Berlin's Writings
June 19, 2025 at 07:54 AM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 13
*Kudzi*
Trust me I didn't want to believe him.Zvese zvekusiririsa kwaaive ave kuita ndaisada kana kuzvitevedza asi pane kazwi kandakabva ndazonzwa.
Ndakatanga kurangarira makore ataive takagara tese zveshuwa ndikaona pasina kumbobvira paitika zvakadai.Taidanana zvisina mubvunzo munhu achibva azongotanga kuhura kwacho ave kuchembera kudai.
Ndizvo zvakazoita kuti ndione sekunge aitaura chokwadi Simba asi handina kuda kukasika kuzviratidza ndakabva ndakasika kuti "Simba ka" zvikanzi, "Sure Kudzi, hazvisi zvega izvi.Ndibatsirewo."
"Handina hangu kwandinoziva asi what I know is munhu kana woda kusiya ukazviudza kuti ichi handichada baa unosiya."
"Ndave nenguva ndichizviedza Kudzi zvichiramba."
I decided kumbomufeya kuda kuona kana aitaura chokwadi ndichibva ndamuti "Ndewe kupi mukadzi wacho?" achibva ambobwaira-bwaira maziso ndokuzoti, "Anoshanda mutown, she is a meter maid achigara muMbare."
"Hoo."
"Yes, aingoda kuswedera mudhuze mangu I guess ndopaakawana mukana wekundishandisira whatever zvaakashandisa kuti ndimude.
Ndaisatombocheukira mumwe munhu kana iwe unondipupurira Kudzi."
Ndakaramba ndakanyarara zvikanzi "Believe me handichamude ndiri kuda kumusiya ndongoita zvemwana chete naye.Kudzi ndiwe chete wandinoda inga tanga tachembedzana zvakanaka wani."
"Tanga tachembedzana ka iwe ukazodai."
"Ndokumbirawo another chance, kana uchifunga kuti I am saying this nekuda kwekuti ndiri kuda mota or what usandipe hako mota yacho .Ndisiye ndakadai."
Handina kumbodaira nyaya yemota iyoyo ndakabva ndatongodzokorodza kuti "Zvakaoma" zvikanzi, "I love you Kudzi, I love you so much ndiregererewo mukadzi wangu."
Zvairwadza hazvo asi ndakasarudza kumuregerera,kwataive tabva ndokwaive kure zvekuti kungomusiya nyore nyore kwairwadza.
Sezvo kaive kariko kekutanga then there was no harm in giving him a second chance.Zvaindirwadza asi
ndakazviudza kuti ndaifanira kupa relationship yedu another chance ndichibva ndatoti "It's okay Simba" zvikanzi, "Ndaregererwa?" ndikati, "Ehee."
"Thank you mbuya vaDevonna,hauchanzwe futi zvinyaya zvakadai,kana ndave kuzoronga zvemwana ndinoronga newe."
I smiled kwave kugutsurira musoro zvikanzi "Ndaifanira kukuendesa ndini kwadoctor" ndikati, "Ndazoendeswa nemwana wako."
"Ooh ndiKourtney nhaai?"
"Yes."
"Aita hake" ndakabva ndatotanga kumuudza zvandaive ndaudzwa kuchipatara nekutomuudza zvandaive ndakutonzwa ipapa zvikanzi ,"Ndokutopora kwacho, aita hake Mai Devonna."
"Yaa aita hake."
I thought of nyaya yedriving ndichibva ndatomuudza akaratidza kufara chaizvo nazvo.Ndakabva ndatonzi "Ukangonzwa kuti nyama dzave kuda idzi unobva watotanga shaa, hazvinetse pasina nguva zvinenge zvatoita."
"Ndogona kutanga next week."
"Good girl!"
Akabva amboenda kunogeza kwakuzodzoka achipinda mumagumbeze umo maakasvika achinditi "Ndakusuwa" uku ave kutondigumha-gumha nezvaive zvandisuwa zvacho ndikati, ''Nyaya yako ndainzwa Simba but I am not yet trusting you hangu, nezuro wakanorara kuMbare God knows what happened ikoko."
"Babe hapana zvandakaita ini, ndakatorara pakasofa ndisina kutopfuga futi."
"Ungagoti chii?Handisi kuda kurisker hangu ,mangwana huyai nema butiro kana mave kuda zvebonde neni.Ndotokuda zvisingaite asi hutano pamberi."
"Ndinotestwa horaiti."
"HIV sandiyo chete inotyisa ko masiki?Kanawo zvimwe zvima infections zvinotapuriranwa pabonde?"
Hameno zvaaive oda kukakakama achitaura ndichibva ndati "Parizvino wati uri kuitiswa zvausingade and unozviita usingade uchida.Saka tongoshandisa hedu protection."
He let out a huge defeated sigh ndokuzoti "Saka nhasi ndiri kutoparara apa?" ndikati, "Ehee" zvikanzi, "bhoo."
Takabva tapinda mumagumbeze kwakurara tese takatarisa mudenga.
Ndipo paakazochinja nyaya oti "Laura ari sei?" ndikati, "Ari bhoo anga aenda kunonyoresawo nhasi."
"Ooh hanzi zvese zviri bhoo?"
"Yaa hanzi ari bhoo."
"Anofanira kuenda kuscan ogara aonekwa kunzi mwana ari sei hatizode macomplications musi wekusununguka."
