukonzeresa.Ndakataura zvese doctor vakaterera zvavo vachinyora-nyora pasi ndokuzonditi "How old are you?" ndikati, "45" zvikanzi, "Kugeza munotogeza zvakanaka here?" ndikati, "My periods have changed from regular to irregular." "Pamunotevera pacho flow yacho inenge iri sei?" "Normal." He noted it down ndokuzoti "Do you sometimes feel restless?" ndikati, "Kakawanda." "Ko nzara,hamunzwe nzara padiki padiki?" "Handiinzwe padiki padiki as such asi pandinoinzwa ipapo ndinenge ndotonzwa kupera simba.Ndikangodya chete zvinobva zvatopera." "Okay so we are going to run a few tests." Ndakaitwa matests and ndaitotya kuzonzi ndine diabetes chaiyo or bp. Hazvina kuzodaro pakabuda maresults doctor vakabva vatonditi "Ropa renyu ishomesa, and matogona makasika kuuya nekuti dai mazononoka zvaisazofamba zvakanaka.Kupiswa kuye kwamunoitwa inyaya yekuti ropa ishoma, zvese nekurukutika kuye zviri kukonzereswa nekushomeka kweropa." Takazonzi titenge matablets andakanzi ndaizonwa for 2 months kwakupihwa review date.Ndakabva ndatoudzwa hanzi "Chikafu tinokurudzira a four star Diet, zuva rega rega munofanira kudya fruit,chikafu chabva mumunda,nechikafu chinobva pamhuka that is meat, milk and eggs." Ndakabva ndapihwa nelist rezvikafu zvinowedzera ropa zvandaifanira kudya ,doctor vakakomekedza vachiti "Ndinokumbirisawo kuti murambe muchishandisa method of contraceptive yamaingoshandisa." "Thank you doctor." Takazobuda muye ndave kutonzwa zviri nani ndikapindwa neni mufoodworld yaive padhuze naKourtney akanditengera a few things zvekumba tichibva tazobuda. Takaenda pachicken inn tikadya tichitorana maphotos ndichibva ndazoperekedzwa kuenda kuna forth kwandaikwirira. Ndakapfuura nepa farm and city ndichitenga mushonga wehuku wandaida ndokuzokwira bhazi ndave kuchinanga kumba uko kwandakazosvika kuma past 3 dzemasikati. Ndakawana Laura atoveko, aive akatorara zvake dzehumambo achiratidza kuneta. Ndakamusiya akadaro kwave kutoenda hangu kubedroom kwangu ndikasvikozvambarara. Hapana kuzopera nguva Hailey naClaire vakabva vazosvikawo. "Mazoenda?" Claire akabvunza tapedza kuswedzana ndikati, "Ehee hausi kuona kuchena?" "Manga makachena ,zvaita?" "Ehee hanzi ropa ndiro shoma, ndozviri kukonzeresa kutsva kwandinoita kuye,pane mapiritsi andatengeswa." Ndakabva ndamupa card,mapiritsi pamwe nelist rechikafu chandaive ndanzi ndinofanira kudya.Akambotora nguva achiverenga zvaive pacard nepalist redu riye achibva azoti "Dai zvikaita nani." Laura akazouyawo achibvunzawo kuti ndaive ndafamba sei ndikangomuudza.Aive akarukutika zvekuti ndakatoudza Claire kuti amboona nezve kitchen achizorodzawo mumwe wake. Basa aisarizeza hake aive akatosiyana ipapo nevamwe vese.Kana nekumatanga kwehuku aisazeza kupinda achindibatsira. 