L.T. MAHACHI NOVELS
June 5, 2025 at 01:27 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
*Kana uchida kukasika kusangana nebook follow our channel ikoko haurishaye and ndiko kune maprevious chapters*
TITLE : THE SILENT LIE
STORY BY L.T. MAHACHI
➕ 2️⃣ 6️⃣ 3️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 9️⃣ 9️⃣ 0️⃣ 7️⃣ 1️⃣ 4️⃣
INSERT 10
JESSICA
The moment I opened my eyes I just felt like screaming with joy........finally, it's my day! Wasvika muchato wangu vavengi varipo.......ini Jessica, amai vaMichaela nhasi chaiye ndiri kuswera ndave the lawfully wedded wife of Tinotenda Mugadza. Vakambozama vavengi but zvakashaya basa..........ndamupinda mumhuri yemari yekureba rakacheka nyika zuva.
Ndichiri mumablankets kudaro I took my phone and checked for mamessages ane basa.......moyo wakatoita kakurwadziwa pasina anything from my husband. Ndakavhura hangu chat raamai vangu rakanga riri pamusoro and vakanga vandinyorera message yakanga yakanzi,
Message : Ndiri kufara zvakanyanya mwanangu. Waita hako Jessica watipa chiremera semhuri. I declare kuti marriage yako iite last kusvika iwe naTinotenda maparadzaniswa nerufu.
I responded to the message ndichiti,
Me : Amen mummy, handisi kugona nemufaro kani....... I can't wait to walk down the aisle! Patasvika apa kwave kuzoparadzaniswa nerufu chete.
Mum : Ndinonamatira kuti rufu rwacho rwutange kubata iye Tinotenda iwe ugosara uchichengeta vana.
Ndakaita kakuseka ndega so and ndave kutanga kuda kupindura my friend and maid of honor entered my room ndokubva ati,
Her : Good morning our bride........
Ndichingopedza kumudaira vakabva vapinda vamwe vaperekedzi vangu vese vachiscreamer nemufaro.........ndakadzika pabed and they all group hugged me. Takanga tatotanga kuita celebrate asikana.
Chinhu chinonzi mari chakangonaka so, mbinga yangu Tino akatoita kuhire staff yepaRainbow Beauty Parlor yese zvayo kuti izondigadzira ini nevaperekedzi vangu! Ndakagezeswa mufunge musi uyu kuitwa kacheche chaiko. Yatotanga kushanduka ini life yangu ndave kuratidzwa level randave kunorarama ndiri mumhuri yekwaMugadza.
Takamboitwa some light make up and did a photo shoot takapfeka marobes edu and morning shoes........regai muone zvenyu mangwana ndinenge ndichiita trend on social media. Gore rino vachandiguta, ndazozviwana zviwanikwa zvandaiita wish for muhupenyu.
After our photo shoot ndakabva ndatopinda mukupfekedzwa that white dress rinoshuvirwa nemwanasikana wese. Unombofunga kuti uri kurota kani munhu. Misodzi yemufaro ndiyo yaingoyerera mukatikati ndichizvibvunza kuti ndini here ndasvika pakadai.
It was so beautiful ndatarisana nevaperekedzi vangu newanguwo mwana apfekawo kamini wedding gown kake.........everything was just perfect!
Takanga tichiri mukutorwa maphotos tanyatsopedza kupfeka manje when Michaela came pandiri ndokubva ataura achiita kakuzevezera achiti,
Her : Machena mummy..........
I was so quick to correct her ndichiti,
Me : Auntie Jessie please, if you keep calling me mummy I am going to take that dress and give it to Matipa.......iwewe unenge waakudzokera kumba.
Akanditarisa nemaziso aipenya misodzi........handina zvangu kana kumboita basa nazvo, I'm not being insensitive here.......ndiri kugadzirawo future yangu neyakewo iye futi! She will understand hake kana akura. Ndaifunga kuti achaenda kure neni but akabva anditi paya,
Michaela : I heard auntie Joyce vachiti you will be going away after the wedding. Muri kuenda neni here mha......... auntie Jessie?
Ndakaramba ndakakatarisa ndave kutonzwa hasha dzekunge ndichakadira mbama, ndakazongokapindura ndichiti,
Me : Kwandiri kuenda after the wedding hakudiwe vana vadiki, unosara nagogo namhamha nanaMatipa right!
Akandikwidzira twumapendekete ndikaita kunge ndichakadhonza bvudzi. Kanenge kanosvikirwa nemweya wechirombe wekumusha kwako. Ndakatozoita kekudzinga padhuze neni kada kuramba kachinditongesa. Dai ndakaziva ndakangosvotora iri nhumbu mhani! Maitiro ake mwana uyu ndiye chete achanditengesa kuna Tinotenda.
Mufunge munhu unenge wakazvifarira wongokanganiswa nekamwe kamunhu kakabva mauri. I am now even regretting chandakakaitira my mini bride kamwana kaTaurai aka. Takatozosimuka paguesthouse patakanga tiri apa tave kuenda kuchurch for my wedding ndatove a bit disturbed nekuda kwemaitiro ekamwana aka, sure kakadhomoka nhasi pamberi paTino unofamba mushe here muchato wacho?
