Berlin's Writings
June 19, 2025 at 07:55 AM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL Zig-Zag Written by Berlin 0712025728 Chapter 14 *Kudzi* Aive akutoita seanoda kuchema Simba zvekuti ndakabva ndakasika kumunzwisisa ipapo kwave kutomuti "It's okay Simba" zvikanzi, "It's not okay, handiti ndinotofa here nhaai Mai Korty?" Ndakambotora nguva ndakati zii kwave kuzoerekana ndati "Pamwe hausisina shungu neni hako" sadly zvikanzi, "Ndokugadzirwa kwacho ka nhaai babe?Ndogotanga kushaya shungu newe nhasi?" Ndakabwaira-bwaira ndokuzoti "Or wabva hako mukurara namai Junior vako" zvikanzi, "Kupi nhaai Kudzi, inga ndatokasika kubva kubasa wani apa ndashandisa public transport chaiyo.Inga ndiri kuzama wani kuita zvekuti uone kuti handichadaro." Ndakaramba ndiri zii zvangu zvikanzi "I love you Kudzi" uku ave kudzoka kumuromo wangu kuzondikissa ndikavhara muromo wake neruoko ndichiti , "I love you too." Kumuda kwandaiita ndiko kwaiita kuti ndibvume zvimwe zvinhu zvandaitoona kuti aigona ari manyepo.Nezvese zvaaive akandiitira I still believed those three powerful words "I love you" coming from his mouth. "Saka wakundiblokerei neruoko manje?"akabvunza ndikati, "Zvinozoperera kupi ukandidenha kudaro?" "Ndine maoko nemuromo saka siya so tione kuti handikugwinhise here" zvaive zvakutaurwa in a naughty tone ndikasekenyeka ndokuzomusiya achiita zvaaireva zvacho.He used his hands zvese nemuromo sezvaaive ataura kwakutondigutsawo zveshuwa. Musoro waive wochena hawo asi pabedroom aindigutsa murume iyeye.Hakuna mumwe murume wandaiziva asiri iye but zvakangodaro ndainzwa kuti ndiye one anondiitira handizode kuzama zvimwe. Ndakatozorara ndave bhoo ,kutorotawo hope dzehumambo. Mangwana makuseni ndakafumounzirwa breakfast in bed ,tikaidya tese tichiita kuyemedzana. Hapana zvaakambotaura nezve nyaya yemota, ndakamboda kunzwa tutsitsi hameno kuti twaibvepi tutsitsi twacho kwakuzozviudza kuti ndidzikame. Ndaimuda chaizvo asi aifanira kudzidza kuti achinje. Ndakazomuka ndikatsvaira bedroom yangu ndokuzobuda mumba Laura ave kutodya hake chimunya. Takamhoresana ndichibva ndazoendawo kudanga kwangu kunotarisa huku.Ndaiti ndikatarisa matanda angu aive asina kutemwa ndaibva ndafunga mashura andaive ndazoitirwa naTinashe ndopedzisira ndarovanidza hangu maoko nekupererwa. Simba akazofona kwave kumasikati achida kungonzwa kuti ndaive ndiri sei.Call yakazopera ndaudzwa kunzi ndinodiwa ndikatozoswerawo zvakanaka musi iwowo. Paakadzoka manheru takangofadzana nemaoko sezvaaive akaita the previous night.Kuona kukasika kwaaive ave kuita pakudzoka kubva kubasa kwakaita ndibvume kuti hapana zvaaive achiitawo zvemashuwa. Zuva rakatevera racho ndopaakandifonera ari kubasa kwake achiti pane kwaaive ave kuperekedzwa nemuzukuru wake kunobatsirwa. "Kuma porofita here?" ndakamubvunza zvikanzi, "Ehee hameno kuWadzana uko." "Endai pamwe zvinoita." "Dai zvikadaro." "Ikoko hanzi zvinotoita hazvirambe." Paakadzoka kubva kubasa aitoti zvainzi zvaive zvaita tichibva tatoyedzawo zveshuwa