6 dzisati dzatokwana ndakaona Simba achisvika.Ndaive ndakatogara hangu mubedroom ndichitaura nasisi Mai Feli paphone.Akangopinda akapfeka hembe dzaaive akabva akapfeka nezuro wacho. Ndakangomutarisa achipinda achibva asvikogara kuedge kwebed zvake kwakumbotanga kuterera zvandaitaura nasisi Mai Feli uku achinditarisisa. Pandakapedza zvephone ndipo paakabva azoti "Maswera sei?" ndikati, "Ndaswera bhoo." "Hoo, ko manga maenda kupi?" Aidaro achiita kunditarisisa ndikatanga ndazvitarisawo ndokuzoti, "Kutown" zvikanzi, "Wakapfeka zvawakapfeka izvi?" "Ehee!" "Kunodii?" Ndakamboda kumupindura rough kwakuzozvidzora paye ndichibva ndangopindura ndichiti "Ndanga ndaenda kunoona doctor" zvikanzi, "Wakapfeka zvakadai?Why wazoenda wega handina kuti tichaenda tese here kana mari dzangu dzabatana." "Ndazongoenda Simba chirega hako kuzvinetsa." Ndakabva ndatosimuka ndikabuda kuenda kwaive nevana vangu.Ndakabatsiridza Claire nezvaive zvasara pakubika tichibva tazodaidza vaive kumabedrooms kuti tidye. Simba akauya kuzodya mune vamwe asi Laura haana, akati food yake iendeswe kuroom kwake ndiko kwaakadyira. Hapana kana aitaura throughout the meal, mumwe nemumwe was concentrating nendiro yake. Simba ndiye wandaimboona achibirira kutarisa vanhu vese ndikaziva kuti dzaive nyadzi. Takapedza kudya ndakabva ndambogara zvangu ndave kutoona maprogrammes andaifarira kuona. Vana vakaenda kumarooms avo tikasara tiri two naSimba pasina aitaura nemumwe.Pandakazoti nditarisewo mumwe wangu ndipo pandakaona shasha yatofa hayo nehope pasofa ipapo and rariro yaaive akaita yaive yemunhu asina kunyatsorara the previous day. Ndakarovanidza maoko kwakungoti zvimwe aive anonoka kurara achifadzana hake nemukadzi wake. Ndakamusiya ipapo ndikatanga ndaenda kunodongorera Laura, ndokuzoenda kubedroom kwedu. Ndakatanga ndanogeza ndokuzodzoka ndichinwa mapiritsi angu ndokuzopinda mumagumbeze. Mapiritsi acho akaita seakabva atotanga kushanda ipapo nekuti handina kuzonzwa kutsva. Hopewo hadzina kunetsa kundibata ndofunga kwaive kuneta nekufamba mutown,ndakangoisa musoro pasi kwakutobatwa nehope. Handina kurara kwenguva refu ndakazonzwa ndave kumutswa ndikamukawo zvekuvavarira semunhu aive nehope kwakuona ari Simba aitondimutsa. "Chii?" ndakabvunza ndichitoshamisika kuti ndaimutsirwei zvikanzi,"We have to talk Kudzi,mararamiro atiri kuita aya haasiyo." "Talk about what nhaiwe?" "Us." Ndakaita zvekugara ndikati "Taita sei?" Zvikanzi, "Kudzi first ndoda kuapologiser nezvandakaita, handirambe yes ndine mwana wekunze asi kutaura chokwadi ,chokwadi chaicho mai vacho handivade.Ndiri kungoitira mwana." "Hoo." "Ehee kana kurara kwandakaita kuMbare nezuro zvaive zvisiri zvekuwirirana taitonetsana." "Hoo anogara kuMbare?" "Ehee kuNational uko asi handichamude Kudzi,ndoda iwewe and iwewe unotozviziva.Izvi zviri kuitika izvi handitozive kuti zvakatanga nepi, you know me Kudzi, this is not me.Tagara tese makore mangani?" I guess he was expecting kuti ndidaire manje handina zvinhu zvataingoziva tese izvo zvakamipa kuti azvipindure ega achiti "27 years it's not a joke!Kana explanation svinu chaiyo yekukupa handina , ndogona ndakatoshandisirwa mushonga chaiwo Kudzi cause kutaura chokwadi handisi kuziva zviri kuitika kwandiri.Handisi kutoziva zvandiri kuita." Akabva ambomira kutaura achifemeruka mbijana ndokuzoti "Hauna kwaungandiendesewo here ndinorutsiswa,I am sure ndakashandisirwa mushonga chete Kudzi, this is not life!Handichazvide ini." End of chapter
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 105

Comments