L.T. MAHACHI NOVELS
May 27, 2025 at 03:52 PM
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME
STORY BY L.T. MAHACHI
➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣
INSERT 10
ANGELA
Kana mazogara vakomana vanoda zvinhu ummmm, zvandakaitirwa naShingie the first day that we went out so ka, aitoda kupinda muheadquaters........(as he call my honeypot). Ndakatozoshinga kumasunga makumbo. He is a gentleman hake, haana kuzoramba achindiisa pressure, in fact akabva atongoti tichibuda muhotel macho.
Handionane zvangu naye everyday but each time yandinotaura naye he makes me feel special. Kuve muhupenyu hwangu kwake kwandichinjira zvakawanda mufunge........I am no longer my old self. Stress dzese dzandaigara ndinadzo dziri kubviswa mbichana mbichana nemwana wekwaMaturure uyu. Hongu kanombondibata kapfungwa kekuti handina kana mubereki wangu wandinoziva asi ndikangofunga kuti kuna Shingie wangu out there ndinonzwa kudekara muhana.
Takanga takagara zvedu mukaroom kangu with Vanessa one of the older girls anogarawo pano akakasika kudzoswa from holiday namufundisi vakanga vamutora. Ndaitove nemufaro nekuti ndakanga ndavewo nemunhu wezera rangu wekutaurawo naye nyaya.
We had talked about so many things when she suddenly said,
Vanessa : Mangwana yatove Christmas shamwari........ummmm, maplans andanga ndinawo so ka. Zvese mudondo......ndiri kurwadziwa so.
Me : Wanga uine maplans eiko Vee?
Akandiudza kuti ari kudanana nebrother yamufundisi vakanga vamutora so akavawanikidza nezuro vakarara ndizvo zvakazoita kuti adzoswe. Akaridza tsamwa achiti,
Vanessa : Tanga tiine maplans ekunoswera kuMazoe dam nemudiwa wangu ndichimbodhakiswa nerudo ufunge. Pano panonetsa kubuda kani namatron venyu avo!
Just as we were deep in conversation yakabva yaringer phone yangu and ndakabva ndangoziva kuti akanga ari Shingie wangu........ko mumwe anondiphonera ndiani? Ndakasekerera so ndave kudaira phone and Vanessa uya akabva ataura nekazevezeve achiti,
Vanessa : Asi wakanyengwa kani nhai virgin wedu........iyi smile iyi murume chete.
I held my laughter ndave kutaura nemunhu wangu. After exchanging greetings akanditi,
Shingie : I am missing you sweetheart........I am very close to your place. Buda ndikuone babe.......
Kahana kakarova nemufaro maoko ave kuita kamwe kakusweater so. Ndakafunga kuti ndinopabuda sei idzo dzatove after 4pm kudai. Ndakamuti,
Me : Hun, zvepano waakuzviziva, pave netime apa handichakwanise kubuda.
Akadaira zvake sounding so disappointed achiti,
Shingie : Ndanga ndiri kubasa babe, ndine zvinhu zvako zvandauya kuzosiya. Ndoita sei? Ndopinda here ndosiya kuoffice.
Ndakakasika kufunga kamwe kacorner so kwakatsemuka wall. Ndakamuudza kuti adzike neroad onoparker kune muavocado muhombe. Nguva yandaimudirecter mafambiro chaiwo ndakanga ndatovewo munzira kuenda ikoko. Takaonana tikatotaura nepakavhurika ipapo although it was just for a short time sezvo ndaitya kuonekwa nesecurity. He handed me a very beautiful shopping bag achiti,
Shingie : Christmas present yako ndichakupa mangwana..........I can't wait to see you dressed in these tomorrow. Ndinouya ndichikutora ok.
I thanked him, musoro wangu ndiwo wakatozotadza zvawo kukwana kubuda nepataitambidzana napo zvinhu apa.........ndaitoda kumupa kiss yakasimba chaiyo.
Ndakazobva pa our secret meeting place iye atoita drive off kare. Ndakataura ndega ndave kufamba ndichidzokera kuroom kwangu ndichiti,
"A whole bag of new clothes nepizza yedinner paside.......haaaa, wakosha Angela. Mwana wevanhu haachagone kugadzikana nekufunga iwe wekunhongwa musango.........hehede, munhu ave kutongobva kubasa akananga pano."
Ndakasvika Vanessa achiri muroom mangu ndokubva atotambira maparcels andakanga ndakabata achiti,
Vanessa : Wooooh, wakamuwana kupiko munhu uyu nhai Angela.......my gosh, ndivo vanonzi varume ka ava vanoziva kuti mukadzi anoda kudya nekupfeka.
