Berlin's Writings
June 20, 2025 at 12:06 PM
For previous chapters ,please follow our whatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100063912070720&mibextid=ZbWKwL
Zig-Zag
Written by Berlin
0712025728
Chapter 20
*Last free chapter*
*Kudzai*
Ndakasimuka ndikaenda kukitchen kunotarisa chikafu kana chaive chaita kwakuwana mapoto ari ega mubiki asimo.
Ndakakudubura poto yemuriwo ndikatora kaplate kwave kuzvipakurira tsunga ndokutogara hangu pama kitchen chairs ndave kutanga kudya.
Laura akazouyawo pave paye ndichibva ndatokasika kuzvitengesa ndichiti "Ndazozvipakurira ini" zvikanzi, "Ndiri kukuonai hangu.Ndodii?Ndopakura?"
"Pakura isu vamwe tave kutofa ndiyo nzara!"
"Nhasi yakakukwadaburai size inobhadhara chaiyo."
"Iko ndakutotya ,unoziva nhasi ndabatwa nerimwe dzungu mutown umu kuona rima chairo ndikazogara pasi chaipo ndave kutya kuzobirwa kana kurasa iyo mari yandaive ndiinayo iye.Kungosimuka ipapo nekunotenga chikafu" I paused for a while ndofunga chikafu chacho chandaive ndatenga kwakuzoenderera ndichiti , "Chikafu chandatenga chacho here?Ndatenga 7up iya nedoughnut kwakunyatsonzwa simba richidzokedzana."
"Aaa mama?" Akadaro achitoshamisika Laura ndikati, "Ehee" kwakuzopusa ndofunga chirwere chaigona kukonzeresa izvozvo.
Kana wave kukura paye zvirwere zvinotanga kungonyuka and ipapa ndakavhunduka ndofunga possibility yekuve nediabetis.Mumba medu maitove nevanhu vaviri vaive nacho chirwere chesugar ichocho.First born yemumba medu yaive yatosvika pastage yekuzvibaya yega.
Ndicho chinhu chandakatanga kutya asi ndakazeza kuzviudzawo Laura.
Laura raive gwara remandiriri, aivhunduka mwana wangu zvekuti nekanhu kadiki chaiko aigona kutotadza kuzorara zvakanaka.
Phone yake yakabva yarira nguva iyoyo kwakuitora achiti "Ndidaddy" achitodaira, vakataura nababa vake ndikashaya kuti chii chaifonerwa nguva idzodzo.
"Hanzi chii?" ndakabvunza paakapedza kutaura achibva atanga ambotura kabefu ndokuzoti ,''Hanzi nadaddy vane order" ndikati, "Saka pakura."
Zvaisada mubvunzo ,paive pasina zveorder asi kuti munhu aive atoenda hake kwaTambudzai wake.
Akapakura Laura tichibva taenda kudining kunodya.Claire aive oda kutodyira muroom make ndikatozoita wekuendera imomo.
"Handei tione unodyira kune vamwe ,pano handina mutemo iwowo hapana anodyira kuma bedrooms" ndakamudaro ndatokwidza izwi achibva atosimuka ndokuenda kudining ndikashaya nechaaive akatsamwira kudaro ini ndaive ndamutsvagira mari yaaida.
Tapedza kudya ndakabva ndamboona hangu maindians paTv, ndokuzonovhara matanga angu ehuku kwakuzonorara.
Simba uya haana kana kumbouya kumba and handina kumbomutsvagawo.
Ndakazvisiya zvakadaro asi moyo uchitorwadza.
Akazouya mangwana acho manheru akatopfeka dzimwe hembe.
Akandisvikira ndiri kubedroom ndikanzwa kusvotwa kuona akatopfeka kashirt kaive kakatoiswa muponi weicheka nhunzi.
Kari kare kangu ndaisataura asi apa ndakatadza kunyarara kwakutobvunza ndoti
"Wadzokerei?Wadii kungogariratu kwehure rako?" achibva aramba akatarisa phone yake kwakuzopindura my second question achiti "Hure inoriziva here iwee?" ndikati, "Ehee."
