Berlin's Writings
June 20, 2025 at 09:01 AM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 18
*Kudzi*
Ndaitove nedzangu dzaitondinetsa.Ipapa kutotamba game paphone kwaive kuri kumboedza kuzorodza pfungwa, ndaive ndisina kana nguva ndabva mukuchema misodzi chaiyo.
Ndaive ndati ndichitsvaira mubedroom mangu kwakusangana nescale iyo yaive yazomutsa kuchema ikoku.Ndakamira pascale kudai kwakuona ndatodzikira ne4 kgs chaidzo and pandakazotanga kufunga zvaive zvandidzikirisa zvacho ndipo pandakabva ndamboita mariro angu ndega ayo andakazozvinyaradza nekutamba game.
Pandaive ndadzokera mubedroom kwaingove kunetsana chete naSimba.Mukunetsana imomo aingoramba hake nyaya dzaTambu achiti vaive vakuita zvemwana chete but it was crystal clear kuti vanhu vaitodanana zvavo.Izvozvo zvairwadza and ndaiti ndikada kutaurisa kana kutaura zviri kubva pamoyo pangu ndaibva ndatonzi "I don't see why uchiramba uchinetseka nenyaya iyi, it's not like itsva ka?You know kuti kuna Junior iwewe" and ndowaive muromo wake wemazuva ese.Ndaingonzi ndinozviziva sezvinonzi taive takatotaurirana kubva pakutanga.
Ipapa nekunetsana ikoko aive atozondimanikidza kuita sex yandaisatomboda.Kuramba ndichatiza bhedhuru mukadzi mukuru kwaive kusisaite ndaive ndakunge mupengo neiyoyo yekuti nhasi ndatiza mangwana ndadzoka and kuvana zvaisazobuditsa chimiro chakanaka.
"Okay mama" akadaro Laura slowly bringing me back to reality.
Laura aitonetsekanawo nedzakewo dzaClaire dzekuti aive ane kakomana ndikangoti, "Okay ,mangwana hanzi unoenda nani ku7 days kwacho?"
"Vese Claire namai Devonna."
"Ndosara naDevonna Mai vake vokudriver kuenda."
"Okay mama regai ndiendese tauro iri riwachwe."
Ndiko kubuda kwaakazoita ndikambodzokerawo pa game yangu ndokuzosiya phone yave kuita kuheater nekuramba yakadzvanywa.
Ndakanzwa voice rasisi Mai Feli kulounge ndikasimuka pabed ndichifara.Ndakatanga ndapinda mubathroom kwakuzvitarisa pamirror ndichibva ndambopukuta face nekuzora mafuta kwave kuzobuda.
Ndakavawana vatogara mulounge vakabata muzukuru vachitaura havo nevana vavo.
"Vakoma Titambirei" ndakapinda ndichidaro zvikanzi, "Tambirai tione?"
Ndakanovapa side hug vakagara vakabata mwana kudaro ndokuzovamhoresa ndikanzi "Ndiri right zvangu ,inga vari kukura adhara ava."
"Vari kukura."
"Ko kuzoba face yaHailey?"
"Ehee ari kuita kunge Hailey mufunge zvenyu, ko mavasiirei babamukuru?"
"Basa ,madam vakatyoka gumbo saka vakuswera vari pamba hapabudike."
Takambotaura dzimwe nyaya zvedu,Claire akaunza food sisi vakadya tichingotaura kudaro.Ndopavaive vave kuti "GG iri kufara kani kumusha hanzi Laura ngaauye nemucheche ndimuone" ndikati, "Dai pano pasina nyaya idzi ndaimbovatora amai manje kuti vazoona ndichinetsana nemukuwasha wavo hakubude."
"Ndaitozvifungawo, ipapa ndave kuda kutoita serious nekustand uko Kudzi mama vanoda kumbopota vachitorwa kuuya kuno kuHarare. Ndipo paye panenge pakuzocomplainer mukadzi waIshu."
"Haa zveshuwa mukadzi waIshu haarege hake mucomplainer.Iko ndagarisa ndisingataure nababa Shelly, handina kana nekutonzi makorokoto emuzukuru."
"Wakavaudza here?"
"Havana kuudzwa nevasikana ivava?"
Ndakadaro ndakatarisa Mai Devonna avo vakabva vati
"Ndakavaudza ini sekuru ,vakaona pic pandakaisa pastatus vakatobvunza hanzi mave nemumwe mwana ndikavati ndewa Laura" ndikati, "Hoo hanzi chii?"
"Hapana vakangoti nemakorokoto."
