L.T. MAHACHI NOVELS
May 23, 2025 at 07:06 PM
*LAST FREE CHAPTER*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
*DUAL MARRIAGE*
WRITTEN BY :
Josh T Vombo
0️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣6️⃣6️⃣6️⃣5️⃣4️⃣
AND
L.T. MAHACHI
0️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣
CHAPTER 20
RUTENDO
Musi wacho ndakachema kunge ndichafa. I couldn't believe kuti plan yangu yekutiza naCollins yakanga yatoenda musango just like that. Ndakademba first time yandakanga ndisina kuenda naye paakanga achiri kuda. Izvozvo ndizvo zvaiita kuti ndinyanye kuchema. Kuchema ikoko kwakazondinetesa ndikarara kusvikira ndabatwa nehope. Ndakamuka the following day kwatova kuma8 chaiko. It was my first time kunonoka kumuka ever since zvandakanga ndasvika pamba apa. Lucky for me period yakanga ichiripo saka ndakanga ndisiri kutya kubatwa naTakudzwa zvemusi iwoyo. Ndakatomukira kubatwa nestress I was still angry at Takudzwa's family. I met mhamha vake vakandishamisa vachiti,
Her : Hooo wamuka mwanangu? Takudzwa andiudza kuti watambura neperiod pain. Ko wamukirei?"
Ndakavadaira ndichitaurira pasi pasi ndichiti,
Me :Ndave nani mhamha. Sorry ndanonoka kumuka.
Vakandibata pashoulder vachiti,
Her : Haa usatya mwanangu kana kuzvisunga. Ndozvinzwisisa hangu. Gara ndikuisire tea.
Ndakagara nekuti ndaisada zvebasa ini. Ndaive ndakatovatsamwira zvisingaite ndaitonzwa kusvotwa kana ndikavaona. She prepared tea for me ndikangodya zvimwe zvekudaro nekuti ndaive ndakatsamwa kwave kutanga kufunga Collins. Iye Taku akanga andigonera saka ndakaenda kunorara ndichipodza marwadzo ekuparadzaniswa naCollins plus kutorerwa phone kuti ndisataura naye. Ava masikati Takudzwa akabva auya akabata gift bag rakanga rakazara nema goodies anotapira. Maive nezvima chocolates, masweets, mabiscuits etc. Akasvikogadzika gift bag paside pangu achiti,
Him :Hesi Mai Matanga. Ndakuvigirai zvinonaka kuti mudye muwane kupora fast.
Ndakangogutsurira ndikamuratidza pekuisa kwave kurara. There was no way yandaizodya zvinhu zvake. Kudya zvinhu izvozvo kwaive kwakafanana nekucheater mukomana wangu. Akazodzoka kuma4 akabata maruva kwave kuti,
Him : Ko hausati wadya zvinhu zvako wani nhai. Uri kuda kuti ndikudyise here?
Ndakangodaira kuti zvindibve ndichinzwa kusvotwa naye zvakanyanya ndichiti,
Me : Ndanga ndakarara ini.
Akatoda kubata ruoko rwangu paya achiti,
Him :Chimuka udye.
Akabva andibatsira kusimuka kuti ndigare. Ndaisada but at the same time ndaisakwanisa kuramba. Pandakagara akabva aburitsa machocolate coated biscuits akandipa. Ndakataster one zvechirango zvekuti asiyane neni but mumuromo mangu makaita kunge mapinda gold. From nowhere ndakanzwa ndave kumada zvekuita kunge yaive first time yangu kumadya. Madyiro andakamaita akandishamisa zvekuti ndakazongoona apera. Takudzwa akaseka achibva ati,
Him : Saka zvanga zvichingoda inini kuti ndiuye kuti uzodya ka. Wagona.
