L.T. MAHACHI NOVELS
May 23, 2025 at 01:24 PM
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME
STORY BY L.T. MAHACHI
➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣
INSERT 5
ANGELA
Ndakazvitarisa pamirror ndikasekerera ndichiona afro yangu yanyatsobuda. Ndakazvitarisa dress rangu and I loved the way it was hugging my body. Ndakazozviseka ndega yasvika nguva yekupfeka bhutsu manje......... I had totally forgotten kuti the only pair of descent shoes dzandinadzo dzakadambuka. Ndakagara pasi ndatarisana nematraining shoes.........unoiseka nhamo yako munhu kunge rugare. Dai vamwe vasikana vakuru vepano vakanga varipo ndaikumbira zveevent iyi zvikadarika.
Ndakanga ndangogara zvino ndichishaya kuti ndoita sei pakaringer phone yangu. Vakanga vari ivo matron vaiphoner, I picked up the call and greeted her ndokubva vataura zvemunhu akanga asina nguva yakawanda vachiti,
Her : How far Angela........wapedza here, mavisitors edu ari kufanirwa kuwana tagara pasi.
Ndakatanga ndaita sigh ndokubva ndazotaura ndakaita kuruma mazino chaiko ndichiti,
Me : Bhutsu dzangu dzakadambuka ma'am, ndine masneekers chete.
Ndakanzwawo vave kutura befu from the other end of the line ndokubva vazoti,
Her : Size ani bhutsu?
Me : Size four.......
Her : Ok, pedza zvimwe zvese dziri kuuya manje manje.
In less than five minutes dzakanga dzatouya sure bhutsu nasecretary. It was a beautiful pair of silver sandles with block heels and they matched well with my dress. Handina kana kumboziva kuti bhutsu idzodzo dzakanga dzabva kupi. Ndakazobuda muroom mangu ndichinyatsofamba neconfidence dzemunhu ainyatsozvinzwira ega kuti akachena ndave kuenda kuconference room iri kumaoffices kunova iko kwaizoitirwa the whole event.
SHINGAI MATURURE
Takauya kuzotorwa kumba kwedu ne a branded GD6 yainyatsoratidza kuti takanga tabva kuPlatinum Insurance Company. It always feels good to be associated with such great things munoziva.........pakadai munhu unonyatsozvinzwa kuti uri kurarama life chaiyo chaiyo.
Takasvika paMatthew Rusike orphanage tatomirirwa zvechokwadi. Takatambirwa ne a pleasant looking lady kuparking lot chaiko ndokubva aita usher us to the administration block matakanopinzwa in a not so big conference room.
Takaratidzwa pekugara pahigh table chaipo takatarisana nevamwe vanhu vakanga vatovemo kare..........handina zvimwe zvakawanda zvandakazoona muroom umu, attention yangu yese yakabva yabiwa ne this light skinned beautiful young lady who was seated directly opposite me on the front row. Her beauty was so disturbing zvekuti chakaita kuti ndirambe ndakagadzikana pandakanga ndakagara ipapo yaitongove nyaya yezvatakanga tafambira otherwise I would have walked kunogara paempty chair yakanga iri next to her.
The whole ceremony lasted for about forty five minutes.........haaaa vakanga varema amai vangu, her short speech convinced everyone that she was the owner of Platinum Insurance Company. Vakazopedzesa nekuita introduce us (Mitchell and myself)........zvine zvimwe zvazvakanga zvingori so tichisimuka takatariswa nevanhu vese, kwakanga kuri kuremera mastreets chaiko.
Babe akanga anditosvora maziso nebeauty yake uya is the one akazotambira deposit slip yemari yakanga yaiswa muaccount ye organization yavo on behalf of all those who stay paMatthew Rusike apa. Ndakamedzerera mate atipira gotsi ave kufamba achidzokera paakanga asimuka............akanga akatakura mazakwatira kuseri kwake. Ndakataura ndega in my mind ndichinanzvira miromo ndichiti, "apo ndipo pandiri kuzodya soon.........she is gonna be my daily bread!"
ANGELA
Everything was so different from what I am used to.........moyo wangu wakatutuma nemufaro ndichitambira bepa rairatidza the thousands of dollars that expensive looking lady had given our organization as a Christmas gift. Vamwe vanhu vakakomborerwa zvavo chokwadi. How I wish to be like her one of the days muhupenyu umu.
