L.T. MAHACHI NOVELS
May 25, 2025 at 07:12 AM
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME
STORY BY L.T. MAHACHI
➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣
INSERT 7
ANGELA
Ndakasekerera ndega after the long and exciting phone conversation with Shingie........hana yangu ine kamwe kamurovero kayakanga yave kuita so kandisingazive. Ndakanga ndave ne this new strange feeling mukati mangu and I loved everything that was happening to me. Ndakatomboenda kumabathrooms kwave kunozvitarisa pamirror ndichiedza kuda kuona chakaonekwa nemwana wembinga uyu pandiri.
Ndakambozvibatabata face yangu ndichiti, "maybe it's this light flawless skin......" Ndakazodzika kuzasi ndichizvitarisa ndichiti again........"maybe ndiwo mahips aya anondishaisa mufaro kwese kwandinofamba ndichingocheukirwa nevarume......." Ndakazobuda mubathroom muya ndichifambisa zvekutoda kumhanya chaiko........I had to see the matron ndigare ndaziva pandimire nekuti ndiri kutonyatsonzwa kuda kunomuona ini Shingie.......munoziva ndaingoerekana ndasekerera ndega so pese pandaifunga mashoko anotapira aakanga anditaurira.
She was busy with her phone the moment I entered her office. Vakagadzika phone yavo padesk and looked at me with a smile vachiti,
Her : Eeeeh, Angela ...... it's you? Wati toita sei nhasi?
Ndakavasweresa zvangu ndokubva ndati,
Me : Ndokumbirawo a big favour from you ma'am.
She gave me an encouraging nod.......I quickly rehearsed mashoko andaida kutaura navo mumusoro mangu ndokubva ndazoti,
Me : Ma'am, ndinokumbirawo kubuda mangwana.......ndine friend yangu yekuchikoro ine birthday party muHatfield umu.
Vakaita kakugadzirisa pahuro pavo vakanditarisa kumeso as if vaiona kuti ndainyeba.........she then said,
Her : Ko waidiiko kutaura mazuva ese nhai Angela? Waziva nyaya yeparty iyi nhasi here?
I let out a sigh and said,
Me : Ndanga ndichifunga kuti iriko next week, hamheno kakurasika kandanga ndakangoita pamadates so.
Her : Aaah hoo, ok......handiti unoziva kuti gate repano rinovharwa nguvai hako ka?
Ndakadaira ndiri so loud in disbelief yekuti ndakanga ndatobvumidzwa pasina kutaurika zvakawanda ndichiti,
Me : Yes.....yes ma'am and thank you so much.
Her : Ok, hunhu hwedu hwepano hatirase nekuti taenda kuparty nhaika? Munhu haarambidzwe kufara asi kufarisa is a no!
Me : Sure ma'am.......thank you again.
Ndakabva ndatosimuka pachair paya kuti ndichinoronga kuti ndinopfekei mangwana pavakataura in a low voice vachiti,
Her : Ummm, Angela.........dzoka ugare pasi tinzwe....
Ndakadzokera kunogara, ndakatongoziva kuti nyaya yavakanga vave kuda kutaura yaive nesomething to do with that earring. Vakazotaura in a whisper vachiti,
Her : Wakazofunga here zvekuita.......Ummmm, I mean with your earring?
Me : Aaah ma'am, ririko uko..........I haven't thought about anything.
Vakavhura maziso avo and said,
Her : Inga ndakakuudza kuti paya pane mari yakawanda wani. Usapusire mari iwe..........life yako inoswera yachinja. Just give me go ahead ndinokutsvagira anotenga ndigokurongera zvine musoro zvekuita nemari yako.
Ndakazvibvunza kuti dziri tsitsi dzeiko tsvimborume kupukuta mwana wemvana madzihwa...........you know semunhu akanga achangobva kupihwa passport yekubuda handina kuda kutaura mashoko anovagumbura, I just facked a smile and said........
Me : I will think about it ma'am. Maita henyu......
Her : The sooner the better mwanangu, mangwana usaende kwauri kuenda uko naro........unogona kubirwa.
Ndakangosekerera hangu ndichivatenda and left her office. Rakanove bishi chairo kuroom kwangu ndichitsvaga zvekupfeka to impress my man. Ko hembe tinonyatsodziwanepiko dzakawanda..........we survive with handouts so kazhinji kacho hembe yaunosangana nayo munhu mukupihwa inenge itori nekaerror.
