Berlin's Writings
June 19, 2025 at 02:51 PM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 17
*Kudzi*
Handina kuda kuudzirwa who that lady was ndega ndakabva ndatongoziva kuti ndiye Tambu wacho.Handina kuda kutaura naSimba zvekare ndakabva ndatongosimudza dish rangu randaive ndatenga kwave kubuda.
"Ko gulez mave kutoenda?" akabvunza murume wepa counter wavaingoti , "madzibaba" so ndikati , "Regai ndiende."
"Aaa zvakanakai maiguru."
Simba wacho ndakatozomucheuka ndave padoor ndikaona ave kutevera hake asi aive ambotanga astika.
Ndichibuda panze handina kuzombowana mukadzi uya wekutaurwa naye nesign language.Anenge aive nepaaive akahwanda or aive atotiza chaiko.
Ndofunga aitonditya hake asingatozive kuti ndaive nemaoko emaporridge ndisingatozvigone zvekurova or kutaura-taura izvi.
Vakadzi vezvingoro vaitengesa madrinks nei nei ndivo vaive vangonditarisa ndikangoziva kuti vaiziva zvese zvaiitika.Dai ndakada kuvabvunza vaigona kutondiudza paive paenda Tambu, ndakamboda kunovabvunza then quickly went against it ndokusiya.
Ndakacheuka ndikaona Simba achitevera achibva atanga kundimisa neruoko ndikamuignowa hangu kwakutocrossa road ndichiyambukira mhiri.Pandakangoyambuka road ndakabva ndatanga kufambisa ndokuzongopinda mune chimwe chishop chaitengeswa machira kuri kungohwanda Simba chete.
Ndaive ndisisatode zvekuenda naye.
Ndakazomubuda mushop muya papera kanguva kwave kutanga kufamba manje ndave kunanga kuPare.Ndaifamba ndichitaura ndega, ndichizvibvunza chandaive ndakatadzira Simba kusvika pakundiita benzi kudaro chaicho ndichishaya.
Ndaive ndokungura nechandaive ndamboenderawo kubasa kwake kunozvinyadzisa.
Ndofunga vese vaingondiona sendinopenga kubasa kwavo ikoko ,vachitondiseka chete nemabasa aSimbarashe.
Phone yangu ndiyo yakazondivhundutsa yave kurira ndichibva ndatoitora ndokuona ari Laura aifona.Ndakadaira call iye ndichiti "Laura" zvikanzi, "Mama hanzi muuye makagadzirira ,ndiri kubva ndatobuditswa" ndikati, "Aaa hoo?"
"Ehee."
"Okay ndave kutouya."
Ndakabva ndafonera Mai Placky ndichida kunzwa kuti vaive vazodii,ndaida kuvati kana vaive vasati vapinda munzira kuuya vachirega havo tozongoonana kumba manje vakabva vatoti vainge vatopinda mutown.
"Muripi manje?" ndakabvunza zvikanzi, "Ndakutopinda mutown."
Ndakabva ndavamirira ndivo vandakazofamba navo kuenda kuParirenyatwa.Ndaive ndazvipira kuvaudza nyaya yaSimba manje vaive vauya nemurume wavo ndikatadza kuzozvitaura.
Ndaida kutongosvika ndichigadzirisa zvekuti Laura abude nekukasika, kana Simba aizotevera aizotiwana hake tatoenda kwakusvika Laura uya achiri mandaive ndamusiya.
"Hevoi amwene" vakapinda vachidaro sisi Mai Feli vakanzi naLaura , "Hevoi mama" vachibva vambundirana paye.
"Nemakorokoto matizvarira murume" vakazodaro sisi vakanzi , "Ndeedu tese" achibva azomhoresana nababamukuru kwakupedzisira nekuswedzana neni.
"Anonzi ani mwana nhaai mwanangu?" akabvunzwa nababa vake ,murume wasisi Mai Placky zvikanzi, "Chikomborero!"
Raitove zita itsva kwandiri sezvo ndaive ndisina kumborinzwa richitaurwa nezvaro.
Babamukuru vaiudzwa vakanyemwerera "Wow nice name.Ini ndine ranguwo ka, ndoda kumupa zita muone kuti handina godo navo babamunini vauya kuzotitorera vakadzi vedu ava."
"Aiwa mupei daddy" akadaro achiseka zvake Laura zvikanzi nababamukuru, "Irvin."
"Irvin Chikomborero" ndini ndakabva ndadarowo paye zvikanzi, ''good one!"