Ndakayeverwa zvangu zvekutokanganwa zvatainge takagarira muroom umu ndakatarisa mwanasikana wamai vemoyo usina vakawanda ava wandakazoita learn kuti anonzi Mitchell. Yeah vamwe vanhu vanongosarudzwa vari mumatumbu chokwadi, isu vana Angela tichinhongwa mumasango vamwe vachipihwa vabereki vakarongeka zvekugona kutozorangarirawo vana murambiwa vakaita seni. Yeah, kusiyana kwelife zveshuwa!
Ko ndaifunga ka kuti rangu basa rakanga rapera pandakatambira the deposit slip..........ndakatozoshamisika matron vave kuuya vachindizevezera vachiti,
Her : We are going together for lunch nhaika usazofunge kuti ndezve mavisitors chete. You have done a great job for this organization nhasi.
Ndakangovasekerera paya and whispered a quick "thank you......." nenguva isipi takanga tave kutofamba kuenda kustaff dining room kwainge kwagadzirwa lunch.
Yakanga iri buffet set up zvekuti takatongopinda tichiita serve ourselves. Pakanga pakabikwa zvechokwadi kani, zvimwe zvacho kwakanga kutori kutanga kusangana nazvo isu vanaAngela.
Ndakanga ndazvigarira zvangu ndave kutanga kuita enjoy early Christmas yakanga yandivinga iyi pandakanzwa some strong expensive perfume ichinhuhwirira pedyo neni. The scent forced me to lift my head and I almost froze ndichiona ari mwana wembinga mukomana achitoita pull a chair which was opposite mine uku akabata plate yakanga ichingori negreek salad and a piece of roasted chicken. Akabva andisekerera achiisa plate yake patable achiti,
Him : Can I join you angel?
I just nodded shyly and chandainyanya kunyara ipapo igomo rechikafu randakanga ndakatarisana naro mundiro yangu.
Vakauya vamwe vanhu vachigarawo pakanga pasina vanhu but vese vaingotaura nyaya dzavo. I felt uncomfortable each and every time I Iifted my head nekuti mukomana uya ainge akangonditarisa..........handizive hangu kuti chii chaainyatsoona pandiri. Ndakatozotadza kunyatsozvidyira ndakasununguka mufunge!
SHINGAI
Ndakanga ndatodyira ini zvekutodaro panababe uya uya. Iyi iquality yekumberi chaiyo chaiyo......... I wonder how she ended up in such a place munoziva. Ndaifunga kuti ndichawana mukana wekutaura naye tagara mudining nguva yataiita lunch but pakanga pakazara vanhu manje.........kwakazongopedzesera kwave kugutsa meso nekumhanya kweropa chete ndakagara ndakatarisana naye.
Takatosvika pakuoneka mufunge ndisina kana kuwana mukana wekutora her number. Takanga tatoti fambei tave kuperekedzwa namatron vaya kumota pandakaita excuse myself ndaona ave kupinda muAdmin block ndichiti,
Me : Ma'am, can I get a restroom nearby, sorry.......
Vakanongedzera kudoor rakanga rapinda mwana akanga ave kundishaisa rugare munyama dzangu uyu vachiti,
Her : Mukapinda umo musikana watanga tinaye anokuratidzai. Ummm.......anenge ari muoffice makanzi MATRON......
I thanked her ndokubva ndafambisa ndakananga kwandakanga ndaudzwa. Ndakangonosvika nekuvhura door reoffice yaMatron and akaratidza kuvhunduka achindiona. I closed the door ndisisagone kubvisa ziso rangu pachest pake paiita kubudikira kaclivage so........akaramba akangonyarara akagara pachair, ndakatozotanga kumutaudza ndichiti,
Me : Ndatadza kuenda ndisina kuita a proper goodbye to you angel.......
Akaita kakuvhara maziso ake so ndokubva ataura in the sweetest of voices achiti,
Her : I am not Angel........ndinonzi Angela.
I smiled ndave kufamba ndichienda pedyo naye ....... ndakazotaura ndatarisa mumaziso ake ndichiti,
Me : I am just referring to your angelic beauty sweetness.........indeed whoever named you had seen zvandiri kuona.
Kanonyara shame........kakaita kushaya pekutarisa apa kachibuditsa the most beautiful smile........her dimples just drove me crazy. Ndakazvibata chaiko kuti ndisakisse mwana wevaridzi.......ndakatoita some few steps going backwards nekuti zvaitozogona kundikurira ndiri that close to her.
Ndakazoita pull my phone from my pocket, I unlocked it and handed it to her ndichiti.......
Me : Can I please have your number angel........ndine zvakawanda zvandinoda kuzotaura newe. Now ndamirirwa........
She did not say a single word, akangonyora number dzake and gave me back the phone, I couldn't resist kissing the back of her hand nguva yandakabata ruoko rwake ndichitora phone yangu.
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
94