Zimbabwe Online Novels🇿🇼
June 13, 2025 at 09:34 PM
*THE DARK SIDE*
🌘🌘🌘🌘🌘🌘
Written by Nicegirl Guta
https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X
Chapter 34
Rudo
"Babe shaa, foni yangu..."
Asati apedza kutaura foni yangu yakarira ndokubva ndadavira. Vaiva vamwe gogo vepamba pandanga ndawana room ndichida kundogara ipapo. Ndaiva ndafunga kuti pa tuckshop ndoisa mukomana webasa ini ndonovhura pekutengesera ma cosmetics angu nekuruka musoro mu town. Ndakataura nambuya vaye ndakabva ndatoti kuna Blessing tiende kundobhadhara rent. Takaenda paye ndokubva tatombotaura dzimwe nyaya. Ndakazofunga kumuudza kuti muzaya wake ambondifonera ndokubva nyaya yacho yazovharidzirwa nenyaya dzekutama.
"Swty nditakurire zvinhu zvangu zvishoma shaa.." ndakadaro kuna Bee ndokubva tatanga kutoendesa mubhedha nezvimwe zvacho. Ndakanga ndasara nekuti mukomana wandakanga ndataura naye achizouya kuitira kuwane munhu anokurara kusabiwa manheru.
"Ko chii Bee kunyarara kudaro? Foni yako yako iripi? Hana yangu yabva yatanga kurova ini is everything oky mudiwa wangu" ndakavhunza ndaona kunyarara kwake kuti kwanyanya Bee haaisidaro mufunge.
"Vhara shop kaa Rudo tibude please kana zvichiita udzaka murungu wako kuti wakuvhara shop nhasi."
Ndakabva ndamuudza chokwadi about shop kuti handisi kushandira munhu asi ndipo pandinotsvagirawo raramo. Iye akabva aratidza kushamisika ndokubva naiye andiudza kuti mota yake haisi yemushika shika but itori yake. Takataura nyaya ndichivhara shop ndokundopinda mumota kwavakuenda.
Tiri munzira number yemunhu akanga andiudza kuti muzaya wa Blessing akabva andiiisira masge
"Rudo handisi muzukuru waBee inini ndiri mukadzi wake titori nevana vatatu na Blessing and foni yake ndini ndinayo iye hameno kuti aenda kupi angobuda siyana nemurume wangu Rudo handidi zvekunetsana newe.."
Ndakambofunga kuti ndiri kurota ndokubva ndadzokorora kuverenga masge wanike ndizvo chaizvo zvaiva zvanyorwa pamsge. Ndakarohwa nehana moziva zvekunyatsonzwa kutsemuka moyo...
BLESSING
Ndaiva ndafunga kuenda naRudo somewhere kunofura mhepo ndonomuudza chokwadi about hwangu hupenyu. Tiri munzira ndakabata ma break emota zve emergency ndichimhanyira padivi pe road ndokumisa mota yangu mushure mekunge Rudo akwetsura kamhere ndokubva adonhera pa seat achiratidza kunga munhu afa. Hana yangu yakarova ndokutanga kumudaidza kuti amuke. Ndakavhura ma doors emota ndokubva ndamuburitsa mumota uku ndichimudaidza zvese nekuzama kumuisira mhepo.
"Chii chaitika apa? Asi Rudo ane problem yekufenda fenda?"ndakatanga kuzvivhunza mivhunzo yaisava neaidavira mufunge. Mumwe munhu akauyawo akamisa mota yake ndiye akabva ati " mufana isa munhu mumota umhanye naye kuchipatara inga une mota wani chii chaitika?"
Handina kana kumupindura ipapo kunze kwekuradzika ma seats ndokupinza musikana wangu kwakuenda naye kuchipatara.
"Doctor ndibatsirei please my wifey.." ndakadaro ndakasimudza wangu Rudo asina kana action yaaiita anga akangoti gwedere akarabadika. Vakamutora vakapinda naye muimwe room
"Ko chii chaitika doctor." Ndakavhunza ndichida kuziva
"Heart attack. Pane zvamboitika here ."
"Handisi kuziva ini chiremba angoti huuuuuu ndokutodonhera pa seat.. " ndakabva ndatanga kufunga mashoko ake ekuti afonerwa nemuzukuru wangu nyaya yacho ndanga ndaivhara vhara paada kutanga kuitaura. Ndakabviswa mumifungo naChiremba pavakati
" Foni yake iripi anogona audzwa kana shoko rerufu.."
Pavakadaro chiremba handina kumira n ndakabva ndamhanya kumota yangu ndichisvika ndichitora foni yake Rudo panguva yandakabaya pa scrn ndakabva ndadhumana ne msge yamadam vangu. Kuzasi kwanga kwatoiswa mamwe mamsges akawanda ndikaziva kuti ndizvo zvaiva zvabata Rudo.
Ndakafonesa nefni yaRudi iyoyo kuna madam ndazara neconfusion "Mai Elandra, urikutaudzirei Rudo wapiwa mvumo iyoyo nani?"
"Usandipa mashura Ba Ela kupiwa mvumo nani kuita sei? Iye arikudananiranei nemurume wangu?"
"Waifana wakavhunza inini pawakabata kuti ndirikudanana nemusikana uyu nekuti ndini ndakamupfimba, why wananga iye Rudo izvozvi mwana wevanhu afenda ndatomuendesa kuchipatara aadmitwa. Sorry zvako handisi kuuya kumba ndotombomira naRudo abve mukufenda uye nekuzotaura naye zvakanaka kana abva mukufenda imomo.."
Handina kumupa nguva yekupindura ndakabva ndaikata foni.
" It's all because of me, Dai ndisina kunyepera Rudo ndakamuudza chokwadi kubva pakutanga pasina zvese iVi, saka izvozvi achaita sei? Achazvigamuchira sei? " Ndakatanga kutaura ndega ndokubva ndafamba kuenda kwaaiva aadmitwa kuye.
Ndichipinda Chiremba vakavhunza kuti pane here zvandanga ndaona kufoni yake ndikanyepa kuti hakuna.
"Imbomupa nguva anomuka manje manje.." akadaro chiremba achitobuda neni ndokubva avhara door. Ndakabva ndasara kwavakuvhura door ndokupinda maiva naRudo.
"Rudo please muka babe wangu unoziva ndinokuda ndiregererewo nekukunyepera musikana wangu.." ndakatanga kudemba demba ndichimupuruzira.
"But akamuka akandiona ndiripano haadzoke futi mukufenda here?" Ndakazvivhunza ndichivhura maziso ndichiedza kudzoka mu normal nekuti chokwadi ndaiva ndavhiringika nechiitiko chacho.
"But akamuka ndisiri padivi pake achafungei futi? No regai ndimirire pano better amuke achindiona..." Ndakadaro and pasina nguva aiva amuka. Ndakafara ndikatanga kumukisa kisa uku ndichidaidza doctor. Pakapinda Chiremba akabva amuvhunza Rudo ndokubva Rudo uya apindura kuti anogara achizviita. Akatonyepa ipapo uye akataura kuti achibudiswa zvake muchipatara macho asararamo.
Ndaiva ndisisina mufaro ipapo ndokubva ndatorana naRudo uyo aiva akanyarara ndokubva taenda kumba. Zuva rakanga ravakutopinda muna amai varo. Takasvika kumba kwake Rudo kwandaiva ndamutamisa masikati ndokubva ndaburuka naye kwavakuloka mota yangu. Takanopinda mumba make ndokubva ndagara naye pasi..
End of chapter 34
More likes 🔥
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
1.8K