"Hoo nhaai?"
I was not expecting that from Simba.Ndaiti zvimwe achapindura sezvataive takungoita mazuva iwayo totanga kuchinjana mashoko.Ndaive ndakaronga kumuudza makobvu nematete manje akabva anditi ,"Tsvatuwaro!"
Ndakaona sendaive ndatora nguva ndakanyararisa kwakuti "Wadii wangogariratu ikoko?" achibva apindura lowly achiti,
"Asi hamuchandide pano?"
Ndakatanga ndambobwaira-bwaira kwakuzoti "Ehee" zvikanzi, "Ndiri kuenda zvangu" uku achitopinda mublanket.
Anenge aive akatoronga zvekusadya chete kwakuzongouyawo kudining nekuti Laura aive atomudaidza.
Kudya kwacho akangoita zvekunyobvora chete kwakusiya.
Mangwana acho ndakatozoona aenda kuti aive atotakura dzimwe hembe dzake ndikaita kurwadziwa.Ndaive ndamudzinga hangu asi pain yandakanzwa ndichiona hembe netwo pairs dzebhutsu pasina haitsanangurike.
Ndakaswera mublanket ndichinzwa kutemwa nemusoro hurwere ukatozoita worse shasha paisina kudzoka kumba that day.
Laura ndiye akambofona nekurwadziwa nababa vake achibva anzi "Ndakadzingwa namai vako ndiriko mwanangu, utarise vamwe vako nepamba."
Dai Laura wacho aida kuzvitevedza aigona kundiita muipi manje nekuziva nyaya dzacho akatongozvinzwisisa hake kuti baba vake vagara vaive voda kuenda.
Zvairwadza hazvo, ndaiti ndikafunga kuti ndaizozvigona here ndega nevana ndainzwa kugumirwa ndozongozvisimbisa ndichiti nerimwe divi pamwe aive andigonera Simba.Zvaive nani kuziva kuti munhu akaenda hake pane kugara naye achinyepera kukuda iye asingakude.
Sisi Mai Feli ndakavaudzawo vachibva vangoti "Murege ,gara pamba pako nevana!" ndikati, "Ehoi sis" zvikanzi, "Kana pakaita chinonetsa kana chazoshota unondiudza wanzwa?"
Mai Devonna akazofonawo achibvunza kuti ndaive ndiri sei.
Aive audzwa naLaura kuti ndaisanyatsonzwa zvakanaka.
"Ndiri nani ini" ndakadaro zvangu zvikanzi, "Inyaya yadaddy here?" ndikati, "haa kana, regai vaende pamwe zvingaite nani."
"Manje baba Devonna vakandinzwa ndichitaura naLaura vachibva vatondipa mari hanzi yekuti munorapwa."
"Haa ndiri right Ini."
"Handei kuchipatara mama muri kuziva kuti hamuna kuzoenda ku review paya ,pamakangoona mapora makabva mati zii."
"Saka toenda riniko?"
"Mangwana, ndiri kufunga kuti mubva matestwa sugar nekuti inogona ichihwanda manje."
"Aaa okay, ndiyo yandaitofungawo manje ndinenge ndisingade kuvhundutsa vamwe vako ava."
"Iii vanovhunduka ari saLaura worse ,haadi kutoudzwa."
Ndakanosangana naye Mai Devonna mutown akange ave kundisimbisa achiti "daddy vakatogona vakaenda zvavo, vanga vakutoshaisa Claire mufaro.Ndaive ndakuda kutomutora hangu ndigare naye" ndikati, "Vanopenga baba vako, anga asisina mufaro Claire."
"Ipapa ndakangonzi sisi pane zvandiri kuda kuzokuudzai "
"Naiye Claire?"ndakabvunza zvikanzi,
"Ehee ,haasati ataura hake asi I think zvine chekuita nenyaya yadaddy iyoyi."