"Yaa tichaona."
"Ndichaona kuti ndodii, scan haidhure hayo."
"Munenge maita basa."
"Ko sei asina kuuya kuzodyira kune vamwe?"
"I think achiri kukutya."
"Ndazviona hangu, ngaasanditye handina kuti ndiri kuda kumurova ini ndakati ndiri kuda kuzotaura naye hangu.Tichataura ave nemwana not now, apa handisi kuda kuti avhiringike haafanire kuzvisunga ega ega."
"Yaa sure."
"Mangwana ndoda kumuona mudining patable nevamwe kwete kuzvisasamura."
"I will tell her."
He nodded kwakuzochinja futi oti "So preparation ingada marii?"ndikati,
"Zvinhu zvichambodhura here?$100 inokwana plus ndine dzimwe hembe dziri muma monarch umo.That reminds me, hanzi nadoctor ndiri kufanira kuramba ndichinwa mapiritsi efamily planning."
"Handiti ndakakuudza kuti hauna kuguma kwawakaita?"
"Ehee hazvo asi ndave padhuze hangu."
Nyaya yakabva yatodzokera kumashure ndikanzi "I am sorry nezvandakaita Kudzi, it's not like ndaisagutsikana nevana vawakandipa kwete.Yaitongove mistake yakaitika yekuita mwana" ndikati, "It's okay Simba."
"Ndokumbirawo kurara ndakakubata horaiti, I miss you Kudzi, I miss everything about you."
Moyo unenge uchitoda kumboitawo play hard asi unozongozviona warerutsa .
Ndozvandakaita ipapa ndikatorara ndiri pachifuva, mangwana makuseni kwakutomuka kuti ndigadzirire munhu wangu kuenda kubasa.
Kuzviita made me realize kuti ndaive ndatozvisuwa.
I made him breakfast and packed zvese zvaaida kuenda nazvo kubasa.
Mota handina kumboedzesera hangu kuda kumupa, ndakangonyeperawo kudzungaira iye achibva aendawo nema combi.
Handina kuzodzokera kunorara ndakabva ndatotanga kuita zvebasa.Ndakawaridza bed zvakanaka ndichibva ndatobuditsa washen yaSimba yandaive ndaane mazuva ndisina kuwacha ndikaiwacha paye.
Laura akatozondiona ndave kutopedza kuwacha akasvika achiti "Mamuka sei mama" ndikati, "Ndamuka ndichiwacha wamukawo sei iwewe?"
"Ndamuka bhoo."
Aive oda kutondibatsira ndichibva ndatozoita wekurambidza and semunhu aive nesimba ndakadziwacha dzese hembe dzaSimba ,kwave kuzotora nedzimwe shoma dzaHailey ndikawacha zvekare.
Kourtney akazofona ndave kunwa tea achibvunza kuti ndaiva ndamuka sei ndikamuudza kuti ndaive ndamuka zvakanakisa .
"Mabva mandifungisa GG" akadaro Kourtney achiseka ndikati, "Watanga, aita sei GG?"
"Ndiye ka anoti akangonwa piritsi chete ototi ndapora."
Ndakaseka ipapo ndichirangarira GG airehwa wacho.Vaive vari Mai vangu avo vaive vakapihwa zita rekuti GG naivo vazukuru vavo pavaive vakaita Great-grandmother.
Zvaive zvatozopfumbira sekutamba sekuseka hapana aive achavati "gogo" yaive yangove "GG" chete.
Takabva tambotanga kutaura dzaGG idzodzo kusvika pakuzoonekana.
Ndichingopedza kutaura naye Simba akabva afonawo achida kungonzwa kuti ndaive ndiri sei.
"Ndiri bhoo ini" ndakamudaro paye ndikanzi, "Aaa bhoo , ndaida kungonzwa kuti wasara sei babe.Kana uri bhoo then that's fine."
"Thanks for checking.'
"You are welcome."
Mai Mufundisi vekuchurch kwedu vakazofonawo vachibvunza nezvana Laura avo vaive vachonesa vasingaende kuchurch.
I ended up telling her nyaya dzaLaura dzacho sezvo vaingove munhu ari right.Vakaratidza kutobatikana kwakubva vatoti "Haafanire kuregera kuuya kuchurch izvozvo, ndichauya kumba Mai Laura" ndikati, "Toona mauya mhamha."
Manheru Simba akakasika zvekare kudzoka kubva kubasa aine tuma goodies twakangopfuurirwa natwo kubedroom.He took his bath kwakuzouya kuzodya nevamwe.
We ate as a family ,tapedza tichibva tazoenda hedu kuma bedrooms edu.
Kwedu takangoti tichisvika ndichibva ndatohakwa naSimba ndokutanga kutokisswa.Aive auya nema condoms andaive ndakamuudza kuti agouya nayo kana achida zve sex.
Hatina kutora nguva taive takutofadzana sezvataive takavimbisana.Just after penetration ndakanzwa mushini uchipera mweya ndikavhurisa maziso ndoshaya kuti chainge chava chii.
Kana Simba zvinenge zvakatomuvhundutsa nekuti ndakazonzwa oita "Aaa" iye yekushamisika ndokuzowedzera oti, "Ndozvandaikuudza zviye Mai Korty,kuroiwa uku, ndakatokanikwa chete kuti kana ndauya kuno itadze kushanda!"
End of chapter
❤️
😂
😢
🙏
👍
34