Berlin's Writings
June 19, 2025 at 02:50 PM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 16
*Kudzi*
Kusadaira kwakaita Laura kwakaita nditure mafemo.Ndaidawo kuti andidaire ndiwane kumudururira dzimwe nyaya dzaindiremera dzaiita kuti ndisheye naye manje nezvaakaita ndakaguma ndazongonyarara.
Aitoratidza kusada kuzvinzwa and it hurt so much.
Ndakambotora nguva maziso ari kuwindow ndichitarisa mota dzaizvifambira.Kwaive kuri kuvarairwa ndave kutokungura nechandaive ndambozvitaurira zvangu pfungwa dzichibva dzadzokera pakufunga Simba.
Hapana chandaive ndazoona muphone chairatidza kuti aive achiri kudanana naTambu wake asi nyaya yekusauya nemari yakakwana ndiyo yaive yave kunetsa.
Ndaitoudzwa kunzi "Handisi kutambira, mari yandiri kuuya nayo itori yemadhiri" zvichinyatsooneka kuti kwaive kuri kunyepa and it was eating me up so badly.
Ipapa mari yataive tapihwa yescan neyekutenga zvinhu zvaLaura yaitonzi yaive yemadhiri .Ndaive ndisisazive zveku believer, munhu wacho aive akuchinja ave kunyatsogona hake kundinyepera and sometimes kana uchida munhu wako you end up buying manyepo aye just to maintain peace.Ndizvo zvandaive ndakuita ,ndaingodaira hangu asi ndichiziva kuti ndiri kunyeperwa.
Zvekushandisa macondoms mubedroom zvaive zvazongopera ,ndaive ndadzokera kuma piristi angu and mahot flashes aye aive ave nani.
Ndakazovhundutswa naLaura aive ave kuti "Tasarirwa nekutengei?" ndikati, "Mabasics tatenga,kwasara zvimwe zvinana methylated spirits ,bucket netub asi zvinozoonekwa.Ndogona kuzozvitenga ndave nemota kuitira vanhu vanoda kuongorora."
"Kana kuzotenga pashow ground" she suggested ndikati,
"Yaa togona kutenga hedu ipapo."
Takasvika kumba uko kwatakawana tatomirirwa naClaire naHailey vachida kunzwa zveku scan.Hailey ndiye asina kufara hake sezvo aitarisira mwana musikana asi Claire akapembera.
"Ndafara zvekurevesa!" she exclaimed achidaro ndikati, "Haa wafara sure."
"Anenge achinzi Hadin" akadaro akanzi naLaura, "Hiii ndakamuvenga mukomana wako shamwari tsvaga rimwe zita."
Ndakaseka ndikati "Yuwii sisi vane mukomana?" achibva adaira Laura achiti, "Ayehwa munhu wemu movie."
"Zvakaoma ,dai aive musikana ndaipa zita,ndine zilist rakarebesa rezvisikana.Ini pandaida mwana mukomana ndaida kumupa zita remukomana wepa Westlife manje baba venyu neshanje vairamba!"
"Kuitira shanje mumhu wemuTv?"
"Ehee zvavo, ndaida kutomuti Kian manje Iii baba venyu vaisatomboda.Vaive vakanaka vakomana vaye."
"Zvakavaomera daddy."
"Ini ndanga ndakutogadzirira kuzoruka musoro apa ,and I was going to name her Lilly, a beautiful flower" akadaro Hailey afutisa matama ndikamuhugger ndichiti, "Vachauya vamwe next time uchavapa handiti?"
She nodded achibva anzi naLaura uyo aive atotsamwa "Saka hausi kufarira mwana wangu?" zvikanzi, "Ndiri kufara kani handiti achadzidzawo paBorrowdale school ka?"
Tese takabva tangoseka it was funny,shuwa kurongera chikoro munhu aive asati atombozvarwa!
Ndakazomboenda kwangu kumbonozvambarara ndichifunga nhamo dzangu.Simba waiti ukamubvunza nyaya dzaTambu aingoti vaive vakasiyana.
Pamwe pacho ndaimbozvisimbisa ndichiti zvaive zvisina basa kana aida barika ndaizongoshingirirawo nebarika chero achitombouya hake kumba asi zvaisave nyore.Zvairwadza!
Ndakashingirira nekuenda kudriving kwandaienda zvikabudirira.Ndakaita kujamba nemufaro pandakazotorawo license yangu ndikatanga kufamba nemota yangu.
Pakutanga ndaingoenda mudhuze ndodzoka,ndaive ndozviendera kunana NRichards muHatcliffe ndozvitengera chikafu changu chehuku nekudzoka kumba.Ndakatanga ndichidriver zvekutya zviye ndichiita kunanaidza mota asi nekufamba kwaiita nguva kutya kwese kwakazoita nani kupedzisira ndave kutonosiya nekutora Hailey kuchikoro kwake chaiko.
