L.T. MAHACHI NOVELS
June 6, 2025 at 06:24 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : THE SILENT LIE
STORY BY L.T. MAHACHI
➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣
INSERT 12
TAURAI
I could not believe my eyes when I entered the church where the bride and groom were already standing ready to exchange wedding vows! Haaaa hakusi kunyeba kuti mahure anotoroorwa achichata nhai! Jessica chaiye wandinoziva? Ndakatombobuda panze kunoseka drama randakanga ndasangana naro iri. I feel for the poor guy afunga kuzvuzvurudzana nemupangara wemusango une minzwa uyu achiisa mumusha.
Whilst I was still outside ndakanzwa muchurch mave kutorohwa mhururu nemiridzo kuratidza kuti zvemuchato zvakanga zvatoendwa. Nguva iyoyo cousin yangu Jabu wandakanga ndaperekedza kumuchato akabva abudawo panze and he was like,
Jabu : Waonawo mashura ari pano here? Jessica chaiye!
Ndakadzungudza musoro so ndichiseka uku zvese zvaakandiitira zvave kudzoka mumusoro mangu ndokubva ndati,
Me : JB.......wanga uchizviziva here kuti uri kundiunza kumuchato wehure iro?
Jabu : Not at all.......I work with the guy's sister so ndakangopihwawo invitation card, pandakaona zita handina kumbofunga kuti angaite pfambi uyu. Kana uchida kuti tibve panapa we can go now. I know how you feel about that person!
Ndakabva ndatoseka zvangu asi mukati mangu muchibvira moto ndokubva ndamuti,
Me : Nhasi ndiri pano........ tiri kutoenda tese kuGolden Conifer kwavari kunoita celebrate, ndiri kuda kuswera ndichiona mwana wangu!
Akabva aseka zvake JB achindirovarova pashoulder achiti,
Him : Kupa munhu size inokwana pamuchato pake.......
Ndakasekawo and said,
Me : We are not get crushing the wedding after all, handiti we are invited guests here?
Takabva tafamba tichidzokera zvedu muchurch makanga mave kuitwa the normal Mass proceedings.........pfambi mbavha iyi yakanga yatochata mufunge. Zvakandibaya moyo handidi kunyeba ndichiona mwana wangu achiratidza kufara akapfekawo a wedding dress, I had wanted something like this with her.........ndaidawo kuvaka musha naye toitawo mhuri inoyevedza asi iye ndiye akazvidira jecha and I was left with no other option but to walk away.
JOYCE
Hana yakatsemuka hamawee ndichiona munhu wandakanga ndisina kutarisira kuona panzvimbo iyi. Akanga abva nekupi Taurai and akanga audzwa nani kuti Jessie aichata? Ndakadikitira kani kunzwa maheels achirema so. Handizive hangu kuti waamai vangu akanga ari mumambure uyu aizvigona sei ari kumberi ikoko nekuti kana mhamha chaivo vakanga vave kungondipa masign ekuti ndibude nditaure naye. Haaaayah, kana ndimiwo sure........ndaimutanga ndichiti kudii and ndichitaura naye ndichiti chii.
Zvechurch zvakazosara zvopera hazvo ndisina chandainzwa. Takabuda hedu muchurch and vachati vakabva vakasika kunopinda mumota mavo with their bridal team vachienda kuvenue. Ini Ndakanga ndangomira mukati mevanhu ndichimhanyisa maziso ndichitsvaga Taurai. Ndakatovhunduka ndichinzwa munhu achifemereka ari mugotsi mangu chaimo.........ndakacheuka nekukasika and it was mum. Mashoko andakakwanisa kutaura ndeekuti,
Me : Haaa pakaipa mhamha, hamheno kuti zvinopera mushe here?
Mum : Achata zvake yes vasigner takatarisa but Taurai is up to no good. Haaaa ndakavhiringika kani izvozvi. Kana simba mumuviri mangu handina.
Taikurukura hedu asi ndaingocheuka cheuka ndichitsvaga iye Taurai...........handina kutozombonzwa zvimwe zvakataurwa namhamha pandamuona, imi........munhu unoita sascam kani, ndakamhanya munongonzwa imi ndichitevera kuparking lot yechurch kwaakanga akananga. Ndakamuwana atopinda mumota zvekuti ndakatonoknocker pawindow remota. Akadzika achiseka ndokubva anditi,
Taurai : Aaaah, ndimi.........ko tototi makorokoto zve, ndimi madai kuchata!
The sarcasm that was in that statement was too much, ndakasvotwa zvekuti ndakaridza tsamwa. Akabva atoseka mufunge achida kutodzokera mumota. Ndakaita wekubata ruoko zviri tight and said,
Me : What are you doing here Taurai? Wauya kuzoita ruin zuva remunin'ina wangu here?
Akapindura zvekundisvotesa chaizvo achiti,
Taurai : Ndauya kumuchato..........I am an invited guest, ndiri hama yemurume.
Unombopera simba munhu zvekutoshaya chekutaura chaizvo. Ndakafemera padenga so ndokubva ndamuti,
Me : Kana wauya kuzokonzeresa tinokusungisa.......... it's for the best ukabva watoenda zvako!
Taurai : Aizve.........have you gone insane? Ndiwe wambondiinviter here kumuchato zvawave kundiudza kuti ndichienda?