RUVARASHE
Matauriro amukoma Herbert ane kakundityisa kaari kuita. He is not even hiding kuti vanondida. Ndakaita nguva chaiyo ndakasvinura husiku musi wandakanga ndataura navo asking myself kuti munhu uyu ari kuda kuita take advantage of me here kana kuti ndiwo mukana wavawana wekuita express what he feels for me. Maziviro andinovaita havasi munhu akashata zvavo but aaaah zvinhu zvacho zvine kamwe kakungovhundutsa so.
Ndiri mukupishana nepfungwa kudaro yakabva yaringer phone yangu iri pasi pepillow. Ndakatoita kakuvhunduka ndichiona vari bamnini vaya vandakaisira message some few days ago vaiphoner. Ndakadaira ndichiti,
Me : Hello baba, makasimba here?
Him : Eeeeh Ruvarashe, kuno tinofara.......message yako ndakaiona.
Ndakanzwa kamudumbu kekuvhunduka so ndamirira kunzwa mhinduro yavo. Vakabvawo vangoenda straight to the point vachiti,
Him : Ummmm, pekugara pakasununguka parizvino kuno hakuna. Imba yedu idiki hauzowani pekurara. Kuno kune vakomana chete dai kune vasikana taiti munorara mese muroom one plus tina tsano hanzvadzi yamainini vako yakauyawo last week kubva kwaChihota. Tinenge tichingotaura nhaika, tikawana imba yakasununguka unouya zvako.
Ndakanzwa maziso ave kuvava nemisodzi but I responded trying to sound calm ndichiti,
Me : Zvakanakai baba maita henyu.......tinenge tichitaura.
Vakabva vatoita drop the call vasina kana kubvunza amai vavo. Ndakatura befu ndichipukuta misodzi and nguva iyoyo mbuya vakabva vaita kuvhunduka vachipepuka kwave kundibata vachiti,
Her : Ndiwe wanga uchitaura here Ruva? Wati kudii mwanangu ndakunzwira kuhope.
Me : Aaaah, rarai zvenyu mbuya........ndanga ndichitaura paphone, ndibamnini Takawira vabva kuphoner.
Vakabva vatosimudza musoro murima imomo vachiti,
Her : Hoo azophoner? Hanzi kudii?
I sniffed and said,
Me : Vati havana nzvimbo, imba yavari kushandisa idiki.
Vakandimbundira vachiti,
Her : Usazvidye moyo mwanangu........ichiri nguva yavo asi yako ichasvika and vachakupfugamira vanhu vari kudada ava.
Ndakabatwa neshungu ndokubva ndatanga kuchema, vakataura mashoko ekuita comfort me akawanda mbuya vangu and nguva yandakanga ndave kunzwa kurerukirwa muchipfuva changu vakanditi,
Her : Mangwana wombozama kutaura namainini vaya vamakambogara navo uchiri mudiki, pamwe vanogonawo kurangarira zvavakaitirwawo nevabereki vako vachiri vapenyu.
I felt fresh tears threatening my eyes ndichifunga life yatakamborarama nevabereki vangu........Mwari vakadiiko kungoti pasarewo one chokwadi? Ndakatombopinda pakuchema vabereki vave nemakore vaenda ava ndokubva ndazopindura mbuya vangu ndichiti,
Me : Pamwe ndiri kungofanirwa kuita plan yangu ndega gogo.........ndirambe ndichingobaiwa moyo here nevanhu vane hupenyu hwavo?
Her : Kungozama mwana wekubereka, chokwadi haungatadze ka kuenda kubasa iro rawakatsvagirwa nemwana waMwari Herbert uyo nekuti hama hadzidi kukupa pekuisawo musoro wako.
Pavakangoita mention Herbert's name ndakabva ndawana matauriro ekuita navo offer yaakanga ambondipa ndokubva vamboita chinguva vakanyarara.........vakazoti,
Her : Kazhinji vana vechikomana ava handivimbi navo hangu.........kungoti zvake zvaari Herbert akangokura achiserva Misa nekufamba nemaFata haangamboiti mweya wakaipa.
Semunhu asisina imwe option ndakabva ndazvisimbisawo ndichiti,
Me : Chokwadi mbuya, inongori nyaya yekuti anondikweretesa mari yekuti ndiwane kubhadhara rent ndozvigarira hangu ndega ndozodzosera kana ndatambira.
Vakanyarara zvakare zvemunhu aifungisisa zvakadzama ndokubva vazoti,
Her : Zvakangoomawo hazvo, iyo Harare yatinongonzwa nembiri iyi kuti ine meno mwanasikana uchigara wega! Haaaa, tinenge tichingonamata hedu kuti Mwari vakuchengete.
Ndakaita kakuseka ndichiedza kurerutsa nyaya yacho ndokubva ndati,
Me : Ndiko kukura mbuya..........Mwari vanochengeta chokwadi.
Mbuya : Ndizvozvo.........so wokasika kumubata Herbert wacho agare aziva.
Me : Ndinotaura navo mangwana kuseni chaiko.
Takazorara zvedu ndave relaxed mukati mangu. The following morning I texted him ndichiti........
"Hello my brother........thank you so much for the offer yekuita borrow me mari yemarentals. I have made up my mind, ndinenge ndichizodzosa mari yenyu kana ndangotambira."
Havana kunonoka kuphoner mukoma.........vainyatsonzwika nepaphone ipapo kuti vakanga vafarira decision yandakanga ndaita and he even said,
Herbert : Ndave kutotanga kutsvaga room yako nhasi kuitira kuti ukasike kuuya ufanojaira nzvimbo!
❤️
🙏
👍
😮
😢
😂
117