Dai kwakanga kusiri kunoona boyfriend for the first time ndaipfeka kana slack rangu reuniform ndongotsvaga hangu top yekuisa pamusoro..........kwedu kuHarare Polytechnic kuTourism and Hospitality department tinopfeka uniform zve chinova chinhu chinondifadza zvikuru........hmmm, with the kind of people I learn with ndaifeeler out of place chete nekushaya. Ndakazoswera hangu ndave kudzora skinny jean reblack so rakanga rakaita baggy kumakumbo uku ...........ndakafarira hangu mabudiro arakazoita after almost an hour of working on it.
Zuva ronodoka ndakanga ndave a bit nervous and unsettled mukati mangu, it's going to be my first time going out nemukomana.........ndakazvibvunza kuti ari kuzonditora oenda neni kupi hana yangu ikatomborova, ndakazongozvisimbisa ndichiti ndave munhu mukuru and mukomana wacho wandiri kuenda naye out is classy, haasi boorangoma Shingai zvekuti angade kuita zviya zvezvimwe zvandakambodanana nazvo zvekuti mukangosvika pakahwanda chete munhu anenge aakutoda kukubvuta mazamu. That one is a gentleman!
SHINGAI
Yeah, I am going to experience something new today............munongoziva kuti chinhu chitsva chinoita sei, kugadzikana ndakanga ndisina kana nemufaro. I called her very early in the morning and akati ndizomutora kuma9. Uyu handisi kuzoenda naye kumapublic places kana kumwe kwandinosimbotambira, ndinganodhumhane nezvimwe zvipande zvangu zvikadhakwa ndisati ndamboita get to explore her.
Ndakageza ndikanyatsonzwa kuti ndachena, I dressed in all white ndokubva ndaisa magold chains muhuro and a gold wristwatch kwave kuisa madark shades angu pat-shirt.....I sprayed my Jasper Conran deodorant yandakaita order straight from UK ndikanzwa kuti ndave bhoo. Kanonodyira yese yandinenge ndichida kutamba nako chete kababe kandiri kunoona. Aaaah, ko varume vakaita seni havawanikwe zvekumhanya ka.
Ndakanopinda mudinning room momz naMitchell vatove pabreakfast table. Vakanditarisa amai vangu and smiled with satisfaction ndokubva vati,
Mum : Mwana waaniko achenerwa nemwana wangu kudai?
Ndakaseka ndichigara paside pavo ndave kutotangawo kuisa some beacon in my plate ndichiti,
Me : Mwana wenyu azvichenera hake mhamha......... I'm going out with my boys.
Vakabva vaseka vachibvisa kasomething pashoulder pangu vachiti,
Mum : Boys? I doubt.........unoti handidiwo muroora here nhai?
Me : Muroora achauya zvake momz.
Mum : Yeah you need to take your time mwanangu uchitsvaga munhu chaiye chaiye........zvinongodadisawo so uchiroora mwana wemunhu ane zita rinombonyorwawo munewspaper veduwee, ini munongoziva kuti ndiri munhu weclass......I have worked hard for what I am today and imiwo vana vangu ndinoda kuti muite mantain this standard of life yandakakugadzirirai.
Ndakaona sister yangu ave kugutsura musoro achiti,
Mitchell : Sure mum........
Mum : Eheee, ndosaka ndichienda nemi kumasocial gatherings ane vanhu vekubasa kwangu and stuff, like musi uno taive kubirthday kwaMachimbira uko......iwoka macousins nemafamily friends anewo mazita anotaurika ndiwo atinenge tichida kuti muite mix and mingle with.
Takakuvara nekuseka nesister yangu and vakabva vati again,
Mum : Yes, I am a 21st century mother.........ndikasakuudzai ini hakuna anozombokuudzai. Sure kana ndiwewo Shingie ungadewo here kunzwa kuti hanzvadzi yako iyi yatorwa nemukomana wemakombi wekuHighfields uko iye munhu anombopihwa mukana wekuita rub shoulders with Harare's most eligible bachelors dzakaita sanaTendai Machimbira?
Me : Todaka vakuwasha manyama mhamha........
Iyewo Mitchell akabva ati,
Mitchell : Neniwo ndotodawo muroora ane class anoita afford kuendesa tete kuholiday out of the country.
Mum : Yes, yes........handidi kuzorarama life isina basa vanangu kana ndave retired ini ndakakukudzai zvakanaka so!
Ndakasvika pakubuda pamba ingori iyo nyaya chete........regai timbotandadzwa zvedu nanaAngela ava nekuside tichivhima vanodiwa chaivo chaivo nemubereki vekuzoisa mumba. Nelife yandinoraramiswa naamai vangu I cannot afford to disappoint her!
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
96