zvikaita.Takatofadzana sezvataingoita kumashure kwese uko tikashandisa protection.Akazocomplainer apedza achiti "Kudzi bepa harisi kuita wangu" ndikati, "Ndichakuudza kana ndanyatsogutsikana." "You are the boss!" Ndakambomuka ndichitarisa phone yake ndikaona isiri paflight mode payaive yomboiswa paye. Ndakaenda kuwhatsApp,messages zvese neku call logs ndikaona kwakachena ndichibva ndagutsikana nezvaaive akataura. Mangwana acho yaive iri Saturday Simba akafumoenda kubasa. *Laura* "Mama vanozviwanza" akadaro Claire ndikati, ''Vanhu vanodanana hauvazive here?Havatevedzerwe." Taitove busy hedu kutaura nyaya yamama avo vaive vazongodzokera kubedroom kwavo vega vasina kuteverwa nadaddy. Vaive vakutoratidza kuwirirana vachiita sekunge paive pasina chaitika pakati pavo nadaddy. "Zvinobhowa apa ,lets hope havavharwe mota!" Zvaitotaurwa munhu achiridza tsamwa ndikati, "Zvevanodanana hazvitevedzwe!" "Wave kuita satete vako Mai Deffy manje ini ndinotodzitevedza nyaya idzodzi." "Apa tadzidza kusiyana nadzo." "Vanobhowa next time vakauya netunyaya twavo handidaire!" "Usadaro vanenge vatopererwa vachitotida paye." "Kungoti havarare havo muroom mangu zvangu kana zvaipa vanouya kwako" akadaro achirovanidza maoko kwakuzowedzera oti, "Rega ndiudzewo Mai Devonna." Ndakazomusiya ave kutodialer number dzamai Devonna dziye ndikaenda kwandaive ndadaidzwa namama.She was in her room with Hailey.Vaive vaburitsa zimornach ravo hombe iro randaive ndangonzwa nekuvimbiswa kuti raizoburitswa. Ndakasekerera ndichangopinda zvikanzi naHailey "Huyai muone zvinhu zvababy sisi Lau imi!" Ndakabva ndatofambawo ndoswedera kuzvinhu zviye.Maive netuma jackets, rompers , masocks netuma vest twakangowanda. Zvese zvaive zviri zvinyowani. "Wow zvakabvepi?" ndakabvunza zvikanzi, "Zvimwe zvaive zvaHailey ,but zvizhinji pane mukadzi wekuma yard akanditengesera hake." "Mukatenga muchiti chii?" "Zvaive zvangu ka handiti ndaida kuita mwana?" Takabva tamboseka ipapo tichirovana maoko and she went on saying "Zvizhinji handiti uri kuona kuti mablue color, zvaive zvaboy boy" ndikati, "Ndiri kutozviona ka ipapa" ndichibhedhenura kamwe kajacket so. "Manje pauri handisi kuda mukomana ini, ndiri kuda musikana" vakadaro mama ndikati, "Manje ini ndiri kuda mukomana!" "Dai akaita musikana handiti Hailey?" "Ehee ndiri kuda musikana" akadaro Hailey tese tichibva tamboseka uku tichiona zvaive mumonarch zviye. Ndaive ndave kuudzwa zvaive zvasara kutengwa namama ndichibva ndatopihwa kamwe kamonarch kavo kadiki ndichinzi kekurongedzera. Ndakabva ndatonzi "Zviri kuda kuwachwa wonyatsozvinyika mufabric softener worongedza" ndikati, "Regai ndiudze mama Claire vaite." "Iye aripiko?" "Ndamusiya muroom make." "Okay, ipapa ndatoudza daddy kuti vagokuigire derere ndakangonzwa kuti hanzi rinobatsira chaizvo kuvanhu vakadai." I nodded kukanzi "Ukazowana nguva tozoenda pamai Mwenje paye kunoyereswa" ndikati, "Okay mama." "Iko kari kutamba here?"vakabvunza. Ndakatanga ndazvitarisa padumbu ndokuzoti "Ehee ndongonzwa tuma