"Wavafadza baba vako" sisi vakadaro vakanzi nemurume wavo, "Aiwa ndafara it really means a lot, makorokoto ari kuuya daughter."
"Okay daddy."
"Ini ndatosiya maHugs andakatora kumurungu andaive ndakachengeta.Ndatadza kubuda nayo madam vaive varipo ndichauya nayo pandiri kuuya kumba" sisi vakazodaro ndikati, "maHugs ndomayi zviye?" ndatotadza kuziva ,babamukuru kwave kuzoti, "Madiaper imi wee sisi venyu nekuchembera unongovanzwa vachiti maHugs- mahugs iyo achinzi mahuggies."
Tese takabva tamboseka zvedu and it was just nice kuve nevanhu vakaita sasisi vangu nababamukuru around.
Nababamukuru taiwirirana, vaive babamukuru vaye vaive nehubaba mavari vachitaurika navo pamwe nekundinzwisisa.Bhaibheri vairiziva zvakapfurikidza ipapa vachingooneka kunyangwe nemabasa avo kuti vaive munhu anotya Mwari.
Ndakazosimukapo ndave kugadzirisa mapaper kuti tichibuda.Pandakapedzerwa zvese ndopandakanowana Simba aveko manje aive auya neka redbox kechicken slice nejuice.Handina chandakataura naye but iye ndiye aingovhunduka zviye zvemunhu ane nyaya dzake.
Ndiye akabva atozobuditsa mari yetaxi
yacho ende akazobvapo yasimuka ndofunga kwaive kuri kutya kuti ndaizosara ndoudza sisi Mai Feli nyaya dzake.
Nekuremerwa kwandaive ndakaita I really needed someone to talk to.I ended up sending ivo sisi Mai Feli mutorododo wemessage ndichivaudza nyaya yaSimba kubva payakatangira nepataive tave apa.
Vakazofona neland line yekubasa tichangosvika kumba ndikambosiya vana vachifarira kacheche ndokuenda kubedroom kunodaira call.
"Masvika here?" vakatanga nekudaro sisi ndichangodaira call ndikati, "Ehee ndasvika."
"Nyaya yako ndakamboinzwa namai Devonna asi ndakangoti handingakubvunze sezvo waive usina kundiudza iwe muridzi.Plus ndaitoshushikana kuti chingava chokwadi here?" vakadaro sisi ndikati, "Ichokwadi ane mukadzi ane mwana wake Simba."
"Ko kuzozvinyarara nhai Kudzi?"
"Ndaiti zvimwe zvichachinja!"
"Kuchinjei manje iko kuine mwana?Usadaro Kudzi zvinhu ndezve kutaura izvi inga ukaremerwa unomboudza nyangwe babamukuru vako ava?"
"Kwaive kuri kupererwa sisi."
"Zvakaoma ndosaka vanga vachivhundukira nhasi handiti?"
"Ehee kutya kuti zvimwe ndingavataurire."
"Ndopatichavadii, hanzi chinonzi rega ndo chiri muruoko .Izvi kana asati oda kusiya zvinonetsa ,asi kutaura navo handirege manje.Ndichataura navo hangu kana ndichinge ndauyako."
"Okay sisi."
"Chaairegera kuzviita pese apo chii ,shuwa oda kuita zvechifambi akura kudai?"
"Zvakaoma sisi.”
"Aaa horaiti Mai Korty iwee chimboona mwana ndikaona mukana ndinouya."
"Okay sisi."
Ndakaenda kuvana vangu ndikasvika vachinakidzwa havo nekacheche kandakazovatorera ndave kuda kukagezesa.
Ndakakageza ndakatariswa naLaura achiona zvandaiita kwakuzokachinja into fresh clothes.
Baba vacho vakakasikawo kudzoka kubva kubasa musi iwowo and vaingovhundukira zviye zvemunhu aive aine nyaya dzake asi handina kumboda kuvabvunza or kutaura nezve nyaya yacho.
Pakurara ndakangotora advantange yemwana mucheche kwakunorarawo naLaura mumba make ndichiti ndimubatsire nemwana.
*Laura*
Ndakangopepuka in the middle of the night ndikatarisa mwana wangu ndikaona akarara kwave kumukissa tumatama twake.
I checked if he was breathing zvakanaka ndichibva ndatura zibefu pandakaona zvese zviri bhoo ndichibva ndazotarisa mudenga.
Ndakatanga kufunga
zvakawanda ,ndakafunga zvandaive ndakaitirwa naTinashe zvekutizwa ndikanzwa moyo waive womboita sewainge wapora uchitangidza kurwadza.
