Berlin's Writings
June 20, 2025 at 11:01 AM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL Zig-Zag Written by Berlin 0712025728 Chapter 19 *Kudzi* Just a few days after mwana atanga chikoro akabva asarudzwa kuti aite prefect.Akauya nechitsamba chacho chaida mari yaikwana kuita $500 ,paidiwa uniform yema prefects neyetrip.Vaifanira kuenda kuSanganai Creek for prefects training. Ndakapedza kuverenga chibepa chiye ndikapererwa sezvo mari yacho ndaive ndisina.Baba vacho vaitove non starter sezvo kubva paincident yejambanja iye vaive vazongochinja. Vaive vakungotisarudza tiri two naiye Claire.He would bring tuma banana, yoghurts netumwewo tunhu twobva twapihwa Laura zvichinzi zvaive zvababy Irvin naHailey.Kana madiapers vaitenga votomupa Laura, tisu chete taive tangofuratirwa nemwana wangu Claire. Waitonzwa nyangwe pakutaura chaipo kuti munhu achinja.Vaiti vakamhoreswa nevamwe vaidaira vachifara asi naClaire vodairira zvavo mumhino uku face yakaita kusungwa. Muimba yemukati ndizvozvowo ,kwaingove kuchinjana mashoko chete.Ndaive ndatozonzi ndini ndaifurira vana kuti vamuvenge Simba.Uyuwo Mai Devonna paaive akanzwa zvejambanja aive akazoitengawo nyaya yacho akafonera baba vake achivaudziridza saka zvese izvozvo ndainzi ndini ndaive nemhosva.Iyo nyaya yekuhura yandaive ndarohwerwa ipapo yaive isina kupera, yaingotaurwa nguva nenguva and pakutanga ndainge ndambofunga kuti zvimwe munhu aingonditsvagira nyaya chete kwakutozoona kuti yaitove nyaya yaainge aona or kutonzwa nemunhu waaivimba naye. "Handina kana mari" ndakazodaro after ndambotora nguva ndakatarisa bepa riye zvikanzi naClaire, "It's okay." Ndakamutarisa ndikaona maziso ake ovaima nemisodzi.Nekuziva kwandaiita Claire aive asiri type iye inondinzwisisa kana ndati handina mari asi apa akaratidza kuzvinzwisisa ndokutosimuka. Moyo wangu wakaita kurwadza ndikashuva kuti dai ndiine chandaikwanisa kuita kuti ndiwane mari iyoyo ndaisva ndaita hangu but paive pasina.Huku dzangu dzaive dzichiri ne2 weeks chaiko dzichitori kure nekutengeswa. Imwe mari yandaive ndakatengesa huku dzalast time ndaive ndakaishandisa pafeed ,food,imwe ndikakanda kuma round andaitamba maviri ichibva yangosara shoma. Ndakamutarisa Claire ave kuda kubuda ndikati "Claire" achibva acheuka ndikati, "Dai ndiinayo ndaikupa mwanangu" zvikanzi, "I understand, ndicharatidza daddy zvechirango hazvo though ndiri kutoziva kuti havafe vakaita action." Ndaida kumurambidza nekuti ndaitoziva kuti vaisazomupa and zvaizomurwadza worse but ndakazeza kuzoita sekunge ndiri kuda kuipisa baba vake.Ndakangomusiya akadaro and akabva aisa bepa riye pasi peka radio kababa vacho kavaisada kusiya pasi kana vari mubedroom. Ivowo pavakadzoka kubva kubasa vakatoriona bepa racho ,vachibva vangofinyama vachiriverenga ndokuzorikandira kwakadaro uko. Ndakamboda kunyarara kwakuzoona kuti zvaisaita ndichibva ndati "Ndecha Claire" zvikanzi, "Ndazviona." "Mari iyoyo iri kudiwa kuchikoro kwake asarudzwa kuti ave pref..." He cut me off ndisati ndapedza achiti "Ndazviona ,I can read Kudzai!Handina mari yacho ini,handiti anoda kumisidzana neni?" "Hauna mari here or inyaya yekuti wakatsiurwa nemwana wobva wamutsamwira?" "Akanditsiura here or ndakatukwa?Akura uyo I thought she is now independent ka ini, I thought haachandide ka handiti ave namai mhene!" "She is your daughter Simba ,ungabva wavenga mwana kudaro?" "Handina kumuvenga ini ,handiti vana vako?You have turned them against me so