L.T. MAHACHI NOVELS
June 6, 2025 at 04:34 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 *LAST FREE CHAPTER* TITLE : THE SILENT LIE STORY BY L.T. MAHACHI ➕2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣7️⃣7️⃣9️⃣9️⃣0️⃣7️⃣1️⃣4️⃣ INSERT 15 JESSICA Ndainyatsofeeler kunge munhu awinner lotto yemamillions chaiyo tave mundege ndakagara zvangu ndakaita kurara pachest pake achindiudza how much he loves me. I am now living my dream hamawee.........kamudirwo kacho kakawedzerwa, unongozvinzwira wega munhu kuti uri special. Takataura about a lot of things tichibhururuka hedu mumakore. Semunhu asingade kuongororwa zvakanyanya ndakamubvunza nguva yataipisa love iyoyo kuti, Me : So after our honeymoon tiri kunogara kuMount Pleasant nanamhamha here kana kuti we will find our own place? Tino : Tinoita zvaunoda iwewe sweetheart........ Ndakadaira ndichimubatabata ndebvu dzake ndichiti, Me : Aaaah, handidi kuzonzi muroora paakangouya akabva achinja mwana wedu. We plan together tichingoonesanawo mafacts. Him : Sure.........kuside kwangu ndaakuda hangu kubva paden pevabereki kuti ndinyatsofeeler kuti ndave samusha so. I had wanted to get my own apartment some time last year but momz vakandirambidza hanzi when you guys get such independence munenge maakuvharira vana vevanhu.......that kind of thing you know. Me : Ndichavatenda zveshuwa amai vangu vakandichengetera murume, pamwe so ungadai wakatoenda nevamwe. Akaseka zvake and said, Tino : I believe fate would have led us into each other's path.........hauonewo here kuti we are destined to be together. Munoziva kana love yave kutapira unotombokanganwa kuti pane vamwe vanhu around you........I could not resist kissing him paakanditaurira mashoko anotapira kudaro. Takatombodhonza paya takarumana miromo ndichinyatsonzwa kuti ndakanga ndapinda munyika yangu ndega inoyerera huchi nemukaka. Akazotaura akanditarisa mumaziso with his lips still closer to mine achiti, Tino : Saka wazoti uri kuda zvipi? Our own place as soon as we get back from our honeymoon or kumbonogara nevabereki for a while? Ndakamupa an honest response ndiine kakunyaririra ndichiti, Me : Kushanyirana kwakangonaka sweetheart, I'm sure you understand me. It's not like handidi kugara with your parents but I am one person anoda kugara ari comfortable. Handizombofe ndakakwanisa kuita prepare you breakfast ndakapfeka shirt yako chete kana tichigara nanamhamha. We will be spending weekends with them hedu. He nodded smiling ndokubva ati, Tino : Idzi dzawave kutaura sweetheart dzekupfeka only my shirt dzaakutondivhiringa........kwatiri kuenda kwave kutondiitira kure. I can't wait to explore your inner world sweetheart! Zvanhasi hamheno zvazvingori so, what I feel for you is multiplying mukati mangu so. Ndakafambisa my thumb kumeso kwake ndichiti, Me : Hona zvawave kufunga manje isu tichitaura nyaya ine basa panapa. Tino : A man is allowed to say what he feels to his wife shamwari.........zvawataura ndazvinzwa zvangu, tichatofanotsvaga a perfect home for the three of us (ipapo akabva abata dumbu rangu) online patinenge tiri kuholiday kwedu kwatiri kuenda uku. Unozoda zvakadii chokwadi munhu........ndave kuchinyatsouwana mukana manje wekunomubikira zvese zvinogadzira munhu pasi pano. Gore rino ndiri kuda kuti asvike pekuti akanzwa ave kuda kuita decision inokosha asina kuita consult me hana yake inorova. Takanosvika pakulander tichiita kupisa rudo zvedu. Hwakanga hwave husiku zvahwo patakasvika but hmmmmm, nzvimbo yatakanga tave rakanga rave denga chairo. Zvaitoita kunge takanga tatobuda muAfrica. Takatakurwa kubva paairport ne this beautiful black Mercedes Benz yakanga iine mabaloons yakanyorwa kuti JUST MARRIED pamanumber plates ndokubva yatiendesa kuhotel kwedu. Maphotos ndaitora nemurima imomo. Haaaa gore rino wangu mukoma anochirutsa chete kuti puuu chitaka negodo nekuti ndiye munhu wandiri kuzotanga kutumira. Grace has located me, ndave kuirarama inonzi Hollywood kind of life ini! Takanosvika pahotel patakanga tiri booked tikatambirwa kunge vaenzi vanoremekedzwa chaivo. Our honeymoon suit was beyond beautiful........handisati ndamboona zvinhu zvakanaka kudaro ini. Everything was either red or white. Red rose petals were scattered all over the room and makanga mutori nechampaigne and some glasses pacorner table so. Takasettler zvedu tichimbokissana nekubatanabatana. Ndakavhunduka munhu ave kudzikisa ruoko rwake