"Hazvina basa ndotongoshingirira ndomuitira zvaanoda Claire, akashingirira anotidadisa."
"Yaa sure, plus musanyanye kunetseka henyu ndiri kuda kutanga business rangu rekutengesa.Zvikangoita chete ndinokujegai."
"Thanks my darling."
Takaenda paclinic paye ndikatariswa naChiremba, matests ese akaitwa ,hapana sugar kana bp zvakamboonekwa.
Ndakaitwa matests akawanda kani ndizonzwe doctor vaye vave kuti "Congratulations ma'am ,you are 7and half weeks pregnant!" ndikatanga ndatarisa Kourtney sezvo aivemo ndokuzoti, "Matii doctor?" zvikanzi, "You are pregnant mama."
"No, I can't be pregnant."
"You are ,kudya kwamanga muchitaura uku kuti appetite yawanda it's because you are eating for two."
Mai Devonna haana kana comment yaakaisa nekupererwa.Akatozoti tabuda panze "Ndoanonzi ma1 aya" ndikati, "Zvakaoma!"
"Mama ka, muchaita sei manje?"
"Handisi kutozivawo ini, nditoriwo blank .Mwari ndiye anoziva."
Akarovanidza maoko kwakuti "Shuwa kunzi nemakorokoto nemukuwasha mama?" ndikati,
"Zvino ndodii nhai Mai Dee iwe kana zvirizvo zvavepo."
"Iii hazvinyatsobuda hazvo mama ,dai taenda kupopulation services kuri kungoenda vamwe uko!"
Yaive yauya ndisina kuzvitarisira nhumbu yacho asi kubvisa ndaisatombokuda.Ndaitoziva kuti ndaizonyara nekusekwa asi zvaizongopera hazvo, zvagara vanhu vanotaura vachizonyarara havo kana vaneta.Ndakatarisa Kourtney aive amirira mhinduro yangu ndikamuti
"Kunodii?Kunobvisa manje?Handibvise nhumbu ini Kourtney ,anenge asingade kundiita makorokoto acho anongorega" zvikanzi, "Ndanga ndichingotaurawo ini mama, chihandei ndinokukwidzai."
*Laura*
Pandaive ndakapindira Claire muroom make ari paphone achichema ndaive ndamubvunza zvaaive achichema ndikanzi "Ndeumwe musikana wekuchikoro so" ndikati, "Ko adii?"
"Anga achindinyeya nenyaya yekushaya mari yekuenda kuSanganai Creek."
Handina kuona sezvaichemedza ini asi ipapo ndakatongomuitawo sorry kuti zvipere.
Daddy vaive vazoendawo kumukadzi wavo and vaive vakungotaura neni paphone chete.
He would call vachibvunza Hailey naIrvin voita sevasingatozive mhamha kana Claire vaivepowo.
Ndakatanga ndichiti zvimwe vachadzoka asi havana kana kuzodzoka.Mama-wo ndaive ndave worried navo pahutano hwavo, vaive vasitombori okay zvavo.
Ndizvo zvaive zvazoita kuti ndiudzewo Mai Devonna kusvika vazoendesana kuchipatara.
Ndakafonera Kourtney uyo akadaira achiti "Mai Irvin" ndikati, "Ndeipi , ko madii?"
"Ndatokwidza mhamha izvezvi so vave kuuya."
"Ooh okay hanzi chii?"
"Umm hanzi vane nhumbu shamwari!"
"Nhumbu?Mama here?"
"Ehee but usazovabvunze, kana vachida kukuudza vanokuudza vega."
Kamari kangu kakabva katongoperawo ipapo.
"Mama ,nhumbu?" ndakadaro ndega kwakurovanidza maoko zviye zvekutopererwa chaizvo.
Nezera ravo nhumbu yaisatomboita kana kamwe chete.
Zvaive nema complications hobho plus kutonyadzisa chaiko.