Akabva abuda achifara ndikaziva kuti zvave kutoudzwa amai vake. Ndakazvituka ndave kufunga kuti ndakanga ndamadyirei mabiscuits iwayo. Ndakabuda mumagumbeze ndikageza and pandakapedza mai vake vakabva vataura zvekuti vapedza kubika. Ndakanogara nevamwe tikatanga kudya asi moyo wangu waive kure. Ndakazvimanikidza kudya kuti ndipedze nekuti ndaive nevatorwa ndakanga ndave kutya kuzotukirwa kusadya. I even volunteered kusuka kwave kuzoenda kunorara. Pandakapinda mubedroom Takudzwa akabva ati,
Him: Don't worry Rutendo inini ndichakubata kutopfuura zvawaiitwa naCollins. I know it's hard for you but imboita patience uone kuti tichanakirwa.
Ndakangomudaira kuti zvipfuure ndichiti,
Me :It's okay.
After that ndakapinda mumagumbeze kwave kurara asi Takudzwa aitaurisa tunyaya. Akanga ave kutonditi amai Matanga as if ndakanga ndamubvuma. Ndaingodavira zvekuti zvindibve hangu kusvikira ndabatwa nehope. I woke up mangwana makuseni ndanzwa kumutswa. Ndakatarisa Takudzwa achibva ati,
Him: Period nhasi inofanira kunge yapera ka?
Ndakafemera padenga ndokubva ndati,
Me : Handizivi. Ndakarara ndine flow nezuro I am sure mangwana ndopazvinopera. Ndowanzoita 4 full days.
Takudzwa akabva apindura akafara fara achiti,
Him: Haa mangwana hakusi kure zvako. But zvanhasi handizoshayewo something. Ndipowo kiss ndisati ndabuda.
Ipapo munhu akanga achitoswedera padhuze neni. Problem ndeyekuti ndakanga ndanonoka kutiza and just like that ndakabva ndatanga kukiswa. I didn't like it ndaitoda kutiza kubva paari. Apa mumuromo make mainhuwa. Munhu akanga asina kana kumbokwesha mazino asi akanga ari busy kundimanikidza kiss. Ndakanzwa moyo wangu kumira so zvekutonzwa kuda kurutsa nekuda kwekiss yake. Saka ndakakwanisa kumupusha ndikamhanya kuenda kutoilet ndikasvika ndikarutsa. Pandakapedza ndakageza mumuromo ndokubva ndadzokera kubedroom. I found Takudzwa ave kugadzirira kuenda kunogeza achibva ati,
Him : I am sorry about that. Ndangofunga kuti zvinogona kutipa connection.
Ndakaridza tsamwa kwave kudzokera mumagumbeze ndave kunzwa kamwe kakusvotwa so. Akanogeza akapedza kwave kuenda kubasa ndikasara ndave kumuka kuti ndiite basa. Ndakapedza kuita basa ndikabika tea asi ini handina kudya. Ndaitonzwa kuda zvinotapira. Too bad for me ndakanga ndisina mari asi moyo waindituma kuenda kugift bag raTakudzwa. Pandakaendako ndakanzwa mukanwa muchidairira kuti ndidye. Ndakazviponda nechocolate yaivemo kusvika yapera. That was enough for me zvemusi iwoyo. Ndakazorora and then pane pfungwa yakangouya mumusoro mangu ndikazvibvunza why ndakanga ndasvotwa makuseni ndikarutsa plus why ndakanga ndave kuda zvinonaka kudai. Ndakanga ndisati ndambozviita. Kuti ndakanga ndane nhumbu? Pfungwa iyoyo yakandirovesa nehana ndikatanga kufunga kuti ndodii. I needed to be sure but pakanga pasingabudike nekuti ndakanga ndisingachabvumidzwe kubuda after ndambozama kutiza.
Ndakarova silent prayer kuti dai ndaita nhumbu yaCollins nekuti zvaizondibatsira kubva pamba apa zvachose. Ndakambofunga zano asi pakanga pasina yekutamba. Hana yairova manje nekuti musi uyu period yakanga yapera and I knew kuti Takudzwa akanga akandirongera dhende chairo. Kukumbira mai vake kubuda yaive non starter saka ndakapererwa kusvika manheru pakadzoka Takudzwa. Akauya akabata mamwe macoated biscuits iwo moyo wangu ukabva warembera. Takazosara todya supper ndarova half. Taku was treating me like his wife ndakanga ndave kutodeedzwa kuti "babe" kana kuti "wifey" apa ini zvaindisvota sitereki. Takarara pasina kana issue asi hondo yakatanga makuseni manje munhu paakandimutsa. He was trying to kiss me nekuita foul play neni against my will. Akandikurira simba akatanga kundipa kiss nekuita zvaanoda nemaoko ake and I didn't like it ndakanga ndave kungochema. Ndakazomuti,
Me : Takudzwa I can't sleep with you.
