L.T. MAHACHI NOVELS
June 5, 2025 at 07:52 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
*Kana uchida kukasika kusangana nebook follow our channel, ikoko ndiko kunowanikwa maprevious chapters*
TITLE : THE SILENT LIE
STORY BY L.T. MAHACHI
➕ 2️⃣ 6️⃣ 3️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 7️⃣ 9️⃣ 9️⃣ 0️⃣ 7️⃣ 1️⃣ 4️⃣
INSERT 11
TINOTENDA
My best man Simba helped me kupfeka my suit jacket ndokubva aita fist bump me achiti,
Simba : Mukuwasha manyama..........you are looking so good wangu. Uri kunzwa sei manje?
I smiled and said,
Me : I'm happy that finally the day has come and a bit nervous too. Ndiri kungonamata kuti zvinhu zvacho zvese zvibude sekuplanna kwatakaita.
He then hugged me and said,
Simba : Zvese zvinofamba zvakanaka wangu...........you have done everything to prepare for your day.
Takazobuda muroom mangu and I met my other groomsmen in the lounge makanga zvekare muine maparents angu nedzimwe hama. The ladies ululated as I entered the room and I felt so emotional. Vakabva vasimuka amai vangu and gave me a big hug vachiti,
Mum : I am so happy mwanangu, you have made me so proud. Ugare nemuroora zvakanaka umuchengete and treat her like a queen!
Me : Thank you so much mhamha, ndimi makandikudza muchindiratidza nzira yakanaka. Jessica ndinomuda and I will live to make her happy......
Takazobuda zvedu and took some photos outside ndokubva tazosimuka tave kunanga kuchurch where we will be exchanging vows nemwanasikana wandakasarudza pakati pevamwe.
MAI JESSICA
Kana uine mufaro wakawedzerwa unenge uri mandiri unenge uchitonzwa kusada kugara pasi. Ko kana wadadiswa nekuremekedzwa nemwana sezvandaitwa nhasi naJessica munhu unenge uchidazve kuti nyika yese ione kuti ndiwe wakabereka chidadiso chaunganirwa nehundreds of people kudai.
Ndega ndainyatsozvinzwira kuti ndakachena zvekukwikwidzana naivo vemigodhi yemari ava vatakanga tabatanidzwa navo naJessica. Denga iri! Rine nyasha chokwadi, chazvave kungoda kumiramira ini saamai vemunhu ndichiona kuti ndasimbisa imba yemwana wangu kuti isazunguzike. Ndakatombofunga incident yemaguru atakanga tasorta aya ekuzongorasika ndakagara muchurch imomo mood yangu ikatombochinja. Ndakatozongozvisimbisa ndichitaura ndega muhana mangu ndichiti,
"Tsuro haiponi murutsva kaviri...........achadya zvake akazvimbirwa, handiti anenge ave kubikirwa naiye Jessie wangu!"
Pfungwa dzangu dzakabviswa kunyaya dzemipfuhwira dzakanga dzazara mumusoro mangu nemhururu yakaridzwa nehama dzaTinotenda nguva iyoyo. Iye mukuwasha wangu akanga atomira kare pamberi pesangano raMwari amirira kutambidzwa mwanasikana wangu nababa vake. Akanga akachena kani munongonzwa imi........he was wearing a black trousers newhite blazer rakanga riine a black collar. Haaa ndofunga hembe idzodzo dzakanga dziri tailor made chete nekuti he looked so perfect.
Ndakamuona ave kusekerera akatarisa mudzimai wake wandakamuberekera ave kupinda muchurch. Haaaa, it was something else baba vake vachifamba vakamubata ruoko, neniwo ndakanzwawo kuda kuchata ndachembera kudai. I felt so proud to be her mother and ndinonyatsoziva kuti moyo yevakawanda yaiita kubvira negodo kunyanya yehama dzababa vake.
Akasvitswa mumaoko emurume wake church yese ikatinhira nenoise yevanhu vachiratidza kufara. Haaaa wega waingoona kuti zvese zvemuchato wemwana wangu zvakanga zvakarongeka, vaperekedzi vake vakanga vakachena zvekuti huya tiende. Michaela kaiitawo kunge kangirozi kaburuka kubva kudenga in her white dress. Ndakatomboita munamato ndakakatarisa kuti kasatsvedzese muromo kari kumberi ikoko kakavhiringa zuva rinoisvofadza kudai.
JESSICA
Everything was feeling like a dream.........of course it was a dream coming true! Aihwa musikana ari kufara kani and musikana ari grateful. Nguva yandaiita walk down the aisle ndakabatwa ruoko nababa vangu uku ndakatarisana nejaya rangu ndainzwa kuda kuita scream chaiko kuti munhu wese anzwisise mufaro wakanga uri mandiri.
Mufaro wangu waiwedzera so pandaiita look around vanhu vakanga vakatiunganira ndichiona some familiar faces dzekumaraini.........haaaaa, ndainyatsofeeler kuti ndazviita ini musikana wekuBudiriro 4. Pandasvika apa hapasvikwi nevanasikana vakawanda, vamwe vanosvika pakupinda mumakuva dzichingori shuviro chete!