Pavakazodzoka mama vacho havana kundiudza zvenhumbu ndakangonzi "Zvese zviri right" ini kwakushaya kuti ndobvunza ndichiti chiiwo.
Daddy vakazouyawo svondo rakatevera Claire aenda kuSanganai Creek ,ndikanzwa sekunge vainetsana namhamha vachipopoterera nyaya yekutrip iyoyo zvichinzi "Ndisiye ndigare kwandiri kugara ko ndine chiyamuro cheiko?Handiti wakatonoudza hanzvadzi yako kuti handichakwanise kuriritira mhuri?"
Handifunge kana vakambotaura nyaya yenhumbu ini yaingove iyoyo nyaya yaClaire chete.
Ende pavakazodzokera daddy havana kuzodzoka zvekare vakabva vaita kuchona chaiko.
Monthend ndiyo yandakanzwa mhamha vachiti vaive vasenderwa ka$100 pamukuru naivo daddy ndikangotiwo kanha nazvo.
Paive patodarika mwedzi chaiwo pandakabvunza Kourtney nezve nhumbu yamama akati "Hameno vakaramba kubvisiswa" ndikati, "Waida kuvabvisisa?"
"Ko taigodii?Manje vakaramba saka vakazotumira Tete vekuMuzarabani mari kuti vàuye ,ndivo vachaudzwa nyaya dzenhumbu idzi dzozosvitswa kuna daddy."
"Yaa Tete vekuMuzarabani vakatosiyana namai Deffy, hope zvinoita."
Ndizvo chete zvataive tatongomirira izvozvo.Ndakabhowekana ndichiona ndatanga kuenda kuperiod yangu.Apa semunhu aive aane nguva asingaenda ndaive ndisina kana pad zvaro, ndipo pandakabva ndaenda muroom maClaire kuda kunotsvaga.
Ndakavhura drawer raigara nezvinhu zvake kwave kusangana nekapregnancy test kit kaive kakatoti bhaa netwo malines.
Ndakarohwa nehana kwakutombostika ndakatarisa kanhu kaye.Ndipo pandakazorangarira kuti zveshuwawo Claire aive aane nguva asina kumborwara nejeko rake sezvaaiisiita.Ndakapererwa nezvandaiona ndikashaya kana nezano.
Paakadzoka kubva kuchikoro kwavo ndakamubvunza achibva atobvumira hake.
"Nhaiwe Claire!" I exclaimed achibva ati, "Lawrence forced me ndaisada kurara naye I swear" ndakaramba ndakamutuzura and she went on saying "Kaingove ka1," ndichibva ndazomudimburira panzira ndoti, "Ka1 kei?"
Akangobwaira-bwaira ndokuzoti "Haana hake kuramba Law" ndikati, "Akati chii?" zvikanzi, "Hanzi ndinouya."
"Anogarepi?"
"KuBorrowdale."
"Nani?"
"Maparents ake akasiyana so anogara nadaddy vake."
Ndakarovanidza maoko ndikati
"Saka iwe wakuda kutoenda kumurume wosiya chikoro?"
Haana kupindira akabva angokakakama ndikati "Apa Claire ndaikuudza iwewe,ndaikuudza uchindiita benzi chiona manje?"
Ndakambofemeruka ndakabata muchiuno ndokumbofamba famba neroom yese ndichiti pamwe ndingagadzikane asi hazvina kuita nani.Ndopandakazoedza kumuonesa ndichiti "Claire, mari yakashandiswa paBlackwood paye inokwana kuita $1000 US dollars yese!Uri kundiudza kuti uri kuda iendere mahara?"
Aive apusa zvino!Aive munhu aigara ane mapoints asi apa akamashaya.
"Handisi kuziva zvekuita ini Laura nditoriwo blank ini" ndizvo zvaakazokwanisa kutaura ndikati,
"Apa mune prefects inauguration yakabuditsa imwe mari futi, Claire ka!"
''handina kana plan ipapa."