movements" zvikanzi, "Daddy vaitaura futi zvekuenda kuscan.Ndoona sezvakangonaka ini kugara taziva plus tinenge tisisaitire kuziva sex chete asi kungoziva kuti mabhonzo ako ari sei.Kana uri we Op togara tangoudzwa ikoko." I nodded feeling grateful to have a family like mine.Vese havo were so caring kubva kuna daddy vacho vandaitya zvese nema siblings angu and I couldn't ask for more. Ndivo vanhu vaiita ndisanyanye kufungisisa nezva Tinashe.Kungoziva kuti ndaive nevamwe vanhu vaindida kudaro kwaibva kwandidzikamisa. Ndakazobuda imomo ndave kutopusha monarch rangu kuenda kuroom kwangu.Ndakasvikoriisa pabed kwave kurivhura zvekare ndokumbodaidzira ''Claire" ndichida auye kuzoonawo hembe dzababy but haana kudaira. Ndipo pandakabva ndafunga kuenda kuroom kwake kwakubva ndasvika ndichingoti bherengende door ndikaona ari paphone.Ndakaramba ndakamira padoor ndichida kunyatsobata kuti aitaura nani and hazvina kundinetsa kuzonzwa kuti aitaura naLawrence wake.She was laughing and blushing paphone ipapo achiratidza kuti aiudzwa zvainakidza. Ini nekutya ndakabva ndatongobuda muye kwave kuendawo kuphone kwangu ndikasendera Mai Devonna message ndichivaudza. Ndakanyatsova tsanangurira ndikati "Claire anenge ave nemukomana Mai Dee imi, please mutsiureiwo ambozvimira hake aite zvekuchikoro.Handidi kuti azoitawo sezvandakaita inini ,vakomana vanomitisa vobva vakusiya." Yakasvika audio iye vakaitetera ndokuzopindura vachiti "Zvakaoma ,hanzi vave kudanana here handiti ndiye Lawrence?" ndikatoshamisika kuti vaive vakatoudzwawo zvakadaro nemunhu aive form 4 ndichibva ndatobvunza ndikati, "Makatoudzwa?" Ndaitarisira kuti vaiitawo strict seni ndisingazive kuti vaitoudzana nyaya dzakadaro naClaire. "Kuti ari kudiwa chete ka?She did tell me ndikamuti kana ave ready abvume asi vazive pekugumira." "Ooh?" "Yes ,apa aita sei asi abuda?" "Haana kubuda aripo but shuwa ndiro zera ringanzi abvume mukomana?" "Ndaigomuti chii zvangu, ndaigona kumurambidza onyepera kunzwisisa ozobvuma hake nerweseri zvoshaya basa.Ndosaka ndakazongomuudza kuti kana achida abvume asi otamba akangwara.Ndakatomuonesa big time ndikatomuudzawo zvauri kutyira izvozvo akaratidza kunzwisisa." "Aaa okay." "I will talk to her hangu." Ndakabva ndatongosiyana navo handina zvimwe zvandakazotaura.Zvinhu zvandaida kuwachirwa ndakabva ndatozozviwacha ndega zvangu. Ndave kutopedza kuyanika ndipo pakabva pauyawo Claire kwandaive ndiri.Ndakatarisa face yake ndikaona yakaita kakusungwa achibva atanga ambotarisa zvandaive ndawacha kwakubva azoti "Ko hanzi manga mave kunditaurira kuna Mai Devonna?" ndakangomutarisa and iye haana kana kumirira mhinduro akabva atoenderera mberi achiti, "Tave kudanana hedu naLawrence and Mai Devonna ndakatovaudza zvangu ndiwe chete wandaive ndisina kuudza knowing that waisazozvitambira mushe.I think uri kuzviwanza hako Lau , kwauri kuendesa pfungwa dzako ikoko ndichiri kure nekukusvika, ndakatodzidzawo kubva kwauri and ndinotodawo kuzofadza mai vedu shamwari." End of chapter
❤️ 😂 😮 😢 🙏 👍 36

Comments