L.T. MAHACHI NOVELS
May 28, 2025 at 06:13 AM
https://chat.whatsapp.com/I3JBNlGQEa0GEut3G30MVg
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : MY SOULMATE LED ME HOME
STORY BY L.T. MAHACHI
➕ 2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣
INSERT 11
SIX WEEKS LATER
ANGELA
I'm still worried about my missed period, mufunge January akasvika pakupera kuti hwaa ndisina kumboona kana drop zvaro. Nyaya iyi iri kutondishaisa hope zvekurevesa chaizvo..........
Ndakanga ndasopepuka maearly hours of the morning chaiwo ndichizvidya moyo nenyaya iyi.......ndodiiko? Ndomuudza here Shingie wacho kuti ndiwo mamiroro akaita zvinhu? Ndakanga ndiri mukati mekufunga kwakadzama pakavhurwa door rekaroom kangu ndokubva Vanessa apinda zvake akamonera drying towel. Akaratidza kushamisika nekundiona ndiri mumagumbezi, she moved closer to my bed ndokubva ataura achindifugura achiti,
Vanessa : Kurara nguva ino on a Saturday? Uri kuzvifambisa sei nhai musikana? Uri kuti murume anoswera achitamba nani nhai?
Me : I just feel like spending the day relaxed shamwari......ndiri kungonzwa kuita weak.
Vanessa : Ko handiti munenge muchizongotorwa nemota here asikana muchizosiiwa. Tototadza kudya pizza nhasi sure nekuda kwemunhu anoteerera muviri?
Ndakataura naye zvekudenha hangu ndichiti,
Me : Nhasi pizza tombodyawo inotengwa naMike (her boyfriend)
Akaseka chikwee chaive so loud ndokubva ati,
Vanessa : Mike chaiye? Mike angoriwo a student seni newe. Yeairtime chaiyo inotonetsa kubatanidza. Asiyana nembinga vana Shingie.
Akabva afamba achinovhura panogara hembe dzangu achiti,
Vanessa : I am looking for something to wear munomu. I have to look good nekuti kwandiri kuenda uko ndinogona kunosangana nemunhu ari nani.
Ndakatomboseka zvangu achiedza hembe dzangu dzese dzichiita hombe kwaari. Ko uyu muslender ka ane body structure yechikomana chaiyo kana tave kutaura chokwadi. Akazosvika pakuzvisekawo ega atarisana nemurwi wehembe dzaaikanda pabed achiti,
Vanessa : Ummm, zvaramba izvi.......rega ndimboenda kwaRutendo ane body yakada kuita kunge yangu.
Ndakagutsura zvangu musoro pfungwa dzangu dzadzokera zvakare kunyaya yeperiod iyo. Handina kutozomboteerera zvimwe zvaaitaura, ndakazongonzwa part yaakati.......
Vanessa :..........kugarika chaiko, hembe dzese idzi, usazofe wakamurasisa Shingie uyu. Dai ndiri ini iwe ndaitomuitira nhumbu chaiyo ndione kunorarama life yepamusoro.
Without giving much thought to it ndakabva ndamuti,
Me : Ufunge ka Vee, ipapa ndine stress isingaite. My period is almost three weeks late unoziva. Handisi kutonzwisisa zviri kuitika kwandiri.
Vanessa : Haaaa, kuti inhumbu here? Mamorning after anogona kuaffecta futi ka. Uri kungofanirwa kutsvaga kahome pregnancy test kuti ubate chokwadi ugare waenda zvako kunogara kumakomo ekuGlen Lorne uko.
Mashoko ake akandirovesa nehana, anozvitambira sei iye Shingie kana ikave nhumbu zvechokwadi.........you know it's something that we haven't discussed about. Akazobuda zvake Vanessa akabata kaclutch bag, zvehembe zvakanga zvaramba.
Ndakambovhara maziso angu ndichifunga kuti Shingie ndomuudza nyaya yandinetsa mukati mangu iyi. Ndakafemereka ndichitaura ndega ndichiti,
"I need to see him titaure.........kana kuri kuita pregnancy test tibve taita tiri tese."
I immediately took my phone ndokubva ndaenda paWhatsapp chat rake. It took me over two minutes to compose a message, you know takapedzesera kutaura tese nezuro in the afternoon........ndakamuisira goodnight message haana kudaira and good morning yandamunyorera ndichangomuka yakanga yangodeliver isina kuverengwa.
Ndakarumaruma my bottom lip ndichifunga mashoko ekunyora........at least he was online, ndakazoti........
Me : Sweetheart, zvirisei.........tiri kuita sei neweekend nhasi? What time are you coming ndifanoita prepare?
Ndakasekerera ndaona yaita blue ticks and seconds later akanga ave kutyper. His response read,
Shingie : Eeeish Angela sha.........nhasi ndine dzimwe program neboys dzangu. Zvinodawo kuti timbosuwana hey, inga we were together musi uno wani. Hazvidi kuti tibve taita kunge mukadzi nemurume vanoonana everyday unoziva.