Yaive itori Tuesday pandakabata phone yaSimba iye aenda kunogeza muchibva mapinda whatsApp message yaive yakangonzi "Thanks daddy tatenga" ini kwakunotarisa kuprofile kudai ndikaona paine mwana aive ari mustroller yaive yakanakisa.
Kana zvaive zvakapfekwa ipapo zvaive zvakanaka .
Kuenda pa user name kwakuona pakanzi "mai Jnr" ndichibva ndatongoziva kuti aive ari Tambu.
Ndakamirira Simba kuti apedze kugeza.
Akabuda mubathroom achiridzirira kamuridzo ndokusvika hake achida kundibata ndichibva ndamuti "Mai Jnr wako vasenda message" zvikanzi, "Aaa mai Junior vapi babe?"
"Tambudzai!Apa wanga wadeleta chat ka manje vazosenda message vachitenda hanzi vatenga!"
"Imari yemwana" akadaro ave kunyara-nyara ndikati ,"Zvawamboda kuramba wani?Yawawanepi mari yacho?"
Akangokakama hake kwakutadza kubuda neanswer ndichibva ndati
"Handina kukumbira mari yema extra lessons aHailey ukanditi hauna mari?" zvikanzi,
"Yanga yakambowanda here mari iri kutendwa yacho, handiti kangori kamari keporridge chete here amana?"
"Kambobvepiko munhu asiri kutambira?"
"Iii Kudzi shamwari ,hameno izvo zvave zvakowo izvo ndiri kuda kurara.Hatinganetsane nenyaya yaTambu yatakapedza kudhara and it's not like haumuzive ka handiti you know kuti ariko?"
"Watii?" ndakadaro ndichinzwa kurwadziwa ,kwete kuti ndaive ndisina kunzwa,ndaive ndamunzwa loud and clear asi ndaida anyatsodzokorodza mashoko ake ndonzwisisa.
"Wazvinzwa Kudzi, unoziva kuti ndine munhu ane mwana saka tingagare ndichingonetsana nenyaya one?Haa no mhani!"
"Saka ndiri kufanira kudii,kunyarara?"
"Yes ,wosiya zvekutsvaga makudo mugomo izvo cause wakutondinetsa.Mota yako yawaiti ndoiri kundipa musikanzwa ndakasiya wani but still unoramba uchinditsvagira nyaya?Inga I try wani?"
Aive atorova serious iye yekusada kubvunzwa manje achibva atotora phone yake ndokuikanda kwakadaro uko.Akabva apinda mumagumbeze achingo hon'a hon'a ini neshungu kwave kutakurana neblanket rangu ndokunanga hangu muroom maLaura.
Haana kundibvunza zvaive zvaitika Laura wacho ,akangondipa hake pekurara ndichibva ndarara.
Aive akurara naClaire sezvo nhumbu yake yaive yava due.Claire wacho was on a call but pandakapinda akabva abuda kwakuzodzoka apedza zvephone yake.
I didn't have a problem with her having a boyfriend ,hapana pandaizomurambidza nekuti ndaisaswera naye mwana asi ndakangoti ndaizongotaurawo naye ndave ready.
Handina kure kwandakaenda nehope dzangu ndakazomutswa naLaura achiti aive ave kurwadziwa.
"Ndepapi pari kurwadza?" ndakabvunza zvikanzi ,"Pamusana apa zviri kuita zvichirwadza zvombonyarara."
"Yatove labour pain."
"Ngatibudei mama" akadaro Claire ave kutya ndikati, "Ehee turura monarch tiende."
Baba vacho hatina kuvamutsa ,ndakatonotora makeys vakatofa havo nehope vachiridza ngonono.Dzaive kuma past 11 manheru tichibva tatongonanga kuclinic kwaive kwakanyoresera Laura.
Claire ndiye aive kumashure nasisi vake avo vaaita achibvunza kuti "ndoita sei kuti zviite nani" onzi, "bhabhadzira pamusana apa" oitawo zvaaiudzwa.
Takasvikomusiya achinzi aive achiri pa2cm ndokudzokera hedu kumba.
Simba paakanzwa mota kupinda ndopaakabudawo akatanga kubvunza zvaive zvaitika ndikatsanangura ndichiti
"Arwara Laura" zvikanzi, "Eish inga pakaipa, hanzi chii manje?"
"Achiri kure tichaona makuseni."
Claire paakasuduruka ave kudzokera kunorara ndakasara ndave kunzi naSimba "Kudzi tosvikepi tichingoti kanyaya kadiki wobva watotama bedroom?" ndikati, "Unobhowa hako nemukadzi wako, ko kana zvanetsa chingoendaka ka ikoko?"