Ndakatanga kufunga kuti ndaizokugona here kuchengeta mwana ndiri one ,ndikatanga kunetseka zvekare kuti ko mwana wacho ndaizomuudza kuti chiiko paaizondibvunza nezva baba vake.Zvese izvozvo zvakaita kuti nditange kuchema, ndakachema silently ndikazopukuta misodzi pakamuka mwana achichema.
"Laura" mama vakadaidzira vari pasi vachidaro ndofunga vaitofunga kuti ndaive ndakarara.Ndakatanga ndapukuta misodzi sniffing ndokuzoti "Ndakamuka."
"Ko uri kuchemei?" vakamuka vachidaro ndichibva ndatowedzera kuchema, vakakurumidza kubva pasi pavaive vakarara ndokuuya kuzotora mwana uku vachindibvunza zvandaichema.
Ndakambotora nguva ndichichema vachibva vatora phone yangu vakambotarisa zvaivemo ,kwakushaya chingada chandichemedza ndokuzoti "Laura mwanangu" ndikati, "Mama ndichamuudza kuti baba vake varipi mwana wangu?What will I tell him?"
"Tongomuudza when the time is right kuti baba vake vakaita sei."
"Haazonditi ndaive hure here mama?"
"Haambodaro mwana anonamatirwa uyu Laura, uri munhu anoenda kuchurch iwee uno munamatira mwana uyu.Kana kuri kutsanya nekukwira makomo uchakwira kuitira kuti mwana uyu agoite zvinodiwa newe."
I just sniffed ndoona sekunge kunamata was not the solution panapa zvikanzi "Unofunga benzi rakaenda kare uchida kuzvikwidza bp nezvisina basa.Vayamwise ava" ndikangogutsurira musoro asi pfungwa dziri kure.
Zvandaifunga zvacho zvaive zvakawanda pamwe ndaitomboshuva kuti dai tangofa hedu tese nemwana wangu totiza zvese zvaigona kuzoitika mberi .
Mama vakazodzokera kubedroom kwavo the next day pakazouyawo sisi Mai Devonna.Vakauya vaine tunhu hobho twemwana vachifara chaizvo.
Vaibatsirana naClaire kutarisa mwana nekundiitira zvese ,changu kwaingove kumuka ndadziisirwa mvura yekugeza, kudya nekurara.
Ari Claire ndiye aibva atoita Mai vemwana chaivo, aiwacha tuhembe, manheru mwana akachema waiona auya kuzomutora pamwe pacho ndaitombonzi "Rara ndimbotandare nako ndichiverenga" and aitoenda nako kamwana, kotorara ndozotokaunzirwa pakaizomuka zvekare.
Claire namai Devonna vaitove busy kuwacha panze pandakabudawo ndichida kunovaendesera towel remwana ravaive vasiya.
Ndakavasvikira vari panyaya dzavo dzavaitaurira pasi pasi.
Ndakaramba ndakamira panzvimbo imwe chete ndoda kunzwa zvavaitaura zvacho kwakunzwa Mai Devonna vachiti "Ehee ndakatoisirwa message hanzi maiguru ndiri kuuya monthend ndikangoti bhoo babamunini" Claire wacho giggled kwakuzoti, "Hanzi tinouya tese."
"Munouya vapfanha vangu ndimboonawo babamunini vangu musalad.Aiwa vanochena kani ,choice munayo!"
"Avawo ava!"
Vakabva vaseka vachirovana maoko ndikaona sekunge Mai Devonna vaive vakunyanya kusiirira mwana.Ndovaifanira kudzoreredza nekutsiura sasisi vakuru but here she was supporting relationship yemunhu aive ne16years. Hazvina kundiitira mushe, nekutya kuti Claire aizomitiswawo seni osiiwa I decided to tell mom.Ndakarova turn ,ndaida kuvaudza kuti kana vachigona kutaura naye vataure havo naye before it's too late.
Ndakavawana vari paphone yavo vachitamba game .
Pavakandiona ndapinda vakabva vati "Asi varara baba bhoyi?" ndikati, "Ehee" zvikanzi, "hoo ko tauro nderei?"
"Riri kuda kuwachwa."
"Ooh okay."
Ndakagara paedge pebed yavo ndikambotanga ndakwizanisa maoko ndokuzoti "Mama Claire ane mukomana" vachibva vatoseka zvavo zvichitovaitira funny ndokuzoti, "Ndakazviona kare hangu apa ndiri kungoverengera kutaura naye.Kuti ndimuti asiye hazviite so I guess I will just have to talk to her toonesana ."
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
142