akananga kupant rangu, ainosangana nemidzi yandakanga ndakapfeka soft life ikavhariswa isati yatanga. Ndakaita kakusuduruka kubva paari ndichiti, Me : Just a minute love, I want to use the bathroom. Akabva andisimudza achiti, Tino : Ndiri kuda kukuperekedza sweetheart....... Chiiko naye sure mwana wekwaMugwagwa uyu? Ndinonozvizvomora seiko zvinhu izvozvo akanditarisa? Ndakakasika kufunga zviri smart ndokubva ndamuti......... Me : Shaa, pandiri kudzoka umu ndiri kuda kuti tinyatsopanana nguva. You said something about contacting vanhu veequipment yeborehole drilling, please do it now while I am in the bathroom coz pandinodzoka I will not allow you kubata phone iyoyo. Ndakaona munhu ave kugutsurira musoro smiling achibuditsa phone yake mupocket ndokubva agara pacouch. I locked myself in the bathroom ndokubva ndazvomora zvinhu zviya and ndakanzwa rimwe zismell riri strong so raibuda mandiri. I wrapped midzi iya netissue kwave kukanda mublack bin ndokubva ndatotanga kuita run a bath asi nguva iyoyo ndakatombogeza kwainhuhwa uku with some strongly scented shower gel ndichibvisa hwema. Zvakanga zvisingaiti zvachose kuti tipinde pamutambo wevakuru ndichiita sechidembo kudaro. TINOTENDA Kubata kwandakaita phone yangu ndakabva ndatongoconnecta paopen wifi yakanga iri available ndokubva mamessages angu atanga kupinda pamaplatforms akawanda. I chose kutanga kunovhura WhatsApp nekuti ndiko kwandaiita communicate with vakomana veequipment vakanga vataurwa nawifey ava. Ndakapindura mamessages avo akanga aripo ndokubva ndazopindura Simba akanga abvunza kuti takanga tasvika zvakanaka here. Ndave kutoda kuisa phone yangu pasi kuti nditevere munhu wangu akanga arovera mubathroom uyu makabva mapinda message from an unsaved number and it read......... Message : Bamnini, ndangoti tizivane nekuti munogona kuzondiwana ndiri paden penyu tikazonetsana. Ndinonzi Taurai, ndini baba vemwana wemudzimai wenyu wamabva kuchata naye. I am happy for you guys and I pray that you will be a great step dad to my princess. Ndakazvirovarova paforehead ndichiti, "What the f*ck is this nonsense?" Ndakadzokorodza kuverenga message iya zvakare ndokubva ndazoita respond ndichiti, Me : What are you talking about man.........ini wangu mukadzi haana mwana, in fact she is carrying our first born. His response came so quickly achiti, Message : Aaaah, saka Jessica haachafe akachinja zve. Haana kukuudza about Michaela? Me : Michaela ndinomuziva, mwana wesister yake Joyce. Message : Gosh, handichataure zvangu nemi zvakawanda bamnini..........let me just send you maphotos anogona kuita kuti munzwisise zvandiri kutaura. Ndakatanga kudikitira nguva iyoyo ndokubva ndatosimuka pacouch pandakanga ndakagara kwave kuenda kunomira pawindow chaipo. In less that two minutes akanga apinda maphotos akawanda and yekutanga yandakavhura Jessica was heavily pregnant. Ndakakwenya maziso so ndichifunga kuti ndatadza kuona ndikaita kunge ndichadonhedzera phone pasi ndave kudedera nehasha but ndakazvisimbisa ndichizviudza kuti, "You are a man Tino..........imboisa hasha kuside uone maphotos ese........" With shaking hands ndakamavhura one one and mamwe akanga ari muhospital bed chaimo achangobva kuzvara mwana wake muface uya anga aina Michaela kumuchato akabata kacheche kakanga kakaputirwa mumablankets and in some photos mwana akanga ati kurei vachitoonekwa kunge a happy family. Ndakaita kunge ndichatsemura madziro nechibhakera pandakaona pic rebirth certificate raMichaela rakatonyorwa kuti Jessica is the mother........... Munhu unoshaya zvekuita so munoziva. Handina kana kugona kuzovapindura baba vaMichaela ava, ndakatongotanga kutenderera neroom yese ndichitadza kufema nehasha. Nguva iyoyo ndakabva ndamunzwa achidaidzira kuti, Jessica : My love......... I have prepared us a bath, it will be more fun if we start in the bathroom. Ndakabva ndaita nhanho refu chaidzo ndakananga pabathroom door paakanga akamira asina kupfeka kana chinhu. *BOOK RIRIPO RAKAPERA KARE MASEASONS 1&2 ARIPO ESE AND RINOVERENGWA NEBOOMSTORY/ BOOMREADER.....* Grab your own copies for only ~$2 Ecocash or Innbucks ~120 ZWG Ecocash ~R40 Voucher (Ott/Blue/1for you) *PER SEASON* GET BOTH SEASONS BEFORE 10 JUNE 2025 FOR..... ~$3.50 Ecocash/Innbucks ~200 ZWG Ecocash ~R70 voucher Ecocash/ Innbucks number O77799O714 MAHACHI L Send your proof of payment to *O77799O714* only along with your Boomstory key
❤️ 😂 😮 👍 🙏 😢 97

Comments