"Haasi mukadzi wangu, mukadzi wangu ndiwe shamwari.Hapana kana deal paye tiri kungoita zvemwana and yes handirambe hangu kuti ndadeleta mamwe mamessages, kunenge kuri kungotyira kuzonetsana sezvizvi ndosaka ndadaro."
"Zvakaoma!"
"Hapana chakambooma handei hedu kubedroom kwedu tione" aitodaro achindibata ruoko ndikambotanga ndicharamba kupedzisira ndazobvuma.
Takatozorara tese tichimboti tikapepuka tombofonera Laura tichinzwa kuti aive ave sei.
Pamwe taimbodairwa kana zvanyanya kukwidza toignowewa kana kucuttwa.
Kwakayedza pasina chaita, ndikamukira naClaire kuclinic kuye sezvo aive paholiday.
Takavawana sisi Laura vachiyuwira nayo mimba.
"Murume wake aripi muchinetseka mega kudai?" vakabvunza mbuya vaimubatsira ndikati, "Haako zvake."
"Aaa okay, sezvo iri nhumbu yekutanga we are transferring her to Pare,tatofonera ambulance itori padhuze hayo kuuya."
Pasina nguva yaive yasvika ambulance iye, akatakurwa Laura.I called Simba ndichimuudza achibva atoti taizosangana kuPare ikoko.
Ndakanosiya mota nekuzeza kupinda nayo mutwon kwave kutevera kuPare kuye nema combi ndikafara ndichisvikoudzwa kunzi Laura aive azobatsirwa mwana wake mune zvakanaka.
"Nemakorokoto mwanangu" ndakadaro kuna Laura ndabata muzukuru mumaoko zvikanzi , "Ndeedu tese ,sure mama makakosha.Makaita basa nekundizvara, mimba inorwadza weduwee makarwisa mama" ndikaseka ndikati, ''Wakandiudza nezuro yarwadza futi."
She was all emotional paaidaro pacho kwakumbouburitsa misodzi ndikatosimba nekunyaradza.Ndozvinoita humai ,neniwo pandaive ndakaita first born yangu,ndakanzwa kurwadza kwemimba ndaive ndakanotengera Mai vangu mbudzi chaiyo yekuvatenda.
Kwaive kuri kushaya hako asi ndaitoda kuvatengera zvihombe nekuti basa rinobatwa kulabour riye harisi nyore.
Akazobvunza baba vake achiti "Ko daddy mavaudza?" ndikatarisa phone ndotarisa kuti paive pasina anything from him here ndokuzoti,
"Ndavaudza ndofunga vachauya masikati.Handiti uri kutoziva kuti ini ndapinda zvekumanikidza?Ndikaonekwa ndichiri muno ndinodzingwa."
"Saka muchadzoka mese masikati?"
"Ehee apa ndakumbopinda mutown ndombotenga dish randaive ndisati ndatenga riye."
Hapana kuzotorawo nguva ndakazouya ndichidzingwa nema nurse zvichinzi yaive isiri visiting hour ndikabuda.
Ndakapinda mutwon, ndikanotenga dish and neexcitement yemuzukuru mutsva ndakabva ndafunga kupfuura ndichinotora Simba kubasa kwake chaiko tozoenda tese kuhospital kunoona mwana.
Ndakapinda mushop mavo ndikamhoresana nevaaishanda navo sezvo vaingondiziva ndokuzoenda paaive na Simba.
Takamhoresana paye ndichibva ndazonzi "Nemakoroto" ndikati, "Ndeyedu tese."
"Akafanana nani?"
"Haasati ave kuoneka uyu."
"Dai akafanana neni zvake handiti ndewangu?Uyo ndewangu manje."
Ndakangoseka ndokuzoti "Ndauya kuzokutora ka kuti tinobata afternoon visit,apa dzichiri kuma10 ndombomira hangu ndiri muno" achibva ambotanga atarisa kumashure kwangu achiita seane zvaaiona kunze ndokuzoti, "Yaa tinoenda" achikwenya-kwenya chirebvu.
Ndakacheukawo kuda kuona zvaaiona panze pacho asi hapana kana chandakaona kwakudzokera pakumutarisa ndikanzi "Saka toenda?" munhu angove jumpy so ndikati, "Yaa tinoenda kuma 12."
Again akabva atarisa kunze this time kwakuita sekunge pane munhu waaitaura naye nema sign.
Pandakazoti cheu kudai ndipo pandakaona a lady in a blue and orange uniform akamira padoor reshop.
Ndakadzosera maziso kuna Simba ndikaona achifambisa malips ake manje zvaioneka kuti aitoti "Dzokera" kumunhu aive padoor uya.
End of chapter
❤️
🙏
👍
😂
😮
31