Kundai T NOVELS🇶🇦🇶🇦🇶🇦
May 23, 2025 at 04:27 AM
*NDIPO PARERE MOYO* 🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹🏹 __________________________ 🛎️ _Follow my channel_ 👇👇 https://whatsapp.com/channel/0029VbAaE8LEawdjat2M5c3g _Story written by_ *AUTHOR SIMMIE* 0778301872 🆕 ```Book``` *Chitsauko 3* *Kusungwa kwemachinda amambo Chinyavada* ____________________________ Chikwata chaive chakatungamirirwa naMugara chakaendawo nerumwe rutivi rusiri rwakaenda nanaNyikadzino vanofamba kwenguva asi hapana kana mhuka yavakamutsa ,masango aingova matema dzimara kunze kwotanga kusviba ndipo vakachidzokera paruware rwavainge vaparadzana nevamwe vavo. Vanosvika chikwata chaana Nyikadzino chatosika moto nechekare vobvura mambava emhembwe yavainge vadzimba ,uku zvemukati ndizvo zvaitogochewa vachipedzisa kubvura nyama yavo . Vakaikomberana vakaigadzira zvekuti muchinhambo chipfupi yainge yatosasikwa yodonha mafuta iri pamazimbe .Vanogovana umwe neumwe yake uku nyaya dzichingunozeyewa . "Varume ini ndave kuda kumisa ranguwo bango nemhandara yaGombototo iya Miriro " anodaro Garikai achipinzawo nyaya yake mudariro, "Hahahaha ana Garikai muchizokwanisa kuriritira mhuri here imi muchikomutswa neshumba yangodzvova yamunenge musina kuona iko kuzototesa nhabwa ".Chapomba paanotaura mashoko aya achisvotesa Garikai haana kunge aziva kuti Garikai ainge afema nekumusana sendere kuri kushatirwa,Garikai anoita kusvetukira Chapomba nesimba rose achinomukachikira huro zvekuti Chapomba anonzwika kurasa mweya zvisina tsarukano vamwewo vakatanga kuvhara mhino vachipfira mate asika kusvipa zvagara hakudzinge hwema . Kusara kwaMugara ndiye akakwanisa kudzimura dzivo iri nekuponda musana waGarikai nedanda izvo zvakaita kuti atupfunyure huro yaChapomba uyo anga angovhura ziso kuratidza kupererwa nemweya . Nguva yese iyi varume ava vainge vasina kana fungidziro yekuti pangave paine avaona nguva yose yavainetsana . Vanodzima moto pongosara mazimbe varume vachibva varara vakakomba mazimbe aya sezvo vaida kuzomuka vachipinda mumuzinda kana kunze kwachena . Mumuzinda wamambo Gupuro misha yose yakaswera isina vanhu vaenda kuzunde ramambo kwavainochera makomba ekuzodonhedzera mbeu .Revai zvaakatanga aenda kuchikomo kwaawanzoswera achidzidzira kukanda nekuvhika museve haana kumbonoita nhambo hombe ariko sezvo aida kuzonobatsirana nevamwe .Anodarika nekuhozi achinotora badza anoti achangoti fambe kubuda muruvanze anotarisa kumberi kwake zvishoma . Anobva aona Shorai achifamba naYeukai mwanasikana wamambo vakadungamidzana vachiendawo kuzunde . Anokanda nhanho kudzimara avabata ndokutanga kufambidzana navo . Yeukai anobva awoneka Shorai achimuudza kuti sezvo ainge awana wekufamba naye iye ainge odzokera kunopedzesa mabasa epamusha . Vanoonekana uyuwo yeukai anobva adzokera vaviri voenderera mberi nerwendo rwavo . Revai anodzvetsva mashoko erudo achiita kuamwaya kumhandara asi zvakakona n'anga murapwi achida "Nyaya yako haina kumboshata Revai asi chero newewo unoona zvichiita here??ingonditora sehanzvadzi yako Paidamoyo uye zvagara ndotamba naye saka ini ndongokuona samukoma vangu ,wadii wamboedza Yemurai mwana wamambo uyo ini hangu kwete ," anodaro Shorai achirevesa mumashoko ake izvo zvakasakisa kuti Revai aone kunge aive anyadzisira chaizvo kupfimba shamwari yehanzvadzi yake . Zvisinei haana hake kupikisa vakazochinja ndokutanga kutaura dzimwewo nyaya kusvika vasvika kwaive nevamwe . Basa rakashandwa zvekuti kana ivo mambo