Him: Why not?
Ndakadaira ndakatovhunduka tone yaakanga ashandisa ndichiti,
Me : Ndichiri kuperiod.
Him: Ah iwe period rudzii isingapere? Tione kuti wakapfeka pad here izvezvi.
Apa ndakanga ndabatwa nekuti zveshuwa ndakanga ndisina kupfeka saka ndakaona kubuda musaga kuri nani ndichibva ndati,
Me : I think ndine nhumbu yaCollins.
Akaseka kunge ndataura zvinosekesa achibva ati,
Him: Nhumbu yei yaunondiudza munhu anga ane period?
Me : Ndiri kuita macravings ema chocolates Takudzwa. Nezuro ndakamukira kurutsa. Even now ndiri kunzwa moyo wangu kumira.
Akaita kunge ari kufunga zvakawanda akanditarisa achibva asiyana neni kwave kuti,
Him: Rega ndigeze tiende kuPharmacy tione.
Akabva atobuda akaenda kunogeza. Paakapedza akabva ati tibude. Amai vake vakada kuramba asi iye akati anenge akandibata ruoko. And for sure takasvika kumashops tikabuda mumota ndikabatwa ruoko. Vaitiona vaifunga kuti tiri kudanana izvo kwaani ndakanga ndakasungirirwa. Takapinda muPharmacy akatenga two mapregancy test kits. Takadzokera kumba tese ndokubva ndagarirwa padoor retoilet ndikaita matests. Hana yangu yairovera mukati kuti dai ndangoita nhumbu yeumwe wangu. And for sure maresults akabuda ari positive ese ari two. Takudzwa akaita kunge achazvirovera pasi and he quickly left akanoudza vabereki vake. Ndakavharirwa mubedroom kuti ndisabuda and pasina nguva vana bamukuru vake vakanga vatosvika ndofunga vakanga vaudzwa nyaya. Ndakadeedzwa kuti nditaure kuti zvakafamba sei and I shifted the blame towards Takudzwa nekuti ndiye akanga aita idea yekuti tidanane nevanhu vedu. Akatukwa kunge achafa. Vamwe bamukuru vake vaitoda kumurova vakazobatwa. Baba vake ndivo vakazoti,
Him: Nyaya yenyu tainzwa makaita hupenzi asi iwe Rutendo hauzofi wakaregera kuita mukadzi waGari pano. Naizvozvo ndinoti tiende kuchipatara nhasi chaiye ubviswe gora rawaunza mumusha medu iri. Kana wapora uri kuita mwana wepano naTakudzwa uyu!
Please note that *Dual Marriage* is going to be on sale from chapter 21 kureva kuti chapter 20 ndiyo last free chapter. Follow payment details below:
*Before Chapter 20*
1.50 usd Ecocash or Innbucks
~2usd Econet/Netone airtime
~90zig Ecocash/Transfer
~110zig Econet Airtime
~R30 Betting Vouchers
*Ecocash/Innbucks/Transfer/Airtime*
0788666654 T.Vombo
*Vouchers for those in SA*
~Ott voucher
~1 voucher
~Blu voucher
~Kazang voucher
~Easyload voucher
~Betway Voucher
*From Chapter 21:*
~2usd Ecocash or Innbucks
~3usd airtime Econet/Netone
~110zig Ecocash/Transfer
~120zig Econet Airtime
~R40 Betting Vouchers
*Ecocash/Innbucks/Transfer/Airtime*
0788666654 T.Vombo
After payment inbox 0788666654 on WhatsApp with proof of payment.
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
63