Zimbabwe Online Novels🇿🇼
June 7, 2025 at 08:48 PM
*THE DARK SIDE* 🌘🌘🌘🌘🌘🌘 Written by Nicegirl Guta https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X Chapter 31 Rudo Ndakafuma kubata jongwe muromo kuenda kuchiteshi. Ndaiti ndikafunga Blessing ndainzwa imwe feeling yandisingakwanise kurondedzera mufunge. Ndainzwa moyo wangu kudekara pamwe chete nekufara ndobva ndazviudza kuti uyu ndiye wangu chaiye uye tichadanana kusvika kare pasina chipomerwa kana kuti zvinozokanganisa rudo rwangu naye. "Babe uripi ndasvika pabasa ndikaona Tsano.." "Ndaenda kumusha ndinovirirwa ndadzoka Bee sorry handina kukuudza ndaendera emegency.." "Ok babe wangu chero time dzaunenge wadzoka undibate ndarwadziwa kukuona usipo bae ndanga ndichikufunga ndikati ndiuye kuzokuona..' "Sorry mudiwa.." ndakapindura kudaro apa bhazi ranga ravakutosvika kumaraini kwedu. Munhu aibatsira wandaiendera aigara bus stop yekutanga tisati tasvika yekwedu ndokubva ndaburuka ipapo. Ndakasvika nekunamatirwa ndokubva ndaudzwa zvaidiwa kushandiswa kuti ndirapwe. Ndakavapa mari vakatuma mwana wavo kundotenga paakadzoka takabva tapinda muchiimba chakavakwa nemadhaka chaivepo tiri vaviri nemuprofita uya apa aiva murume wechikuru. "Kumura hembe dzako dzese mwanasikana sekuru vaone muviri wako wese tione pakakanganiswa.." Ndakamboda kutya asi sezvo ndakambonzwa nemumwe munhu kuti ndiwo muitiro wavo ndakabva ndashinga kudzibvisa hembe. Pfungwa dzese zvezvaiitika chero ndikada kurara nemurume nezvimwe zvandairota ndizvo zvakawedzera kundishingisa kuti ndivakurure hembe dzangu. Vakandibvisisa zvese nebhurugwa remukati. Vakatora razor ravo idzva vakatanga kundicheka cheka pasikarudzi yangu ndokubva vandizorera vinigar. Vakaenda mumazamu umu vakacheka cheka ne razor futi vakazora vinigar. Ndainzwa kurwadziwa pavaiisa vinigar asi paisasara nemavanga anoratidza kuti munhu achekwa chekwa. Ndakaparwa nyora idzodzo nekumeso kwese nekumusana nemumaoko vapedza vakabva vanditi "Hey vanhu havana tsitsi kunze uku, wanga wakaisirwa nyora dzekurarwa nechikwambo ukaisirwa nyora dzemunyama dzinova dzakaita uroorwe urambwe zvakare ukadanana nemunhu haukwanise kurara naye inyora futi idzodzo dzandatema kusikarudzi yako. Uye mudumbu mako muchibereko mune hurume hwechikwambo hunotomboti hukatanga kuyerera unoita kunga munhu arikurwara nechirwere chepabonde nekuti hunonhuhwa.." Zvese zvavakataura hapana chaiva chekunyepa. Vakataura vakati "izvozvi ndakushandira uchaona kuti rima raiva rakakufukidza riye hapasisina uchatanga kunyengwa nembinga dzakawanda asi uchenjere kuzoshaya choice wobva watambisa mukana wekuroorwa.." vakandimwisa zvimwe zvavakandipa kuti hurume hwechikwambo hubude ndikatanga ipapo ipapo kuchaya zvimwe zvinhu zvainhuhwa zvandaisanzwisisa. Vapedza ndakabva ndavhunza kuti ndiani aiva akandigadzira zvese izvozvo vakati hqzviite vandiudze zvaida ndaenda nemunhu mukuru. Ndakavavhunza kuti imarii kundishandira kwavaiva vaita vakati vaingoda kutengerwa mukaka wekugeza maziso avo aiva atarisana nenyora dzavaiva vandibvisa. Semunhu akafara nekurapwa ndakabva ndangovasiirawo mari yandaiva nayo ndokubva ndayeneka kwavakuenda. Moyo wangu wakarwadza kudzokera ndisina kuona vabereki vangu ndokubva ndadarika nekumashops kwavakutenga zvishoma zvekusvika ndakabata kwavakukwira kuenda kumba uko kwandakasvika mai vangu vari vega. "Mama ndauya zve emegency kunoku ndakutodzokera ndangoti ndidarike ndichikuonai ndiperekedzei, ko baba varipi.." "Vaenda kwavari kushandira mazuvano.." Ndakabva ndavaudza zvese zvenyaya dzaTimmy nemukadzi wake akaenda nemutsva waanga avanaye. Mwana waTimmy ndakabva ndamutora mapics ndokubva ndavasiira mari yekushandisa kwavakudzokera. Zuva rakanga rachipinda muna amai varo apa kwakanga kwasara 80 km kuti ndisvike kubasa kwangu. Ndakaisira Blessing msge ndokubva andiudza kuti akandimirira mu twn. Ndakafonera Timmy ndikamuudza kuti asiye akiya hake vaende kumba sezvo ma spare keys ndaiva nawo ndaida kusvika vasiko kuitira ndizosununguka nemukomana wangu. Nguva dzandakasvika ndakawana mukomana wangu akandimirira ndakafara ndokubva taenda kumba. Tasvika ndakamuudza kuti andimirire ndimbogeza. Pandakapedza kugeza ndakadzokera kumota yake kwaaiva ndokubva ati taizoenda out. Aka driver akaenda neni kune imwe nzvimbo yaifarwa vanhu vachigocha nekunwa. Nguva dzaiva dzafamba ava manheru kudaro ndokubva ndamuudza kuti ndaiva ndoda kuzorora semunhu aiva aswerera kufamba. "Babe ini handisati ndavakuda kuenda kumba ini nditsvage room here usanorara zvako.." akavhunza Bee ndokubva ndati atsvage. Akaenda akadzoka kunditora ndokunondiratidza. Ndakapinda ndikarara zvangu ndichitofunga zvese zvandaiva ndashandirwa uye nekutofunga kuti saka nyora dzese dziya ndiani chaizvo angava akanditemera kundikanganisira hupenyu hwangu pamwe dai na Lazzy tisina kumbobvira tarambana ndiri kwaari. Ndakafunga zvakare kuti ndiani angandipa chikwambo chake kuti chindiite mukadzi. Ndakava nemivhunzo yakawanda mufunge isina mhinduro kusvika ndazongobiwa nehope ndiri mundangariro kudaro.... End of chapter 31 More likes🔥
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 1.6K

Comments