Ndakamboramba ndakamuti ndee ndichishaya paaive azorasika pacho ndokuzoti "Wakamuudza Law wacho?" zvikanzi,
"I only told him that I skipped my menses ,ndaive ndisati ndamuudza zveku tester."
"Akati chii"
"Hanzi hazvina basa ndinouya kumba kwavo kana iri nhumbu."
Ndakaseka ndikati "Tinashe akati chiiwo pandakamuudza kuti ndane nhumbu?" zvikanzi, "Akati unouya" ndikati, "Handiti wazviona?Aripi izvezvi?"
"Handiti wazviona?"
Akaramba akatarisa pasi ndichibva ndambotora nguva ndichifunga ndokuzoti "Tinonyarirepi?Iii hazvizoite shamwari kuti tese tiri two kumitiswa?" ndakapedzisira ndodzungudza musoro ndave kutoona mushatiro waive wakaita zvinhu zvacho.Shuwa toti mai mimba apa vakatizwa nemurume tozoti vanasikana vaviri kumitiswa, Aaa paive pakanyangara!
Apa zvaive zvaipira kuti Claire ndiye wataive takatarisira,kuita nhumbu kwaitoreva kuti zvechikoro zvese nehudhokota zvaive zvatoenda mudondo.Mai vedu vaizongoramba vari vekuchema chete.
Ndakavhurisa maziso ndafunga zvataigona kuita kuti zviite nani, kuti zvese zvidzokere panzvimbo ndichibva ndatarisa Claire uyo aive owedzera kuchema kwave kumuti "Ko tikambozama kubvisa?"
Akavhurisa maziso ake ayo aive akazara kutya ndichibva ndakasika kumuti "Hauchada kuita doctor,hauchada kuve successful and bring honor to us all?Hauchada kuzosimuka mberi woti ndakakurira mumhuri yevasikana and I made it?"
Ndakaona omedza mate achibva azoti "Ndoda but zvekubvisa zvinotyisa Laura" ndikati, "I know ,trust me neniwo ndinozvitya, unozviziva kuti nditoriwo gwara inini asi apa hapana zvekuzviita.Mama vanofa ava nestress, voti daddy nekoko ,voti ini , voti zve iwee?She will die Claire iwe."
Akamboramba akanyarara achiratidza kufungisisa ndokuzoti "handizofa?" ndikati, "Kana ichiri diki hapana chinoitika."
Akabva amedza mate ndokuzoti "Okay toibvisa sei kwacho?" but achioneka kuti arikutya ndikati, "Totsvaga plan,handiti ichiri diki?"
"Ehee ndakarara naLaw last month."
"So it's four weeks" kwaive kwave kutaura kwekuda kurerutsa kuti zvinyatsoratidza kuti mimba yaive ichiri diki.
"Kourtney akuzviziva,wakamuudza?"I asked zvikanzi, "No, I haven't told her."
"Usatomuudza,ndakambonzwa kunzi washing powder chaiyo inobvisa."
"Sei?"
"Unongoisa mucup wonwa."
"Ndipe ndizame."
Ndakabva ndamhanya kunomuisirawo washing powder mucup nemvura kwakumupa kuti anwe but hapana chakashanda.
Ndakaba zvekare mapiritsi aimbonwiwa namhamha efamily planning ebrown so ndikamupa akawanda but hapana chakashanda zvekare.
Gave her mvura ine soda zvekare kuti anwe but hapana chakaita aingoti mudumbu maingomonya monyarara zvotopera zvakadaro.
Ndakashaya zano kwakuzofunga kuti ndaive ndiine whatsApp group raive rakanzi _Miti nesora zvinorapa_ ndiro randakabva ndafunga kushandisa iroro.Ndakatanga ndatarisa kana maive nevanhu vandaiziva imomo kwakuona musina ndokuzosenda message ndichiti "Pane anozivawo mushonga wekubvisa nhumbu?Ine mwedzi chete, thanks kune vachabatsira" ndikaitwei imomo?