"Ndichataura navo munhu wacho haabatike takapedzisira kutaura ipo pabirthday paye.Kubva ipapo yangove zii whatsApp yavo zero zero, ipapa pamwe ndinenge ndakatotsamwirwa kunzi sei ndisina kunge ndataura."
Simba akazotaurwa naye nasisi Mai Feli paakabva kubasa.Vakamirira vana vaenda kunorara achibva atonzi "Nhaai babamunini?Ko ndeipi iyi yatiri kunzwa yekuti mune mwana kunze?" achibva ambotanga akwizanisa maoko ndokuzoti, "Mwana ariko maiguru asi zvakangoitikawo."
"Munorevei?"
Akakakama zvakaita kuti sisi vairatidza kuti vazere nemashoko vati "Nekuti mukati zvakangoitikawo ka munouraya mwana wamai vangu needzi tikazonetsana babamunini, zvinoramba ka zvongoitika netaundi yese mozodii?"
"Haa ndikako ka1 munhu wacho ndakatosiyana naye ndave kungoita zvemwana."
"Zvakaoma shuwa!"
"Handitombomude ende hapana paangambonzi azouya panapa,ndinoda Kudzi."
"Pano haauye hake izvozvo tozviziva!Aaa kana zvadaro zvakanaka babamunini ini chandisiri kuda kunzwa ndechekuti manetsa munin'ina wangu uyu, haa apa tinonetsana handidi hangu kukunyeperai.Musatore advantage yekunyarara kwake muchiti kupusa."
"Ayehwa hapana kana chekuita worry apa maiguru, mwana ariko asi nemukadzi hatidanane."
"Hanzi anotonzi Junior mwana wenyuyo?"
"Haa kupiko maiguru?Anonzi Clayton uyo musanzwe zvaKudzi."
Handina kumbotaura hangu ndakangoramba ndakanyarara .Pakurara ndaifunga kuti Simba achataura nezve nyaya yaaive abvunzwa nasisi asi haana kudaro.
Mazuva akatanga kufamba Simba achiita zvake ,love yacho ingori iyoyo yejoinidza asi uchinyatsoona kuti hazvisi kushanda.Mamessages aisendwa namai Juju wake ndaimaona and mostly aingove mamessages aive nechekuita nemari chete. Aingove ana "Wazodii?" ,"todyei?" ,"haisati yaita Mari yacho nanhasi?" zvaitoratidza kuti aive akaiswa pressure chaiyo.
Panzvimbo yekuti zviite nani zvaive zvakutoita worse.
Ndakadzidza kusatarisira kubva kwaari Simba, mari yaaingotipa iyoyo taingotenda ndorega kutsvaga zvakawanda.Iye airamba achingoti kubasa vaisapihwa mari yakakwana hapana paaibvuma kuti imwe yaive yoendeswa kuna Junior waaidisa.
Apa aive akuita seaitove nedegree rekunyepa chairo, aiti akaitanga nyaya yemari iyoyo waitoti zvimwe ichokwadi.Manje iniwo kubva zvandaive ndaziva kuti anonyepa ndaive ndisisina shoko rimwe rinobva mukanwa make randaitenda.
Ndatanga kuzama zvekuenda nehuku dzangu kuHatcliffe kwainzi kudust ndonoparker mota yangu ikoko ndotengesa.
At first dzainhongwa one one sezvo dzaive dzaka flooder huku dzacho asi nekufamba kwenguva dzaive dzakutengwa,ndave kuzivikanwa.
Vema canteen nevaiita machicken cuts vaive vakumhanyidzana kutenga.
Ndaitanga kudzitengesa dziine ma5 weeks chaiyo zvichifamba.Ndakatanga ndichaenda ne10 kupedzisira ndave mu15 ende dzaidzoka dzapera.
November Claire sat for her Olevel exams akapedza mune zvakanaka kwakumboita zilong holiday rake ave kumirira maresults kuti abude.
Maresults acho paakazobuda muridzi aive aneta nekuamirira.Musi waakabuda ndiwo watakabva tamatarisa online tikafara kuona akabuda ne6A's and 4 B's.Kana baba vake vakafara tikatoona aturikwawo pastatus hanzi "Madadisa Tete!"
A'level akabva ati aida kunoitira paBlackwood college yaive muBorrowdale and sezvo mwana aive apassa baba vake vakanoitsvaga mari yemadhiri as he would say ,vakauya tikabatanidza kwakutobhadhara nekutenga new uniform mwana achibva atanga kuenda kuchikoro.
