Zimbabwe Online Novels🇿🇼
June 15, 2025 at 07:34 PM
*THE DARK SIDE*
🌘🌘🌘🌘🌘🌘
Written by Nicegirl Guta
https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X
Chapter 35
Rudo
"Chandakatadza chii Bee? Chakaita undinyepere. Wakatadza nei kundiudza chokwadi zvichangotanga ndakakuda ndichiziva? "
"Sorry babe inyaya yekuti ndinokuda ndaitya kuti ndikakuudza kuti ndine mukadzi unondiramba and please ipapa pacho ndapota usandiramba babe wangu ndokuda nemoyo wangu wese Rudo."
Ndakashaya kana neremuromo ndainzwa kupererwa nemate mumukanwa mufunge. Pana Bee ndaiva ndapinda nemoyo wese uye ndaiti ndawana munhu wangu achandiroora tochata sekutaura kwaaigara achiita. Zuva iroro haana kana kuenda kumba takabva tarara tese kumba kwangu..
Kunze kwavakuda kuchena akatanga kundibata bata achida kurara neni. Ndakamboda kuramba asi nekuda kwezvandainzwa ndichidanana naye Bee ndakaerekana ndabvuma kuita mutambo wevakuru naye. Ndainzwa kufara nekunzwa kugutsikana naye Blessing.
Ndakazopinda mundangariro dzezvese zvekufunga kuti ari married tatopedza ndikatanga kurwadziwa. Akatanga kundinyaradza akandivimbisa kuti acharamba achindida.
Kunze kwakati kwachena ndokubva ndaudza shamwari yangu zvese akaratidza kushamisika nekubatikana nekuti zvaiita Bee aiita kunga asina kana mukadzi. Takaenderera mberi nekutaura naMuno kusvika andiudza zvekurwara kwake kuti kuri kuenderera mberi uye aiva awonda zvekuti chero kubasa akanga asisaendi.
Ndakamutumira Mari yekuti abatsirike uye ndikamuudza kuti kana zvichinyanya ngaauye kumusha. Akapindura akati "Ufunge kumusha ndinoda kuuya asi dambudziko handidi kuti amai vangu vandione nekuonda kwandakaita uye vanhu vemunharaunda vanotaurisa vanozofunga kuti pamwe ndirikurwara nechirwere chenyika. "
"Ukauya unogara nemi kusvika wapora bestie wozoenda kumusha wasimba.. " ndakadaro ndavakufunga kuti zvimwe angauya kumusha kwacho ndokubva abvumirana nazvo.
Blessing akaenda kumba kwake ndokubva asvika akandifonera nefoni yake achindivhunza kuti ndaiva bhoo here. Takataura pama text ndokubva ndamufonera kuti auye kwandaiva nekuti ndamusuwa. Chokwadi kwaisava kumusuwa but kutorwadziwa chaiko kuti saka izvozvi ane mukadzi wake wacho ini ndiri ndega. Haana kuramba kuuya asi ndakamuti auye manheru ndaiva ndoda kuita make sure kuti haarare kumba kwake ikoko asi kwandiri.
Ainditerera Bee kusvika panguva yandaiva ndoti ndikaona masge yemukadzi wake achinditsiura kuti ndisiye murume wake ndorwadziwa. Ndaiva ndotonzqa kuda kumusiya asi kumusiya kwacho mdokwainetsa. Ndati ndikambofunga kuti handichada ndokasira kudzokedza pfungwa kusvika rimwe zuva randadya chikafu ndiinaye ndikarutsa.
"Babe unenge waane nhumbu iwewe nemhaka yei warutsa.."
" Handizive ini and ndingafara kana ndane nhumbu ufunge.."
" So babe urikuziva nyaya dzakaitika dzese dziya? Ndafunga kumborwga kuuya kuno stereki ndimbogadzirisana namai Ela kuitira ndizive tiri kuramba tiri tese here kana kuti voenda ndosara newe.."
Ndakabvumirana nazvo ndaizviziva hangu kuti aiva ma statements munhu anga asuwa mukadzi wake. Ndakazviudza kuti ndichashinga kusvika ndaita move on. Ndaisada kudanana nemurume wemunhu mufunge and ndaisambozvifungira kuti Bee angadaro akaroora ndakarwadziwa zvekusvika pakuonda chaiko. Vese vaindiona vaitoti pamwe kuonda inhumbu or kurwara asi chokwadi yaiva heartbreak. Ndaiti ndikatanga kumufunga ndaisarara mufunge ma pillow ese aipera kunyorova nemisodzi. Pamwe pacho ndaichema ndega ndichizvishoora nekuzvitongesa.
Days passed na Bee tichiita tichionana tichidanana but zvaiva zvatosiyana. "Sahwira ndakuuya manje.." image yakabva ku shamwari yangu. Mari yebhazi ndaivandakamupa saka hapana chaimukonesa kuuya ndakangomuudza kuti anowana ndakamugarira.
Musi waasvika akakumbira munhu foni ndokubva andifonera achiti ava muHarare. Ndakamupa ma directions ekumwe kwaigara mwana wasisi vamama vangu kuti andorara ikoko ndozomutora mangwana.
Zuva ramangwana rasvika ndakaendavku Harare kwehanzvadzi yangu iya kwanga kuine shamwari yangu. Ndakasvika ndikaonana neshamwari yangu tikafaramufunge.
Panguva yandqkamuvhunza mufaro ndakaramba ndakamutarisa mumaziso Munopaishe ndokubva iye atarisa pasi. Aiva akaonda zvekuti ndokubva ndati dhu-uu kufunga zano rangu ndikazviudza kuti hazviite kuti ndiende naMuno anofana kutanga andoona mom vake nemwana ozodzoka togara zvatakavimbisana
End of chapter 35
More likes🔥
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
1.7K