vaioneka nyemwerero ichibuda nemumatadza avo.Zuva rondorereka vanochizoparara voita aziva kwake aziva kwake .ndidzo zvakare nhambo dzinodzokera Revai kumba onopakata zvombo zvake aida kumbopinda mumasango husiku hwezuva iroro aida kumbonotsvaka chinonyautsa mumukanwa ,kunze kuchangotanga kuti svibei Revai haana kana mumwe zvake waanooneka anongopinda musango chivere vere ndokunanga musango raanodzidzirira kurwa achishandisa miseve yake . Anotenderera atenderera zve asi hapana kana mhuka imwechete zvayo yaakamutsa .Anoridza tsamwa asi hazvina kumupa chiyamuro anoramba achitenderera nesango riya dzamara asvika padyo nepanzvimbo paakaona kuti painge pakaungana varume vaisvika vatanhatu pachigochewa nyama .Anozviviga kuseri kwebwe achiona zvese zvaiitwa nevarume vaya ,anonyatsovacherechedza asi anoona kuti rupao rwavo rwakasiyana nemachinda emumuzinda make .Anoramba akazviviga seri kwebwe riya dzamara varume vaye vasvika pakurara.Anovarega vakadaro kwechinguva kudzamara onzwa varume voridza ngonono anotanga kuswedera pavari zvishoma nezvishoma anonyangira zvekusvika padyo navo ndokukwanisa kuvatorera zvombo zvavainge vainazvo zvose .Anonozviunganidza seri kwebwe raainge akambohwanda. Apedza kudaro anosvuura rwodzi rwemupfuti ndokuridambura dambura achishandisa bakatwa raigara muchiuno chake nguva dzose paaifamba aisarisiya . Apedza kusvuura anosvika pane varume vaya ovasunga maoko zvakasimba zvekuti hapana kana mumwe zvake aikwanisa kutsudzunura nemasungiro aainge aita , anovarega vakadaro mushure mekunge apedza kusunga vose zvawo pasina kana umwechete akange asimudza musoro. Mutonhodza ndiye anotanga kunzwa chiveve mumaoko izvo zvakasakisa kuti abva amuka paanomuka anotambirwa nechiedza chomoto wenzeve dzatsuro ,paanozvitarisa anoona akasungwa maoko anobva atarisa vamwe vake ndokuona vakasungwa zvakare mbira dzakondo . Ipapo anoita ruzha rwakamutsa vamwe vake vose,vanobva vatanga kutarisana tarisana voona vakasungwa mbiradzakondo vose .Vanotarisa nechemberi vanoona zvombo zvavo zvose zvakaunganidzwa panzvimbo imwechete Ukuwo Revai ainge azviviga zvakare seri kweGwenzi anobva abudikira akabata shamhu yemutowa anotanga kuvazvambura umwe neumwe vachingoyuwira vari panzvimbo imwe apedza haana waakambotaura naye aida kuvanangisa kumuzinda ndiko kwavaizonotaurira nyaya yavo mushe ,asi iye mupfungwa ainge atozviudza kuti vaive vapambepfumi nekuda kwezvombo zvavaive nazvo anovatungamidza mberi iye achitevera akavatendekera museve kuitira pakawana angade kutiza . Vanofamba murima imomo kudzamara vasvika kudare kwainge kusisina chero munhu . Jinda raive rakarinda mambo zuva iroro ndiTumbwe wekumupotsa nemuseve mushure mekunge akamira naShorai .Tumbwe anovhunduka paanoona varume vaikwidza chikomo chekuti vasvike pamuzinda chaipo anohwandira achida kunyatsoona chaitora nzvimbo . Anozogadzikana mushure mekuona Revai achitevera kumashure kwemachinda aya .Revai anotaurira Tumbwe kuti amutse mambo nekuchimbidza ,mambo vanouya vachiona mashura mudunhu ravo .Vanoramba vakavhura maziso zvekushamisika nekuona machinda avaisaziva aya uye miviri yavo vose yainge yakazvimba shamhu . Mambo Gupuro ndipo pavanopa kutenda kuna Revai nebasa raainge abata ndokuti machinda aya avharirwe muimba yehusungwa varare vakarindwa usiku hwese vaizoonekwa kana kuchinge kwachena .Revai anobva angonanga kumba kwaamai vake ndokunozvipfigira mugota make ndokurovera matama pasi _Kupera kwechitsauko_ Stay tuned 🫶
❤️ 👍 😂 😢 😮 🙏 7

Comments