Akaitwa mamwe maproceedings emuchurch takagara zvedu on our special seats ndokubva yazosvika nguva yandakanga ndakamirira chaiyo. The priest called us ndokubva tamira pamberi pevanhu takatarisana navo. Zvinongofadza kani uchiona vanhu vakawanda kudaro kuti vatounganira iwewe.
He spoke loudly vakatarisana ne the congregation vachiti,
Priest : Nhasi ndave kubvunza kekupedzesera kuti pane here vane zvikonzero zvingaite kuti vaviri ava varege kubatanidzwa pamberi paMwari nhasi? Ino ndiyo nguva yekuzvitaura and mukasazvibuditsa izvozvi kana zviripo muchibva mazvinyarara kwehupenyu hwese.
Ndakangobatwa nekamwe kakutya so panguva iyoyo zvekutonzwa kachando kachimhanya nebody yangu yese. Ndakamboisa maziso angu pana Michaela ndichiti mwana waTaurai uyu anogona kungobatwa nemweya wekumusha kwake akadaidzira zvisiri izvo.
Imi, ivo Father vacho vaitichatisa vakabva vamboita kanguva vakasticker havo vakati zii kunge vakanga vaine munhu wavakanga vakamirira aizokonesa muchato wangu. Kuti vane zvavaioneswa about me pamweya? Imi, for over two minutes muchurch makanga makanzi zii takangotarisana nevanhu and nguva yavakada kutanga kutaura ndakaita kunge ndichawira pasi nekuda kwemunhu wandakaona achipinda muchurch imomo. Ndakatoita kuzviomesa muviri zviya zvekutsika pasi nesimba kuti ndikwanise kuramba ndakamira asi makumbo angu akanga ave kutodedera zvekuti dai ndakanga ndisina kupfeka wedding gown refu vanhu vaionerera havo. Ndakanga ndisina kukanganisa kuona, akanga ari Taurai baba vaMichaela in flesh and blood!
HERBERT
Ndakatombojamba chaiko pandakapedza kutaura naye paphone.........mufaro wandainzwa ipapo waive wegudo ranhonga roro chairo. Ndakanga ndatove mumode yekutsvaga imba.........without wasting time I called Batsirai my friend ndokubva ndamubvunza kuti,
Me : Nhai chibaba, vanhu vari kuuya kuzoshanda kubasa kwenyu ava ungazivewo here kuti vanenge vari stationed kupi chaiko? Ndiri kuda kutsvagira babe wangu imba closer to where she will be working.
Akaita kakukosora ndokubva aseka achiti,
Batsi : Babe wako? Violet akazvinzwa izvozvo munowirirana here nhai wangu?
Me : Haiwa, vana Violet vasikana vekuvaraidzana navo tiri muHarare avo........apa ndiri kutaura nezvemunhu wematongo, iya inonzi wife material.........munhu anoda kugara akachengetedzwa kuti asatombowane mukana wekutorwa nevamwe.
Batsi : Hmmmm, haaa motogara makamuchengetedza sure nekuti type yaViolet iya ine violence..........akaibata yewematongo wamuri kutaura uyu anogona kubviswa kana ziso chairo.
Ndakatomboseka zvangu and I again asked him kwaanenge achizoshandira ndokubva ati,
Batsi : Vese vari kuuya vanenge vachishandira paMsasa shamwari......
Me : Great, thanks wena so ndiri kufanirwa kutsvaga imba in the surrounding areas, rega nditopinda muchiround chacho izvozvi since nhasi iri Saturday kudai.
Batsi : Muri serious hey.......
Me : Very serious.........ndezvemoyo izvi shamwari.
Takazoonekana zvedu after a while of chatting ndokubva ndatongochinja hembe semunhu akanga atove nerwendo. Ndakamboita kanguva ndichiita search for maAgencies anoita zveaccomodation and kuarea kwandaida kutsvagira imba yacho kwakanga kungori nemafull houses chete. Ndakatomboita kastress chaiko ndikazoita decide to call number dzakanga dziri ipapo. I asked the lady akanga adaira call yangu about small cottages in the Greendale area and akabva anditi,
Her : You called right in time hanzvadzi........ndabva kupihwa one big room chaiyo munaHarare drive kuGreendale yandanga ndisati ndaita advertise, ndiri kutoenda ikoko now kunoita view the room, kana muchikwanisa kuuya now mubve maona.
I couldn't wait, ndakabva ndatomuudza kuti ndave kupinda paroad. She gave me the address ndokubva ndatongobvawo kwangu kuHillside kwandinorenter ndakananga kwaakanga ataura.
The room was perfect, ndakanga ndave kutoita imagine ndaisa some furniture imomo tave kudanana zvedu nemwana werunako anonzi Ruvarashe uya ndichibikirwa zvangu ndakadekara. Haaa izvi zvine mablessings edenga zveshuwa, ndewangu Ruvarashe.........kungotsvaga imba nguva diki diki ndakanga ndatoiwana.
Chakanyanya kundifadza ndechekuti paPick and Pay pacho paari kuzoshandira is just a stone throw away from her new home. Haaaa munhu anozoda murume akaita sei sure awana anomurerutsira life kudai? Ndakatobva ndaita full payment of the room...........ndiri kuda kuti auye kana mangwana chaiye titange kuita life yedu. Furniture ndinonotora at zero deposit kuTV Sales kwandinoshanda.
❤️
👍
🙏
😮
😂
😢
98