Akagadzika box repizza riya pabed ndokubva aita kukuturira pasi zvaakanga zviri mushopping bag. Makanga muine quality hembe munongonzwa nesome Victoria's Secret perfume and lotion. Ndakatobva ndatanga kuedza hembe dziya, ndega ndainzwa kuti ndave pane rimwe level and "woooh" yaiitwa naVanessa each time I changed yainyatsondiudza kuti zviri kuita.
Ndakazosender message ndichimutenda murume wandakapihwa nedenga uyu and akabva andidaira achindiudza hembe dzaari kuda kuti ndipfeke mangwana. Ini gate pass yangu ndagara ndinayo........ko that earring is working so well ka muhupenyu hwangu, kuna matron kwave kumateru nekuda kwe that magical earring, kutaura kuno vari kutotsvaga buyer.
SHINGAI
Those pretty small gifts drives them crazy, ko ndagara navoka vasikana ava and zvavanoda chaizvo chaizvo ndinozviziva. Ndiri kuita wekuraura chaiko Angela. Akandisungira play the last time we were together ndikamusiya zvangu ndikazonopedzera shungu dzacho kuna Danielle, this time around handimupotse ndinonyatsoziva zvekumuita chaizvo chaizvo zvekuti anondikumbira ega.
I woke up on Christmas day with dozens of messages muWhatsApp group rangu neboys vanhu vachiita plan for the day. I excused myself ndichiti,
Me : Nhasi paprogram handipo boys.........I will be feasting on a virgin.
Ndaiseka zvangu ndichipihwa sando nevakomana.......Ndizvo zvainoita mari yakawanda unomutora munhu womuisa paunoda so.........
Mitchell akabuda very early that morning achiendawo kwaainofarira, mum had already left for Nyanga the previous day and vanozodzoka later tomorrow. Musha ndewangu ndega, in fact, zvanhasi ndewangu naAngela. I called her ndichiri mublanket and kamufaro kaakanga anako kaifadza........nhasi ndinopinda chete, dai vakanga vaine enough freedom kukajeri kake kwaanogara uko ndaitoda zvekuita spend the night with her.
Ndakanomupicker at our usual place achinyatsoratidzika kuti she is Shingie's chunk of meat........mashorts aakanga akapfeka ainyatsomubuditsa zvandinoda chaizvo and deo yandakamutengera inenge yaDanielle yakatobva yandikwidza temperature zvekutoda munhu chaizvo chaizvo.
Takanga tave around Chisipite when she asked me kuti,
Angela : Where are you taking me nhasi?
Ndakamutarisa ndokubva ndadaira ndichiita kakumutswinyira ziso ndichiti,
Me : I am taking you home mai Maturure........kumba kwedu chaiko.
Akasekerera zvekufara but akazotaura sounding a bit nervous achiti,
Angela : You should have prepared me Shingie shaa aaaah........ I can't be meeting your mum for the first time dressed like this. Vanondiona semunhu akaita sei nhai?
Iro dzungu iroro manje! Who said I was going to introduce her to my mum? Kadesperation kacho so! Munhu anongofanirwawo kukurira in a normal house mhani with a normal family kuti asazongovhundukire zvinhu.
Akavhura muromo wake in amazement the moment we arrived at our crib.......she even said,
Angela : Vamwe vanhu muri kutorarama American life ka muno muZimbabwe......you got a nice place here woooooh. I cannot even imagine how it feels like to be staying in such a place.
Ndakamubata ruoko ndichiti,
Me : Let's get inside ungatsoita feel the place sweetheart.
Ndakatomboita tour chaiyo naye showing her around the house, mufaro wacho wakanga uri muchiso chake wainyatsoona kuti Christmas yemwanasikana yatanga. She asked me tave kukwidza mastairs kuti,
Angela : So where is everyone........I mean your family?
Me : Vese vabuda......... it's just you and me here.
Akangonditarisa nekamwe kaziso kandisina kubata zvakanoreva . Ndakanomuratidza muroom mangu ndichiti,
Me : Munomu ndimo mubedroom medu sweetheart.......
Akangosekerera zvaive nekakunyara. Takadzokera hedu kukitchen and prepared a full English breakfast, handifarire kutamba nemunhu ane nzara ini. She enjoyed every bite, ndakazotora a bottle of Champagne and some glasses after our meal ndokubva takwidza hedu kuenda kubedroom.........yakanga yasvika nguva yekumushandira mwanasikana pakirawa yamadzibaba Shingie....
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
89