yes, unoiwana $500 kwauri ishomesa iyi, you are a business woman Kudzai!" Ndakangoti kanha nazvo ende akabva atopinda mublanket ari kwindi. Mangwana acho ndakazongonzwa naLaura kuti Claire aive azoutaura nyaya yemari iye kuna baba vake akanyararirwa ende aive azotoenda kuchikoro achichema. "ZvaSimba ka ,ibasa chairo" ndakadaro ndichirovanidza maoko at the same time moyo uchirwadza nenyaya yemari iyoyo.Munoziva kana mwana achigona chikoro unofeeler bad zvisingaite kuti umushaise zvaanenge achida, ndozvandakaita pana Claire.I felt so bad kunzwa sekunge ndaive a failure kuvana vangu kwakuzosvika pakufonera hanzvadzi yangu baba Shelly ndichikumbira mari. "Unouya kutown mwana wamai, lets meet mutown watoita lucky hako mazuva ano ndiri kushandira kuGwanda ndaive ndakutoda kubuda muHarare" vakadaro baba Shelly after ndakumbira mari iye ,ndichibva ndatoti ndipinde mutown nguva iyoyo. Mota yangu hameno chisound chayaive yave kubuditsa zvekuti ndaive ndatombomira kuishandisa.Ndakaenda kutown necombi kwakuenda kwataive tataurirana naBaba Shelly. Vakangoti vachindiona kwakuti "Aaa Kudzai" zviye zvekushamisika ndikati, "Hevoi baba vangu." He opened his arms for a hug ndikanowirawo mavari kwakutanga kunzi "Hanzi chii, uri kurwara ka iwee?" ndikati, "Kana ndiri right " "Right yei waonda kudai?Chii nhai Mai Korty hanzvadzi?" Ndakamboedza kuda kuzvivanza but ndakatadza ,shungu dzakabuda ndichibva ndatanga kuchema.Vakafamba neni kuenda kumota and he opened the door for me ivo kwakuzonopindawo neside ravo ndikatanga kubvunzwa hanzi "Chii nhaai hazvadzi, ndiLaura here?Ndozvinoita vana" vachiratidza kushushikana kukuru ndikadzungudza musoro zvikanzi, "Chii manje?Ndibaba Laura?" I nodded zvikanzi "Vadii?" ndikati, "Vanenge vane mumwe mukadzi" zvikanzi, "Uri kufungira?" "Vanaye mumwe mukadzi nemwana." Vakabva vandidhonzera mumaoko mavo kwakutanga kundinyararidza. Takatora nguva takadaro vachibva vazoti "But haadaro mudhara uya!" ndikati, "Akatodaro zvake.Ndozvavepo achinja imi" ndikanzi, "Idzo handipindire hangu asi ndave kudawo mari yangu.Pese apa ndaimusiya ka tichiti haana mari manje munhu kana ave nebarika kureva kuti mari yavepo ka?" I shrugged zvikanzi "Haa handisi kufara Kudzi this is not you, hauna muviri wakadai iwe handisati ndambokuona wakadai une muviri bhoo iwewe." "Ndakamborwara hangu madays apfuura ayo ndikanzi ndanga ndisisina ropa." "Usade kumuvharidzira,ndiye inda yacho ka Simba iyeye iri kukunwa ropa" vaitodaro vachibuditsa mari yandakapihwa ndichibvunzwa kunzi "Ndeyei?" ndikati, "Ndeya Claire yekutrip neyema uniforms ehuprefect." "Aaa okay, saka ndawedzera imwe $50 wonotenga chipocket chema giant potatoes paShowground paye umbonofraya jipe udzoreredze utano mwana wamai!" "Maita basa mukoma." "Pachedu, iyo 5waya unochengeta ndozoitora hangu kana ndave kuda kuroora." "Ko hamuna kunditi mave nemukadzi here?" "Kuchaisana kuya, haa anga ane dzungu plus hudiki.Aive nechimwana chake chaive ne3 years so, aisabika zvake aingozvidyira nemwana wake ini nyakutenga chikafu ndisingabikirwe.Pasi pemubhedha paive pakaita kuzara zvima empty zvemirinda nemapepa ema biscuits avaidya havo ndiri kubasa, aisabika achingoita zvekutenga izvozvo ndikati fokoro mhani!" Ndakaseka ndikati "Ende ka" zvikanzi, "Chaisachengeteka ane mweya chete!Apa ndave kuda one ari serious ndochizoroora hangu" ndikati, "Ko kungodzokera kuna Mai Shelly?" "Haa handichada ini zvakatopera." Ndakanosiiwa kuna Forth kwandaikwirira