Ndakatukwa chikind chese ndikapedzisira ndazoita delete for all.Vamwe vaive vakuti "Vamwe tichitotsvaga mbereko iwe woda hako kubvisa,dai ukatongwa!"
Ndaive ndadeleter hangu but pane akazouya kuinbox kwangu akatagger that message.Ndakatanga ndanovhura profile picture ndikatoona kuti yaive n'anga nemachira ayaive iinayo chete ipapo.
Yaive yasenda maphotos echimwe chimuti so, ende chaitoveko kwedu chaiko.Pazasi paive panyorwa mashandisirwo acho ndichibva ndatotendawo paye but kwakumbozvibvunza kuti ndoita here or ndongosiyana nazvo.
Iko kuzeza kuzotaurwa nevanhu nekuzove zviseko zvenyika ndiko kwakazoita kuti ndinotema mashizha echimuti chiye ,kwakuita zvaive zvataurwa.
Claire ndakamupa ari manheru kuti anwe ,achibva angoterera ndokunwa.Kunwa kwacho kwaive kwekumanikidza achitoti zvaive zvichivava, face ichiita kuipiswa iyi.
Ndakamusiya ave mumachira ndikaendawo kuroom kwangu but handina kurara zvinoenda kure ndavingwa naClaire achichema nemudumbu.
"Zvakurwadza?"ndakabvunza zvandaitoona zvikanzi, "Ehee."
"Ko ropa rakubuda?"
"Ehee but zviri kurwadza."
"Ukangobvunzwa namhamha unoti ijeko, mira ndinokumbira mapiritsi."
Ndakaenda kubedroom kwamhamha ndikanopihwa mapiritsi kwakudzoka ndichimupa achibva ashingirira kuenda kuroom kwake asi achirwadziwa.
Aifamba achiita sekunge pasi pari kumupisa.
Ndakasara ndikangoti rarei mbijana kwakutanga kuita madzikirira ,hameno zvandaingorota.Hope ndakabva ndadzishaya kwakuti ndimbonodongorera mumwe wangu uya ndikasvikoona munhu ari mufloor achizvongonyoka nekugwinha-gwinha zvaityisa.
Ndakanopfugama paari ndikati "Claire iwee" achibva anditarisa akaita kuvhurisa ziso iro raive ratochena zvaityisa nenguva diki iyoyo kwakuita sepane zvaaida kutaura asi akatadza.
Nekutya ndakabva ndasimuka kwakunomutsawo mhamha tikadungamidzana kuuya muroom maClaire.Takamuwana ave kutosvikawo kudoor chaiko achizvongonyoka kudaro ,ombogwinha semunhu ane pfari.Ndakamira nechekure mhamha kwave kupfugamawo vachibva vatanga vambonditarisa nechiso chairatidza kupererwa ndokuti "Aita sei?Inga tatoonekana mushe wani mave kunorara paye?" ndikati, "Jeko" vachibva vadzosera maziso pana Claire.
Vakaedza kumuzendamisa but zvaisaita nekugwinha kwaiita.
Vakabva vamubata ruoko ndokumuti, "Mwanangu" iye achibva angovhura muromo kwakuti,"Ma-ma" nezwi raiita sekunge munhu akadzipwa pahuro apa.
Waitoita zvekufungira kuti anenge ati "mama!" kana kuti kungogomera chete.
"Chii mwanangu?"vakadaro mhamha votochema but havana akadaira.Pavaive voda kusimuka, I guess vaive vatofunga zvekuchipatara vakabva vabatwa ruoko zvine simba naClaire vachibva vamutarisa ndokumuti, "Claire,mira tiende kuclinic mwanangu."
Akamanikidza kuvhura muromo Claire wacho kwave kungoti "Daddy" zvekuvavarira chaizvo nekubva atorereka musoro padivi ndiye zii ipapo!Makumbo nemaoko zvakabva zvangoti tasa!
End of chapter
❤️
😢
👍
11