NaSimba taingogarisana hedu asi ndichinyatsonzwa kufinhikana naye.Sex yacho yaive iyoyo yekumanikidzana ,ndaive ndisisiri kunakidzwa nazvo.Kubva bhaisikopo rekushop riye ndaive ndisina kuzo enjoyer sex sezvandaisiita kare.
Mumwe musi ndakanonoka kubva kudust kwandaive ndanotengesa huku kwakusvika Simba atosvikawo pamba.
Ndakadarikira kubedroom kwaaive ari ndikasvika shasha yakaita kucharger.Ziso raive raita kuvhurwa kunge buri hanzi "Wanonoka uchiitei?" ndikatoseka hangu finding it very funny kuitira chembere yaaive aramwa kudaro shanje.Ndaitongoona pari pamuromo chaipo.
"Uri kuseka Kudzi?" akadaro achinanga kudoor kunorikiya ndikati, "Ehee ka ndiri kuseka apa mave kukiirei door nhaai baba Junior?"
"Usandijairire wanzwa ka?Baba Junior chii chacho unoti handisi kuziva kuti uri kuhura here iwewe kuDust kwako ikoko?"
Ndakaseka zvekare ndakarovanidza maoko ndikati "Muite mushe baba imi" ndoda kutofamba kuti ndinokinura door ndichibva ndadhonzwa ruoko kwakupihwa mbama yandisina kunzwisisa.
Yakandivhundutsa mbama iyoyo zvekuti ndakamboramba ndakamutarisa kwave kuzoridza zimhere.Kwaive kusiri kuchema kurwadziwa nembama yandaive ndapihwa asi kutochema kuti ndaive ndave kurohwa ndachembera-chembera kudai.
"Waitwa sei ipapa?" akadaro Simba ndokuwedzera oti, "Waitwasei zvauri kuridza mhere, uri kuhura iwewe kudust uku you think I don't know that?"
"Ndahura nani?"
"Wakaonekwa iwewe uine munhu wako haunyare Kudzi?"
"Kuonekwa nani?"
"Someone saw you ari mubhazi ende unonyadzisa."
It seems aive akato charger zvekudaro ,aitoda zvehondo chaizvo nekuti akabva andihaka huro ndokundikandira pamubhedha.
I started calling out to my girls pasina nguva ndikanzwa door rave kurohwa zvine simba.
"Imi daddy imi vhurai door" akadaidzira achidaro Claire baba vake kana kudaira vaive vandidzimbirira manje vachiita sevaive vagarwa hanzi "Iwewe ndinotouraya ,une shuwa kundihurira?"
Nekudzimbirirwa kwandaive ndaitwa ndaive ndakutadza kana kubuditsa izwi, mweya ndichiunzwawo kubuda ushoma-ushoma mandiri.
Ndakazongoona Claire apinda achibva asvika achidhonzera baba vake kwakadaro uko ndokundisimudza kwakundimbundira.
Aive aita zvekujamba chaizvo ,padoor redu paive neimwe gap yaive pamusoro yaifanira kuzoiswa glass.
Yaive yakangovhurika and ndipo paive papinda naClaire.
Laura aingonzwika kupfikura ari kunze ,Hailey achitochema zvekuzhamba chaizvo.
"Uri kuda kundirova here Claire?"akadaro Simba Claire kwakuti, "Handikurovei asi chingozivai kuti mave kuzoguta kunyarwa manje!"
"Watii?"akadaro Simba achiita seaida kunhamukira asi Claire wacho haana kutiza akaramba akamira achibva ati, "Ehee ,takunyararirai nguva yareba.Makaita nyaya dzenyu tikakusiyai apa mave kutoenderera sehembe yakubvaruka!"
"Claire ndini wauri kudaro?"
"Yes"akapindura achidaro achibva andibata ruoko rwukaratidzwa kuna baba vacho manje achivati, "Ndizvo zvaive zvakaita mai vangu here izvi?Honai kuonda kwavaita muri kuona here?"
Voice raive rizere neshungu dzainyatsonzwika kuti dzaive dzaane nguva dzakavharirwa.
"Iwee Claire!"
"Ooh let me talk daddy!Makaita zvakawanda tikakunyararirai, makamborara kwamakarara ikoko we didn't talk, mukaita mwana wenyu, asi apa kana mave kurova mhamha manje mave kuda tivengane zvamuchose!"
"Une shuwa Claire kundiudza zvakadaro mwana wandakazvara iwe?Zvatanetsana namai vako zvacho wambozvinzwa?"