ndikaoneka zvikanzi "Zvakanakai ambuya vangu mumhorese mudzimai wangu Laura mumuudze kuti ndichauya hangu apa ndichiri ndakatsamwira mwana wechikomba waainaye uyo!" Ndakabuda muya ndichiseka zvangu kwave kunanga kuma combi ekwedu.Ndakangoti fambei fambei kwakutanga kunzwa rinenge dzungu so ndichibva ndatongomira pandaive ndiri ipapo.Ndakatsaukira parank yemabhazi eMabvuku yaive padhuze ndikamirapo but kumira kwacho kwaiita sekuri kutondiwedzera zvandainzwa zvacho ndichibva ndaita zvekugara.Ndakagara kwechinguva ndichiona zirima nenyeredzi masikati machena.Ndakatora nguva ndakadaro pazvakazoita sezvave nani ndichibva ndaedza kusimuka. Ndakaita kakudzadzairika so kwakuzofunga kuti ndaive ndisina kumbodya.Kumba ndaive ndangobuda on an empty stomache. Ndakananaira kuenda paive nemunhu aitengesa madrinks ndikanzwa mukanwa mese kuti nyau nyau ndaona 7Up yaive yakaita kudikitira nekachando yakaiswa padisplay.Ndiyo yandakasvika ndichinhonga yaive padisplay iyoyo kwave kuzobuditsa dollar ndave kutoidhudhudzira. Akasekawo musikana aitengesa ipapo achibva azoti "Manga mave nenyota ka vakoma?" ndikati, "Ehee zvako, ndonwa neiko drink iyi mhoti ndokekutanga kuinwa, zvainotonaka wani." Ndaidaro ndichitarisa chigubhu chacho musikana uya achibva aseka hake kwakuti "Inonaka" ndikati, "Ndaingoivengera kuiona ichisanganiswa nemadoro but iri bhoo iyi.Ndoinwa nei?" "Pane mabiscuits.." aive akuda kutodongonodza zvese zvaive pamusika wake ndichibva ndakasika kusimudza Zi doughnut raive rakareba rakatsvukirira randakaona ipapo. Ndakarivhura kwave kutanga nekunombora cream ndichibva ndaiti mukanwa ndoo ndokunyatsonzwa zvese zvichindeka ndichibva ndazototi "How much is this?" ndave kutoruma. *Laura* Ndakasendera mama message ndichiti "Mavepi?" vakazopindura after dzinenge 10mins vachiti, "Bhazi richangosimuka kubva mutown." Pamba pacho paitobhowa ndiri ndega naIrivin wangu. Ndakapedzisa kupeta hembe dzangu nedzaHailey dzandaive ndichangobva mukubvisa paline kwave kumbozvambarara hangu waiting for mom. Vakazosvika havo pave paye mama vakatanga kundiudza mafambiro avaive vaita nezvavaive vaudzwa nasekuru kuti vagondiudza ndikati "Dzachona dzisekuru" zvikanzi, "Vari kuGwanda hanzi vachauya zvavo." I nodded vachibva vazochinja nyaya voti "Usati wandipa mwana wako chimbonditsvagirawo chekudya mukitchen menyu umu, wabikei?" "Ndabika spaghetti." "Ngaiuye tione,uzonotsvaga mapork bones pakabutcher kaye." "Okay mama." "Mangwana ndozonomukira kushow ground kuma potatoes." "Vaita havo sekuru, ende Claire achafara hake paachadzoka." "Anofara mwana wangu." Sezvineiwo Claire wacho akanonoka hake kudzoka kubva kuchikoro kwake kwakuzosvika kuma to 6 chaiko achiti aive anetswa netransport. Aive akangosuwa-suwa ipapo and tese takatongofungira kuti yaive nyaya yekunyararirwa kwaaive aitwa nadaddy makuseni. Nyangwe paakazoudzwa kunzi mari yaaida yaive yaita haana kana kumboratidza kufara ,akangotenda chete kwakuzosimukapo achiti "Ndichavafonera ndichivatenda sekuru." Ndaive nditori busy kubika pakauya Hailey mukitchen achiti "Claire ari kuchema" ndichibva ndati, "Aripi?" zvikanzi, "Muroom make." Takabva tadungamidzana naHailey tonanga ikoko kwakuwana ari pacall achitaura achitochema achiti "Ndanyatsokuudza apa but hauna kunditerera, sorry ichabatsirei?" she sniffed kwakumboterera zvaitaurwa nemunhu waaitaura naye ndokuzoti, "Une hutsinye apa!Hutsinye chaihwo Mwari akukomborere!" End of chapter
❤️ 👍 😢 😂 🙏 😮 37

Comments