I closed my eyes ndapererwa manje ndokubva ndazoti,
Me : Kana uchifunga kuti une chauchagona kuvhiringidza sorry zvako. Uri kumhanyisa mhepo! Tinotenda anotoziva kuti Jessie ane mwana wake and haana kana problem nazvo!
Taurai : Ndafara kuzviziva..........ndichazoita zvangu man to man naye since he is now my princess' step father.
Guys ka..........unoita kunge uchadonhera pasi. Haaaaa zvanhasi ka, handizive kuti zvinoguma nekupi.
Akabva atopinda zvake mumota and drove away leaving me standing there musoro uchiita kutenderera. Kazhinji handinyanyobatikane zvangu nenyaya dzaJessie but iyi haisi yake ega........inonzi family affair chaiyo!
Mhamha vakandivinga ndangomira paya ndokubva vaita kudaidzira chaiko vachiti,
Mum : Joyce.........what are you doing there? Wamuona here Taurai wacho? Handei.........pamwe atoenda, let's go ......... let's go, tinowana abvonyonga muchato wemwana wangu uko.
Vakandibata ruoko ndokubva tafamba tichienda kumota yatakanga tabva nayo kumba yakanga yabva kwaMugadza. Ndakatozokwanisa kutaura navo tatomboti fambei ndichiti,
Me : Ndataura naye mhamha and haaaaaa, hamheno! Nhasi handizivi............hamheno, muchato uyu kuti unopera zvakanaka!
Vakaturawo mafemo ndokubva vati,
Mum : Idzi ndidzo dzinonzi mhepo chaidzo. Dai paine hama dzakamboona Taurai ndaiti zvimwe pane amudaidza. Haaaaa, muridzi wegonzo riya rekumupiringisha ndiye ane mhepo dzaunza Taurai uyu.
Takatozoita zvekudaidzwa nadriver tamirirwa. Takangoenda hedu kuGolden Conifer kwacho moyo iri mudenga. Takanowana vachati and their bridal team vatoita change into their second attires. Paakangondiona Jessica akangodzungudza musoro ndokubva andidaidza neruoko. Akataura neni nekazevezeve achiti,
Jessie : Vakoma, please ndiudzei kuti ndakanganisa kuona ndikwanisewo kuita enjoy my wedding nekuti kutaura kuno ndiri mujeri chaimo!
I responded squeezing ruoko rwake rwandakanga ndakabata ndichiti,
Me : Ndiye shamwari and andiudza kuti ihama yemurume........
Akashama muromo ndokubva aita "how?" nevoice rakabudira kure kure kwave kungoramba akashama muromo achiita kunge ave kupererwa nemweya wekufema. Ndakatanga kumufaner neruoko one uku rwumwe rwakamubata kuti asadonhe ndichidaidza her maid of honor. Akandibvunza musikana iyeye achiita kakuvhunduka achiti,
Her : Ko aita sei bride wangu? Hmmmm? What happened?
Me : Shhhhhhhh, taurira pasi dear, hatisi kuda attention yevanhu vakawanda. Ari pregnant so anombozviita. Let's take her to the bathroom.
Takaita wekunanaidza Jessica ndokubva ndanopinda naye mutoilet.........ndakamuti,
Me : Ndiwe waakutobhaiza manje apa shamwari! Please try to put everything at the back of your mind of your mind uite enjoy your day!
Akadaira ave kutoyeredza misodzi chaiyo achiti,
Her : How can I enjoy chokwadi nhai Joyce iwe uchitaura kuti Taurai ati ihama yaTinotenda?
Me : Apa pave kutoda chigindagoriya shamwari, pick yourself up...........watochata naTinotenda Mugaza iwe zvekuti kuparadzana kwenyu kwave kutoda court chaiyo!
Akatura befu rechokwadi chairo ndokubva asimuka patoilet seat paakanga akagara achiti,
Jessie : Yeah, you are right sisi...........zvese zvaTinotenda zvave zvangu. Let me just try to be ok ndiite zvandiri kufanirwa kuita.
Takafamba tave kudzokera kuhall kwakanga kwatogara vanhu, bride akanga atomirirwa nemurume wake kuti vachipinda vachiita entrance dance yavo. Vaperekedzi vakanga vatopinda kare vachitambawo.
RUVARASHE
On Saturday ndakaenda kumission kunocleaner kuchurch nemamwe mayouth. It's always nice kumbosangana nevamwe vezera rangu. Vaitaura kani vanasikana a lot about mukoma Herbert ivo vekundiwanira basa ava. Ndakanga ndimbori nekakutya so kubvuma offer yavo kwandakanga ndaita out of desperation but zvaitaurwa pamusoro pavo zvakaunza zororo mukati mangu.
Ndakafunga all the sweet names he has been calling me pese patinotaura paphone ndikasekerera. Pamwe ndivoka boyfriend inobva kuna Mwari yandinogaronamatira zuva nezuva.
Nguva yandakanga ndaparadzana nevamwe vakatobva vandiphonera mufunge and he told me that vakanga vatondiwanira imba. Haaaa Mwari uyu! Nyasha dzake handigoni kudzitsanangura........ndakamutenda mwanakomana wehuMwari uyu and akabva anditi,
Him : So you are free to come anytime ufanoita accustomed to the place.
Me : Thank you so much, ndinouya as soon as I find munhu anosara achichengeta mbuya kuno.
❤️
🙏
👍
😢
😮
😂
99