"Handinei nazvo" akadaro achindidhonza ruoko hanzi, "Mama handei" ndichibva ndasimukawo kwakutevera ndichichema.
Kungovhura door kudai Hailey naLaura uyo aive akabata mwana wake mumaoko vaive vakatomira ipapo vachichema.The picture was disturbing ,Laura aive akabata mwana mumaoko uku achinyararidza Hailey. Patakabuda vakabva vandimbundira vese tikatanga kuchema ipapo.
*Laura*
Vakabuda daddy tese tichibva tavhunduka tichida kutiza but mama held us closer.Takaramba tiri ipapo daddy vachibva vatanga kuti "Hapana zvandambovaita amai venyu ini" apa vachiita kufemera padenga but hapana akavadaira vachibva vati, "Hailey mwanangu, Hailey my daughter" Hailey wacho achibva akwidza mapendekete achiri kungochema.Claire ndiye akazotiti "Handei" kwakutiisa pamberi manje iye achitevera kumashure.
She led us to my roomz,ndini ndaive neroom hombe yaikwana tese saka takabva tangopinda imomo.
Mama vakasvikogara pamubhedha Hailey achibva ararawo pamakumbo avo.Vakamubhabhadzira ndokuzomuti "Chimbobva titore mwana" achibva asuduruka ndikavatambidza mwana ndichivabvunza kuti, "Hamuna kukuvadzwa?"
"Handina ,akasika kuuya Claire."
Vakabva vakissa Irvin padama ndokuzoti "Ava vaita sei?" ndikati, "Avhunduka noise."
Vakabva vavharirira maziso ndokutanga kufambisa muromo wavo vachiti "Sorry papa" vachimubhabhadzira kumusana.
Claire akanopakura ndokuuya nefood but hapana akambodya zvisvinu patiri tese.Mama vakazonorara kubedroom kwavo tikamboedza kuvadzora but vakarambisisa vachiti "Vanozojaira baba venyu kuti tikanetsana ndinobva ndabuda, regai ndorarako.Ndakavaka neshungu bedroom iyo iye , he can't have it to himself.Kana pane achazobuda pano it's him not me."
Vaive vakuzvishingisa havo but deep inside ndaiona kuti vaitotya.
Isu tisu hedu takazorara muroom mangu tese and mangwana makuseni ndini ndakatanga kumuka kuri kuda kuona kuti mama vaive vamuka vari vapenyu here ndikafara pandakavaona vamuka.
Tete Mai Dephine vakazondifonera kumasikati vachiti vaive vafonerwa nadaddy.
"Munovadarirei nhaaimi baba venyu,shuwa kusiya Claire achichemedza murume mukuru?" ndikati, "Havana kukuudzai kuti vairova mama?"
"Vanhu vaviri havatevedzwe laura mangwana unowana vave kuwirirana ugodii?Vana hamutenge nyaya dzababa namai ,ko kana vachirwira rura-rura munoitonga sei?"
Ndakatombostika ndoshaya kuti rura-rura chaive chii ndokuzozvibatanidza pave paye ndikati
"Zvakaoma Tete hamungazvinzwisise obvious munotora side rehanzvadzi yenyu.Dai muchitovaudzawo vasapote vachiita zvavanoita,ini kunyarara kudai kutoitirawo kuti ndine nyaya dzangu ,plus ndinotengerwa mapamper.Ndave kungonyararira mapamper otherwise ndinenge ndichitodawo kutaura ndichirwadziwa nezvavanenge vachiita mama."
"Aiwa musajairire baba venyu, mubereki wese ane ngozi imi, vese baba namai vane ngozi musazvigokere moto henyu muchiita zvamuri kuita izvi.Mutsiurane ikoko naClaire ,zvake zvekunzi akafunda ave kuita zvaanoda izvo asiye."
"Aaa nhaai Tete?"
"Ndatopedza newe Laura, hapasi pekutamba napo kuona murume mukuru anenge baba vako ochema."
"Zvakanakai Tete."
Hameno kuti sei vasina kufonera Claire wacho.Iye paakadzoka kubva kuchikoro ndakabva ndamuudza zvaive zvataurwa natete akati "Ngavandifonere ka ndimbovaudza one or two, vanotoziva kuti ndovaudza mushonga!"
Mama havana kumirawo kuenda kubusiness kwavo, vaitoenda zvichifaya zvakadaro.Daddy vakazenge vozamawo kutaura nemunhu wese pamba kusiya kwaClaire.Vaive vakunyatsomusarudza zvaioneka, vachingosekerera kuneni naHailey kwaari vorova maserios aityisa.
End of chapter
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
64