Ndakapukuta misodzi yakanga yazara mumaziso mangu ndichifemera padenga ndokubva ndazomuti.......
Me : No problem love.........kungoti there is something important I had wanted to discuss with you.
Shingie : If it is that important taura tinzwe.
Ndakambozvibvunza kuti ndiye here Shingai Maturure wandaitaura naye.......he was sounding so much unlike that guy who would drive in the rains kuti auye azondiona, so much unlike that man who would call pakati pehusiku achindiudza kuti andisuwa. Ndakada kumbomupindura ne voice message but ndakatadza kutaura ndave kuchema. All I managed to write was,
Me : Shingie, I think I am pregnant.........
Mhinduro yacho yakauya iri pfocho chaiyo yemunhu asina kana care..........he wrote in capital letters kuti,
Shingie : NYAYA DZAKADAI DZINODA KUTAURA WAVE SURE ANGELA.......
Unongozorora so munhu, ndakaedza kufunga kuti ndoita sei asi pfungwa dzakanga dzave kuita kunge dzambomira kushanda. Ndakademba mazuva ese andaivharirwa naShingai ndichiti ndapinda. Mufunge maziviro ese andamuita handina kumbofunga kuti angave rough kusvika pakadai ini. Ndakaita kunge ndave kupenga handidi kunyeba...........ndakataura ndega ndikambotenderera mukaroom kangu kadikidiki ikako, ndakazobuda muroom mangu ndanaga kumagrounds, maybe a jog will help me clear my mind!
MAI MACHIMBIRA
Family time is priceless kutaura chokwadi. Hongu ronda ndinaro randakasiirwa naRufaro but pamwe pacho ndinozviudza kuti Mwari vakaita kuda kwavo. I just have to enjoy life nevana vandinavo ivava. Ko varikoka vazhinji vasina kutombosanganawo nemakomborero ekudaidzwa kunzi "amai" muhupenyu huno.
Takanga takagara zvedu papoolside with my husband enjoying some drinks vakomana vachiita braai vari not very far from us.
Ndakaseka zvangu Denzel friend yaTendai paakauya neplate yakanga iine masausages achiti,
Denzel : Itai muchitsengawo.........vamwe vave kugutira kubraai stand uko.
Ndakadaira ndave kunhonga piece ndichiti,
Me : Thank you mwanangu, mavegetables ekugadzira salad ndasiya mukitchen pasink........sadza ndabika hangu. Pamwe mukaita muchicheka matomatoes munoziva kuti mhamha vaakudawo varoora.
Akakuvara zvake nekuseka mwana wevaridzi, ndakabva ndati again.........
Me : Ehee, izvozvi wako naTendai vangadai varipo pano ini ndakadekara zvangu semunhu akabereka.
Denzel : Zvichaita hazvo mhamha........we need your prayers nekuti iiiiih, kunze uko kune mhuka chaidzo.
Akabva atofambisa zvake achienda zvekutotiza conversation yandakanga ndatanga chaizvo. Hamheno chokwadi kuti vana vedu vapindwa nei makore ano, kana ari saTendai handisati ndakamboona girlfriend yake munhu atove almost thirty, sometimes semubereki you get worried kuti asi vana mahomosexuals!
A moment later takanga tagara zvedu pasi enjoying our late lunch.........ndakada kuisimudza zvakare yevasikana vavepo vese but baba vacho ndivo vakandivhara vachiti,
Him : Musapinde pressure vanangu nekuti mai vave kuda varoora........as a man I understand kuti kana tichiona kwakati zii kudai munenge musati masangana nevenyu chaivo. Take your time, zvemarriage izvi hazvina due date, ini zvangu ndinongoda kuona muchifara muhupenyu and mufaro wemunhurume unobva mumukadzi waanenge aroora.
Yakatozobva yapera nyaya yacho ndokubva tachitanga kutaura dzekubasa. Denzel ndimedical doctor zvake but ari so business minded..........the ideas he was coming up with were so brilliant. Baba vakazoita break the good news to our boys about our organization vachiti,
Him : Tiri kuda kunovhura a new branch in Bulawayo next month, ndakawana investor wandakasangana naye kuZanzibar patakaenda kuholiday so kubva mangwana tinenge tave kutanga kuita the paperwork.
Vese zvavo vakomana vakafadzwa nemashoko aya, vakazoenderera mberi vachiti,
Him : I am thinking of transferring mai Maturure to Bulawayo as soon as everything is in place vonoita head that branch........she knows all the systems, we have been with her kubva patakaita establish this company.
Tendai akati "Nooooo" nezwi raive padenga zvekuti tese takabva tamutarisa tamirira kuti atsanangure zvaaiedza kureva.
❤️
🙏
👍
😂
😢
67